Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Ndinofanira kuita sei kana ndiine mubvunzo pamusoro pezvandinenge ndaverenga muBhaibheri kana kuti ndichida mazano pane zvinenge zvichindinetsa?

Zvirevo 2:1-5 inotikurudzira ‘kuramba tichitsvaka’ kunzwisisa neungwaru sekunge tiri kutsvaka “pfuma yakavanzwa.” Izvi zvinoreva kuti tinofanira kushanda nesimba kutsvaka mhinduro dzemibvunzo yedu yeBhaibheri uye kuziva mapedzero atingaita zvinenge zvichitinetsa. Tingazviita sei?

Bhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, papeji 33 kusvika ku38 rinoratidza “Nzira Yokutsvakurudza Nayo Mashoko” tichishandisa zvakasiyana-siyana zvatinopiwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara.’ (Mat. 24:45) Peji 36 inotsanangura kuti tingashandisa sei Watch Tower Publications Index, iyo ine chikamu cheindekisi yemashoko akarongwa uye indekisi yemagwaro. Izvi zvinoita kuti tikwanise kutsvaka mashoko kana kuti magwaro, toratidzwa mabhuku ane mashoko ezvatinenge tichitsvaka. Usakurumidza kuora mwoyo kana uchitsvaka mhinduro kana kuti mazano. Yeuka kuti unenge uchitsvaka “pfuma yakavanzwa,” saka zvinotora nguva uye zvinoda kushanda nesimba.

Ichokwadi kuti pane dzimwe nyaya uye magwaro asati atsanangurwa mumabhuku edu. Kunyange panenge pakatsanangurwa rumwe rugwaro, panogona kunge pasina kupiwa mhinduro yemubvunzo waunenge uinawo. Panewo dzimwe nyaya dzomuBhaibheri dzinoita kuti tive nemibvunzo nokuti panenge pasina kunyorwa zvakaitika zvacho zvose. Saka dzimwe nguva hatikwanisi kubva tangowana mhinduro dzemibvunzo yose yatiinayo. Pakadaro, hatifaniri hedu kufungidzira nezvezvinhu zvatisingakwanisi kuwana mhinduro, uyewo hatifaniri kukakavadzana “zvinomutsa mibvunzo yokutsvakurudza panzvimbo pokugovera zvinhu zvinobva kuna Mwari pamusoro pokutenda.” (1 Tim. 1:4; 2 Tim. 2:23; Tito 3:9) Hofisi yeBazi kana kuti dzimbahwe renyika yose harikwanisi kuongorora uye kupindura mibvunzo yose yakadaro isina kumbokurukurwa mumabhuku edu. Tinogona kugutsikana nokuti Bhaibheri rine mashoko anokosha anotitungamirira muupenyu asi rinosiya mamwe mashoko kuitira kuti tive nokutenda kwakasimba muna Mwari akarinyora.—Ona mapeji 185 kusvika ku187 ebhuku raSwedera Pedyo naJehovha.

Ko kana wakaita zvose zvaunogona kuti utsvake mhinduro yezviri kukunetsa muupenyu hwako asi usina kuwana mazano kana kuti mhinduro? Wakasununguka kutaura nemumwe waunonamata naye ane ruzivo rwakakura pane zvokunamata, akadai somumwe wevakuru vemuungano yenyu. Vane ruzivo rwezviri muBhaibheri uyewo vava nenguva vachinamata. Vachakubatsira maererano nezvavanokwanisa paunenge uchida mazano pakugadzirisa zvinenge zvichikunetsa kana kuti paunenge uchida kuita chisarudzo, nekuti vanokuziva uye vari pedyo newe kuti vakubatsire. Usambokanganwa kunyengetera kuna Jehovha uchimuudza zviri kukunetsa uye mukumbire kuti mudzimu wake mutsvene ukutungamirire pane zvaunofunga, “nokuti Jehovha anopa uchenjeri . . . noungwaru.”—Zvir. 2:6; Ruka 11:13.