Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuverenga Bhaibheri Ndiko Kunondipa Simba Muupenyu

Kuverenga Bhaibheri Ndiko Kunondipa Simba Muupenyu

Kuverenga Bhaibheri Ndiko Kunondipa Simba Muupenyu

Yakataurwa naMarceau Leroy

“PAKUTANGA Mwari akasika matenga nenyika.” Aya ndiwo mashoko andakatanga kuverenga ndiri ndoga muimba yangu yokurara. Ndaiverengerei pachivande? Chokwadi, baba vangu avo vaisatombotenda kuti kuna Mwari, vaisazofarira kuti ndiverenge bhuku raiva mumaoko mangu, Bhaibheri.

Ndakanga ndisati ndamboverenga Bhaibheri, uye mashoko okutanga iwayo aGenesisi akandikanga mate mukanwa. Ndakafunga kuti, ‘Ndazowana mhinduro pamusoro pokurongeka kwakaita zvinhu zvose zvinooneka uko kwandaishaya kuti kwakavapo sei!’ Ndanakidzwa, ndakaverenga kubva na8:00 dzemanheru kusvika na4:00 mangwanani. Handina kuzombobvira ndaregedza kuverenga Shoko raMwari. Regai nditsanangure kuti kuverenga Bhaibheri kunondipa sei simba muupenyu.

“Unenge Wava Kutozofanira Kuriverenga Mazuva Ose”

Ndakazvarwa muna 1926 kuVermelles, musha wepamugodhi wemarasha uri kuchamhembe kweFrance. Panguva yehondo yenyika yechipiri, marasha aikosheswa nehurumende. Saka kushanda mumugodhi kwakaita kuti ndisaendeswa kuchiuto. Asi kuti ndizvisimudzirewo muupenyu, ndakatanga kudzidza nezvemawairesi uye magetsi, izvo zvakandibatsira kunzwisisa kuti zvinhu zvose zvinooneka zvakarongeka. Pandakanga ndava nemakore 21, mumwe wandaidzidza naye akandipa Bhaibheri achiti, “Bhuku iri rinobatsira kana ukariverenga.” Ndakazosara ndopedza kuriverenga ndatova nechokwadi kuti Bhaibheri iShoko raMwari, raakanyorera vanhu vose kuti vamuzive.

Ndakatsvaka maBhaibheri masere ndichifunga kuti vavakidzani vangu vaizonakidzwawo vakariverenga. Chakandishamisa ndechokuti vakatondiseka uye kundiitisa nharo. Hama dzangu dzaitenda mashura dzakandinyevera kuti, “Ukangotanga kuverenga bhuku iri, unenge wava kutozofanira kuriverenga mazuva ose!” Ndizvo chaizvo zvandakaita, uye handimbozvidembi. Handina kuzomborega kuriverenga kusvikira nhasi.

Vaona kufarira kwandaiita Bhaibheri, vamwe vavakidzani vakandipa mabhuku eZvapupu zvaJehovha avakanga vapiwa. Tubhuku twakadai saOne World, One Government * (Nyika Imwe, Hurumende Imwe, kari kuratidzwa pano muchiFrench) twaitsanangura kuti sei Bhaibheri richiti Umambo hwaMwari ndiyo chete tariro yevanhu. (Mat. 6:10) Shungu dzangu dzokuudza vamwe nezvetariro iyi dzakawedzera.

Munhu wandakatanga kupa Bhaibheri akabvuma ndiNoël, wandaishamwaridzana naye tichiri vaduku. Semunhu aipinda chechi yeRoma, akaronga kuti tinoona mumwe murume aidzidzira upristi. Ndakamboti ityei, asi ndaiziva kuti mashoko ari pana Pisarema 115:4-8 uye Mateu 23:9, 10 anoratidza kuti Mwari haabvumiri kushandisa zvidhori pakunamata uye kudana vafundisi nemazita okuremekedza. Izvi zvakandipa ushingi hwokuti ndidzivirire kutenda kwangu kutsva. Izvozvo zvakaita kuti Noël agamuchire chokwadi, uye nanhasi achiri Chapupu chakatendeka.

