Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Nyaradza Vose Vanochema’

‘Nyaradza Vose Vanochema’

‘Nyaradza Vose Vanochema’

“Jehovha akandizodza . . . kuti ndinyaradze vose vanochema.”—ISA. 61:1, 2.

1. Jesu akaitirei vaichema, uye nei akadaro?

JESU KRISTU akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Joh. 4:34) Paaiita basa raakapiwa naMwari, Jesu akaratidza unhu hwakazonaka hwaBaba vake. Aida vanhu chaizvo sezvinoita Jehovha. (1 Joh. 4:7-10) Muapostora Pauro akataura kumwe kuratidzwa kworudo irworwo paakatsanangura Jehovha sa“Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaK. 1:3) Jesu akaratidza rudo rwakadaro paakaita zvakagara zvataurwa muuprofita hwaIsaya. (Verenga Isaya 61:1, 2.) Jesu akaverenga muuprofita ihwohwo ari musinagogi raiva muNazareta akabva ati mashoko acho aitaura nezvake. (Ruka 4:16-21) Muushumiri hwake hwose, Jesu akanyaradza vaichema, achivakurudzira uye achiita kuti vave norugare rwepfungwa.

2, 3. Nei vateveri vaKristu vachifanira kumutevedzera pakunyaradza vamwe?

2 Vateveri vose vaJesu vanofanira kumutevedzera nokunyaradza vanochema. (1 VaK. 11:1) Pauro akati: “Rambai muchinyaradzana nokuvakana.” (1 VaT. 5:11) Tinofanira kunyaradza vamwe nokuti iye zvino vanhu vari kurarama munguva “dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1) Munyika yose, vanhu vakawanda vanoda chokwadi vanosangana nevanhu vanotaura uye vanoita zvinhu zvinoshungurudza, zvinorwadza, uye zvinosuruvarisa.

3 Sezvakagara zvataurwa nouprofita hweBhaibheri, mumazuva ano okupedzisira enyika yakaipa, vakawanda ‘vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, havateereri vabereki, havaongi, havana kuvimbika, havana rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, havambodi kubvumirana, vanochera vamwe, havazvidzori, vanotyisa, havadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.’ Maitiro akadaro ari kutowedzera, nokuti ‘vanhu vakaipa nevanyengeri vari kubva pakuipa vachienda pakuipisisa.’—2 Tim. 3:2-4, 13.

4. Zvinhu zvakamira sei munyika panguva ino?

4 Zvose izvi hazvifaniri kutishamisa, nokuti Shoko raMwari rinotaura pachena kuti “nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Joh. 5:19) “Nyika yose” inosanganisira zvematongerwo enyika, zvechitendero, uye zvokutengeserana, uyewo zvinoshandiswa kuparadzira mashoko enhema. Hapana mubvunzo kuti Satani Dhiyabhorosi ndiye “mutongi wenyika” uye “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (Joh. 14:30; 2 VaK. 4:4) Zvinhu zviri kuramba zvichiipa munyika nokuti iye zvino Satani akatsamwa kwazvo, anoziva kuti asarirwa nenguva pfupi Jehovha asati amubvisa. (Zvak. 12:12) Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Mwari ava pedyo kubvisa Satani nenyika yake yakaipa, uye kuti nyaya yakatangwa naSatani yokupikisa uchangamire hwaJehovha ichagadziriswa!—Gen., chitsauko 3; Job., chitsauko 2.

Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Munyika Yose

5. Uprofita hune chokuita nebasa rokuparidza huri kuzadziswa sei mumazuva ano okupedzisira?

5 Munguva ino yakaoma yatiri kurarama, zviya zvakagara zvataurwa naJesu zviri kuzadziswa. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mat. 24:14) Iri basa rokuparidza Umambo hwaMwari munyika yose riri kuramba richiwedzera. Iye zvino, Zvapupu zvaJehovha zvinodarika 7 500 000, zviri muungano dzinodarika 107 000 munyika yose zviri kuparidza nezveUmambo hwaMwari sezvakaitwa naJesu paaiparidza nokudzidzisa. (Mat. 4:17) Kuparidza kwatiri kuita mazuva ano kuri kuita kuti vaya vari kutambura vanyaradzwe chaizvo. Mumakore maviri chete adarika, vanhu 570 601 vakabhabhatidzwa vakava Zvapupu zvaJehovha.

6. Unofungei nezvekukura kwakaita basa redu rokuparidza?

6 Makuriro akaita basa iri rokuparidza ari kunyatsoonekwa pakuti iye zvino Zvapupu zvaJehovha zvava kushandura uye kuparadzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inopfuura 500. Zvakadai hazvina kumboonekwa kugara nokugara! Kuvapo kwechikamu chepasi pano chesangano raJehovha, kukura kwachiri kuita nebasa rachiri kuita zvinoshamisa zvechokwadi. Kudai pasina kutungamirira uye rubatsiro rwomudzimu mutsvene waMwari, zvakadai zvaisazomboitika munyika iri kutongwa naSatani. Kuparidzwa kuri kuitwa mashoko akanaka oUmambo munyika yose kuri kuita kuti hama dzedu pamwe chete nevamwe vari kuchema vanyaradzwe neMagwaro.

