Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsira Varume Kuti Vafambire Mberi Pakunamata

Batsira Varume Kuti Vafambire Mberi Pakunamata

Batsira Varume Kuti Vafambire Mberi Pakunamata

“Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.”—RUKA 5:10.

1, 2. (a) Varume vakawanda vakaita sei pavakanzwa Jesu achiparidza? (b) Munyaya ino tichakurukurei?

JESU nevadzidzi vake pavaiparidza muGarireya mose, vakakwira chikepe ndokuenda kunzvimbo isina vanhu. Asi vanhu vazhinji vakavatevera netsoka. Vose vakauya musi uyu vaiva “varume vanenge zviuru zvishanu, vakadzi nevana vaduku vasingabatanidzwi.” (Mat. 14:21) Pane imwe nguva, boka revanhu rakauya kuna Jesu, richida kuporeswa uye kumunzwa achidzidzisa. Paiva ne“varume zviuru zvina, vakadzi nevana vaduku vasingabatanidzwi.” (Mat. 15:38) Zviri pachena kuti varume vakawanda vaivapowo pavanhu vakauya kuna Jesu uye vakafarira zvaaidzidzisa. Aitotarisira kuti vanhu vakawanda vamuteerere, nokuti pashure pokunge aita chishamiso chokubata hove akaudza mudzidzi wake Simoni kuti: “Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.” (Ruka 5:10) Vadzidzi vake vaifanira kuita sevari kukanda mambure avo sezvavaiita basa rokuparidza, vaine tarisiro ‘yokubatawo’ varume vakawanda.

2 Mazuva ano, varume vanofarirawo zvatinoparidza zvinotaurwa neMagwaro uye vanoteerera. (Mat. 5:3) Zvisinei, vakawanda vacho vanodzidza asi havazofambiri mberi pakunamata. Tingavabatsira sei? Kunyange zvazvo Jesu asina kutsvaka nzira yokungoparidzira varume chete, aitaurawo zvaiva nechokuita nevarume vepanguva yake. Tichishandisa muenzaniso waJesu, ngatikurukurei kubatsira kwatingaita varume pazvinhu zvitatu zvinovadya mwoyo mazuva ano zvinoti: (1) kuwana chokurarama nacho, (2) kutya zvinofungwa noruzhinji uye (3) kufunga kuti havazozvikwanisi.

Kuwana Chokurarama Nacho

3, 4. (a) Varume vakawanda vanonyanya kuzvidya mwoyo nechii? (b) Nei vamwe varume vachikoshesa kuwana zvokurarama nazvo kupfuura kunamata?

3 Mumwe munyori akati kuna Jesu: “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamave kuda kuenda.” Zvisinei, Jesu paakamuudza kuti “Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake,” munyori wacho akabva achinja pfungwa. Kugara asingazivi kuti mangwana aizodyei kana kuti aizogara kupi kunofanira kunge kwakamuomera nokuti hapana chinoratidza kuti akazova muteveri waKristu.—Mat. 8:19, 20.

4 Varume vanowanzokoshesa kuwana zvinhu zvokurarama nazvo kupfuura kunamata. Vakawanda vavo vanokoshesa kuwana dzidzo yepamusorosoro uye kuwana basa rine mari. Maererano nemafungiro avo, kuwana mari ndiko kunofanira kuva pokutanga uye kunonyanya kukosha kupfuura kudzidza Magwaro uye kuva neukama hwakanaka naMwari. Vangafarira zvinodzidziswa neBhaibheri, asi “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma” zvinovhunga kufarira chero kupi kwavangava nako. (Mako 4:18, 19) Funga kuti Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kusarudza zvinhu zvinokosha muupenyu.

5, 6. Chii chakabatsira Andreya, Petro, Jakobho naJohani kuti vasarudze basa rainyanya kukosha muupenyu hwavo?

5 Andreya nemukoma wake Simoni Petro vaiva nebhizimisi rokubata hove. Ndiro raiitwawo naJohani, nemukoma wake Jakobho nababa vavo Zebhedhi. Bhizimisi ravo raifamba zvakanaka zvokuti vaitoda vanhu vemaricho. (Mako 1:16-20) Andreya naJohani pavakanzwa nezvaJesu kubva kuna Johani mubhabhatidzi, vakava nechokwadi chokuti vainge vawana Mesiya. Andreya akanoudza mukoma wake Simoni Petro, uye zvimwe Johani akanoudzawo mukoma wake Jakobho. (Joh. 1:29, 35-41) Mumwedzi yakatevera, vose vari vana vakafamba naJesu achiparidza muGarireya, muJudhiya nomuSamariya. Zvadaro, vadzidzi vacho vakadzokera kubhizimisi ravo rokubata hove. Vaida zvokunamata, asi ushumiri hwaisakosha zvokuva pokutanga muupenyu hwavo.

