Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Musangano Usingakanganwiki

Musangano Usingakanganwiki

Musangano Usingakanganwiki

“PACHAPERA musangano uno, muchati, ‘Chokwadi uyu wanga uri musangano wegore usingakanganwiki kuvanhu vaJehovha!’” Mashoko aya, aStephen Lett weDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha akaita kuti mhomho yaivapo itarisire zvaizoitika pamusangano uyu. Wakanga uri musangano wechi126 wegore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, wakaitwa musi waOctober 2, 2010, muImba yeMagungano yeZvapupu zvaJehovha muJersey City, New Jersey, U.S.A. Ndezvipi zvimwe zvinokosha zvakakurukurwa pamusangano uyu?

Hama Lett ndivo vakatanga nehurukuro yakasimba yaitaura nezvengoro yaJehovha yokudenga inotsanangurwa mubhuku reBhaibheri raEzekieri. Ngoro iyi huru, inoshamisa, inomiririra sangano raMwari, rinotungamirirwa naJehovha pachake. Hama Lett vakati chikamu charo chokudenga, chezvisikwa zvomudzimu, chinomhanya semheni, maererano nokukurumidza kufunga kunoita Jehovha. Chikamu chepasi pano chesangano raJehovha Mwari chiri kufambawo saizvozvo. Hama Lett vakataura nezvezvinhu zvinofadza zviri kuitika musangano raMwari repasi pano mumakore ano.

Somuenzaniso, mapazi akati wandei ari kubatanidzwa, izvo zvichaita kuti vakawanda vaimboshanda paBheteri munyika idzodzo vaite basa rokuparidza. Hama Lett vakakurudzira vateereri kuti varambe vachinyengeterera Dare Rinodzora, sezvarinomiririra boka romuranda, kuitira kuti rirambe rakatendeka uye rakachenjera kana kuti kungwara.—Mat. 24:45-47.

Mashoko Akabva Kune Mamwe Mapazi Uye Kubvunzurudza

Tab Honsberger, weDare Rebazi kuHaiti, akapa mushumo unosiririsa wezvakaitika pashure pekudengenyeka kwenyika musi waJanuary 12, 2010, uko kwakauraya vanhu vangangoda kusvika 300 000. Akati vafundisi vaiudza vanhu kuti Mwari akaranga vanhu ivavo nokuti vakanga vasingatendi maari asi akadzivirira vakanaka. Asi zviuru zvevasungwa vaiva nemhosva zvakabuda zvakanakanaka madziro emujeri paakaputswa nekudengenyeka. Saka vakawanda muHaiti vari kunyaradzwa nokudzidza chokwadi nezvekuti nei nguva yedu yakawanda matambudziko kudai. Hama Honsberger vakataura nezveimwe hama yakatendeka yokuHaiti yakafirwa nemudzimai iyo yakati: “Ndichiri kuchema nazvino. Handizivi kuti ndichasvika rini ndichichema, asi ndinofara nerudo rwesangano raJehovha. Ndine tariro, uye ndicharamba ndichiiudza vamwe.”

Mark Sanderson, uyo ava kuBheteri yokuBrooklyn, akapa mushumo waitaura nezvekuPhilippines kwaaimbova muDare Rebazi. Akafara kutaura nezvekuwedzera kwakaita vaparidzi voUmambo kwemwedzi 32 yakatevedzana uye nezvekuwanda kwezvidzidzo zveBhaibheri kupfuura vaparidzi. Akataura nezvehama inonzi Miguel ine muzukuru akapondwa. Miguel akaita zvose zvaaikwanisa kuti mhondi yacho itongwe uye iiswe mujeri. Akazosangana nemhondi yacho paaiparidza mujeri. Kunyange zvazvo aitya, Miguel akataura nemhondi yacho zvakanaka uye zvinyoronyoro. Akazodzidza nemurume wacho, uyo akazochinja akasvika pakuda Jehovha. Iye zvino akabhabhatidzwa. Miguel ava shamwari yake yepedyo uye ari kutotora matanho okuti hama itsva iyi ikurumidze kubudiswa mujeri. *

Mark Noumair, mumwe wevarayiridzi veDhipatimendi Rezvikoro Zvesangano akazotevera kubvunzurudza mhuri nhatu, Alex naSarah Reinmueller, David naKrista Schafer, uye Robert naKetra Ciranko. Alex Reinmueller, uyo anobatsira Dare Rinobudisa Mashoko akataura kuti akasvika sei pakutsigira chokwadi paaipayona muCanada aine makore 15, uye kazhinji achiparidza ega. Pavakabvunzwa kuti ndiani akanyanya kuvakurudzira paBheteri, Hama Reinmueller vakataura hama nhatu dzakatendeka uye vakataura kuti mumwe nomumwe wehama idzodzo akavabatsira sei kuti vasimbe pakunamata. Mudzimai wavo Sarah, akataura nezvoushamwari hwake neimwe hanzvadzi yakatsungirira kwemakumi emakore mumajeri ekuChina nemhaka yokutenda kwayo. Sarah akataura kuti akadzidza kuvimba naJehovha kuburikidza nomunyengetero.

