Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakanga Vakamirira Kuuya kwaMesiya

Vakanga Vakamirira Kuuya kwaMesiya

Vakanga Vakamirira Kuuya kwaMesiya

“Vanhu vose zvavaitarisira kuuya kwaMesiya, vakanetseka mumwoyo mavo kuti Johani aiva iye.”—RUKA 3:15, BHAIBHERI DZVENE.

1. Vamwe vafudzi vakanzwa ngirozi ichizivisa nezvei?

HWAVA usiku. Vafudzi vari kusango, vachifudza makwai avo. Vanofanira kunge vari kushamiswa chaizvo ngirozi yaJehovha painomira pedyo navo kubwinya kwaMwari kuchivavhenekera! Chinzwa mashoko anoshamisa airi kuzivisa: “Musatya, nokuti, tarirai! ndinokuzivisai mashoko akanaka omufaro mukuru uchava nevanhu vose, nokuti nhasi maberekerwa Muponesi, uyo ari Kristu Ishe,” aizova Mesiya. Vafudzi vacho vanogona kuona mucheche uyu ari muchidyiro chezvipfuwo mutaundi riri pedyo. Pakarepo “vazhinji veuto rokudenga” vanotanga kurumbidza Jehovha vachiti: “Mwari ngaakudzwe kumusorosoro, uye panyika rugare ngaruve pavanhu vaanotendera.”—Ruka 2:8-14.

2. Shoko rokuti “Mesiya” rinorevei, uye angazivikanwa sei?

2 Vafudzi vechiJudha vanoziva zvavo kuti “Mesiya,” kana kuti “Kristu,” zvinoreva “Muzodziwa” waMwari. (Eks. 29:5-7) Asi vangaita sei kuti vadzidze zvakawanda uye kuti vamwe vave nechokwadi chokuti mwana wacho ari kutaurwa nengirozi ndiye achava Mesiya akagadzwa naJehovha? Nokuongorora uprofita huri muMagwaro echiHebheru vachihuenzanisa nezvaizoitwa nemwana wacho uye mararamiro ake.

Nei Vanhu Vakanga Vakamirira?

3, 4. Tingatsanangura sei zvinotaurwa naDhanieri 9:24, 25?

3 Pakazoonekwa Johani Mubhabhatidzi pashure pemakore, vamwe vakafunga kuti Mesiya akanga auya vaona zvaaitaura nezvaaiita. (Verenga Ruka 3:15.) Vamwe vanogona kunge vakanyatsonzwisisa uprofita hwe“vhiki dzine makumi manomwe” hune chokuita naMesiya. Kana zvakadaro, vaigona kuziva paizosvika Mesiya. Mamwe mashoko ouprofita hwacho anoti: “Kubvira pachataurwa shoko rokudzorera nokuvakazve Jerusarema kusvikira kuna Mesiya Mutungamiriri, pachava nevhiki nomwe, uye vhiki dzine makumi matanhatu nembiri.” (Dhan. 9:24, 25) Vaongorori veBhaibheri vakasiyana-siyana vanobvumirana kuti vhiki idzi dzinomiririra makore. Somuenzaniso, Bhaibheri Rinoera rinoti: “Makore makumi manomwe anoverengwa kanomwe ndiko kureba kwenguva” yacho.

4 Mazuva ano, vashumiri vaJehovha vanoziva kuti vhiki 69, kana kuti makore 483, aDhanieri 9:25 akatanga muna 455 B.C.E. Mambo Atashasta wePezhiya paakabvumira Nehemiya kunotanga kuvakazve Jerusarema. (Neh. 2:1-8) Vhiki idzodzo dzakaguma pashure pemakore 483, muna 29 C.E., pakabhabhatidzwa Jesu wokuNazareta akazodzwa nomudzimu mutsvene, akava Mesiya.—Mat. 3:13-17. *

5. Ndehupi uprofita hwatava kuda kukurukura nezvahwo?

5 Iye zvino ngationgororei uprofita hushoma chete hune chokuita naMesiya hwakazadziswa kutangira pakuzvarwa kwaJesu, kukura kwake, uye muushumiri hwake. Zvechokwadi izvi zvichasimbisa kutenda kwatinoita shoko raMwari rouprofita. Zvicharatidzawo pachena kuti Jesu ndiye Mesiya akanga akamirirwa kwenguva refu.

