Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakawana Mesiya!

Vakawana Mesiya!

Vakawana Mesiya!

“Tawana Mesiya.”—JOH. 1:41.

1. Chii chakanga chaitika pakazotaurwa kuti: “Tawana Mesiya”?

JOHANI MUBHABHATIDZI akamira nevamwe vadzidzi vake vaviri. Achiona Jesu achiuya, Johani anobva ati: “Onai, Gwayana raMwari!” Andreya nomumwe mudzidzi wacho vanobva vatevera Jesu voswera naye. Pave paye, Andreya anowana mukoma wake, Simoni Petro, omuudza achifara zvikuru kuti: “Tawana Mesiya” uye anobva aenda naye kuna Jesu.—Joh. 1:35-41.

2. Tichabatsirwa sei nokuramba tichiongorora uprofita hunotaura nezvaMesiya?

2 Nokufamba kwenguva, Andreya, Petro, nevamwewo vachange vava nemikana yakawanda yokunyatsoongorora Magwaro uye vachazivisa vasingazezi kuti Jesu weNazareta ndiye Mesiya akapikirwa. Kutenda kwedu Shoko raMwari noMuzodziwa wake kuchasimbiswa sezvaticharamba tichiongorora uprofita hunotaura nezvaMesiya.

“Tarira! Mambo Wako Ari Kuuya”

3. Uprofita hupi hwakazadziswa nokupinda kwaJesu muJerusarema somunhu ari kukunda?

3 Mesiya aizopinda muJerusarema somunhu ari kukunda. Uprofita hwaZekariya hwakati: “Fara kwazvo, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni. Shevedzera mukukunda, haiwa iwe mwanasikana weJerusarema. Tarira! Mambo wako anouya kwauri. Akarurama, chokwadi akaponeswa; anozvininipisa, akatasva mbongoro hono yanyatsokura, yakaberekwa nembongoro hadzi.” (Zek. 9:9) Munyori wepisarema akati: “Ngaakomborerwe Iye anouya nomuzita raJehovha.” (Pis. 118:26) Jesu haangambova iye akaronga kuti vanhu ivavo vadaro. Asi mhomho iyoyo yevanhu yakadanidzira nezwi rimwe chete ichizadzisa uprofita. Ita seuri kutozviona zvichiitika uye uchinzwa manzwi avo okufara sezvaunoverenga nyaya yacho.—Verenga Mateu 21:4-9.

4. Tsanangura zvakaitika pakuzadziswa kwaPisarema 118:22, 23.

4 Kunyange zvazvo vakawanda vaizoramba Jesu pasinei nezvose zvairatidza kuti ndiye Mesiya, iye aikosha kuna Mwari. Sezvakagara zvataurwa, Jesu ‘akazvidzwa uye akaitwa seasingakoshi’ nevaya vakaramba uchapupu hwaivapo. (Isa. 53:3; Mako 9:12) Zvisinei, Mwari akanga afemera munyori wepisarema kuti ati: “Dombo rakarambwa nevavaki razova musoro wekona. Iri rakabva kuna Jehovha.” (Pis. 118:22, 23) Jesu akayeuchidza vanhu vechitendero vaimushora nezvendima iyi, uye Petro akati yakazadziswa naKristu. (Mako 12:10, 11; Mab. 4:8-11) Zvechokwadi Jesu akava “dombo renheyo repakona” reungano yechiKristu. Kunyange akarambwa nevanhu vasingadi Mwari, iye idombo “rakasarudzwa, rinokosha kuna Mwari.”—1 Pet. 2:4-6.

Akatengeswa Uye Akasiyiwa!

5, 6. Chii chakagara chataurwa nezvokutengeswa kwaMesiya?

5 Zvakagara zvataurwa kuti Mesiya aizotengeswa neshamwari isina kuvimbika. Dhavhidhi akaprofita kuti: “Munhu wandaiva norugare naye, wandaivimba naye, aidya chingwa changu, andisimudzira chitsitsinho chake.” (Pis. 41:9) Munhu aidya nemunhu chingwa ndiye ainzi shamwari yepamwoyo. (Gen. 31:54) Saka kutengeswa kwakaitwa Jesu naJudhasi Iskariyoti kwaiva kusavimbika kwakaipisisa. Jesu akaratidza vaapostora vake kuzadziswa kwemashoko aDhavhidhi ouprofita paakataura nezvemunhu aizomutengesa achiti: “Handisi kutaura pamusoro penyu mose; ndinoziva vandakasarudza. Asi zvinhu izvi zviri kuitika kuti Rugwaro ruzadzike runoti, ‘Uya aidya chingwa changu akandisimudzira chitsitsinho chake.’”—Joh. 13:18.

