Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvimwe Zvamungaita Pakunamata Kwemhuri Uye Pakudzidza Muri Moga

Zvimwe Zvamungaita Pakunamata Kwemhuri Uye Pakudzidza Muri Moga

Zvimwe Zvamungaita Pakunamata Kwemhuri Uye Pakudzidza Muri Moga

KUTANGA kwa2009, ungano dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose dzakachinja purogiramu yemisangano. Misangano yaiitwa mazuva maviri pakati pevhiki yakabatanidzwa, uye vanhu vose vakakurudzirwa kushandisa mamwe manheru acho kunamata semhuri kana kuti kudzidza vari voga. Uri kushandisa urongwa uhwu here? Huri kunyatsokubatsira here?

Vamwe vanoshaya kuti vodzidzei pavanonamata semhuri. Chinangwa cheDare Rinodzora hachisi chokuti mhuri dzose dzingoita zvakafanana. Sezvo mamiriro ezvinhu achisiyana-siyana, zvakakosha kuti musoro wemhuri imwe neimwe kana kuti munhu azvisarudzire kuti anganyatsobatsirwa sei nepurogiramu iyi yevhiki nevhiki.

Vamwe vanogadzirira misangano yeungano, asi pane zvimwewo zvinogona kuitwa pakunamata kwemhuri. Vamwe vanoverenga, vanokurukura uye kunyange kuita mitambo yemashoko avanotora muMagwaro, zvikurukuru vachiitira kuti vana vabatsirwe. Hapasi pose panongoitwa zvemibvunzo nemhinduro sezvatinoita kumisangano chaiyo. Kunamata makati sunungukei kunoita kuti munhu wose anzwe achida kutaurawo pfungwa dzake. Izvi zvinoita kuti murambe muchifunga mamwe madzidziro matsva, zvoita kuti muyeuke uye munakidzwe nezvamunenge muchidzidza.

Vamwe baba vane vana vatatu vanoti: “Zvose zvatanga tichiita zvine chokuita nokuverenga Bhaibheri. Mumwe nomumwe wedu anogara averenga zvitsauko zvacho, vana vanotsvakurudza zvavanoda, vozotiudza zvavanenge vawana. Michael [ane makore manomwe] anowanzodhirowa mufananidzo kana kuti kunyora ndima imwe chete yezvaanzwa. David naKaitlyn [vane makore 13 ne15] vanogona kunyora nhoroondo yomuBhaibheri vachiita kunge vari kuona zvaiitika zvacho. Somuenzaniso, pataiverenga nezvaJosefa achidudzira hope dzemubiki nomudiri waFarao, Kaitlyn akanyora rondedzero achizviita somusungwa ari kuona zvichitoitika.”—Gen., chitsauko 40.

Zviri pachena kuti mamiriro ezvinhu anosiyana. Zvinobatsira mumwe munhu kana kuti mhuri zvingasabatsira mumwe. Bhokisi rinotevera rine mazano akawanda anogona kushandiswa pakunamata kwenyu kwemhuri kana kuti pamunodzidza moga. Munogona kutofunga nezvemamwe akawanda.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6, 7]

Zvemhuri dzine vana vari kuyaruka:

• Verengai uye kurukurai Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.

• Itai sokuti maivepo nguva dzakaitika zviri muBhaibheri. (Onai Nharireyomurindi yaMay 15, 1996, peji 14, ndima 17-18.

• Taurai nezvezvinangwa zvinotora nguva refu uye zvinotora nguva pfupi.

• Nguva nenguva onai uye kurukurai vhidhiyo inotsanangura Bhaibheri.

• Kurukurai nyaya dziri muNharireyomurindi dzakanzi “Zvevechiduku.”

Zvemhuri dzisina vana:

• Kurukurai zvitsauko 1, 3, 11-16 zvaChakavanzika Chomufarwa Wemhuri.

• Kurukurai zvamunenge mawana pakutsvakurudza zvamaverenga muBhaibheri.

• Gadzirirai Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano kana kuti Chidzidzo cheNharireyomurindi.

• Kurukurai nzira dzokuwedzera ushumiri hwenyu.

Zvevasati vava nedzimba kana kuti vari mumhuri dzine vamwe vasiri Zvapupu:

• Dzidza mabhuku matsva awakawana kugungano reruwa.

• Verenga Mabhuku Egore aiye zvino neakare.

• Tsvakurudza mibvunzo inowanzobvunzwa mundima menyu.

• Gadzirira mharidzo dzokushandisa mubasa romumunda.

Zvemhuri dzine vana vaduku:

• Itai mitambo yezviri muBhaibheri.

• Itai mitambo inoita kuti vana vasakanganwa yakadai seiri papeji 30 ne31 dzeAwake!

• Imbopotai muchiita zvimwe zvinoda kufunga moga. (Onai nyaya inoti “Kufunda Bhaibheri Munzvimbo Inochengeterwa Mhuka” iri muMukai! yaMarch 8, 1996, mapeji 16-19.)

• Kurukurai nyaya dziri muNharireyomurindi dzinoti “Dzidzisa Vana Vako.”