Ndakashanyirawo hanzvadzi yangu. Murume wake aiva nemabhuku aitaura nezvemidzimu uye ainetswa nemadhimoni. Kunyange zvazvo pakutanga ndaizeza, ndima dzeBhaibheri dzakadai saVaHebheru 1:14 dzakandipa chivimbo chokuti ndaitsigirwa nengirozi dzaJehovha. Mukwasha wangu paakashandisa zvinodzidziswa neBhaibheri uye paakarasa zvose zvaiva nechokuita nemidzimu, madhimoni akabva asiyana naye. Iye nehanzvadzi yangu vakazova Zvapupu zvinoshingaira.

Muna 1947 chimwe Chapupu chaibva kuUnited States, Arthur Emiot, chakandishanyira pamba pangu. Ndanakidzwa nezvataikurukura, ndakamubvunza kuti Zvapupu zvaiungana kupi. Akandiudza kuti pane boka raiva muLiévin, anenge makiromita 10 kubva pandaigara. Mazuva iwayo bhasikoro chairo rakanga risiri nyore kuwana, saka kwemwedzi yakati kuti ndaienda nokudzoka kumisangano netsoka. Akanga ava makore masere basa reZvapupu zvaJehovha rarambidzwa muFrance. Munyika yacho yose maingova neZvapupu 2 380, vazhinji vacho vachibva kuPoland. Asi musi waSeptember 1, 1947, basa redu muFrance rakabvumirwa nomutemo zvakare. Hofisi yebazi yakavhurwazve muVilla Guibert, kuParis. Nemhaka yokuti maisambova napiyona mumwe chete zvake muFrance, Informant (yava kunzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo) yaDecember 1947 yakakumbira vanhu kutora upiyona hwenguva dzose, uhwo hwaiitwa maawa 150 pamwedzi. (Muna 1949 maawa acho akazoderedzwa kuva 100.) Ndichinyatsobvumirana nemashoko aJesu ari pana Johani 17:17 anoti, “Shoko [raMwari] ichokwadi,” ndakabhabhatidzwa muna 1948, uye muna December 1949, ndakava piyona.

Kubuda Mujeri Uye Kudzokera kuDunkerque

Ndakatanga kutumirwa kuAgen, kumaodzanyemba kweFrance, asi handina kunyanya kugarako. Sezvo ndakanga ndasiya basa romumugodhi ndakanga ndava kutarisirwa kuti ndiende kuchiuto. Ndakaramba kupinda muchiuto, saka ndakaendeswa kujeri. Kunyange zvazvo ndaisabvumirwa kuva neBhaibheri, ndakakwanisa kuwana mapeji mashoma eMapisarema. Kuaverenga kwakandikurudzira. Pandakabudiswa mujeri, ndaifanira kuita chisarudzo: Ndorega basa renguva yakazara here kuti ndive nemusha wangu ndive neupenyu huri nani? Ipapo ndakabatsirwazve nezvandakanga ndaverenga muBhaibheri. Ndakafungisisa mashoko aPauro ari pana VaFiripi 4:11-13 anoti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.” Ndakasarudza kuenderera mberi nokupayona. Muna 1950, ndakanzi ndiende kundima itsva, kuDunkerque, guta randakanga ndamboparidzira.

Pandakasvikako, ndakanga ndisina chandiinacho. Guta racho rakanga rasakadzwa neHondo Yenyika II, uye pokugara pakanga pasiri nyore kuwana. Ndakafunga zvokushanyira imwe mhuri yandakanga ndambokurukura nayo, uye mudzimai wepo akafara chaizvo paakandiona achibva ati: “Aaa, VaLeroy, makabudiswa! Murume wangu anogara achitaura kuti kudai kwaiva nevanhu vakawanda vakaita semi, kwaisazombova nehondo.” Vaiva neimba yokurendesa kuvanhu vanouya kuzoona nzvimbo, saka vakandipa pokugara kusvikira panguva yaizotanga kuuya vanhu ava. Pazuva iroro, Evans, mukoma waArthur Emiot, akandiwanisa basa. * Aiva muturikiri pachiteshi chengarava uye aitsvaka munhu anorinda ngarava usiku. Akandisuma kune mumwe wevakuru vengarava yacho. Pandakabuda mujeri, ndakanga ndapera zvokusara musoro chete. Evans paakatsanangura kuti nei ndakanga ndakadaro, mukuru uya wengarava akandiudza kuti ndidye zvinhu zvaiva mufiriji. Pazuva rimwe chete iroro, ndakawana pokugara, basa, uye zvokudya! Chivimbo changu mumashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 6:25-33 chakasimbiswa chaizvo.

