Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngatifarei Pamwe Chete!

Ngatifarei Pamwe Chete!

Ngatifarei Pamwe Chete!

ZVIRI kuramba zvichiomera vanhu kuti vawane mufaro. Zvakaomera vanhu vakawanda kuti vataurirane zvinhu zvinovafadza. Upenyu hwemazuva ano, kunyanya mumaguta makuru, huri kuita kuti vanhu vakawanda vazviite vanazindoga.

Mumwe muzvinafundo anoona nezvepfungwa, Alberto Oliverio akati: “Vanhu vakawanda vane dambudziko rokuzviparadzanisa nevamwe uye izvi zviri kukonzerwa nekugara kwavanoita mumaguta makuru. Kakawanda izvi zvinoita kuti tisambova nehanya neupenyu hwevatinoshanda navo, vavakidzani kana kuti vaya vanoshanda muchitoro chekwatinogara.” Izvi zvinowanzoita kuti munhu apedzisire ava nechirwere chinonzi depression.

Asi hazvina kudaro pakati pehama dzedu dzechiKristu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Farai nguva dzose.” (1 VaT. 5:16) Tine zvakawanda zvinoita kuti tifare pamwe chete. Tinonamata Mwari Wokumusorosoro, Jehovha; tinonzwisisa chokwadi chiri muBhaibheri; tine tariro yokupona uye yekuwana upenyu husingaperi; uye tinogona kubatsirawo vamwe kuti vawane zvikomborero izvi.—Pis. 106:4, 5; Jer. 15:16; VaR. 12:12.

VaKristu vechokwadi vanozivikanwa sevanhu vanofara uye vanokurukura nevamwe zvinenge zvavafadza. Regai Pauro akazonyorera vaFiripi kuti: “Ndiri kufara uye ndinofara kwazvo nemi mose. Zvino saizvozvowo nemiwo farai, mufare kwazvo neni.” (VaF. 2:17, 18) Mumashoko mashomanana aya, Pauro anotaura kaviri nezvekuti tinofanira kufara pamwe chete.

VaKristu vanofanira kungwarira kuti vasave nekatsika kekuzviparadzanisa nevamwe. Hazviiti kuti munhu asingadi kutaura nevamwe afare nevaanonamata navo. Saka tingatevedzera sei zano raPauro rokuti, ‘tirambe tichifara munaShe’ pamwe nehama dzedu?—VaF. 3:1.

Fara Nevaunonamata Navo

Pauro paakanyora tsamba yake kuvaFiripi, anofanira kunge aiva mujeri muRoma asungirwa kuparidza kwaaiita. (VaF. 1:7; 4:22) Kunyange zvakadaro, jeri harina kumutadzisa kuramba achishingaira muushumiri. Pane kudaro, akafara kushumira Jehovha achiita zvose zvaaikwanisa uye ‘achidururwa sechinopiwa chinonwiwa.’ (VaF. 2:17) Mafungiro aPauro anoratidza kuti munhu anogona kufara pasinei nemamiriro ake ezvinhu. Kunyange zvazvo akanga akasungwa, akati: “Ndicharambawo ndichifara.”—VaF. 1:18.

Pauro ndiye akatanga ungano yaiva muFiripi saka aida chaizvo hama dzeko. Aiziva kuti kuvaudza zvaimunakidza pakushumira kwaaiita Jehovha kwaizovakurudzirawo. Saka akanyora kuti: “Zvino hama, ndinoda kuti muzive kuti zvakaitika kwandiri zvakaita kuti mashoko akanaka afambire mberi panzvimbo pokuti adzokere shure, zvokuti kusungwa kwangu pamusoro paKristu kwakazivikanwa pakati peVarindi vose vomuMuzinda waMambo nevamwe vose.” (VaF. 1:12, 13) Kutaura kwakaita Pauro zvakaitika kwaari kwakaita kuti iye nehama dzake vafare. Zvisinei, kuti vafare saizvozvo vaisafanira kuodzwa mwoyo nezvaiitika kuna Pauro. Pane kudaro vaifanira kutevera muenzaniso wake. (VaF. 1:14; 3:17) Uyezve vaFiripi vaigona kuramba vachinyengeterera Pauro uye kuita zvose zvavaigona kuti vamubatsire.—VaF. 1:19; 4:14-16.