Kunyaradza Hama Dzedu

7. (a) Nei tisingatarisiri kuti Jehovha abvise zvinhu zvose zvinotambudza iye zvino? (b) Tinoziva sei kuti zvinoita kuti titsungirire patinotambudzwa uye patinotambura?

7 Munyika ino izere uipi nezvinhu zvinotambudza, igara waziva kuti tichatambura. Hatigoni kutarisira kuti Mwari abvise zvinhu zvose zvinosuwisa kana kuti zvinotambudza kutozosvikira aparadza nyika ino yakaipa. Asi iye zvino, patinotambudzwa sezvakagara zvataurwa, kuperera kwedu kuna Jehovha kucharatidza kuti tinotsigira uchangamire hwake. (2 Tim. 3:12) Zvisinei, patinobatsirwa uye patinonyaradzwa naBaba vedu vokudenga, tinogona kuva sevaKristu vakazodzwa vaiva kuTesaronika avo vakaratidza kutsungirira nokutenda pavaitambudzwa uye pavaitambura.—Verenga 2 VaTesaronika 1:3-5.

8. Uchapupu hupi huri muMagwaro hwokuti Jehovha anonyaradza vashumiri vake?

8 Hapana mubvunzo kuti Jehovha anonyaradza vashumiri vake pavanenge vachida kunyaradzwa. Somuenzaniso, muprofita Eriya paakanga ava kuda kuurayiwa naMambokadzi akaipa Jezebheri, muprofita iyeye akatya ndokutiza, zvokutoti akati zvaiva nani kufa. Asi pane kutsiura Eriya, Jehovha akamunyaradza ndokumupa ushingi hwokuti apfuurire nebasa rake somuprofita. (1 Madz. 19:1-21) Kunyaradza kunoita Jehovha vanhu vake kunogona kuonekwawo pane zvakaitika kuungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga. Somuenzaniso, tinoverenga nezvenguva apo “ungano yacho muJudhiya mose nomuGarireya nomuSamariya yakabva yapinda munguva yorugare, ichivakwa.” Uyezve, “yakaramba ichiwedzera zvayaifamba ichitya Jehovha uye ichinyaradzwa nomudzimu mutsvene.” (Mab. 9:31) Tinoonga chaizvo kuti nesuwo ‘tinonyaradzwa nomudzimu mutsvene’!

9. Nei kudzidza nezvaJesu kuchigona kutinyaradza?

9 SevaKristu, takanyaradzwa nokudzidza nezvaJesu Kristu uye nokutevera tsoka dzake. Jesu akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:28-30) Kudzidza nezverudo rwaJesu pamabatiro aaiita vamwe tobva tatevedzera muenzaniso wake wakanaka zvinobatsira chaizvo kuti tisanyanya kushushikana.

10, 11. Muungano, ndiani anogona kunyaradza vamwe?

10 Tinogona kunyaradzwawo nevatinonamata navo. Somuenzaniso, funga kuti vakuru vari muungano vanobatsira sei vaya vanenge vachitambura. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Pane munhu anorwara [pakunamata] pakati penyu here? Ngaashevedze varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere.” Zvichizoguma nei? “Munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa.” (Jak. 5:14, 15) Vamwe vari muungano vanogonawo kutinyaradza.

11 Kazhinji vakadzi vanoona zviri nyore kutaura nevamwe vakadzi nezvematambudziko akasiyana-siyana. Hanzvadzi dzati kurei, dzava kuziva nezvoupenyu dzinogona kupa hanzvadzi dzechiduku mazano akanaka chaizvo. Hanzvadzi idzodzo dzingatove dzakapfuurawo nomuzvinhu zvakadaro. Dzinogona kubatsira chaizvo nokuti idzo vanhukadziwo uye dzinonzwisisa. (Verenga Tito 2:3-5.) Chokwadi, vakuru nevamwe vanogonawo uye vanofanira kutaura “zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo” iri pakati pedu. (1 VaT. 5:14, 15) Uye zvakanaka kuyeuka kuti Mwari “anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti tikwanise kunyaradza vaya vari pakutambudzika chero kworudzi rupi zvarwo.”—2 VaK. 1:4.

12. Nei zvichikosha kuti tipinde misangano yechiKristu?

12 Imwe nzira inokosha chaizvo yokunyaradzwa nayo ndeyokuva pamisangano yechiKristu, panokurukurwa Bhaibheri kuti tikurudzirwe. Tinoverenga kuti Judhasi naSirasi “vakakurudzira hama nehurukuro zhinji, vakadzisimbisa.” (Mab. 15:32) Misangano isati yatanga uye yapera, hama nehanzvadzi dzinokurukurirana zvinovaka. Saka, kunyange tichitambudzwa nezvimwe zvinhu, ngatiregei kuzviita vanazindoga, nokuti izvozvo hazvina zvazvinobatsira. (Zvir. 18:1) Pane kudaro, zvakanaka kuti titeerere zano rakafemerwa romuapostora Pauro rokuti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.”—VaH. 10:24, 25.

