Mhanya Nhangemutange Nokutsungirira
Mhanya Nhangemutange Nokutsungirira
“Ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.”—VAH. 12:1.
1, 2. Muapostora Pauro akafananidza upenyu hwomuKristu nechii?
GORE negore, mijaho yemadaro marefu inoitwa munzvimbo dzakawanda. Dzinonzi shasha dzokumhanya, dzinomhanya nechinangwa chimwe chete chokuhwina. Vamwe vakawanda vanenge vasina havo chinangwa ichocho. Chavanongokoshesa, kusvika kunoperera mujaho wacho.
2 Bhaibheri rinofananidza upenyu hwomuKristu nenhangemutange. Muapostora Pauro akayeuchidza vaKristu vaiva muguta rekare reKorinde nezvepfungwa iyi mutsamba yokutanga yaakavanyorera. Akanyora kuti: “Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vose, asi mumwe chete ndiye anogamuchira mubayiro? Mhanyai saizvozvo kuti muuwane.”—1 VaK. 9:24.
3. Nei Pauro akataura kuti mumhanyi mumwe chete ndiye anohwina?
3 Pauro aireva here kuti munhu mumwe chete pavaKristu ivavo ndiye aizowana mubayiro woupenyu vamwe vose vachimhanyira pasina? Kana! Vamhanyi vaidzidzira uye vaishanda nesimba vaine chinangwa chokuhwina. Pauro aida kuti vaKristu ivavo vashandewo nesimba munhangemutange youpenyu husingaperi. Izvozvo zvaizoita kuti vave netariro yokuwana mubayiro woupenyu. Saka munhangemutange yechiKristu, vose vanopedza kumhanya vanowana mubayiro.
4. Tinofanira kufungei nezvenhangemutange yatakaisirwa pamberi pedu?
4 Mashoko iwayo anokurudzira vose vaya vari munhangemutange youpenyu iye zvino, asi anoitawo kuti vafunge. Nemhosva yei? Nokuti mubayiro wacho, ungava woupenyu kudenga kana kuti muParadhiso pasi pano, hauna chaungaenzaniswa nacho. Ichokwadi kuti daro racho irefu uye rinotoda kusunga dzisimbe; pane zvakawanda zvinopinganidza, zvinotsausa, uye ngozi. (Mat. 7:13, 14) Zvinosuwisa kuti vamwe vakatanga kumhanya zvishoma nezvishoma, vamwe vakatorega kumhanya kana kuti vakatowa. Ingozi dzipi dziripo munhangemutange youpenyu? Ungadzinzvenga sei? Ungaitei kuti upedze kumhanya wowana mubayiro?
Tinoda Kutsungirira Kuti Tihwine
5. Sezvakanyorwa pana VaHebheru 12:1, Pauro akatii nezvenhangemutange?
5 Mutsamba yaakanyorera vaKristu vechiHebheru vaiva muJerusarema neJudhiya, Pauro akataurazve nezvekumhanya. (Verenga VaHebheru 12:1.) Akataura nezvechikonzero chokupinda munhangemutange yacho uyewo zvinofanira kuitwa nomunhu kuti ahwine. Tisati taongorora zano raPauro rakafemerwa raakanyorera vaKristu vechiHebheru kuti tione zvatinodzidza, ngatimbokurukurei zvakaita kuti anyore tsamba yacho uye zvaaikurudzira vaverengi vake kuita.
6. Vakuru vechitendero vaiomesera sei vaKristu?
6 VaKristu vemuzana remakore rokutanga, kunyanya vaigara muJerusarema neJudhiya, vaiva mumiedzo yakawanda nematambudziko. Vakuru vechitendero vechiJudha vaimanikidza Mab. 4:1-3; 5:17, 18; 6:8-12; 7:59; 8:1, 3.
vanhu kuti vaite zvavaida. Varume ivava vakanga vambobudirira kuurayisa Jesu Kristu vachimupomera kuti aiva mupanduki uye munhu aityora mutemo. Uye vakanga vasiri kuzokanda mapfumo pasi. Mubhuku raMabasa, tinoverenga nezvenhoroondo dzakawanda dzokutyisidzira uye kurwisa kwavaiita vaKristu, uye vakatanga pashure chaipo pezviitiko zvinoshamisa zvepaPendekosti ya33 C.E. Chokwadi izvi zvakaita kuti vakatendeka vaomerwe noupenyu.—7. Chii chakaita kuti nguva yakararama vaKristu vakanyorerwa tsamba naPauro ive yakaoma chaizvo?