6 Mutengesi waMesiya aizopiwa zvidimbu 30 zvesirivha uyo waiva mutengo wemuranda! Achishandisa mashoko ari pana Zekariya 11:12, 13, Mateu akaratidza kuti Jesu akatengeswa nekamari kadukuduku ikako. Asi sei Mateu akati izvozvo zvakanga zvataurwa “pachishandiswa muprofita Jeremiya”? Panguva yaMateu, bhuku raJeremiya ringava raiiswa pokutanga pamabhuku eBhaibheri aisanganisira raZekariya. (Enzanisa naRuka 24:44.) Judhasi haana kumboshandisa mari yaakanga awana nenzira yakaipa, nokuti akaikanda mutemberi akabva anozviuraya.—Mat. 26:14-16; 27:3-10.

7. Zekariya 13:7 yakazadziswa sei?

7 Kunyange vadzidzi vaMesiya vaizopararira. “Rova mufudzi, makwai apararire,” akanyora kudaro Zekariya. (Zek. 13:7) Musi waNisani 14, 33 C.E., Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Imi mose muchagumburwa nezvichaitika kwandiri usiku huno, nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achapararira kwose.’” Uye izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika, nokuti Mateu akati “vadzidzi vose vakabva vamusiya, vakatiza.”—Mat. 26:31, 56.

Akapomerwa Uye Akarohwa

8. Isaya 53:8 yakazadziswa sei?

8 Mesiya aizotongwa owanirwa mhosva. (Verenga Isaya 53:8.) Zuva rovira musi waNisani 14, dare rose reSanihedrini rakaita musangano, rikaita kuti Jesu asungwe, ndokumuendesa kuna Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato. Akabvunzurudza Jesu akamuwana asina kana nemhosva. Asi Pirato paakati asunungure Jesu, vanhu vose vakadaidzira kuti: “Murovererei!” vakati Bharabhasi mhondi asunungurwe. Achida kufadza ruzhinji, Pirato akasunungura Bharabhasi, akaita kuti Jesu arohwe netyava, akamuendesa kunorovererwa.—Mako 15:1-15.

9. Chii chakaitika panguva yaJesu chakagara chataurwa pana Pisarema 35:11?

9 Zvapupu zvenhema zvaizopomera Mesiya. Munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Zvapupu zvinoita zvechisimba zvinosimuka; zvinondibvunza zvandisingazivi.” (Pis. 35:11) Sezvakanga zvaprofitwa, “vapristi vakuru neSanihedrini yose vakanga vachitsvaka uchapupu hwenhema hwokupomera Jesu kuti vamuuraye.” (Mat. 26:59) “Chokwadi, vazhinji vakanga vachimupomera zvenhema, asi uchapupu hwavo hwakanga husingabvumirani.” (Mako 14:56) Zvokuti uchapupu hwacho hwaiva hwenhema zvakanga zvisina basa kumhondi idzodzo dzaivenga Jesu.

10. Tsanangura kuti Isaya 53:7 yakazadziswa sei.

10 Mesiya aizoramba akanyarara achipomerwa. Isaya akaprofita kuti: “Akamanikidzwa kwazvo, uye akabvuma kutambudzwa; asi iye aisashama muromo wake. Akaunzwa kuzourayiwa sezvinoitwa gwai; uye iyewo aisashama muromo wake senhunzvi yegwai yakanyarara pamberi pevaveuri vayo.” (Isa. 53:7) Jesu paaipomerwa “nevapristi vakuru nevarume vakuru, haana kupindura.” Pirato akamubvunza kuti: “Haunzwi here kuti zvinhu zvizhinji sei zvavari kukupomera?” Kunyange zvakadaro, Jesu “haana kumupindura, aiwa, kana shoko rimwe chete zvaro, zvokuti gavhuna wacho akashamisika kwazvo.” (Mat. 27:12-14) Jesu haana kutuka vaimupomera.—VaR. 12:17-21; 1 Pet. 2:23.

11. Zvii zvakaitika zvakazadzisa Isaya 50:6 uye Mika 5:1?

11 Isaya akaprofita kuti Mesiya aizorohwa. Akanyora kuti: “Ndakapa varovi musana wangu, uye ndakapa vaya vanodzura bvudzi matama angu. Handina kuvanzira chiso changu zvinhu zvinonyadzisa uye kupfirwa mate.” (Isa. 50:6) Mika akati: “Vacharova mutongi waIsraeri padama netsvimbo.” (Mika 5:1) Achiratidza kuzadziswa kweuprofita uhwu, munyori weEvhangeri Mako akati: “Vamwe vakatanga kumupfira mate uye kufukidza chiso chake chose uye kumurova nezvibhakera, vachiti kwaari: ‘Profita!’ Uye, vachimurova nembama kuchiso, vashandi vepadare vakamutora.” Mako anoti varwi “vaimurova mumusoro netsanga nokumupfira mate uye, vachipfugama [zvokumutsvinyira], vaimukotamira.” (Mako 14:65; 15:19) Zviri pachena kuti Jesu akanga asina kumbovadenha.

