Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vavarira Kuva Norugare

Vavarira Kuva Norugare

Vavarira Kuva Norugare

“Ngatiteverei zvinhu zvinoita kuti pave norugare.”—VAR. 14:19.

1, 2. Nei Zvapupu zvaJehovha zviine rugare?

MAZUVA ano zvakaoma kuti vanhu vagarisane munyika. Kunyange vanhu verudzi rumwe chete uye vomutauro mumwe chete vanowanzopesaniswa nezvitendero, zvematongerwo enyika uye magariro. Asi vanamati vaJehovha vakabatana pasinei nokuti vanobva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.”—Zvak. 7:9.

2 Rugare rwatinarwo haruna kungoerekana rwavapo. Tinarwo nokuti tine “rugare naMwari” nokutenda kwatinoita Mwanakomana wake, ane ropa rakateurwa rinofukidza zvivi zvedu. (VaR. 5:1; VaEf. 1:7) Uyezve, Mwari wechokwadi anopa vashumiri vake vakavimbika mudzimu mutsvene, uyo unoitawo kuti pave norugare. (VaG. 5:22) Chimwe chinoita kuti tigarisane zvakanaka ndechokuti ‘hatisi venyika.’ (Joh. 15:19) Pane kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika, tinoramba tisina divi ratinotsigira. Hatipindiri muhondo dzemunyika yatinogara kana kuti dzedzimwe nyika nokuti ‘takapfura mapakatwa edu kuti ave miromo yemagejo.’—Isa. 2:4.

3. Rugare rwatinogona kuva narwo runoita kuti tikwanise kuitei, uye tichakurukurei munyaya ino?

3 Rugare rwatinogona kuva narwo nomumwe nomumwe runopfuura kungorega kukuvadza hama dzedu. Kunyange zvazvo muungano yeZvapupu zvaJehovha yatinopinda mungava nevanhu vemadzinza akasiyana netsika dzakasiyana, ‘tinodanana.’ (Joh. 15:17) Rugare rwedu runoita kuti tiitire “vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaG. 6:10) Rugare rweparadhiso yevanhu vaMwari runokosha uye tinofanira kuruchengetedza. Saka iye zvino ngationgororei kuti tingavavarira sei kuva norugare muungano.

Patinokanganisa

4. Tinofanira kuitei kuti tivavarire kuva norugare patinogumbura mumwe munhu?

4 “Tose tinokanganisa kazhinji,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. “Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana.” (Jak. 3:2) Saka kusawirirana kana kukanganisirana zvinotomuka chete pakati pevatendi. (VaF. 4:2, 3) Zvisinei, vanhu vakatadzirana vanogona kugadzirisana voga pasina kukanganisa rugare rweungano. Somuenzaniso, funga nezvezano ratinofanira kushandisa kana tikaziva kuti tingave tagumbura mumwe munhu.—Verenga Mateu 5:23, 24.

5. Tingavavarira sei kuva norugare nevamwe patinenge takanganisirwa?

5 Ko kana tirisu takanganisirwa, asi kwete zvakakura? Tinofanira kutarisira kuti atikanganisira auye kuzokumbira ruregerero here? “[Rudo] haruchengeti mafi,” inodaro 1 VaKorinde 13:5. Patinogumburwa, tinovavarira kuva norugare kuburikidza nokukanganwira uye kukanganwa nezvazvo, kureva kuti ‘hatichengeti mafi.’ (Verenga VaKorose 3:13.) Izvi ndizvo zvinoda kuitwa tunyaya tuduku twatinoitirana zuva nezuva, nokuti zvinoita kuti tive norugare nevamwe vatinonamata navo uye tive norugare rwendangariro. Chimwe chirevo chouchenjeri chinoti: ‘Zvakanaka kuti uregerere kudarika.’—Zvir. 19:11.

