Unogona Kuita saFiniyasi Here Kana Zvinhu Zvaoma?
Unogona Kuita saFiniyasi Here Kana Zvinhu Zvaoma?
KUVA mukuru muungano chikomborero chaicho. Asi Shoko raMwari rinotaura kuti vakuru vanosanganawo nezvinetso. Pane pamwe ‘pavanotongera Jehovha’ kana paine vanhu vanenge vatadza. (2 Mak. 19:6) Kana kuti mukuru anogona kupiwa basa raanofunga kuti aita mutete sezvakamboita Mosesi paakapiwa rimwe basa, uyo akabvunza achizvininipisa kuti: “Ndini ani kuti ndiende kuna Farao?”—Eks. 3:11.
Magwaro, ayo akafuridzirwa nomudzimu, unoshandiswawo pakugadza vakuru, ane mienzaniso chaiyo yevatariri vakakunda miedzo. Finiyasi aiva mwanakomana waEriyezari uye muzukuru waAroni, saka aizopedzisira ava mupristi mukuru. Zvinhu zvitatu zvakaitika muupenyu hwake zvinoratidza kuti vakuru vanofanira kuva noushingi, njere uye kuvimba naJehovha kana zvinhu zvaoma.
“Akabva Asimuka”
Finiyasi akanga achiri jaya vaIsraeri pavakanga vakadzika musasa pamapani eMoabhi. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vakabva vatanga kuita unzenza nevanasikana veMoabhi. . . . Uye vanhu vacho vakadya, vakakotamira vanamwari vavo.” (Num. 25:1, 2) Jehovha akarova vatadzi vacho nedenda rinouraya. Ungafungidzira here kuti Finiyasi akanzwa sei nezvekutadza kwacho uye dambudziko rakazovapo?
Nhoroondo yacho inoenderera mberi ichiti: “Tarira! mumwe murume wevanakomana vaIsraeri akasvika, uye akanga achiuya nomumwe mukadzi wechiMidhiyani pedyo nehama dzake, Mosesi achizviona uye ungano yose yevanakomana vaIsraeri ichizviona, pavakanga vachichema vari pasuo retende rokusanganira.” (Num. 25:6) Mupristi Finiyasi aizoitei? Aiva mudiki, uye chivi chacho chakanga chichiitwa nejinda raitungamirira pakunamata pakati pevanhu.—Num. 25:14
Asi Finiyasi aitya Jehovha, kwete vanhu. Paakaona vaviri ava, akabva angotora pfumo ndokuvatevera mutende achibva avabvoora. Jehovha akaona sei ushingi hwaFiniyasi uye kukurumidza kwaakaita kugadzirisa dambudziko? Akabva angomisa denda racho uye akapa Finiyasi mubayiro wokuti sungano youpristi irambe iri mudzinza rake “nokusingagumi.”—Num. 25:7-13.
Ichokwadi kuti mazuva ano vakuru vechiKristu havarwisi munhu. Asi saFiniyasi, vakuru vanofanira kuratidza ushingi, vokurumidza kugadzirisa nyaya dzinenge dzamuka. Somuenzaniso, Guilherme akakumbirwa kuti atonge nyaya mudare aine mwedzi mishomanana agadzwa somukuru. Munhu wacho aida kutongwa aiva mukuru muungano uyo akanga ambobatsira Guilherme paaiva mukomana. Guilherme akati: “Zvakandinetsa chaizvo uye zvaindishayisa hope. Ndakaramba ndichifunga kuti ndaizotonga sei nyaya iyi zvinoenderana neMagwaro ndisingaite 1 Tim. 4:11, 12.
tsvete. Ndakaita mazuva ndichinyengetera uye ndichitsvakurudza mumabhuku anotsanangura Bhaibheri.” Izvi zvakamubatsira kuti ave noushingi hwokutonga nyaya yacho yakanga yakamuomera uye kubatsira hama yake kugadzirisa ukama hwayo naMwari.—Pavanogadzirisa noushingi nyaya dzinenge dzaitika muungano, vakuru vanenge vachiratidza muenzaniso wokutenda nokuvimbika. Zvechokwadi vamwe vaKristu vanofanira kushinga kuudza vakuru kana vaziva kuti pane chivi chakaitwa. Zvinodawo kushinga kuti tirege kufambidzana neshamwari kana kuti woukama akadzingwa.—1 VaK. 5:11-13.
Kushandisa Njere Kunobatsira
Ushingi hwaFiniyasi hwakanga husiri hwechivhurumukira chinowanzoitwa nevechiduku. Funga mashandisiro aakaita njere, kutanga anyatsoongorora asati aita zvinhu, paakanzwa nezveimwe nyaya. Dzinza raRubheni neraGadhi nehafu yedzinza raManase vakavaka atari pedyo neRwizi rwaJodhani. Vamwe vaIsraeri vakafunga kuti yakanga yavakirwa kunamata kwenhema uye vakagadzirira kuvarwisa.—Josh. 22:11, 12.
Finiyasi akaita sei? Iye nemachinda evaIsraeri vakataurirana nokungwarira nezvenyaya iyi nevaya vakavaka atari. Madzinza ainzi ane mhosva akatsanangura nyaya yacho achiti atari iyi yaiva chapupu chokuti vaizoita “basa raJehovha.” Saka zvinhu hazvina kuzosvika pakuipa.—Josh. 22:13-34.
Kana muKristu akanzwa waanonamata naye Jehovha achipomerwa kana kutsoropodzwa, zvingava zvakanaka akatevedzera Finiyasi. Kushandisa njere kuchaita kuti tisagumbuka kana kuti tisataura zvakaipa nezveanenge achipomerwa wacho.—Zvir. 19:11.