David Schafer, anobatsira Dare Rokudzidzisa, akarumbidza amai vake nekutenda kwavo kwakanga kwakasimba uye akataura kuti dzimwe hama dzaiita basa rokutema miti dzakamubatsira kuita upiyona hwebetsero achiri muduku. Mudzimai wake, Krista, akataura nezvekukurudzirwa kwake nevamwe vashandi vepaBheteri vechikuru vakanga vakatendeka “pazvinhu zvidukuduku,” sezvakakurudzirwa naJesu.—Ruka 16:10.

Robert Ciranko, anobatsira Dare Rokunyora, akataura nezvevabereki vababa naamai vake vakazodzwa, vakanga vabva kuHungary. Achiri mukomana, akashamiswa paakapinda magungano makuru kuma1950 uye akadzidza kuti sangano raJehovha rakakura nokure kupfuura ungano yaaipinda. Mudzimai wake, Ketra, akataura nezvekudzidza kwaakaita kuva akavimbika paaiva piyona muungano yaioneswa nhamo nevanhu vakapandukira sangano uye nemamwe matambudziko. Akatsungirira uye akazotumirwa kunoshanda sapiyona chaiye kune ungano yaiva yakabatana zvokuti zvakamupedza mate mukanwa.

Manfred Tonak akazotevera kupa mushumo weEthiopia. Nyika iyi inozivikanwa kubvira munguva dzeBhaibheri, uye iye zvino ine vaparidzi vemashoko akanaka vanopfuura 9 000. Vazhinji vavo vanogara muguta guru rinonzi Addis Ababa kana kuti pedyo. Saka nzvimbo dziri kure neguta iri dzinoda vaparidzi voUmambo. Kuti nzvimbo idzi dziparidzirwe, Zvapupu zvokuEthiopia zvinogara kune dzimwe nyika zvakakumbirwa kuti zvidzoke zvinoparidzira ikoko. Vakawanda vakauya, vakakurudzira Zvapupu zveko, uye vakawana vanhu vanofarira.

Chimwe chinokosha chaiva papurogiramu iyi ihurukuro yokusiyirana yaitaura pamusoro peZvapupu zvaJehovha zvokuRussia uye kurwira kwavo rusununguko rwokunamata. Aulis Bergdahl weDare Rebazi kuRussia akataura nhoroondo yokutambudzwa kweZvapupu muRussia, kunyanya muMoscow. Philip Brumley weDhipatimendi Remitemo pabazi reUnited States akataura zviitiko zvinofadza zvemwedzi yakanga ichangopfuura pakaongororwa nedare reEuropean Court of Human Rights (ECHR) zvinhu zvipfumbamwe zvaipomerwa Zvapupu. Vatongi vacho vose vakabvumirana kuti zvinhu zvose zvipfumbamwe zvaipomerwa Zvapupu zvakanga zvisina kana musoro, uye pamwe pacho vaitoramba voga zvaipomerwa zvacho. Kunyange zvazvo tisati taona kuti zvichaguma sei, Hama Brumley vakataura kuti vanovimba kuti mutongo wacho unogona kubatsirawo pane dzimwe nyaya mudzimwe nyika.

Pashure pemashoko aya anofadza, Hama Lett vakazivisa kuti ECHR yakabvuma kuti nyaya yekunetsana kwehurumende yeFrance neZvapupu zvaJehovha pamusoro pemutero ipinde mudare iri. Inyaya shoma zvikuru dzinotambirwa neDare iri rinoremekedzwa chaizvo. Iye zvino tava nenyaya 39 dzakaongororwa nedare iri, uye 37 dzacho takakunda. Hama Lett vakakurudzira kuti vanhu vose vaMwari varambe vachinyengetera nezvenyaya iyi iri mudare.

Mushumo wekupedzisira wakapiwa naRichard Morlan, murayiridzi weChikoro Chevakuru Veungano. Akataura zvine upenyu nezvechikoro chacho uye mashoko ekuonga avanogamuchira kubva kuvakuru vakachipinda.

