Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ndiye Mugove Wangu

Jehovha Ndiye Mugove Wangu

Jehovha Ndiye Mugove Wangu

“Ini ndini mugove wako nenhaka yako pakati pevanakomana vaIsraeri.”—NUM. 18:20.

1, 2. (a) VaRevhi vakaitirwei panyaya yokugovewa kwenhaka? (b) Jehovha akavimbisei vaRevhi?

PASHURE pokunge vaIsraeri vatora chikamu chikuru cheNyika Yakapikirwa, Joshua akaisa pfungwa dzake pakuigova achishandisa mujenya. Aizozviita achibatsirwa noMupristi Mukuru Eriyezari nevakuru vemadzinza acho. (Num. 34:13-29) Asi vaRevhi vaisafanira kupiwa nzvimbo yaizova nhaka yavo semamwe madzinza. (Josh. 14:1-5) Nei vaRevhi vasina kupiwa nhaka kana kuti mugove muNyika Yakapikirwa? Zvinoreva here kuti dzinza ravo rakanga rangosiyiwa?

2 Mhinduro yacho iri pane zvakaudzwa vaRevhi naJehovha. Achiratidza kuti vakanga vasiri kusiyiwa, Jehovha akavaudza kuti: “Ini ndini mugove wako nenhaka yako pakati pevanakomana vaIsraeri.” (Num. 18:20) Mashoko iwayo anoreva zvakadzama: “Ini ndini mugove wako”! Waizonzwa sei kudai Jehovha aizodaro kwauri? Zvimwe ungabva wafunga kuti, ‘Ini chaiye kuvimbiswa izvozvo neWemasimbaose?’ Pamwe ungafungawo kuti, ‘Zvingaita here kuti Jehovha ave mugove womuKristu asina kukwana?’ Mibvunzo iyoyo ine chokuita newe nehama dzako neshamwari. Saka ngationei kuti mashoko aMwari iwayo anorevei. Izvozvo zvichatibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anogona sei kuva mugove wevaKristu mazuva ano. Anogona kutova mugove wako, ungava uine tariro yokuenda kudenga kana kuti yokugara muparadhiso pasi pano.

VaRevhi Vaipiwa Zvokurarama Nazvo naJehovha

3. Chii chakaita kuti Mwari atore vaRevhi kuti vaite basa rake?

3 Jehovha asati apa vaIsraeri Mutemo, misoro yemhuri ndiyo yaishanda sevapristi murudzi rwacho. Paakazopa Mutemo, akaita kuti pave nevanhu vaingoita basa roupristi chete nevamwe vaivabatsira vedzinza raRevhi. Zvakafamba sei kuti zvidaro? Mwari paakaparadza matangwe evaIjipiti, akatsaura matangwe evaIsraeri, kuti ave ake. Mwari akabva achinja zvinhu achiti: “Ini ndinotora vaRevhi . . . panzvimbo pematangwe ose pakati pevanakomana vaIsraeri.” Sezvo matangwe echirume evaIsraeri akanga akawandisa kupfuura vaRevhi, pakabhadharwa mutengo wokudzikinura vakanga vakawandisa vacho. (Num. 3:11-13, 41, 46, 47) Saka vaRevhi vaigona kuvamiririra pakushumira Mwari waIsraeri.

4, 5. (a) Chii chinorehwa nokuti Mwari aiva mugove wevaRevhi? (b) Mwari aipa sei vaRevhi zvokurarama nazvo?

4 Basa iroro raireva kuti Jehovha aizova mugove wevaRevhi. Pane kuti vapiwe nzvimbo yaizova nhaka yavo, vakapiwa basa rakanga rakakosha chaizvo. Nhaka yavo yaizova “upristi hwaJehovha.” (Josh. 18:7) Ndima iri kutangira Numeri 18:20 uye dziri kuitevera dzinoratidza kuti izvi zvaisazovaita varombo. (Verenga Numeri 18:19, 21, 24.) VaRevhi vaifanira kupiwa “zvegumi zvose pakati paIsraeri kuti ive nhaka nokuda kwebasa ravo.” Vaizowana chegumi chezvose zvairimwa nevaIsraeri uye chezvipfuwo zvavo pazvaiwedzera. VaRevhi vaifanirawo kupa chegumi chezvavaiwana, ‘zvakanakisisa zvacho,’ kuti vatsigire vapristi. * (Num. 18:25-29) Vapristi vaipiwawo “mipiro yose mitsvene” yaiuya nevanakomana vaIsraeri kuna Mwari panzvimbo yaainamatirwa. Saka mhuri dzevapristi dzaigona kuva nechivimbo chokuti Jehovha aizovapa zvokurarama nazvo.