Tinogarawo tichifara sezvaiita Pauro here? Tinoedza kuisa pfungwa dzedu pane zvakanaka zviri kuitika muupenyu hwedu uye muushumiri hwedu hwechiKristu here? Patinenge tichiwadzana nehama dzedu, zvakanaka chaizvo kuti titaure nyaya dzinotifadza nezvebasa rekuparidza. Hazvirevi kuti tinongotaura nezvebasa remumunda kana paine zvinoshamisa zvatinenge tasangana nazvo. Zvimwe sumo yatakashandisa kana kuti matauriro atakaita akaita kuti munhu afarire mashoko oumambo. Kana kuti takashandisa rumwe rugwaro rweBhaibheri kutanga kukurukura nemumwe munhu. Zvimwe takacherechedzwa mundima yedu seZvapupu zvaJehovha uye izvi zvakaita kuti tipe uchapupu. Kukurukura zvinhu zvakadai kunoita kuti tifare pamwe chete.

Vanhu vaJehovha vakawanda vakazvipira uye vachiri kuzvipira kuita basa rekuparidza. Mapiyona, vatariri vanofambira, vanoshanda paBheteri, mamishinari, kana vanovaka mune dzimwe nyika vari kushanda nesimba mubasa renguva yakazara uye vanofara pakushumira kwavo. Tinofarawo pamwe navo here? Saka ngationgei ava “vashandi pamwe chete [nesu] nokuda kwoumambo hwaMwari.” (VaK. 4:11) Patinenge tiri pamisangano yeungano kana kuti pamagungano makuru echiKristu, tinokurudzirana. Tinogonawo kutevedzera kushingaira kwavo. Uye tinokwanisa kutsvaka “mikana” yokuteerera zvakaitika kwavari uye mashoko avo anovaka nokuvakoka kudzimba dzedu kuti tidye.—VaF. 4:10.

Farai Nevari Kusangana Nemiedzo

Kutsungirira kutambudzwa uye kukunda miedzo kwakasimbisa Pauro kuti arambe akatendeka kuna Jehovha. (VaK. 1:24; Jak. 1:2, 3) Kuziva kuti hama dzaiva kuFiripi dzaigona kuzosanganawo nemiedzo yakaita seyake uye dzaizokurudzirwa nokutsungirira kwake, kwakamuita kuti afare nadzo. Saka akanyora kuti: “Makapiwa ropafadzo nokuda kwaKristu, kwete kuti mutende maari chete, asiwo kuti mutambure nokuda kwake. Nokuti muri kurwa zvakafanana nezvamakaona kwandiri uye zvakafanana nezvamunonzwa iye zvino pamusoro pangu.”—VaF. 1:29, 30.

Nhasiwo, vaKristu vanopikiswa pamusana pekuparidza kwavo. Pamwe pacho vanotorwiswa asi kazhinji kupikiswa kwacho hakunyatsooneki. Kunogona kuva kupomerwa zvenhema nevakaramba kutenda, kuitirwa utsinye nevemumhuri, kusekwa nevatinoshanda navo kana kuti vekuchikoro. Jesu akatinyevera kuti miedzo iyi haifaniri kutishamisa kana kutiodza mwoyo. Zvinofanira kutoita kuti tifare. Akati: “Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kumatenga.”—Mat. 5:11, 12.

Hatifaniri kutya kana kuvhunduka patinonzwa kuti hama dzedu dziri kutambudzwa zveutsinye mune dzimwe nyika. Tinotofanira kufara kuti vari kutsungirira. Tinogona kunyengetera tichikumbira Jehovha kuti asimbise kutenda kwavo uye kutsungirira. (VaF. 1:3, 4) Kunyange zvazvo pasina zvimwe zvatingakwanisa kuitira hama idzodzo, tinogona kubatsira vaya vari muungano yedu vari mumiedzo. Tinogona kuvaratidza kuti tinovada uye kuvatsigira. Tinogona kutsvaga mikana yekufara navo nokuvakoka kuti vabatane nesu pakunamata kwedu kwemhuri kwemanheru, kushanda navo muushumiri, uye kutandara pamwe chete navo.

Tine zvakawanda zvinoita kuti tifare pamwe chete! Ngatisiyanei nekatsika kane vanhu vari munyika kekungoda kuita zvinhu zvavo voga toramba tichifara nehama dzedu. Kana tikadaro, tichaita kuti ungano yose ibatane uye ive nerudo uye tichanyatsonakidzwa neukama hwedu hwechiKristu. (VaF. 2:1, 2) Naizvozvo “garai muchifara munaShe,” nokuti Pauro anotikurudzira achiti: “Ndinotizve, Farai!”—VaF. 4:4.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 6]

Globe: Courtesy of Replogle Globes