6 Gare gare, Jesu akakoka Petro naAndreya kuti vamutevere uye kuti vave “vabati vevanhu.” Vakaita sei pavakakokwa? “Vakabva vangosiya mambure acho, vakamutevera.” Jakobho naJohani vakaitawo saizvozvo. “Vakabva vangosiya chikepe chacho nababa vavo, vakamutevera.” (Mat. 4:18-22) Chii chakabatsira varume ava kuti vatange basa renguva yakazara? Chisarudzo ichi chaiva chechivhurumukira here? Kana! Mwedzi yainge yapfuura, varume ava vainge vanzwa Jesu achidzidzisa, vamuona achiita zvishamiso, vaona kushingairira kwaaiita zvinhu zvakarurama uye kufarira kwaiita vanhu zvaaidzidzisa. Saka kutenda kwavo uye kuvimba kwavaiita naJehovha kwakasimba!

7. Tingabatsira sei vatinodzidzisa Bhaibheri kuti vave nechivimbo chokuti Jehovha anogona kutarisira vanhu vake?

7 Tingatevedzera sei Jesu pakubatsira vatinodzidzisa Bhaibheri kuti vavimbe naJehovha? (Zvir. 3:5, 6) Tinogona kuzviita nemadzidzisiro atinoita. Patinovadzidzisa, tinogona kusimbisa vimbiso yaMwari yokuti achatikomborera zvikuru kana tikaisa Umambo pakutanga. (Verenga Maraki 3:10; Mateu 6:33.) Kunyange zvazvo tingashandisa magwaro akasiyana-siyana kuratidza kuti Jehovha anotarisira vanhu vake, hatifaniri kukanganwa kuti vanogona kudzidza kubva pamuenzaniso wedu. Kutaura zvakaitika muupenyu hwedu kunogona kuvabatsira chaizvo kuti vavimbe naJehovha. Tinogona kuvaudzawo nezvemienzaniso inokurudzira yatakaverenga mumabhuku edu. *

8. (a) Zvakanakirei kuti mudzidzi ‘aravire uye aone kuti Jehovha akanaka’? (b) Tingabatsira sei mudzidzi wedu kuti azvionere kuti Jehovha akanaka?

8 Kuti munhu ave nekutenda kwakasimba, hazvingodi kuti averenge chete kana kuti anzwe nezvekukomborerwa kwakaitwa vamwe naJehovha. Mudzidzi weBhaibheri anofanirawo kuzvionera ega kuti Jehovha akanaka. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Haiwa ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; anofara murume anopotera kwaari.” (Pis. 34:8) Tingabatsira sei mudzidzi kuti aone kuti Jehovha akanaka? Ngatitii mudzidzi ane nhamo yemari ari kuedzawo kurega katsika kakaipa kakadai sokusvuta, kubheja, kana kunyanyonwisa. (Zvir. 23:20, 21; 2 VaK. 7:1; 1 Tim. 6:10) Kumudzidzisa kuti anyengeterere kubatsirwa naMwari kukunda katsika kacho hakungamubatsiri here kuti aone kuti Jehovha akanaka? Chimbofungawo zvinogona kuitika kana tikakurudzira mudzidzi kukoshesa ukama hwake naMwari nokuwana nguva yokudzidza Bhaibheri vhiki rega rega, kugadzirira uye kupinda misangano yechiKristu. Chokwadi kana mudzidzi akazvionera ega kukomborerwa kwaanoitwa naJehovha, kutenda kwake kunosimba!

Kutya Zvinofungwa Neruzhinji

9, 10. (a) Nei Nikodhimo naJosefa wokuArimatiya vasina kubuda pachena kuti vaifarira Jesu? (b) Nei vamwe varume mazuva ano vachizeza kutevera Jesu?

9 Vamwe varume vangazeza kunyatsotevera Kristu vachitya kuti vamwe vanozotii. Nikodhimo naJosefa wokuArimatiya havana kubuda pachena kuti vaifarira Jesu nokuti vaitya zvaizotaurwa kana kuti zvaizoitwa nevamwe vaJudha. (Joh. 3:1, 2; 19:38) Vaiva nechikonzero chokutya. Vatungamiriri vechitendero vakatozopedzisira vava kuvenga Jesu zvokuti munhu wose aitenda maari aidzingwa musinagogi.—Joh. 9:22.

10 Mazuva ano, mune dzimwe nzvimbo, kana murume akafarira Mwari, Bhaibheri kana chitendero zvakanyanya, anogona kusekwa nevaanoshanda navo, shamwari kana hama dzake. Mune dzimwewo nzvimbo, kutaura nezvokuchinja chitendero kunogona kuva nengozi. Izvi zvingatonyanyooma kana murume achishanda muchiuto, mune zvematongerwo enyika kana kuti aine chinzvimbo munharaunda yaanogara. Somuenzaniso, mumwe murume wokuGermany akati: “Zvamunoparidza imi Zvapupu nezveBhaibheri ndezvechokwadi. Asi kana ndikava Chapupu, mangwana chaiye munhu wose anenge ava kuzviziva. Vanhu vekubasa, vemunharaunda, nevekukirabhu yemhuri yangu vanozofungei? Handingazombozvikwanisi.”

11. Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kuti vasatye vanhu?