7 VaKristu ivavo vairaramawo panguva iyo Jerusarema rakanga rava kuda kuparadzwa. Jesu akanga avaudza nezvekuparadzwa kwaizoitwa rudzi rwechiJudha rwakanga rusina kutendeka. Akanga avaudzawo nezvezvaizoitika nguva pfupi kuguma kusati kwasvika, achivataurira chaizvo zvavaifanira kuita kuti vapone. (Verenga Ruka 21:20-22.) Saka vaizoita sei? Jesu akanyevera kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo.”—Ruka 21:34.
8. Chii chingave chakaita kuti vamwe vaKristu vatange kushumira Mwari zvishoma nezvishoma kana kutorega kumushumira?
8 Pauro paakazonyorera vaHebheru tsamba yake, pakanga papfuura makore anenge 30 Jesu apa nyevero iyoyo. Nguva yose iyoyo yakaita kuti vaKristu vaite sei? Vamwe vakatsauswa nematambudziko oupenyu hwezuva nezuva vakatadza kufambira mberi pakunamata kuti varambe vakasimba. (VaH. 5:11-14) Zviri pachena kuti vamwe vakafunga kuti upenyu hwaizova nyore nokungoitawo zvaiitwa noruzhinji rwevaJudha vavaigara navo. Vangave vakafunga kuti pakanga pasina chakaipa nokuti vaJudha ivavo vakanga vasina kusiya Mwari zvachose; vakanga vachiri kuita zvimwe zvaidiwa noMutemo. Vamwe vaKristu vakanyengetedzwa kana kuti vakatyisidzirwa nevamwe vemuungano vaiedza kuvamanikidza kuchengeta Mutemo waMosesi uye tsika. Pauro aizotaurei zvaizobatsira hama dzake kuramba dzakasimba pakunamata dzichitsungirira munhangemutange?
9, 10. (a) Nechokunoperera chitsauko 10 chavaHebheru, tinoverenga nezvekurudziro ipi yaPauro? (b) Nei Pauro akanyora nezvemabasa okutenda ezvapupu zvekare?
9 Zvinofadza kuona nzira iyo Pauro akaedza kusimbisa nayo vaKristu vechiHebheru ivavo afemerwa naMwari. Muchitsauko 10 chetsamba yake, Pauro akataura kuti Mutemo waingova “mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya” uye akaratidza zvakajeka kukosha kwechibayiro chaKristu chorudzikinuro. Ava kupedza chitsauko ichocho, Pauro akarayira vaverengi vake kuti: “Munofanira kutsungirira, kuti kana maita zvinodiwa naMwari, mugamuchire kuzadzika kwechipikirwa. Nokuti ‘nguva dukuduku’ ichiripo, uye ‘iye anouya achasvika uye haanganonoki.’”—VaH. 10:1, 36, 37.
10 Muchitsauko 11 chaVaHebheru, Pauro anonyatsotsanangura nounyanzvi chinonzi kutenda kwechokwadi muna Mwari. Anozviita achishandisa mienzaniso yevarume nevakadzi vaiva nokutenda. Ikoko kwaiva kusiya musoro wenyaya here? Kana! Muapostora wacho aiziva kuti hama dzake dzaifanira kuziva kuti kutenda kwaida ushingi uye kutsungirira. Muenzaniso wakazonaka wevashumiri vaJehovha vekare ivavo waizosimbisa vaHebheru vacho kukunda miedzo nematambudziko zvavaisangana nazvo. Saka ataura mabasa okutenda evashumiri vaMwari vekare ivavo, Pauro akati: “Zvatiine gore guru kudai rezvapupu rakatikomba, ngatibviseiwo zvinhu zvose zvinorema nechivi chinotipingirisha nyore nyore uye ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.”—VaH. 12:1.