5 Kunenge kuti Mutemo waMosesi waiva nohumwe urongwa hwechipiri hwechegumi, chaichengetwa nemhuri kuti izodya ichifara pakuungana kutsvene kwaiitwa gore negore. (Dheut. 14:22-27) Zvisinei pakupera kwegore rechitatu nerechitanhatu roga roga resabata remakore manomwe, chegumi ichi chaiiswa pagedhi kuti varombo nevaRevhi vabatsirwe. VaRevhi vaipirwei? Nokuti vaisava ne“nhaka kana mugove” pakati paIsraeri.—Dheut. 14:28, 29.

6. Sezvo vaRevhi vasina kupiwa mugove pakagovewa nyika muIsraeri, vaizogara kupi?

6 Pamwe ungati, ‘Kana vaRevhi vakanga vasina kupiwa nzvimbo yavo pakagovewa nyika, vaizogara kupi?’ Mwari akavapa pokugara. Akavapa maguta 48 pamwe nemafuro akanga akaapoteredza. Maguta aya aisanganisira matanhatu okupotera. (Num. 35:6-8) Saka vaRevhi vaiva nepokugara panguva yavakanga vasingashumiri kunzvimbo tsvene yaMwari. Jehovha aipa vaya vaishanda nesimba mubasa rake zvinhu zvakawanda. Zviri pachena kuti vaRevhi vaiva nomukana wokuratidza kuti Jehovha aiva mugove wavo nokuvimba kuti aida uye aiva nesimba rokuvatsigira.

7. VaRevhi vaifanira kuita sei kuti Jehovha ave mugove wavo?

7 Hapana mashoko aiva muMutemo aitaura kuti muIsraeri aifanira kurangwa kana akasapa chegumi. Vanhu pavairega kupa chegumi, vapristi nevaRevhi vaiomerwa. Izvozvo zvakaitika mumazuva aNehemiya. Izvi zvakaita kuti vaRevhi vaende kunoshanda kuminda yavo, vachisiya basa ravo. (Verenga Nehemiya 13:10.) Zvaiva pachena kuti kuwana kwevaRevhi chokurarama nacho kwaibva pakusimba kwemanamatiro evaIsraeri vose. Uyezve vapristi nevaRevhi pachavo vaifanira kutenda muna Jehovha uye nzira dzake dzokuvatsigira nadzo.

Mienzaniso yevaRevhi Vakaita Kuti Jehovha Ave Mugove Wavo

8. Tsanangura dambudziko rakasangana nomumwe muRevhi ainzi Asafi.

8 VaRevhi vose sedzinza vaifanira kuita Jehovha mugove wavo. Asi chinofadza ndechokuti pane vamwe vaRevhi vakataura kuti, “Jehovha ndiye mugove wangu” vachiratidza kuti vakazvipira kuna Mwari uye vaivimba naye. (Mari. 3:24) Mumwe muRevhi akadaro aiva munyori wenziyo uye muimbi. Tichamuti Asafi, kunyange angave aiva weimba yaAsafi, muRevhi aitungamirira vaimbi mazuva aMambo Dhavhidhi. (1 Mak. 6:31-43) MuPisarema 73 tinoverenga kuti Asafi (kana kuti mumwe wevazukuru vake) akazvidya mwoyo. Akachiva vanhu vakaipa vaibudirira muupenyu uye akatosvika pakuti: “Chokwadi ndakachenesa mwoyo wangu pasina uye ndakageza maoko angu mukusava nemhosva pasina.” Zviri pachena kuti akanga asisaoni kukosha kwebasa raaiita; akanga asisafungi kuti Jehovha ndiye aiva mugove wake. Zvakamunetsa “kusvikira [apinda] munzvimbo tsvene yaMwari.”—Pis. 73:2, 3, 12, 13, 17.

9, 10. Asafi airevei paakati Mwari aiva ‘mugove wake nokusingagumi’?