6. Tinofanira kuitei kana zvakatiomera kungosiyana nezvatinenge takanganisirwa?

6 Zvakadini kana tikaona kuti nyaya yacho yakatiomera kungosiyana nayo? Zvechokwadi, kungoudza munhu wose wose nezvazvo hakusi kuchenjera. Makuhwa akadaro anongokanganisa kugarisana zvakanaka muungano. Chii chinofanira kuitwa kuti nyaya yacho igadziriswe zvine rugare? Mateu 18:15 inoti: “Kana hama yako ikatadza, enda ubudise pachena mhosva yake iwe naiye muri moga. Kana ikakuteerera, wawana hama yako.” Kunyange zvazvo Mateu 18:15-17 ichishanda pachivi chakakura, tichishandisa mashoko ari mundima 15, tinofanira kutaura nemunhu wacho akanganisa nemutsa tiri toga, toedza kuita kuti tivezve norugare naye. *

7. Nemhaka yei tichifanira kukurumidza kutaurirana kana takanganisirana?

7 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEf. 4:26, 27) Jesu akati: “Kurumidza kugadzirisa nyaya nomunhu anokumhan’arira.” (Mat. 5:25) Saka, kuvavarira kuva norugare kunoda kuti tikurumidze kugadzirisa kusawirirana. Nemhaka yei? Nokuti kuita izvozvo kunoita kuti nyaya dzisakanganisa ungano yose. Tisabvumira kuzvikudza, godo, kana kuti kunyanya kukoshesa pfuma kuchititadzisa kukurumidza kugadzirisa kusawirirana pakunongomuka.—Jak. 4:1-6.

Kana Kuri Kusawirirana Kwevanhu Vakawanda

8, 9. (a) Maonero api akasiyana aivapo muungano yomuzana remakore rokutanga yokuRoma? (b) Pauro akapa vaKristu vokuRoma zano ripi pakusawirirana kwavaiita?

8 Dzimwe nguva kusawirirana muungano kunosanganisira vanhu vakawanda. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuvaKristu vokuRoma avo Pauro akanyorera tsamba yakafemerwa. VaKristu vechiJudha neveMamwe Marudzi vaisawirirana. Kunenge kuti vamwe vaiva muungano iyoyo vaitarisira pasi vaya vaiva nehana dzisina kusimba, kana kuti dzaivarambidza kuita zvimwe zvinhu. Vanhu vakadaro vaitonga vamwe zvisina kukodzera panyaya dzavasinei nadzo. Pauro akapa ungano zano rokutii?—VaR. 14:1-6.

9 Pauro akapa zano vose vainetsana panyaya iyi. Akaudza vaya vainzwisisa kuti vakanga vasisiri pasi poMutemo waMosesi kuti vasatarisira pasi hama dzavo. (VaR. 14:2, 10) Maitiro akadaro aigona kugumbura vatendi vakanga vachiri kusemburwa nokudya zvinhu zvaisabvumirwa noMutemo. “Regai kuputsa basa raMwari nokuda kwezvokudya chete,” Pauro akavarayira kudaro. “Zvakanaka kurega kudya nyama kana kunwa waini kana kuti kuita chimwe chinhu chinogumbura hama yako.” (VaR. 14:14, 15, 20, 21) Pauro akapawo zano vaKristu vaiva nehana dzisina kusimba kuti vasati vaya vaiva nehana dzakasimba vakanga vasina kutendeka. (VaR. 14:13) Akaudza ‘munhu wose aiva pakati pavo kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaaifanira kufunga.’ (VaR. 12:3) Avapa zano vose, Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo, ngatiteverei zvinhu zvinoita kuti pave norugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.”—VaR. 14:19.

10. Kungofanana nezvakaitika muungano yokuRoma, isuwo tinofanira kuita sei kuti tigadzirise kusawirirana?

10 Tinogona kuva nechokwadi chokuti ungano yaiva muRoma yakabvuma zano raPauro ikagadzirisa zvinhu. Isuwo patinotadzirana nevamwe vaKristu, hatifaniri kutaurirana nenyasha uye tichishandisa zano reMagwaro nokuzvininipisa here? Sezvaifanira kuitwa nevaKristu vokuRoma, tose vatadza nevatadzirwa tingave tiine zvatinofanira kugadzirisa kuti ‘tichengete rugare.’—Mako 9:50.

