Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinofadzwa Nokushumira Jehovha

Ndinofadzwa Nokushumira Jehovha

Ndinofadzwa Nokushumira Jehovha

Yakataurwa naFred Rusk

Ndichiri muduku, ndakaona kushanda kwemashoko akataurwa naDhavhidhi ari pana Pisarema 27:10, anoti: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.” Regai nditaure kuti izvi zvakaitika sei.

NDAKAKURIRA papurazi redonje rasekuru vangu kuGeorgia, U.S.A., panguva yakaderera upfumi pasi rose kuma1930. Baba vangu vakafirwa naamai vangu pamwe nemunun’una wangu akanga achangoberekwa zvikavarwadza zvikuru. Vakazoenda kunoshandira kure kune rimwe guta vachindisiya ndichirerwa nababa vavo, avo vakanga vafirwawo nomudzimai. Vakazoedza kuita kuti ndiende kunogara navo, asi zvakaramba.

Vanatete vangu ndivo vaiona kuti zvinhu zvaifamba sei pamusha. Sekuru vakanga vasingaendi kuchechi asi vanasikana vavo vakanga vari nhengo dzakasimba dzechechi yeSouthern Baptist. Ndaimanikidzwa kuenda kuchechi Svondo yoga yoga ndichitoita zvekutyisidzirwa neshamhu. Saka kubva ndichiri muduku, ndakanga ndisina kana basa nezvekunamata. Asi ndainakidzwa nechikoro uye ndaifarira zvemitambo.

Pakatangira Kuchinja Upenyu Hwangu

Mumwe musi mugore ra1941, pandaiva nemakore 15, takashanyirwa nemumwe murume wechikuru nemudzimai wake. Ndakazoudzwa kuti, “ndisekuru vako, Talmadge Rusk.” Ndakanga ndisati ndambonzwa nezvavo asi ndakaudzwa kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha. Zvavakatsanangura nezvechinangwa chaMwari chekuti vanhu vararame pasi pano nokusingaperi zvakanga zvakatosiyana nezvandakanga ndanzwa kuchechi. Vakawanda vomumba medu vakazviramba uye vakatoshora zvavakataura. Vakabva varambidzwa kuuya zvekare pamba. Asi tete vangu vainzi Mary, avo vaiva vakuru kwandiri nemakore matatu, vakabvuma kupiwa Bhaibheri pamwe nemabhuku anoritsanangura.

Hazvina kutorera tete Mary nguva kuona kuti vakanga vawana chokwadi cheBhaibheri uye vakabhabhatidzwa muna 1942 semumwe weZvapupu zvaJehovha. Vakaona zvakataurwa naJesu zvichiitika kwavari zvokuti: “Vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yake.” (Mat. 10:34-36) Vanhu vomumba medu vaivapikisa zvisingaiti. Vamwe vatete vangu vakuru, avo vakanga vaine chinzvimbo mune zvematongerwo enyika, vakaronga nameya weguta kuti sekuru Talmadge vasungwe. Vakapiwa mhosva yokutengesa vasina rezinesi. Vakabva vaiswa mujeri.

Pepanhau rekwataigara rakataura kuti meya, uyo akanga arizve mutongi wenyaya yacho, akataura mudare kuti: “Mabhuku ari kuparadzirwa nemurume uyu . . . muchetura chaiwo.” Sekuru vakazokwidza nyaya yacho, vakazobudiswa vatombopika mazuva gumi.

Kubatsirwa Kwandakaitwa naTete Mary

Tete Mary vakanga vava kukurukura neni zvavakanga vava kutenda pamwe nokuudzawo vavakidzani. Ndakaenda navo pavainodzidza Bhaibheri nemumwe murume wavakanga vapa bhuku rinonzi The New World. * Mukadzi wake akati murume wake akanga arara achiriverenga. Kunyange ndakanga ndisingadi hangu kukurumidza kupinda mune zvechitendero, zvandakanga ndichidzidza zvakandibaya mwoyo. Zvisinei, dzidziso dzeBhaibheri handidzo dzakatanga kuita kuti ndibvume kuti Zvapupu vanhu vaMwari, asi mabatirwo avaiitwa ndiwo akandibatsira.

Somuenzaniso, mumwe musi tichibva kugadheni naTete Mary takaona panopisirwa marara pachipfungaira, pachiratidza kuti vakoma vavo vakange vapisa mabhuku avo kusanganisira giramufoni nemarekodhi aiva nemashoko eBhaibheri. Vamwe tete vangu pavakaona kuti ndakanga ndashatirwa nazvo vakandishora vakati: “Uchazotitenda hako muupenyu hwako nezvataita.”