9 Ava munzvimbo tsvene, Asafi akatanga kuona zvinhu semaonerwo azvaiitwa naMwari. Izvozvo zvingave zvakatomboitika kwauri. Pamwe wakatombosvika pakusaona zvikomborero zvawakapiwa naMwari ukatanga kuisa pfungwa dzako pane zvawaishayiwa. Asi kudzidza Bhaibheri nokuenda kumisangano yechiKristu kwakaita kuti uone zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha. Asafi akazonzwisisa zvaizopedzisira zvaitika kuvanhu vakaipa. Akafunga nezvoupenyu hwake akaona kuti Jehovha aizomubata ruoko rwake rwerudyi omutungamirira. Saka Asafi aigona kuti kuna Jehovha: “Handina chimwe chandinofarira panyika kunze kwenyu.” (Pis. 73:23, 25) Akabva ataura nezvaJehovha somugove wake. (Verenga Pisarema 73:26.) Kunyange zvazvo ‘muviri nomwoyo’ zvomunyori uyu wepisarema zvaizokundikana, Mwari aizova ‘mugove wake nokusingagumi.’ Munyori uyu wepisarema aivimba kuti Jehovha aizomuyeuka seshamwari yake. Aisazokanganwa kumushumira kwaaiita akatendeka. (Mup. 7:1) Izvozvo zvinofanira kuva zvakakurudzira Asafi chaizvo! Akaimba kuti: “Kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira. Ndakaita Changamire Ishe Jehovha nzvimbo yangu yokupotera.”—Pis. 73:28.

10 Kupiwa naJehovha zvokurarama nazvo somuRevhi handiko kwoga kwaiita kuti Asafi aone Mwari somugove wake. Chaainyanya kutaura nezvacho iropafadzo yake yokushumira Jehovha uye ushamwari hwaakanga ainahwo noWokumusorosoro. (Jak. 2:21-23) Kuti achengetedze ukama ihwohwo, munyori uyu wepisarema aifanira kuramba achitenda muna Jehovha, achivimba naye. Asafi aifanira kuva nechivimbo chokuti pakupedzisira aizopiwa mubayiro kana akararama maererano nezvinodiwa naMwari. Iwe unogonawo kuvimba neWemasimbaose saizvozvo.

11. Jeremiya aiva nomubvunzo upi, uye wakapindurwa sei?

11 Muprofita Jeremiya mumwe muRevhi aiona Jehovha somugove wake. Ngatikurukurei kuti airevei paakataura mashoko iwayo. Jeremiya aigara muAnatoti, guta revaRevhi raiva pedyo neJerusarema. (Jer. 1:1) Jeremiya akambozvidya mwoyo chaizvo: Nei vakaipa vaibudirira asi vakarurama vachitambura? (Jer. 12:1) Zvaakaona zvichiitika muJerusarema neJudha, zvakaita kuti ‘anyunyute.’ Jeremiya aiziva kuti Jehovha akarurama. Mubvunzo waJeremiya wakazonyatsopindurwa nemashoko aakanzi naJehovha aprofite uye kuzadziswa kwaakazoitwa. Maererano nouprofita hwaMwari, vaya vakateerera zvakataurwa naJehovha ‘vakawana mweya yavo sezvakapambwa,’ asi vakaipa vasina kuteerera vakaparara pasinei nokubudirira kwavo.—Jer. 21:9.

12, 13. (a) Chii chakaita kuti Jeremiya ati: “Jehovha ndiye mugove wangu,” uye akaratidza mafungiro api? (b) Nei madzinza ose aIsraeri aifanira kudzidza kumirira Jehovha?

12 Jeremiya paakazotarira nyika yavo yakanga yaparadzwa, akanzwa sokuti aifamba murima. Zvaiita sokuti Jehovha akanga amugarisa “munzvimbo dzine rima sevanhu vakafa kare kare.” (Mari. 1:1, 16; 3:6) Jeremiya akanga audza rudzi rwacho rwakapanduka kuti rudzoke kuna Baba varwo vokudenga, asi rwakanga rwaipa zvokuti Mwari aifanira kurega Jerusarema neJudha zvichiparadzwa. Izvozvo zvakarwadza Jeremiya, kunyange aisava nemhosva. Achitambura kudaro, muprofita wacho akayeuka ngoni dzaMwari. Akati: “Hatina kupera.” Zvechokwadi, ngoni dzaJehovha itsva mangwanani oga oga! Ipapo Jeremiya ndipo paakati: “Jehovha ndiye mugove wangu.” Akaramba aine ropafadzo yokushumira Jehovha somuprofita.—Verenga Mariro 3:22-24.

13 Kwemakore 70 vaIsraeri vaisazova munyika yavo. Yaizova dongo. (Jer. 25:11) Asi mashoko aJeremiya okuti “Jehovha ndiye mugove wangu” anoratidza kuvimba kwaaiita nengoni dzaMwari, uye zvakaita kuti ‘amirire.’ Madzinza ose aIsraeri akanga arasikirwa nenhaka dzawo, saka aifanira kudzidza kumirira Jehovha sezvaiitwa nomuprofita wacho. Jehovha ndiye aiva tariro yavo chete. Papera makore 70, vanhu vaMwari vakadzorerwa kunyika yavo uye vakava neropafadzo yokumushumira ikoko.—2 Mak. 36:20-23.