Upenyu Hwake Achiri Muduku

6. Tsanangura kuti Genesisi 49:10 yakazadziswa sei?

6 Mesiya aizoberekwa mudzinza revaIsraeri raJudha. Paaikomborera vanakomana vake ava kuda kufa, Jakobho akati: “Tsvimbo youmambo haizobvi kuna Judha, naiwo mudonzvo womutungamiriri pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro auya; uye marudzi achamuteerera.” (Gen. 49:10) Vadzidzisi veShoko raMwari vechiJudha vekare vaiti mashoko iwayo aitaura nezvaMesiya. Kutanga nekutonga kwaMambo Dhavhidhi wedzinza raJudha, tsvimbo youmambo (inomiririra simba roumambo) uye mudonzvo womutungamiriri (unomiririra simba rokutungamirira) zvaiva mudzinza raJudha. “Shiro” zvinoreva kuti “Muridzi Wahwo; Mwene Wahwo.” “Shiro” ndiye aizogara nhaka youmambo hwedzinza raJudha pasina aizomutsiva nokuti Mwari akaudza mambo wekupedzisira waJudha, Zedhekiya, kuti umambo ihwohwo hwaizopiwa munhu ane kodzero yepamutemo. (Ezek. 21:26, 27) Zedhekiya abva pachigaro, Jesu ndiye oga wedzinza raDhavhidhi akanzi aizopiwa umambo uhwu. Jesu asati aberekwa, ngirozi Gabrieri yakaudza Mariya kuti: “Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33) Shiro anofanira kuva Jesu Kristu muzukuru waJudha uye Dhavhidhi.—Mat. 1:1-3, 6; Ruka 3:23, 31-34.

7. Mesiya akaberekerwepi, uye nei izvi zvichishamisa?

7 Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema. Muprofita Mika akanyora kuti: “Asi iwe, haiwa Bhetrehema Efrata, muduku kwazvo zvokusagona kuva pakati pezviuru zvaJudha, kwauri kuchabuda munhu achava mutongi pakati paIsraeri nokuda kwangu, iye akavamba panguva yokutangatanga, pamazuva enguva isingagumi.” (Mika 5:2) Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema taundi reJudha, iro ringangove raimbonzi Efrata. Kunyange zvazvo Mariya, amai vaJesu, nababa vakamurera Josefa, vaigara muNazareta, murayiro weRoma wakaita kuti vaende kunonyoresa kuBhetrehema, kwakaberekerwa Jesu muna 2 B.C.E. (Mat. 2:1, 5, 6) Uku kuzadziswa kweuprofita kunoshamisa!

8, 9. Chii chakagara chataurwa nezvokuberekwa kwaMesiya uye zvimwe zvakazoitika?

8 Mesiya aizoberekwa nemhandara. (Verenga Isaya 7:14.) Shoko rechiHebheru bethu·lahʹ rinoreva “mhandara,” asi pana Isaya 7:14 pakashandiswa rimwe shoko (ʽal·mahʹ) pachiprofitwa kuti “musikana [ha·ʽal·mahʹ]” aizobereka mwanakomana. Shoko rokuti ʽal·mahʹ rakashandiswa pana Ribheka asati aroorwa. (Gen. 24:16, 43) Afemerwa, Mateu akashandisa shoko rechiGiriki rinoreva “mhandara” (par·theʹnos) paairatidza kuti Isaya 7:14 yakazadziswa pakazvarwa Jesu. Vanyori veEvhangeri Mateu naRuka vakati Mariya akanga ari mhandara paakava nepamuviri kuburikidza nomudzimu waMwari.—Mat. 1:18-25; Ruka 1:26-35.

9 Vana vaizourayiwa pashure pokuberekwa kwaMesiya. Zvakadaro zvakamboitika mazana emakore akanga apfuura, Farao wekuIjipiti paakati vanakomana vechiHebheru vakanga vachangoberekwa vakandwe murwizi rwaNire. (Eks. 1:22) Asi uprofita hunonyanya kushamisa huri pana Jeremiya 31:15, 16 panoratidza Rakeri achichema vanakomana vake vakanga vaendeswa “kunyika yomuvengi.” Kuchema kwake kwakasvika kuRama, nzvimbo yaBhenjamini iri kuchamhembe kweJerusarema. Mateu anoratidza kuti mashoko aJeremiya akazadziswa pakanzi naMambo Herodhi vanakomana vaiva munharaunda yeBhetrehema vaurayiwe. (Verenga Mateu 2:16-18.) Funga kuchema kwaiita vanhu munharaunda yacho!