Akaramba Akatendeka Kusvika Pakufa

12. Mashoko ari pana Pisarema 22:16 uye Isaya 53:12 akazadziswa sei pana Jesu?

12 Zvaizoitika pakuurayiwa kwaMesiya zvakagara zvataurwa. Munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Ungano yevanoita zvakaipa yakandipoteredza. Vari kuruma maoko angu nemakumbo angu sezvinoita shumba.” (Pis. 22:16) Achinyora nezvechiitiko chinozivikanwa zvikuru nevaverengi veBhaibheri, munyori weEvhangeri Mako anoti: “Zvino yakanga yava awa yechitatu [kuma9 mangwanani], uye vakamuroverera.” (Mako 15:25) Zvakanga zvataurwawo kuti Mesiya aizoverengerwa pakati pevatadzi. Isaya akanyora kuti: “Akadurura mweya wake kusvikira parufu chaipo, akaverengwa pamwe chete nevadariki.” (Isa. 53:12) Ndozvakaitikawo, “makororo maviri akarovererwa pamwe chete [naJesu], rimwe kurudyi rwake uye rimwe kuruboshwe rwake.”—Mat. 27:38.

13. Mashoko ari pana Pisarema 22:7, 8 akazadziswa sei pana Jesu?

13 Dhavhidhi akaprofita kuti Mesiya aizotukwa. (Verenga Pisarema 22:7, 8.) Jesu akanyombwa paaitambura padanda, nokuti Mateu anoti: “Naizvozvo vaipfuura napo vakatanga kumutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: ‘Haiwa iwe wokuda kuputsa temberi woivaka mumazuva matatu, zviponese! Kana uri mwanakomana waMwari, buruka padanda rokutambudzikira!’” Saizvozvowo vapristi vakuru nevanyori nevarume vakuru vakatanga kumuseka vachiti: “Akaponesa vamwe; iye haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo waIsraeri; zvino ngaaburuke padanda rokutambudzikira uye tichamutenda. Aivimba naMwari; Iye ngaachimununura zvino kana achimuda, nokuti iye akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’” (Mat. 27:39-43) Asi Jesu akaramba akadzikama achinzarwo. Akatisiyira muenzaniso wakazonaka!

14, 15. Ratidza kuti uprofita hwakazadziswa sei nezvezvipfeko zvaMesiya uye kupiwa kwake vhiniga.

14 Zvipfeko zvaMesiya zvaizokandirwa mijenya. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Vanogovana nguo dzangu, vanokanda mijenya pazvipfeko zvangu.” (Pis. 22:18) Izvozvo ndizvo zvakaitika, nokuti “pavakanga vamuroverera [mauto eRoma] vakagova nguo dzake [Jesu] dzokunze vachiita zvokukanda mijenya.”—Mat. 27:35; verenga Johani 19:23, 24.

15 Mesiya aizopiwa vhiniga nenduru. Munyori wepisarema akati: “Vakandipa muti une muchetura kuti zvive zvokudya zvangu, uye pandainzwa nyota vakaedza kundinwisa vhiniga.” (Pis. 69:21) Mateu anotiudza kuti: “Vakamupa [Jesu] waini yakavhenganiswa nenduru kuti anwe; asi, pashure pokunge airavira, akaramba kuinwa.” Pava paye, “mumwe wavo akabva amhanya, akatora chipanji, akachinyatisa newaini yakashapa, akachibayirira patsanga, akatanga kumunwisa.”—Mat. 27:34, 48.

16. Tsanangura kuti mashoko ouprofita aPisarema 22:1 akazadziswa sei.

16 Mesiya aizoita seasiyiwa naMwari. (Verenga Pisarema 22:1.) Maererano nouprofita, “paawa yechipfumbamwe [kuma3 dzemasikati] Jesu akashevedzera nenzwi guru achiti: ‘Eri, Eri, rama sabhakitani?’ zvinoreva kuti, ‘Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?’ kana zvashandurwa.” (Mako 15:34) Hakusi kuti Jesu akanga asisina kutenda muna Baba vake vokudenga. Mwari akasiya Jesu ari mumaoko evavengi vake asingamudziviriri kuitira kuti kuperera kwaKristu kunyatsoedzwa. Uye kudaidzira kwaakaita kwakazadzisa Pisarema 22:1.

