Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Zvinhu zvipi zvitatu zvinogona kutibatsira kuti tikurire muedzo wokuva vasina kutendeseka?

Ndezvinoti: (1) Kutya kugumbura Mwari. (1 Pet. 3:12) (2) Kuva nehana yakadzidziswa neBhaibheri. (3) Kudzidza kugutsikana nezvauinazvo.—4/15, mapeji 6-7.

• Tinoziva sei kuti kusarerutsa kunamata kwedu Mwari hakurevi kuti hatizovawo nenguva yokufara?

Tinogona kufunga nezvemuenzaniso waJesu. Aiva nenguva yokumbodya achifarawo nevamwe. Tinoziva kuti aisagara chiso chake chakangoti kwindi. Vamwe kunyange vana, vainzwa vakasununguka kuenda kwaari.—4/15, peji 10.

• Murume nomudzimai vangaita sei kana rudo rwavo rwava zinyekenyeke pashure pekuva nevana?

Munofanira kuudzana kuti munodanana. Murume anogona kuita kuti mudzimai wake anzwe kuti achiri kudiwa. Uye vose vanofanira kushandira kuti vakurukure zvakanaka nezvemanzwiro avo uye zvavanoda.—5/1, mapeji 12-13.

• Muti womuorivhi unotaurwa muna VaRoma chitsauko 11 unofananidzirei?

Muti womuorivhi une chokuita nevamwe vembeu yaAbrahamu, Israeri waMwari. Jehovha akafanana nemudzi uye Jesu nehunde yemuti uyu womuorivhi wokufananidzira. VaJudha vakawanda pavakaramba Jesu, vaya vemamwe marudzi vaizova vatendi vaizobatanidzwawo kuti pave nenhamba yakakwana yevamwe vembeu yaAbrahamu.—5/15, mapeji 22-25.

• Mashoko akanaka api atinofanira kunyanya kuudza varombo?

Mashoko akanaka ndeokuti: Mwari akagadza Jesu kuti ave Mambo. Ndiye Mutongi akakodzera anogona kupedza urombo. Sei tichidaro? Nemhaka yokuti achatonga vanhu vose uye ane simba rokudaro; anonzwira tsitsi varombo; uye anogona kubvisa zvinokonzera urombo, uye chivi chatakaberekwa nacho icho chinoita kuti tisafungewo zvakanakira vamwe.—6/1, peji 7.

• Jesu airevei paakaudza Kayafasi kuti: “Iwe ndiwe wazvitaura”?—Mat. 26:63, 64.

Mashoko okuti “iwe ndiwe wazvitaura” angangodaro aishandiswa nevaJudha kuratidza kuti zvataurwa ndezvechokwadi. MuPristi Mukuru Kayafasi akanga abvunza Jesu kuti aiva Kristu here, Mwanakomana waMwari. Kupindura kwaJesu kuti: “Iwe ndiwe wazvitaura” kwairatidza kuti zvakanga zvataurwa zvaiva zvechokwadi.—6/1, peji 18.

• Rudzikinuro rwaibatanidza murume akakwana Jesu pamwe nevana vaaigona kuva navo here?

Kwete. Kunyange zvazvo Jesu aigona kuva nemabhiriyoni evana vakakwana, vana ivavo vaisabatanidzwa pakuva rudzikinuro. Jesu chete ndiye aiva neupenyu hwaienderana nehwaAdhamu. (1 Tim. 2:6)—6/15, peji 13.

• VaKristu vangaratidza sei kuti vakabatisisa nyevero iri pana Mabasa 20:29, 30 nezvevadzidzisi venhema?

Havabvumiri vadzidzisi venhema mudzimba dzavo kana kuvakwazisa. (VaR. 16:17; 2 Joh. 9-11) VaKristu havaverengi mabhuku evakatsauka pakutenda, havaoni mapurogiramu avo eTV, uye nzvimbo dzavo dzepaIndaneti.—7/15, mapeji 15-16.

• Ndiani anofanira kudzidzisa vana nezvaMwari?

Zano reBhaibheri rinoratidza kuti baba naamai vanofanira kubatsirana pakuita izvi. (Zvir. 1:8; VaEf. 6:4) Zvakaonekwa kuti vose vari vaviri vakaita izvi, vana vachabatsirwa.—8/1, mapeji 6-7.