Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Manhamba anobuda pamushumo wegore negore anomborevei?

Gore roga roga tinotarisira mushumo unobuda muBhuku Regore. Zvinofadza kuona zvinenge zvaitwa nesangano raJehovha mubasa renyika yose rokuparidza Umambo nokudzidzisa. Asi kuti tinyatsobatsirwa nomushumo uyu, tinofanira kunyatsonzwisisa zviri kurehwa nenhamba dzacho. Funga nezvemienzaniso mishoma inotevera.

Gore rebasa. Iri rinotangira muna September richipera muna August gore rinozotevera. Bhuku Regore rinenge riine mushumo wegore rinenge rapfuura. Saka Bhuku Regore ra2011 rine mushumo wegore rebasa ra2010, iro raitangira pana September 1, 2009, kusvika pana August 31, 2010.

Nhamba yepamusorosoro yevaparidzi uye avhareji yevaparidzi. “Vaparidzi” vanosanganisira Zvapupu zvaJehovha zvakabhabhatidzwa uye vaya vasati vabhabhatidzwa vanokodzera kuva vaparidzi voUmambo. “Nhamba yepamusorosoro yevaparidzi” inhamba yevaparidzi mumwedzi mumwe chete inenge ichipfuura yemimwe mwedzi yose yegore iroro rebasa uye inogona kusanganisira mishumo yakanonoka yakanga isina kubatana nemimwe mishumo yemwedzi wakapfuura. Izvi zvinoreva kuti muparidzi mumwe chete anogona kuverengwa kaviri. Zvisinei, nhamba iyoyo haisanganisiri vaya vakabuda muushumiri vakakanganwa kushuma. Izvi zvinoratidza kuti zvakakosha kuti muparidzi mumwe nomumwe akurumidze kushuma mwedzi woga woga. “Avhareji yevaparidzi” inhamba yevaparidzi vanowanzoshuma mwedzi nemwedzi.

Maawa ose. Maererano neBhuku Regore ra2011, Zvapupu zvaJehovha zvakaita maawa anopfuura mabhiriyoni 1,6 zviri mubasa romumunda. Aya haasi maawa ose atinoita zvokunamata, nokuti haasanganisiri nguva yokufudza, yepamisangano, uye yatinodzidza Bhaibheri tiri toga nokufungisisa.

Mari yakashandiswa. Mugore rebasa ra2010, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa mari inopfuura US$155 000 000 pakubatsira mapiyona chaiwo, mamishinari, nevatariri vanofambira mumabasa avo okuparidza. Asi mari iyi haisi kusanganisira mari inoshandiswa pakudhinda mabhuku anotsanangura Bhaibheri atinoburitsa; haisi kusanganisirawo mari inoshandiswa kutsigira vanhu vakazvipira kushanda paBheteri vanopfuura 20 000 vanogara pamapazi munyika yose.

Vakadya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo. Iyi inhamba yevanhu vakabhabhatidzwa vanodya zviratidzo paChirangaridzo pasi pose. Saka zvinoreva here kuti iyi ndiyo nhamba yevakazodzwa vose vari pasi pano? Hatingadaro. Vamwe vanogona kufunga kuti vakazodzwa asi vasina, nemhaka yezvavaitenda vasati vava Zvapupu kana kuti vamwe kunenge kuri kutorwara nepfungwa kana kuti vaine zvinovanetsawo. Saka hatikwanisi kunyatsoziva nhamba chaiyo yevakazodzwa vari pasi pano; uye hapana chikonzero chokuiziva. Dare Rinodzora harigari nemazita evanhu vanodya nokunwa paChirangaridzo, nokuti harigari richikurukura nevakazodzwa vose vari pasi pano. *

Zvatinoziva ndezvokuti pachange paine “varanda vaMwari wedu” vakazodzwa pasi pano panoregedzerwa mhepo dzokuparadza pakutambudzika kukuru. (Zvak. 7:1-3) Kusvikira ipapo vakazodzwa vachange vachitungamirira pabasa rokuparidza nokudzidzisa vanhu rakakura zvisati zvamboonekwa pakugara kwose kwaita vanhu panyika, iro rine mushumo wakarurama unobudiswa gore negore.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Ona nyaya inoti “Mutariri Akatendeka Nedare Rake Rinodzora,” iri muNharireyomurindi yaJune 15, 2009 papeji 24.