Dzimwe Hurukuro Dzakapiwa neveDare Rinodzora

Guy Pierce weDare Rinodzora akapa hurukuro inobva pamwoyo yaitaura nezverugwaro rwegore rwa2011, “Potera muzita raJehovha.” (Zef. 3:12) Akataura kuti kunyange zvazvo ino iri nguva ine zvinhu zvakawanda zviri kufadza vanhu vaJehovha, inguvawo yokuti tifungisise. Zuva guru raJehovha rava pedyo; asi vanhu vari kuramba vachitsvaka kupotera muzvitendero zvenhema, zvematongerwo enyika, pfuma, nokuedza kuita zvinhu zvokuti vakanganwe nhamo nezvimwewo. Kuti tiwane pokupotera pechokwadi, tinofanira kudana zita raJehovha, izvo zvinosanganisira kuziva, kukudza chaizvo uye kuvimba nomuridzi wezita racho, tichimuda nezvose zvatiinazvo.

David Splane weDare Rinodzora akazopa hurukuro inobaya mwoyo yaiva nemusoro wokuti “Wakapinda Muzororo raMwari Here?” Akati zororo raMwari harirevi kungogara, nokuti Jehovha nemwanakomana wake “vave vachishanda” muzuva rose rokufananidzira rokuzorora kuti chinangwa chaMwari chaakasikira nyika chizadziswe. (Joh. 5:17) Saka tinogona sei kupinda muzororo raMwari? Zvimwe zvacho zvinosanganisira kurega kuita chivi uye mabasa okuda kuzviita vakarurama pasina kutenda muchibayiro. Tinofanira kuva nokutenda torarama tichifunga nezvechinangwa chaMwari, tichiita zvose zvatinogona kuti tichitsigire. Dzimwe nguva, izvi hazvisi nyore, asi tinofanira kugamuchira zano uye kuita zvinorayirwa nesangano raJehovha. Hama Splane vakakumbira vateereri kuti vaite zvose zvavanogona kuti vapinde muzororo raMwari.

Anthony Morris weDare Rinodzora akapa hurukuro yokupedzisira yaiva nemusoro wokuti “Takamirirei?” Vachiratidza kuti nguva yapera, Hama Morris vakayeuchidza vateereri norudo nezveuprofita husati hwazadziswa, zviitiko zvakamirirwa nevose vakatendeka. Izvi zvinosanganisira kushevedzera kwokuti “Rugare nokuchengeteka!” uye kuparadzwa kwechitendero chenhema. (1 VaT. 5:2, 3; Zvak. 17:15-17) Hama Morris vakanyevera vanhu kuti vasati, “Amagedhoni yasvika,” pavanonzwa zviitiko zvinobudiswa munhau, zvisingazadzise uprofita hwacho. Vakakurudzira vateereri kuti vagare vachifara, vachishivirira, vakamirira sezvinotsanangurwa naMika 7:7. Vakakurudzirawo vose kuti vave pedyo chaizvo neDare Rinodzora, vabatane sezvinoita masoja ari kupinda munzvimbo iri kurwiwa zvakaomarara. Vakati: “Mwoyo yenyu ngaisimbe imi mose makamirira Jehovha.”—Pis. 31:24.

Pakugumisa, pakapiwa zviziviso zvisingakanganwiki. Geoffrey Jackson weDare Rinodzora akazivisa urongwa huri kumboedzwa hweNharireyomurindi yokudzidza ine Chirungu chisina kuoma, yevaya vanonetseka neChirungu. Uye Stephen Lett weDare Rinodzora akazivisa kuti Dare Rinodzora richaronga kuti vatariri veruwa nemadzimai avo muUnited States vashanyirwe vachifudzwa. Akazozivisawo kuti kubvira iye zvino Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chichange chava kunzi Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora. Pachavawo nechimwe chinonzi Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana. Chikoro ichocho chichadzidzisa vakaroorana kuti vanyatsobatsira musangano raJehovha. Hama Lett vakazivisawo kuti Chikoro Chevatariri Vanofambira Nemadzimai Avo uye Chikoro Chenhengo dzeDare reBazi Nemadzimai Avo chichaitwa kaviri pagore kuPatterson, uye pachange paine urongwa hwokuti vaya vakambochipinda vapinde kechipiri.

Purogiramu yacho yakazogumiswa nomunyengetero womwoyo wose naJohn E. Barr, ane makore ari muDare Rinodzora uye ane makore 97. * Munhu wose aivapo akaona kuti zvechokwadi musangano uyu waisazokanganwika zvachose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Ona 2011 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 62-63.

^ ndima 20 Hama Barr vakapedza upenyu hwavo hwepasi pano musi waDecember 4, 2010.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Vanhu vose vaivapo vakanakidzwa nokubvunzurudza kwakaitwa

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]

Jehovha ari kukomborera basa rokuparidza muEthiopia