Nyaradzwa neShoko raMwari

13, 14. Taura kuti Magwaro anotinyaradza sei.

13 Tinogona kunyaradzwa chaizvo neBhaibheri Shoko raMwari, pasinei nokuti tiri vaKristu vakabhabhatidzwa kana kuti tichangotanga kudzidza nezvaMwari uye zvinangwa zvake. Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaR. 15:4) Magwaro Matsvene anogona kutinyaradza uye kuita kuti ‘tikwanise zvizere, tishongedzerwe zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’ (2 Tim. 3:16, 17) Kuziva chokwadi chine chokuita nezvinangwa zvaMwari uye kuva netariro yechokwadi yeramangwana kuchatinyaradza chaizvo. Saka, ngatinyatsodzidzei Shoko raMwari nemabhuku anotsanangura Bhaibheri anogona kutinyaradza uye kutibatsira pane zvakawanda.

14 Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka chaizvo nokushandisa Magwaro kudzidzisa uye kunyaradza vamwe. Somuenzaniso, pashure pokunge amutswa, akazviratidza kuvadzidzi vake vaviri, ‘akavavhurira kwazvo Magwaro.’ Vakabayiwa mwoyo chaizvo sezvaaitaura navo. (Ruka 24:32) Muapostora Pauro aitevedzera muenzaniso wakanaka waJesu, ‘aikurukurirana nevanhu achishandisa Magwaro.’ MuBheriya, vateereri vake “vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva.” (Mab. 17:2, 10, 11) Zvinokosha chaizvo kuti tiverenge Bhaibheri zuva rega rega nemamwe mabhuku edu echiKristu kuti zvitibatsire uye zvitinyaradze nokutipa tariro munguva ino yakaoma!

Dzimwe Nzira Dzokunyaradza Nadzo Vamwe

15, 16. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinogona kuita kuti tibatsire uye tinyaradze hama dzedu?

15 Tinogona kubatsira uye kunyaradza hama dzedu dzechiKristu nenzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, tinogona kubatsira vakwegura kana vanorwara nokuenda kunovatengera zvavanoda. Tingabatsira vamwe nemabasa epamba, tichiratidza kuti tine hanya navo. (VaF. 2:4) Pamwe pacho tinogona kurumbidza hama dzedu nokuratidza rudo kwadzinoita, ushingi, kutenda, uye unyanzvi hwokuita twakasiyana-siyana.

16 Tinogonawo kunyaradza vakwegura nokuvashanyira, tonyatsoteerera zvakaitika kwavari zvavanenge vachitiudza uye makomborero avakawana mubasa raJehovha. Izvi zvingatikurudzira uye kutinyaradza. Tinogona kuverenga pamwe navo Bhaibheri kana kuti mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri. Pamwe pacho tingakurukura navo nyaya yeNharireyomurindi inenge ichidzidzwa vhiki iroro kana kuti Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Tinogona kuona navo rimwe remaDVD esangano. Tinogonawo kuverenga kana kuti kutaura zvakaitika zvinokurudzira zviri mumabhuku edu.

17, 18. Sevashumiri vaJehovha vakavimbika, chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti achatitsigira uye achatinyaradza?

17 Kana tikaona kuti mumwe watinonamata naye anoda kunyaradzwa, tinogona kutaura nezvake muminyengetero yedu. (VaR. 15:30; VaK. 4:12) Patinenge tichiedza kutsungirira matambudziko oupenyu uye tichinyatsoedza kunyaradza vamwe, tinogona kuva nokutenda kwakafanana nokwemunyori wepisarema uyo akaimba kuti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.” (Pis. 55:22) Zvechokwadi, Jehovha haazomboregi kunyaradza uye kutsigira vashumiri vake vakavimbika.

18 Mwari akaudza vanamati vake vekare kuti: “Ini—ndini ndiri kukunyaradzai.” (Isa. 51:12) Jehovha achatinyaradzawo, achakomborera zvakanaka zvatinoita uye zvatinotaura tichinyaradza vanochema. Tingave tiine tariro yokudenga kana yepasi pano, mumwe nomumwe wedu anogona kunyaradzwa nemashoko aPauro aakanyorera hama dzake dzakazodzwa anoti: “Ishe wedu Jesu Kristu naMwari Baba vedu, vakatida isu, vakatipa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka nomutsa usina kukodzera kuwanwa, ngavanyaradze mwoyo yenyu nokukusimbisai pamabasa nemashoko ose akanaka.”—2 VaT. 2:16, 17.

Unoyeuka Here?

• Basa redu rokunyaradza vanochema rakakura sei?

• Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinogona kuita kuti tinyaradze vamwe?

• Uchapupu hupi huri muMagwaro hwokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Unonyaradzawo vari kuchema here?

[Mufananidzo uri papeji 30]

Pasinei nokuti uri muduku kana mukuru, unogona kukurudzira vamwe