Pakatanga kusvika vanhu vanouya kuzoona nzvimbo, ini naSimon Apolinarski wandaipayona naye, taifanira kutsvaka pamwe pokugara, asi takanga tatsidza kuramba tiri munzvimbo iyi. Takapiwa pokugara muimba yemabhiza yakanga yava nemakore, umo matairara pauswa. Taipedza zuva rose tiri muushumiri. Takapupurira muridzi weimba yacho yemabhiza akava mumwe wevakawanda vakagamuchira chokwadi. Hapana kutora nguva pasati pabuda imwe nyaya mupepanhau yainyevera vanhu vaigara muDunkerque kuti “Zvapupu zvaJehovha zvanetsa munzvimbo ino.” Asi ini naSimon nevamwe vaparidzi vashomanana ndisu taingova Zvapupu munzvimbo yacho! Pataiomerwa nezvinhu, taikurudzirwa nokufungisisa tariro yedu yechiKristu uye kufunga machengeterwo atakanga taitwa naJehovha. MuDunkerque makanga mava nevaparidzi vaishuma mwedzi yose vanenge 30 pandakachinjirwa kune imwe nzvimbo muna 1952.

Kusimbiswa Kuti Ndiite Mamwe Mabasa

Pashure penguva pfupi ndiri muguta reAmiens, ndakatumirwa kunoshumira sapiyona chaiye kuBoulogne-Billancourt, muParis. Ndakadzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda, uye vamwe vacho vakazova mubasa renguva yakazara uye vamwe vakava mamishinari. Mumwe murume wechiduku, Guy Mabilat, akagamuchira chokwadi uye akazova mutariri wedunhu uye weruwa. Akazotarisira kuvakwa kweimba yokudhinda mabhuku paBheteri riri muLouviers, kachinhambwe kubva kuParis. Kugara ndichikurukura Bhaibheri nevanhu muushumiri kwakaita kuti Shoko raMwari rinyatsopinda mumusoro mangu, zvikaita kuti ndigare ndichifara uye ndivandudze kudzidzisa kwangu.

Ndisingatombofungiri, muna 1953 ndakagadzwa kuti ndive mutariri wedunhu kuAlsace- Lorraine, nharaunda yakambotorwa neGermany kaviri kose pakati pa1871 na1945. Saka ndaifanira kudzidza chiGerman. Asi wakanga usiri upenyu hunosuwisa kana wokuzviomesera. Pandakatanga basa redunhu munzvimbo iyoyo makanga musina motokari dzakawanda, maTV, kana matapureta, uye kwakanga kusina maredhiyo kana makombiyuta. Asi upenyu hwangu hwakanga husiri hwokungogara ndakasuwa, ndisina kana nguva yokumbofara. Chokwadi ndechekuti inguva yaifadza chaizvo. Sezvo ndaitevera zano reBhaibheri rokuramba ndiine ‘ziso rakanaka’ ndinotoona kuti kwaive nezvinhu zvishoma zvaigona kundikanganisa kushumira Jehovha pane zvavako mazuva ano.—Mat. 6:19-22.