Kana Takumbirwa Kuti Tibatsire

11. Mukuru anofanira kuitei kana mumwe munhu akauya kuzotaura naye nezvekusawirirana kwake nomumwe muKristu?

11 Zvakadini kana mumwe muKristu achida kutaura nemukuru nezvekusawirirana kwaari kuita nemunhu wemumhuri kana kuti muungano? Zvirevo 21:13 inoti: “Munhu anovhara nzeve yake kuti arege kunzwa kuchema kwokunyunyuta kweakaderera, iye achashevedzerawo asi haazopindurwi.” Zvechokwadi mukuru akatadza kuteerera, anenge ‘achivhara nzeve yake.’ Asi chimwe chirevo chinonyevera kuti: “Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.” (Zvir. 18:17, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Mukuru anofanira kuteerera nomutsa, asi anofanira kungwarira kuti asaenda divi reari kumhan’ara. Anzwa nyaya yacho, zvimwe achabvunza kana nyakutadzirwa akataura neakamugumbura. Mukuru wacho angadzokororawo matanho emuMagwaro ayo munhu wacho angatora kuti avavarire kuva norugare nomumwe wake.

12. Taura mienzaniso inoratidza zvakaipira kumhanyira kutonga nyaya yaunenge wasumwa.

12 Pane mienzaniso mitatu yomuBhaibheri inoratidza zvakaipira kumhanyira kutonga nyaya pasina kunzwa vari kupomerwa vacho. Potifari akabvuma zvakataurwa nomudzimai wake kuti Josefa aida kumubata chibharo. Potifari akabva akundwa nehasha akaita kuti Josefa akandwe mujeri. (Gen. 39:19, 20) Mambo Dhavhidhi akabvuma mashoko aZibha okuti tenzi wake Mefibhosheti akanga apandukira Dhavhidhi. Akamhanyira kuti: “Tarira! Zvinhu zvose zvaMefibhosheti zvava zvako.” (2 Sam. 16:4; 19:25-27) Mambo Atashasta akaudzwa kuti vaJudha vakanga vachivakazve masvingo eJerusarema uye vakanga vava kuda kupandukira Umambo hwePezhiya. Akabva atenda mashoko acho enhema akarayira kuti basa rokuvakazve Jerusarema rimire. Saka vaJudha vakabva vamira basa ravaiita patemberi yaMwari. (Ezra 4:11-13, 23, 24) Vakuru vechiKristu vanoratidza kuchenjera nokutevedzera zano raPauro kuna Timoti rokusamhanyira kutonga.—Verenga 1 Timoti 5:21.

13, 14. (a) Kana paine vanhu vaviri vakanganisirana, zvinhu zvipi zvatingasaziva? (b) Vakuru vanobatsirwa nechii pakupa mitongo yakanaka panyaya dzehama dzavo?

13 Kunyange pazvinoita sokuti wanzwisisa vanhu vacho vose, zvinokosha kuyeuka kuti “kana paine munhu anofunga kuti awana zivo pamusoro pechimwe chinhu, iye haasati achiziva sokuchiziva kwaanofanira kuita.” (1 VaK. 8:2) Tinonyatsoziva zvose zvakaita kuti vasawirirana here? Tinogona kunyatsonzwisisa mamiriro ezvinhu evanhu vacho vasiri kuwirirana here? Vakuru pavanonzi vatonge nyaya, zvinokosha chaizvo kuti vasabvuma kunyengedzwa nenhema, kana kuti mashoko okungonzwa! Mutongi akasarudzwa naMwari, Jesu Kristu, anotonga zvakarurama. Haatongi “nokungoona chete nemaziso ake, kana kungotsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake.” (Isa. 11:3, 4) Asi anotungamirirwa nomudzimu waJehovha. Vakuru vechiKristu vanogona kutungamirirwawo nomudzimu mutsvene waMwari.

14 Vasati vapa mutongo panyaya inenge iripo, vakuru vanofanira kunyengetera kuti vabatsirwe nomudzimu waJehovha uye voita zvaunoda nokutsvakurudza muShoko raMwari nemabhuku omuranda akatendeka, akangwara.—Mat. 24:45.

Tinofanira Kuvavarira Kuva Norugare Kusvikira Pakadini?

15. Tinofanira kutaura nezvechivi chakakura chatinenge taziva nezvacho kana zvaita sei?

15 SevaKristu, tinorayirwa kuti tivavarire kuva nerugare. Zvisinei, Bhaibheri rinotaurawo kuti: “Uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare.” (Jak. 3:17) Kuva vakachena, kureva kuti vane tsika dzakachena dzinodiwa naMwari ndiko kunotanga, kwozotevera kuva norugare. Kana muKristu akaziva kuti munhu womuungano aita chivi chakakura, anofanira kumukurudzira kureurura kuvakuru. (1 VaK. 6:9, 10; Jak. 5:14-16) Kana mutadzi wacho akasadaro, muKristu anoziva nezvechivi chacho anofanira kuudza vakuru. Akatadza kuita izvozvo achifunga kuti ndiko kuti ave norugare nomutadzi wacho iye anenge achitotadzawo.—Revh. 5:1; verenga Zvirevo 29:24.