Kushandisa njere kungabatsira sei vakuru kuti vatevedzere Finiyasi? Jaime ava nemakore gumi ari mukuru akati: “Kana muparidzi akatanga kutaura nezvekupesana kwake nomumwe, ndinokurumidza kukumbira Jehovha kuti andibatsire kusarerekera divi rimwe chete asi kuti ndimuudze zvaangaita ndichishandisa Magwaro. Imwe hanzvadzi yakandiudza nezvekunetsana kwayaiita neimwe hama yaitungamirira mune imwe ungano. Sezvo hama yacho yaiva shamwari yangu yepamwoyo, zvakanga zviri nyore kuti ndingonotaura nayo. Asi, ndakakurukura nehanzvadzi iyi pfungwa dzomuBhaibheri dzakati wandei. Hanzvadzi yacho yakabvuma kutanga yakurukura nehama iya. (Mat. 5:23, 24) Havana kubva vangowirirana. Saka ndakakurudzira hanzvadzi iyi kuongorora zvimwe zvinotaurwa neMagwaro. Yakasarudza kunyengeterazve nezvenyaya yacho ndokuedza chaizvo kukanganwira.”
Yakabudirira here? Jaime anoti: “Hanzvadzi yacho yakazouya kwandiri kwapera mwedzi inoverengeka. Yakatsanangura kuti Zvir. 25:8) Vakuru vane njere vanokurudzira vaKristu vanenge vapesana kuti vashandise pfungwa dzomuMagwaro kuti muungano muve norugare.
nokufamba kwenguva hama iya yakazokumbira ruregerero pane zvayakanga yataura. Hama yacho yakaronga kushanda nehanzvadzi iyi muushumiri ikatenda zvikuru zvaakanga aita. Nyaya yacho yakanga yagadziriswa. Zvinhu zvingadai zvakafamba zvakanaka here dai ini ndakapindira munyaya yacho ndichiratidza kurerekera divi rimwe chete?” Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Usachimbidza kunomhan’ara mhosva.” (Akabvunza Jehovha
Finiyasi akava neropafadzo yokuva mupristi wevanhu vaMwari vakasarudzwa. Sezvataona, aiva neushingi chaizvo uye njere kubvira achiri mudiki. Asi kubudirira kwake pakugadzirisa matambudziko kwaibva pakuvimba kwake naJehovha.
Murongo womumwe muRevhi akabatwa chibharo kusvikira afa nevarume vekuGibhiya, vedzinza raBhenjamini, zvikaita kuti mamwe madzinza aronge kurwisa vaBhenjamini. (Vat. 20:1-11) Vakanyengeterera kubatsirwa naJehovha vasati vaenda kunorwa asi vakakundwa kaviri kose uye vakawanda vakafa. (Vat. 20:14-25) Vaizofunga kuti minyengetero yavo haisi kupindurwa here? Jehovha aida zvechokwadi kuvaona vachitsiva vanhu vakanga vatadza here?
Asingaodzwi mwoyo, Finiyasi, uyo akanga ava mupristi mukuru akatungamirazve achinyengetera kuti: “Ndibudezve here ndinorwa nevanakomana vaBhenjamini hama yangu kana kuti ndirege?” Jehovha akavapindura nokuita kuti vakunde vaBhenjamini uye Gibhiya rakasiyiwa rava madota.—Vat. 20:27-48.
Izvi zvinotidzidzisei? Mamwe matambudziko anomuka muungano anoramba aripo pasinei nokunyengetera uye kushanda nesimba kunoita vakuru kuagadzirisa. Zvikaitika saizvozvo vakuru vanofanira kuyeuka mashoko aJesu anoti: “Rambai muchikumbira [kana kuti muchinyengetera], uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.” (Ruka 11:9) Kunyange munyengetero ukaita sewanonoka kupindurwa, vatariri vanogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achapindura panguva.
Somuenzaniso, imwe ungano yokuIreland yaida chaizvo kuvaka Imba yoUmambo, asi mukuru wekanzuru anopa mvumo yokuvaka airamba. Airambira hama idzi nzvimbo dzose dzavaikumbira. Chakanga changosara ndechokuti vaende kumukuru wekanzuru yedunhu racho rose anopa mvumo yokuvaka kuti avabvumire kuvaka. Munyengetero waigona kubatsira here sezvawakaita kuna Finiyasi?
Mumwe mukuru wemuungano yacho akati: “Tanyengetera tichiteterera kakawanda, takaenda kuhofisi yacho. Ndakaudzwa kuti zvaizotora mavhiki tisati taonana nemukuru wacho. Zvisinei, takakwanisa kuonana naye kwemaminitsi mashanu. Aona mapurani edu akagadziridzwa, akabva atipa mvumo yokuvaka uye kubvira ipapo mukuru uya aimbotirambira akanga ava kuita zvose zvaaikwanisa kuti atibatsire. Nyaya iyi yakatiratidza kuti munyengetero une simba.” Zvechokwadi, Jehovha achapindura minyengetero yemwoyo wose yevakuru vanovimba naye.
Finiyasi aiva nebasa rakakura muIsraeri yekare; asi noushingi, njere, uye kuvimba naMwari akabudirira kugadzirisa matambudziko. Kushingairira ungano yaMwari kwaiitwa naFiniyasi kwakafadza Jehovha. Papfuura makore anenge 1 000, Ezra akafuridzirwa kunyora kuti “Finiyasi mwanakomana waEriyezari ndiye aiva mutungamiriri wavo kare. Jehovha aiva naye.” (1 Mak. 9:20) Dai vose vari kutungamirira vanhu vaMwari nhasi, tingatoti vaKristu vose vakavimbika, vakaonekwawo naMwari saizvozvo.