‘Gore Rezvapupu’
11. Kufunga ‘nezvegore guru rezvapupu’ kunogona kuita kuti tiite sei?
11 ‘Gore guru rezvapupu’ zvakararama chiKristu chisati chavapo raisangova vanhu vakamira vachiona uye vachikuza mumhanyi wavanofarira kana kuti boka revamhanyi kuti rihwine. Asi vaitovawo vamhanyi, uye vakanga vamhanya vakapedza. Kunyange zvazvo vakanga vafa, vaigona kuonekwa seshasha dzokumhanya dzaigona kukurudzira vamhanyi vatsva. Funga kuti mumhanyi aizonzwa sei kudai aiziva kuti akakombwa kana kuti akatariswa neshasha dzokumhanya. Zvaisazoita kuti ashande nesimba kana kuti aite zvose zvaanogona here? Zvapupu zvekare izvozvo zvaigona kupupura kuti nhangemutange yokufananidzira yakadaro inohwinika kunyange zvazvo yakaoma. Saka vaKristu vechiHebheru vemuzana remakore rokutanga pavaizoramba vachiyeuka muenzaniso ‘wegore rezvapupu,’ vaizokurudzirwa, ‘vomhanya nokutsungirira’ uye ndizvo zvatinogonawo kuita mazuva ano.
12. Tinodzidzei pamienzaniso yakataurwa naPauro?
12 Vakatendeka vakawanda vakataurwa naPauro vaiva nemamiriro ezvinhu akafanana needu. Somuenzaniso, Noa akararama apo nyika yepanguva yake yakanga yoda kuguma. Isu tiri kurarama pedyo nomugumo wenyika ino yakaipa. Abrahamu naSara vakanzi vatame munyika yavo kuti vanonamata Jehovha vachimirira kuzadziswa kwechipikirwa chake. Isu tinokurudzirwa kuzviramba kuti tifarirwe naJehovha uye atipe makomborero aakatichengetera. Mosesi akafamba nomurenje raityisa akananga kuNyika Yakapikirwa. Isuwo tiri kupfuura nomunyika ino yava kuda kuguma takananga kunyika itsva yakapikirwa. Zvechokwadi zvinokosha kuti tifunge nezvezvakaitika kuvanhu ava, zvavakabudirira pazviri nezvavakakundikana, uyewo zvavaikwanisa nezvavaisakwanisa.—VaR. 15:4; 1 VaK. 10:11.
Chii Chakavabatsira Kuti Vabudirire?
13. Nei zvinhu zvakanga zvisiri nyore kuna Noa, uye chii chakamubatsira kuti akunde?
13 Chii chakabatsira vashumiri vaJehovha ava kutsungirira uye kubudirira munhangemutange yacho? Ona zvakanyorwa naPauro nezvaNoa. (Verenga VaHebheru 11:7.) Noa ‘akanga asati amboona’ “mafashamo emvura panyika [ayo aizoparadza] nyama yose.” (Gen. 6:17) Mafashamo acho akanga asina kumbobvira aitika. Asi Noa haana kumbofunga kuti zvaisaita kuti mafashamo auye. Pamusana pei? Nokuti aitenda kuti chero zvaitaurwa naJehovha, zvaizoitika. Noa haana kufunga kuti zvaakanzi aite zvakanga zvakanyanya kuoma. Asi “akaita izvozvo chaizvo.” (Gen. 6:22) Kana tikafunga zvose zvaifanira kuitwa naNoa, kuvaka areka, kukokorodza mhuka, kuisa zvokudya zvevanhu nezvemhuka muareka, kuparidza achinyevera vanhu, uye kuita kuti mhuri yake igare yakasimba pakunamata, chokwadi kuita “izvozvo chaizvo” kwaisava nyore. Asi kutenda kwake nokutsungirira kwake zvakaita kuti iye nemhuri yake vapone uye vakomborerwe.