Vamwewo Vaigona Kuita Kuti Jehovha Ave Mugove Wavo

14, 15. Kunze kwevaRevhi, ndiani mumwe akaita kuti Jehovha ave mugove wake, uye chii chakaita kuti adaro?

14 Asafi naJeremiya vaiva vedzinza raRevhi, asi vaRevhi chete ndivo vaigona kuva neropafadzo yokushumira Jehovha here? Kana! Wechiduku Dhavhidhi, uyo aizova mambo waIsraeri, akadana Mwari kuti “mugove wangu munyika yevapenyu.” (Verenga Pisarema 142:1, 5.) Dhavhidhi paakanyora pisarema iri, akanga asiri muimba youmambo kana kuti kunyange mumba make. Aiva mubako, achihwanda vavengi vake. Kanenge kaviri, Dhavhidhi akahwanda mumapako, rimwe riri pedyo neAdhuramu uye rimwe riri murenje reEni-gedhi. Angangova akanyora Pisarema 142 ari mune rimwe remapako aya.

15 Kana zvirizvo, Mambo Sauro ndiye aivhima Dhavhidhi, achitsvaka kumuuraya. Dhavhidhi akatizira kubako rakanga rakaoma kusvika. (1 Sam. 22:1, 4) Ari kure ikoko, Dhavhidhi anogona kunge akaona sokuti akanga asina shamwari yaimutsigira ichimudzivirira. (Pis. 142:4) Ipapo ndipo paakashevedzera kuna Mwari.

16, 17. (a) Ndezvipi zvakaita kuti Dhavhidhi anzwe apererwa? (b) Dhavhidhi aigona kutsvaka rubatsiro kuna ani?

16 Dhavhidhi anogona kunge akanyora Pisarema 142, aziva zvakanga zvaitika kuMupristi Mukuru Ahimereki, uyo akazvipinza munyatwa asingazivi paakamubatsira achitiza Sauro. Mambo Sauro aiva negodo akaita kuti Ahimereki neimba yake vaurayiwe. (1 Sam. 22:11, 18, 19) Dhavhidhi ainzwa sokuti ndiye akanga avaurayisa. Zvaiita sokuti akanga auraya mupristi akanga amubatsira. Kudai waiva iwe Dhavhidhi, ungadai wakanzwa saizvozvo here? Chimwe chakawedzera kushushikana kwaDhavhidhi ndechokuti aishaya zororo nokuti aingodzingirirwa naSauro.

17 Pasina nguva muprofita Samueri uyo akanga azodza Dhavhidhi kuti azova mambo, akafa. (1 Sam. 25:1) Izvozvo zvingave zvakawedzera kuita kuti Dhavhidhi anzwe apererwa. Asi Dhavhidhi aiziva kwokutsvaka rubatsiro, kuna Jehovha. Dhavhidhi akanga asina ropafadzo yokushumira yaiva nevaRevhi, asi akanga atozodzwa kuti aite rimwe basa, rokuzova mambo wevanhu vaMwari. (1 Sam. 16:1, 13) Saka, Dhavhidhi akaudza Jehovha zvose zvaiva kutsi kwomwoyo uye akaramba achitsvaka kubatsirwa naye. Iwewo unogona kuita kuti Mwari ave mugove wako uye nzvimbo yako yokupotera sezvaunoshanda nesimba mubasa rake.

18. Vanhu vatakurukura nezvavo munyaya ino vakaratidza sei kuti Jehovha aiva mugove wavo?

18 Vanhu vatakurukura nezvavo vakaita kuti Jehovha ave mugove wavo pakuti vakabvuma basa rokumushumira. Vakavimba naMwari kuti avape zvokurarama nazvo sezvavaimushumira. VaRevhi nevamwe vemadzinza aIsraeri vakadai saDhavhidhi, vaigona kuita kuti Mwari ave mugove wavo. Iwewo ungaita sei kuti Jehovha ave mugove wako? Tichakurukura izvozvo munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mashoko akawanda okuti vapristi vaitsigirwa sei, ari muInsight on the Scriptures, Volume 2, peji 684.

Ungapindura Sei?

• Jehovha aiva mugove wevaRevhi pakuti kudini?

• Asafi, Jeremiya, naDhavhidhi vakaitei zvairatidza kuti Jehovha ndiye aiva mugove wavo?

• Unofanira kuitei kuti Jehovha ave mugove wako?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

VaRevhi havana kupiwa nhaka. Jehovha ndiye aiva mugove wavo, nokuti vaiva neropafadzo yakakura yokumushumira

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jehovha aiva mugove wevapristi nevaRevhi pakuti kudini?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Chii chakabatsira Asafi kuramba achiita kuti Jehovha ave mugove wake?