17. Mashoko ari pana Zekariya 12:10 naPisarema 34:20 akazadziswa sei?

17 Mesiya aizobayiwa, asi mapfupa ake aisazotyorwa. Vagari vomuJerusarema vaizotarira “Iye wavakabvoora.” (Zek. 12:10) Uye Pisarema 34:20 inoti: “[Mwari] anorinda mapfupa ose aiyeye; hapana rimwe chete rawo rakatyoka.” Achiratidza kuti mashoko aya akaitika, Johani akanyora kuti: “Mumwe wevarwi akadhuvhura rutivi rwake [rwaJesu] nepfumo, uye ropa nemvura zvikabva zvabuda. Uya akazviona [Johani] akapupurira, uye uchapupu hwake ndohwechokwadi . . . Zvinhu izvi zvakaitika kuti rugwaro ruzadzike runoti: ‘Hapana kana pfupa rake richapwanywa.’ Uyezve, rumwe rugwaro runoti: ‘Vachatarira Iye wavakabvoora.’”—Joh. 19:33-37.

18. Zvakafamba sei kuti Jesu azovigwa pamwe chete nevapfumi?

18 Mesiya aizovigwa pamwe chete nevapfumi. (Verenga Isaya 53:5, 8, 9.) Musi waNisani 14 zuva rovira “mumwe mupfumi wokuArimatiya, ainzi Josefa,” akakumbira Pirato muviri waJesu, akaupihwa. Mateu anoti: “Josefa akatora mutumbi wacho, akauputira nomucheka werineni yakachena, yakanaka kwazvo, akauradzika muguva rake idzva, raakanga achera padombo guru. Pashure pokukungurutsira dombo guru pasuo reguva, iye akaenda.”—Mat. 27:57-60.

Rumbidzai Mambo Mesiya!

19. Chii chakaitika maererano nouprofita huri pana Pisarema 16:10?

19 Mesiya aizomutswa. Dhavhidhi akanyora kuti: “[Jehovha] hamuzobvumiri akavimbika wenyu kuti aone gomba.” (Pis. 16:10) Fungidzira kushamiswa kwakaitwa vakadzi vakauya kuguva rakanga ravigwa Jesu. Vakasvikowana ngirozi, ikavaudza kuti: “Regai kudumbirwa. Muri kutsvaka Jesu wokuNazareta, akarovererwa. Akamutswa, haapo pano. Onai! Pavakamuviga apa.” (Mako 16:6) Muapostora Petro akaudza vanhu vazhinji vaiva muJerusarema musi wePendekosti ya33 C.E. kuti: “[Dhavhidhi] akafanoona, akataura pamusoro porumuko rwaKristu, kuti haana kusiyiwa muHadhesi uyewo nyama yake haina kuora.” (Mab. 2:29-31) Mwari haana kubvumira kuti muviri weMwanakomana wake waanoda uore. Uyezve Jehovha akaita chishamiso chokumutsa Jesu kuti ave munhu womudzimu.—1 Pet. 3:18.

20. Kutonga kwaMesiya kwakagara kwataurwa kuri kuzadziswa sei?

20 Sezvakagara zvataurwa, Mwari akazivisa kuti Jesu aiva Mwanakomana wake. (Verenga Pisarema 2:7; Mateu 3:17.) Mhomho yevanhu yakarumbidzawo Jesu noUmambo huri kuuya, uye isuwo tiri kutaura nomufaro nezvake nezvikomborero zvokutonga kwake. (Mako 11:7-10) Kristu ava pedyo kuparadza vavengi vake ‘sezvaanotasva bhiza rake nokuda kwechokwadi nokuzvininipisa nokururama.’ (Pis. 2:8, 9; 45:1-6) Umambo hwake huchaunza runyararo pasi pose uye vanhu vachabudirira. (Pis. 72:1, 3, 12, 16; Isa. 9:6, 7) Chokwadi takakomborerwa pakuti tiri kuzivisa chokwadi ichi seZvapupu zvaJehovha, uyo ane Mwanakomana wake waanoda ava kutotonga kudenga saMambo Mesiya!

Ungapindura Sei?

• Jesu akatengeswa sei uye akasiyiwa sei nevadzidzi?

• Ndezvipi zvimwe zvakagara zvataurwa nezvokuroverererwa kwaJesu Kristu?

• Chii chinoita kuti uve nechokwadi kuti Jesu ndiye Mesiya akapikirwa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kupinda kwaJesu muJerusarema somunhu ari kukunda kwakazadzisa uprofita hupi?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Jesu akafira zvivi zvedu, asi iye zvino ari kutonga saMambo Mesiya