Tete Mary vakazodzingwa pamba muna 1943 nokuti vakanga varamba kusiyana nechitendero chavo chitsva uye kuparidzira kwavaiita vavakidzani. Panguva iyi, ndakafara kudzidza kuti Mwari ane zita rokuti Jehovha, ane rudo, ane tsiye nyoro, uye haapisi vanhu. Ndakadzidzawo kuti Jehovha ane sangano rake rine vanhu vane rudo, kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndambopinda misangano.

Mumwe musi ndichicheka tsangadzi, imwe mota yakapfuura ichinanaira uye mumwe wevarume vaviri vaivamo akandibvunza kuti: “Ndiwe Fred here?” Pandakaziva kuti vaiva Zvapupu ndakabva ndati, “Regai ndipinde, tiende kwatisinganzwike titaure.” Vakanga vatumwa naTete Mary kuti vandishanyire. Mumwe wevarume vacho, Shield Toutjian, mushumiri anofambira, akandikurudzira uye akandipa rubatsiro pane zvokunamata panguva yandaida kubatsirwa. Iye zvino ndini ndakanga ndava kupikiswa nemhuri yose sezvandaitsigira zvaidzidziswa neZvapupu zvaJehovha.

Tete Mary vakazondinyorera tsamba vari kuVirginia vachindiudza kuti kana ndaida zvechokwadi kushumira Jehovha ndaigona kunogara navo. Ndakabva ndatofunga zvokuenda. Muna October 1943, uri musi weChishanu, ndakaisa zvinhu zvangu zvose zvinokosha mubhokisi, ndichibva ndarisungirira mumuti waiva kure nepamba. Mangwana acho, ndakatora bhokisi riye ndichibva ndaenda nekuseri kweimba yemuvakidzani wedu, ndichibva ndaenda kuguta. Pandakaenda muguta reRoanoke ndakawana Tete Mary vachigara pamba paEdna Fowlkes.

Kufambira Mberi Mune Zvokunamata, Kubhabhatidzwa, Bheteri

Edna aiva chapupu chakazodzwa chaiva netsitsi saRidhiya uye akanga ari kurenda imba hombe achichengeta Tete Mary, uye mudzimai wehanzvadzi yake aiva nevanasikana vaviri. Vasikana ava, Gladys naGrace Gregory vakazova mamishinari. Gladys, uyo apfuura makore 90, achiri kushumira akatendeka pabazi rekuJapan.

Pandaigara pamba paEdna, ndaipinda misangano nguva dzose uye ndakadzidziswa kuita ushumiri. Kusununguka kudzidza Shoko raMwari nokupinda misangano yechiKristu zvakagutsa chido changu chokuziva Mwari chakanga chichikura. Ndakabhabhatidzwa musi waJune 14, 1944. Tete Mary, Gladys naGrace Gregory vakatanga kupayona uye vakatumirwa kuchamhembe kweVirginia. Vava ikoko, vakabatsira kutanga ungano muLeesburg. Kutanga kwa1946 ndakatanga kupayona pedyo nekwavaiva. Muna August wegore iroro takaenda pamwe chete kugungano remarudzi randisingakanganwi rakaitwa musi wa4-11 kuCleveland, Ohio.

Pagungano iri Nathan Knorr, aitungamirira sangano panguva iyi, akataura urongwa hwokuwedzera zvivako zveBheteri rokuBrooklyn. Izvi zvaisanganisira kuvaka dzimba itsva dzokugara uye kuwedzera imba inodhindirwa mabhuku. Kwaidiwa hama dzechiduku dzakawanda. Ndakafunga kuti uku ndiko chaiko kwandaida kuzoshumira Jehovha ndiri. Ndakanyorera, uye pangopera mwedzi mishomanana, musi waDecember 1, 1946, ndakaenda kuBheteri.

Papfuura rinenge gore, Max Larson, uyo aitungamirira basa rokudhinda akapfuura nomuhofisi mangu muDhipatimendi Rokutumira Tsamba. Akandiudza kuti ndakanga ndachinjirwa kuDhipatimendi Rebasa. Mudhipatimendi iroro ndakadzidza kushanda kunoita mitemo yeBhaibheri uye mashandiro anoita sangano raMwari, zvikuru pandaishanda naT. J. (Bud) Sullivan, uyo aitungamirira dhipatimendi racho.