Handikanganwi Gungano rakaitirwa muParis muna 1955 raiva nemusoro wokuti “Umambo Hunokunda.” Ndiko kwandakasangana naIrène Kolanski, uyo akazova mudzimai wangu. Akanditangira kuita basa renguva yakazara negore. Vabereki vake vaibva kuPoland vakanga vava nenguva vari Zvapupu zvaishingaira. Vari muFrance vakashanyirwa naAdolf Weber. Akanga amboshandira Hama Russell uye akanga auya kuEurope kuti azozivise mashoko akanaka. Ndakaroora Irène muna 1956, uye takapinda tose mubasa redunhu. Zvechokwadi anditsigira zvakanaka mumakore ose aya!

Pashure pemakore maviri, ndakagadzwa kuva mutariri weruwa ndisingafungiri zvakare. Asi nemhaka yokuti kwaiva nehama shoma dzaitungamirira, ndakaenderera mberi nokushanyira dzimwe ungano semutariri wedunhu. Ndakanga ndakabatikana zvikuru! Kuwedzera pakuparidza maawa 100 pamwedzi, vhiki yoga yoga ndaifanira kupa hurukuro, ndaishanyira zvidzidzo zvebhuku zvitatu, ndaiongorora zvinyorwa, uye ndainyora mishumo. Saka ndaizowana sei nguva yokuverenga Shoko raMwari? Ndaibvarura mapeji erimwe Bhaibheri rekare uye ndaigara nemamwe acho. Pose pandaimirira mumwe munhu wandainge ndarangana naye, ndaitora mapeji acho ndoverenga. Nguva dzakadaro dzokuzorodzwa pakunamata dzakandisimbisa kuti ndirambe ndichiita basa rangu.

Muna 1967, ini naIrène takakokwa kuti tinoshanda paBheteri muBoulogne-Billancourt. Ndakatanga kushanda muDhipatimendi reBasa, uye ndava nemakore anopfuura 40 ndirimo. Chinofadza pabasa rangu kupindura tsamba dzinotumirwa dziine mibvunzo yemuBhaibheri. Ndinofarira chaizvo kuongorora Shoko raMwari uye ‘kudzivirira mashoko akanaka!’ (VaF. 1:7) Ndinonakidzwawo nokutungamirira pakunamata kwemangwanani tisati tadya. Muna 1976, ndakagadzwa kuva nhengo yeDare reBazi muFrance.

Upenyu Hwakanakisisa

Kunyangwe zvazvo ndakambosangana nenguva dzakaoma, nguva yakanyanya kuomera ini naIrène ndiyo yatiri nokuti hatichagoni kuita zvimwe zvinhu nokukura uye kurwara. Kunyange zvakadaro kuverenga nokudzidza Bhaibheri pamwe chete kunoita kuti tirambe tiine tariro. Zvinotinakidza chaizvo patinokwira bhazi tichienda kundima yeungano yedu kunoudza vamwe nezvetariro iyi. Tikasanganisa makore atapedza tiri mubasa renguva yakazara anopfuura 120. Ruzivo rwatava narwo runoita kuti tikurudzire nemwoyo wose vaya vanoda kuva neupenyu hunonakidza, hunofadza uye hune chinangwa kuti vatevere nzira iyi. Mambo Dhavhidhi paakanyora mashoko ePisarema 37:25, akanga ‘akwegura,’ asi kufanana naye, “handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose.”

Kweupenyu hwangu hwose, Jehovha ari kundisimbisa achishandisa Shoko rake. Hama dzangu dzakandiudza makore anopfuura 60 adarika kuti ndichaverenga Bhaibheri kweupenyu hwose. Vakataura chokwadi. Ndinoriverenga zuva nezuva uye handitombozvidembi!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kakabudiswa muna 1944, asi iye zvino hakachadhindwi.

^ ndima 14 Mamwe mashoko anotaura nezvaEvans Emiot ari Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1999, mapeji 22 ne23.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Ndiina Simon

[Mufananidzo uri papeji 5]

Bhaibheri rakafanana nerandakatanga kupiwa

[Mufananidzo uri papeji 5]

Pandaiva mutariri weruwa

[Mufananidzo uri papeji 6]

Zuva ratakachata

[Mufananidzo uri papeji 6]

Ini naIrène tinonakidzwa nokuverenga uye kudzidza Shoko raMwari