14. Abrahamu naSara vakatsungirira miedzo yakaita sei, uye tinodzidzei?
14 Abrahamu naSara ndivo vanotevera kutaurwa nezvavo naPauro ‘pagore rezvapupu zvakatikomba.’ Vakanzi vasiye upenyu hwavakanga vakajaira muUri, uye vaisaziva kuti ramangwana ravo rakanga rakaita sei. Ivo mienzaniso yokutenda kwakasimba uye yokuteerera munguva dzakaoma. Kana tikafunga zvose zvaakaitwa naAbrahamu kuti atsigire kunamata kwakachena, zvakakodzera kuti anzi “baba vevaya vose vanotenda.” (VaR. 4:11) VaKristu vechiHebheru vaitoziva nezveupenyu hwaAbrahamu, saka Pauro akangotaura nezvemabasa makuru chete okutenda. Kunyange zvakadaro, chidzidzo chakataurwa naPauro chakakura: “Ivava vose [kusanganisira Abrahamu nemhuri yake] vakafa vachitenda, kunyange vasina kuwana kuzadzika kwezvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakazivisa pachena kuti vakanga vari vaeni nevagari venguva duku munyika yacho.” (VaH. 11:13) Zviri pachena kuti kutenda kwavo muna Mwari uye ukama hwavo naye zvakavabatsira kumhanya nokutsungirira.
15. Chii chakaita kuti Mosesi ararame sezvaakaita?
15 Mumwe mushumiri waJehovha akaratidza muenzaniso wakanaka anotaurwa ‘pagore rezvapupu’ ndiMosesi. Mosesi akasiya upenyu hwomutambarakede, “achisarudza kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari.” Chii chakaita kuti adaro? Pauro akapindura kuti: “Akatarira kuripwa kwomubayiro. . . . Akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (Verenga VaHebheru 11:24-27.) Mosesi haana kutsauswa no“kufadzwa nechivi kwenguva duku.” Akaratidza ushingi uye kutsungirira zvinoshamisa nokuti ainyatsotenda kuti Mwari ariko uye zvipikirwa zvake ndezvechokwadi. Akaramba achishanda nesimba pakutungamirira vaIsraeri kubuda muIjipiti vachienda kuNyika Yakapikirwa.
16. Tinoziva sei kuti Mosesi haana kugumbuka nokuti aisazopinda muNyika Yakapikirwa?
16 Kufanana naAbrahamu, Mosesi haana kuona chipikirwa chaMwari chichizadziswa panguva yake. VaIsraeri pavakanga vagadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akaudzwa kuti: “Uchaona nyika yacho uri nechokure, asi hauzopindi imomo munyika yandichapa vanakomana vaIsraeri.” Iye naAroni vakanga vamboshatiriswa nokupanduka kwevanhu, zvokuti ‘vakava vasina kutendeka kuna Mwari pakati pevanakomana vaIsraeri pamvura yeMeribha.’ (Dheut. 32:51, 52) Mosesi akagumburwa nazvo here? Kwete. Akakomborera vanhu vacho akagumisa nemashoko aya: “Unofara, haiwa iwe Israeri! Ndiani aripo akaita sewe, rudzi runoponeswa naJehovha, nhoo yokubatsirwa kwako, naiye ari bakatwa rako guru?”—Dheut. 33:29.
Zvatinodzidza
17, 18. (a) Panyaya yenhangemutange yedu youpenyu, tingadzidzei kubva ‘pagore rezvapupu’? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?
17 Kubva pakuongorora kwataita upenyu hwevamwe vanoumba ‘gore rezvapupu rakatikomba,’ zviri pachena kuti, kuti tipedze nhangamutange yacho, tinofanira kutenda zvizere muna Mwari uye zvipikirwa zvake. (VaH. 11:6) Kutenda kunofanira kuva musimboti woupenyu hwedu; tinofanira kukuratidza pane zvose zvatinoita. Vashumiri vaJehovha vakasiyana nevaya vasina kutenda, havangooni zvepanguva ino chete, asi zviri mberi. Tinoona “Uyo asingaoneki,” zvotibatsira kumhanya nhangemutange nokutsungirira.—2 VaK. 5:7.
18 Nhangemutange yechiKristu haisi nyore. Kunyange zvakadaro, zvinoita kuti tipedze nhangemutange yacho. Munyaya inotevera tichakurukura rumwe rubatsiro rwatinarwo.
Unogona Kutsanangura Here?
• Nei Pauro akanyora nhoroondo refu nezvezvapupu zvakatendeka zvekare?
• Kuona mupfungwa dzedu ‘gore rezvapupu rakatikomba’ kungatikurudzira sei kumhanya nokutsungirira?
• Wadzidzei pakukurukura kwataita nezvezvapupu zvakatendeka zvakadai saNoa, Abrahamu, Sara, uye Mosesi?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 19]
Abrahamu naSara vakabvuma kusiya upenyu hwomutambarakede muUri