Baba vangu vakandishanyira kanoverengeka kuBheteri. Vakwegura, vainge vava kufarira zvokunamata. Pavakandishanyira kokupedzisira muna 1965 vakati, “Unogona kundishanyira, asi ini handichafi ndakauya kuzokuona zvakare.” Ndakavashanyira kanoverengeka vasati vafa. Vaive nechokwadi kuti vaizoenda kudenga. Tariro yangu ndeyokuti Jehovha ari kuvayeuka, uye kana zvakadaro, parumuko vachange vari pasi pano vaine tariro yokurarama nokusingaperi muParadhiso, kwete kudenga kwavaifunga.

Mamwe Magungano Andisingakanganwi Uye Basa Rokuvaka

Magungano akandibatsira zvikuru pakusimbisa ukama hwangu naMwari. Magungano emarudzi akawanda akaitirwa muNhandare yeYankee iri kuNew York kuma1950 akandisimbisa zvikuru. Pane rimwe gungano muna 1958, Yankee Stadium nePolo Grounds dzakanga dzakati ta-a nevanhu 253 922 vaibva munyika 123. Pane zvakaitika pagungano iroro zvandisingafi ndakakanganwa. Ndichishanda muhofisi yaiona nezvegungano, Hama Knorr vakauya kwandiri vachifambisa. Vakati: “Fred, ndakakanganwa kuronga kuti pave nehama ichapa hurukuro kumapiyona ose aungana mune imwe imba yatakarenda iri pedyo apo. Ungakwanisa kumhanyirako here unopa hurukuro yakanaka yaungafunga nezvayo uri munzira?” Ndakanyengetera kakawanda ndisati ndasvika, ndichifemera pamusoro.

Sezvo ungano dzakanga dziri kuramba dzichiwanda zvinoshamisa muNew York City, mumakore ekuma1950 uye kuma1960, nzvimbo dzataishandisa seDzimba dzoUmambo dzakanga dzisisakwane. Saka kubva muna 1970 kusvika muna 1990, pakatengwa zvivako zvitatu muManhattan, zvakazogadziridzwa kuti zvikodzere kushandiswa senzvimbo dzekunamatira. Ndaiva sachigaro wematare aitungamirira basa iri rokuvaka uye ndichiri kuyeuka nomufaro kukomborerwa naJehovha kwakaitwa ungano dzaibatsira nokupa mari kuti nzvimbo idzi dzichiri kumiririra kunamata kwechokwadi dzipere kuvakwa.

Zvakachinja Muupenyu Hwangu

Rimwe zuva muna 1957, ndichienda kubasa ndichidimbudzira nemupaki yaiva pakati pedzimba dzataigara nekunodhindirwa mabhuku, kwakatanga kunaya. Ndakaona imwe tsvarakadenga yemusikana, akanga achangouya paBheteri achifamba pamberi pangu. Akanga asina amburera saka ndakamuti tifuge tose yangu. Ndokusangana kwandakaita naMarjorie, uye kubva patakachata muna 1960, tiri kufamba tose mubasa raJehovha mukufara nomukusuwa. Takapemberera kusvitsa makore 50 tachata muna September 2010.

Tichingosvika kubva kuzororo ratakaita tachata, Hama Knorr vakandiudza kuti ndakanga ndava kuzonoshanda semurayiridzi weChikoro cheGiriyedhi. Chakanga chiri chikomborero chaicho! Kubva muna 1961 kusvika muna 1965, pakava nemakirasi mashanu aitora mwedzi yakawanda aive nehama dzakawanda dzaishanda pamapazi dzaidzidziswa kutungamirira mapazi. Pakupera kwa1965, makirasi akadzokera pakuva emwedzi mishanu uye sepakutanga akanga ava kudzidzisa mamishinari chete.

Muna 1972, ndakachinjwa kubva kuChikoro cheGiriyedhi kuenda kunoshanda semutariri mudhipatimendi rinopindura mibvunzo yeBhaibheri. Kutsvakurudza mhinduro yemibvunzo yakasiyana-siyana kwakandibatsira kuti ndinyatsonzwisisa zvinodzidziswa neShoko raMwari uye kushanda kunoita mitemo yaMwari pakubatsira vamwe.

Muna 1987, ndakachinjirwa kuDhipatimendi Remashoko Echipatara. Pakarongwa kuti pave nemisangano yekudzidzisa vakuru vaiva muMatare Okurukura Nezvipatara kuti vangataura sei zvatinotenda sezvinotaurwa neMagwaro nezveropa navanachiremba, vatongi, kana vaya vanoita basa rekubatsira vanhu. Dambudziko guru rakanga riri rokuti vanachiremba vaimanikidzira kuwedzera vana vedu ropa, vachiwanzokumbira mvumo kumatare.