10. Tsanangura kuti Hosiya 11:1 yakazadziswa sei pana Jesu.

10 Mesiya aizoshevedzwa kuti abude muIjipiti sezvakaitwa vaIsraeri. (Hos. 11:1) Herodhi asati apa murayiro wake, ngirozi yakati Josefa, Mariya, naJesu vaende kuIjipiti. Vakaramba variko “kusvikira pakufa kwaHerodhi, kuti zvizadzike zviya zvakataurwa naJehovha pachishandiswa muprofita wake [Hosiya], achiti: ‘Ndakashevedza mwanakomana wangu kuti abude muIjipiti.’” (Mat. 2:13-15) Zviri pachena kuti Jesu haana kuita zvokuronga kuti zvose izvozvo zvakagara zvataurwa nezvokuberekwa nekukura kwake zviitike.

Mesiya Anotanga Ushumiri

11. Muzodziwa waJehovha akagadzirirwa sei nzira?

11 Muzodziwa waMwari aifanira kugadzirirwa nzira. Maraki akagara ataura kuti “muprofita Eriya” aizoita basa iri, achigadzirira mwoyo yevanhu kuuya kwaMesiya. (Verenga Maraki 4:5, 6.) Jesu akataura kuti “Eriya” uyu ndiJohani Mubhabhatidzi. (Mat. 11:12-14) Uye Mako akati ushumiri hwaJohani hwaizozadzisa mashoko ouprofita hwaIsaya. (Isa. 40:3; Mako 1:1-4) Jesu handiye akaronga kuti Johani aite basa rakafanana neraEriya achimugadzirira nzira. Zvakaitwa na“Eriya” uyu akagara ataurwa zvaienderana nekuda kwaMwari senzira yokuita kuti Mesiya azivikanwe.

12. Ibasa ripi rakaita kuti Mesiya azivikanwe?

12 Basa raakapiwa naMwari rakaita kuti azivikanwe kuti ndiye Mesiya. Jesu ari musinagogi mutaundi raakanga akurira reNazareta, akaverenga mupumburu waIsaya akaratidza kuti mashoko acho aishanda kwaari: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo, akandituma kuti ndiparidze kusunungurwa kunhapwa uye kuzoita kuti mapofu aone, kuzoita kuti vakadzvinyirirwa vaende vakasununguka, kuti ndiparidze gore rakakodzera raJehovha.” Sezvo akanga ari iye Mesiya akapikirwa, Jesu akati: “Nhasi rugwaro urwu rwamuchangobva kunzwa rwazadzika.”—Ruka 4:16-21.

13. Ushumiri hwaJesu muGarireya hwakagara hwataurwa sei?

13 Ushumiri hwaMesiya muGarireya hwakagara hwataurwa. Achitaura nezve“nyika yaZebhuruni nenyika yaNaftari . . . Garireya yemamwe marudzi,” Isaya akanyora kuti: “Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru. Vaya vanogara munyika yezarima, vakapenyerwa nechiedza.” (Isa. 9:1, 2) Jesu akatanga basa rake roushumiri muGarireya, achigara muKapenaume, uko vagari vazhinji veZebhuruni neNaftari vakavhenekerwa nechiedza. (Mat. 4:12-16) MuGarireya, Jesu akapa Mharidzo yepaGomo, akasarudza vaapostora vake, akaita chishamiso chake chokutanga, uye angangodaro akazviratidza kuvadzidzi vanenge 500 amutswa. (Mat. 5:1–7:27; 28:16-20; Mako 3:13, 14; Joh. 2:8-11; 1 VaK. 15:6) Izvi zvakaita kuti azadzise uprofita hwaIsaya nokuparidza mu“nyika yaZebhuruni nenyika yaNaftari.” Handiko chete kwaakaparidza, asi akaparidzawo mudzimwe nzvimbo muIsraeri.

Zvimwe Zvaizoitwa naMesiya

14. Pisarema 78:2 yakazadziswa sei naJesu?

14 Mesiya aizotaura nemifananidzo kana kuti mienzaniso. Munyori wepisarema Asafi akaimba kuti: “Ndichashama muromo wangu ndichitaura chirevo.” (Pis. 78:2) Tinoziva sei kuti Jesu ndiye airehwa neuprofita uhwu? Mateu anotiudza kudaro. Arondedzera mifananidzo yaJesu yaaienzanisa Umambo nekukura kwetsanga yemasitadhi uye mbiriso, Mateu akati: “[Jesu] aisataura navo asingashandisi mufananidzo; kuti zvizadzike zvakataurwa pachishandiswa muprofita uya akati: ‘Ndichashama muromo wangu ndichitaura nemifananidzo, ndichazivisa zvinhu zvakavanzwa kubvira pakuvambwa kwenyika.’” (Mat. 13:31-35) Mifananidzo imwe yenzira dzaishandiswa naJesu kuti anyatsodzidzisa.