16. Tingadzidzei pane zvakaitwa naJehu paakasangana naMambo Jehoramu?

16 Zvakamboitwa naJehu zvinoratidza kuti kururama kwaMwari kunokosha kupfuura kuva norugare nevamwe. Mwari akatuma Jehu kunoita zvaakanga atongera imba yaMambo Ahabhi. Mwanakomana waAhabhi naJezebheri, Mambo Jehoramu akanga akaipa, akakwira mungoro yake kuti anosangana naJehu ndokuti: “Kune rugare here nhai Jehu?” Jehu akatii? Akapindura kuti: “Kungava norugare rwei kana ufeve hwaJezebheri amai vako nouroyi hwavo huzhinji zvichiripo?” (2 Madz. 9:22) Jehu akabva akunga uta hwake akabaya Jehoramu nepamwoyo. Sezvakaitwa naJehu, vakuru havafaniri kusiya vatadzi vasingapfidzi muungano vachiitira kuti vachengete rugare. Vanodzinga vatadzi vakadaro kuitira kuti ungano irambe iine rugare naMwari.—1 VaK. 5:1, 2, 11-13.

17. VaKristu vose vanofanira kuitei kuti vavavarire kuva norugare?

17 Kakawanda panokanganisirana hama, nyaya dzacho dzinenge dzisina kukura zvokuti dzingada kutogarirwa dare. Saka, zvakanaka kungofukidza kukanganisa kwevamwe nokuratidza rudo. Shoko raMwari rinoti: “Munhu anofukidza kudarika anotsvaka rudo, uye uya anoramba achitaura nezvenyaya yacho anoparadzanisa vaya vanoshamwaridzana.” (Zvir. 17:9) Kuita zvinoenderana nemashoko iwayo kuchatibatsira tose kuchengetedza rugare muungano uye kuramba tiine ukama hwakanaka naJehovha.—Mat. 6:14, 15.

Makomborero Okuva Norugare

18, 19. Kuvavarira kuva norugare nevamwe kunobatsirei?

18 Kuvavarira kuita “zvinhu zvinoita kuti pave norugare” kunoita kuti tikomborerwe zvikuru. Tinova noukama hwepedyo naJehovha sezvatinomutevedzera, uye tinobatsirawo pakuita kuti ungano irambe yakabatana. Kuvavarira kuva norugare muungano kunotibatsirawo kuona nzira dzokuva nadzo norugare nevaya vatinoparidzira “mashoko akanaka orugare.” (VaEf. 6:15) Zvinotibatsira ‘kuva norupfave kuna vose, tichiramba tichizvidzora pakuitirwa zvakaipa.’—2 Tim. 2:24.

19 Yeukawo kuti “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Tariro iyoyo paichazadziswa pano pasi, kuchamutswa mamiriyoni evanhu vanobva kwakasiyana-siyana, vane unhu hwakasiyana-siyana, vakararama nguva dzakasiyana-siyana kubvira “pakuvambwa kwenyika.” (Ruka 11:50, 51) Kudzidzisa vanhu vanenge vamutswa nzira dzorugare zvechokwadi kuchava ropafadzo yakakura. Kudzidziswa kwatiri kuita iye zvino kuva vanhu vane rugare nevamwe kuchatibatsira chaizvo panguva iyoyo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Mazano anobva muMagwaro okugadzirisa zvitadzo zvakakura zvakadai sokuchera vamwe uye kubiridzira ari muNharireyomurindi yaOctober 15, 1999, mapeji 17-22.

Wadzidzei?

• Tingavavarira sei kuva norugare kana tagumbura mumwe munhu?

• Tinofanira kuitei kuti tivavarire kuva norugare kana takanganisirwa?

• Nei kusiri kuchenjera kuva nedivi ratinotsigira pakusawirirana kwevamwe?

• Tsanangura kuti tinofanira kuvavarira kuva norugare kusvikira pakadini.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 29]

Jehovha anoda vaya vanokanganwira vamwe nemwoyo wose