Pataikumbira vanachiremba kuti vashandise dzimwe nzira dzokurapa, vaiwanzotiudza kuti pakanga pasina kana kuti zvinodhura. Ndaiwanzopindura vanachiremba ivavo ndichiti: “Tambanudzai ruoko rwenyu tione.” Kana adaro ndaibva ndati: “Munozivaka, kana mukashandisa maoko enyu zvakanaka munogona kurapa pasina kuwedzera ropa.” Izvi zvaibva zvamuyeuchidza zvaainyatsoziva, kuti kana akashandisa chokuvhiyisa nokungwarira zvinoita kuti ropa rakawanda risarasike.

Mumakore makumi maviri adarika, Jehovha anga achikomborera zviri kuitwa izvi pakudzidzisa vanachiremba nevatongi. Vakachinja chaizvo pavakanga vava kunyatsoziva zvatinotenda. Vakaona kuti ruzivo rwavapo rwekurapa runoratidza kuti kurapa pasina kuwedzera ropa kunobatsira uye kuti variko vanachiremba vakawanda nezvipatara zvinogamuchira varwere vangada kurapwa saizvozvo.

Kubva muna 1996, ini naMarjorie tinoshandira paWatchtower Educational Center kuPatterson, New York, makiromita 110 kuchamhembe kweBrooklyn. Ndakamboti shandei muDhipatimendi Rebasa, ndikazomboshanda somurayiridzi wehama dzaidzidziswa kutungamirira mapazi uye vatariri vanofambira. Ndava nemakore 12 ndiri mutariri wedare rinopindura mibvunzo yeBhaibheri, iro rakatamisirwa kuPatterson kubva kuBrooklyn.

Matambudziko Ekukura

Sezvo ndava nemakore anopfuura 80, zvava kundiomera kuita mabasa angu paBheteri. Ndava nemakore anopfuura gumi ndiine kenza. Ndinonzwa sezvakaita Hezekiya uyo akawedzerwa makore okurarama naJehovha. (Isa. 38:5) Mudzimai wanguwo ane chirwere chokumborasika pfungwa nekukura, uye ndinoedza kumubatsira kutsungirira. Marjorie munhu aiita zvakawanda pakushumira Jehovha, chipangamazano wevechiduku, uyewo mubatsiri wangu akatendeka. Aive mudzidzi akanaka uye mudzidzisi weBhaibheri, uye vakawanda vatakabatsira kuwana chokwadi vanogara vachikurukura nesu.

Tete vangu Mary vakafa muna March 2010 vava nemakore 87. Vakabudirira chaizvo pakudzidzisa Shoko raMwari uye kubatsira vamwe kuti vatsigire kunamata kwechokwadi. Vakapedza makore akawanda vari mubasa renguva yakazara. Ndinovatenda zvikuru nekundibatsira kuti ndidzidze chokwadi cheShoko raMwari uye kushumira Mwari wedu ane rudo, Jehovha sezvavakaita. Guva ravo riri pedyo neremurume wavo, uyo akamboshanda semumishinari kuIsrael. Ndinonyatsoziva kuti Jehovha ari kuvarangarira uye vakamirira kuzomutswa.

Pandinofunga nezvemakore anopfuura 67 andashumira Jehovha, ndinotenda chaizvo zvikomborero zvandawana. Ndinofadzwa nekuita zvinodiwa naJehovha. Ndichivimba nemutsa wake usina kukodzera kuwanwa, ndine tariro yokuti zvakataurwa neMwanakomana wake zvichaitika zvokuti: “Munhu wose akasiya dzimba kana vanun’una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nokuda kwezita rangu achagamuchira zvakapetwa kazhinji uye achagara nhaka youpenyu husingaperi.”Mat. 19:29.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Rakabudiswa muna 1942 asi harichadhindwi.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Ndiri papurazi rasekuru vangu kuGeorgia, U.S.A., muna 1928

[Mufananidzo uri papeji 19]

Tete Mary vaina Sekuru Talmadge

[Mufananidzo uri papeji 20]

Tete Mary, Gladys, naGrace

[Mufananidzo uri papeji 20]

Pandakabhabhatidzwa musi waJune 14, 1944

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndiri muDhipatimendi Rebasa paBheteri

[Mufananidzo uri papeji 21]

Ndiina Tete Mary pagungano remarudzi ra1958 muYankee Stadium

[Mufananidzo uri papeji 21]

Ndiina Marjorie pazuva remuchato wedu

[Mufananidzo uri papeji 21]

Ndiina Marjorie muna 2008