15. Tsanangura kuti Isaya 53:4 yakazadziswa sei.

15 Mesiya aizotakura urwere hwedu. Isaya akagara ataura kuti: “Chokwadi iye akatakura urwere hwedu; uye akatakurawo marwadzo edu.” (Isa. 53:4) Mateu akataura kuti Jesu paakanga arapa amai vemudzimai waPetro, akarapawo vamwe “kuti zvizadzike zvakataurwa pachishandiswa muprofita Isaya, achiti: ‘Iye akatora zvirwere zvedu, akatakura hosha dzedu.’” (Mat. 8:14-17) Uye ichi chimwe chezviitiko zvakawanda zvokuporesa vanhu kwaJesu zvakanyorwa.

16. Muapostora Johani akaratidza sei kuti Jesu akazadzisa Isaya 53:1?

16 Vanhu vakawanda vaisazotenda muna Mesiya pasinei nemabasa ose akanaka aaizoita. (Verenga Isaya 53:1.) Achiratidza kuti uprofita uhwu hwakazadziswa, muapostora Johani akanyora kuti: “Kunyange [Jesu] akanga aita zviratidzo zvizhinji kwazvo pamberi pavo, ivo vakanga vasingatendi maari, zvokuti shoko romuprofita Isaya rakazadzika raakati: ‘Jehovha, ndiani akatenda chinhu chatakanzwa? Kana ruri ruoko rwaJehovha, rwakaratidzwa kuna ani?’” (Joh. 12:37, 38) Uyewo havasi vakawanda vakatenda mashoko akanaka aitaura nezvaJesu, Mesiya, panguva yeushumiri hwemuapostora Pauro.—VaR. 10:16, 17.

17. Johani akaratidza sei kuzadziswa kwakaitwa Pisarema 69:4?

17 Mesiya aizovengwa pasina chikonzero. (Pis. 69:4) Muapostora Johani akanyora mashoko aJesu okuti: “Kudai ndakanga ndisina kuita pakati [pevanhu vacho] mabasa asina kumboitwa nomumwe munhuwo zvake, vangadai vasina chivi; asi zvino vakaona uye vakavenga ini naBaba vangu. Asi zvakaita saizvozvo kuti shoko rakanyorwa muMutemo wavo rizadzike, rokuti, ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’” (Joh. 15:24, 25) Kazhinji shoko rokuti “Mutemo” rinenge richireva Magwaro ose. (Joh. 10:34; 12:34) Evhangeri dzinoratidza kuti Jesu aivengwa, kunyanya nevatungamiriri vechitendero vechiJudha. Uyezve Jesu akati: “Nyika haina chikonzero chokukuvengai, asi inondivenga, nokuti ndinopupura pamusoro payo kuti mabasa ayo akaipa.”—Joh. 7:7.

18. Ndezvipi zvimwe zvatichaongorora zvichasimbisa chivimbo chedu chokuti Jesu ndiMesiya?

18 Vadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga vaiva nechokwadi chokuti ndiye Mesiya, nokuti akanyatsozadzisa uprofita hwaMesiya huri muMagwaro echiHebheru. (Mat. 16:16) Sezvataona, humwe hweuprofita uhwu hwakazadziswa muushumiri hwaJesu weNazareta uye pakutanga kweupenyu hwake pasi pano. Tichaongorora humwe uprofita hwaMesiya munyaya inotevera. Kufungisisa uye kunyengetera nezvahwo kuchatosimbisa chivimbo chedu chokuti Jesu Kristu ndiMesiya akagadzwa naBaba vedu vekudenga, Jehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kuti uone mamwe mashoko nezve“vhiki dzine makumi manonwe,” ona chitsauko 11 chebhuku raFungisisa Uprofita hwaDhanieri!

Ungapindura Sei?

• Uprofita hupi hwakazadziswa pakuzvarwa kwaJesu?

• Mesiya akagadzirirwa sei nzira?

• Mashoko api ouprofita hwaIsaya chitsauko 53 akazadziswa pana Jesu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]