11 Kunyange zvazvo vadzidzi vaJesu vaisava mbwende, vose vaimbotyawo vanhu. (Mako 14:50, 66-72) Jesu akavabatsira sei kuti vafambire mberi kunyange pavaishorwa nevamwe? Jesu akatora matanho okuti vagadzirire kushorwa kwavaizoitwa. Akati, “Munofara imi pose pamunovengwa nevanhu, uye pose pavanokusiyai nokukuzvidzai vachirasa zita renyu semakaipa nokuda kwoMwanakomana womunhu.” (Ruka 6:22) Jesu akayambira vateveri vake kuti vaizozvidzwa. Vaizozvidzwa “nokuda kwoMwanakomana womunhu.” Jesu akavavimbisawo kuti Mwari aizovatsigira uye aizovapa simba chero bedzi vaivimba naye. (Ruka 12:4-12) Uyezve, Jesu aikoka vatsva kuti vawadzane uye vashamwaridzane nevadzidzi vake pasina chokutya.—Mako 10:29, 30.

12. Tingabatsira sei vatsva kuti vasatya zvingaitwa nevamwe?

12 Isuwo tinofanira kubatsira vatinodzidzisa Bhaibheri kuti vasatye zvingaitwa nevamwe. Zviri nyore kukunda dambudziko kana wagara waziva nezvaro. (Joh. 15:19) Somuenzaniso tinogona kubatsira mudzidzi kushandisa Bhaibheri kupindura zviri nyore uye zvakanaka, paanobvunzwa uye paanopikiswa nevokubasa nevamwe. Pane kuti angoshamwaridzana nesu chete tinogonawo kuita kuti ave shamwari yevamwe vomuungano, kunyanya vaya vane mamiriro ezvinhu akafanana neake. Chinonyanya kukosha ndechokuti timudzidzise kugara achinyengetera zvinobva pamwoyo. Izvi zvinogona kumubatsira kuti aswedere pedyo naJehovha uye kuita kuti ave nzvimbo yake yokupotera uye dombo rake.—Verenga Pisarema 94:21-23; Jakobho 4:8.

Kufunga Kuti Havazozvikwanisi

13. Kufunga kuti havazozvikwanisi kunotadzisa sei vamwe kuwana chokwadi?

13 Vamwe varume vanozeza kutanga zvekunamata nokuti havaverengi zvakanaka uye zvokutaura zvinovanetsa kana kuti vanonyara. Vamwewo vanonzwa vasina kusununguka kutaura zvavanofunga paruzhinji. Kugara pasi vachidzidza, kupindura pamisangano yechiKristu kana kuudzawo vamwe zvavanotenda kunogona kuita segomo chairo. Imwe hama yechiKristu yakati, “Pandaiva muduku, ndaienda pasuo, ndonyepedzera kuridza bhero, ndobva ndasvova zvangu ndichiti dai pakasava neanondinzwa kana anondiona. . . . Kungofunga nezvekuenda pamba nemba kwaindirwarisa.”

14. Nei vadzidzi vaJesu vakatadza kuporesa mukomana aiva nedhimoni?

14 Funga kuti vadzidzi vaJesu vangave vakanzwa sei pavakatadza kuporesa mukomana aiva nedhimoni. Baba vemukomana wacho vakaenda kuna Jesu ndokuti: “[Mwanakomana wangu] ane tsviyo uye anorwara, nokuti anowanzopunzikira mumoto uye kazhinji mumvura; ndauya naye kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumurapa.” Jesu akadzinga dhimoni racho, akamurapa. Vadzidzi vakazoenda kuna Jesu ndokumubvunza kuti: “Nei tisina kugona kuridzinga?” Jesu akapindura kuti: “Nokuda kwokutenda kwenyu kuduku. Nokuti chokwadi ndinoti kwamuri, Kana muine kutenda kwakakura setsanga yemasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende apo,’ uye richabva, uye hapana chinhu chamuchatadza.” (Mat. 17:14-20) Kutenda muna Jehovha kunodiwa kuti munhu akunde zvipingamupinyi zvakaita semakomo. Chii chinoitika kana munhu akatadza kuona kukosha kwokutenda otanga kuvimba nemano ake? Anogona kukundikana zvozoita kuti afunge kuti hapana chaanombogona.

15, 16. Tingabatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti asafunge kuti haazozvikwanisi?

15 Nzira yakanaka yokubatsira munhu anenge achifunga kuti haazokwanisi kushumira Mwari ndeyokumukurudzira kuti arege kunyanyofunga nezvake asi nezvaJehovha. Petro akanyora kuti: “Zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti iye akukwidziridzei munguva yakakodzera; muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari.” (1 Pet. 5:6, 7) Izvi zvinoda kuti tibatsire mudzidzi weBhaibheri kuti ade Jehovha. Munhu anoda Mwari anokoshesa zvinhu zvokunamata chaizvo. Anoda Shoko rake uye anoratidza “chibereko chomudzimu” muupenyu hwake. (VaG. 5:22, 23) Anogara achinyengetera. (VaF. 4:6, 7) Uyewo, anokumbira Mwari ushingi nesimba kuti zvimubatsire mumamiriro ose ezvinhu uye kuti abudirire pakuita basa rake.—Verenga 2 Timoti 1:7, 8.

16 Vamwe vadzidzi vangadawo kunyatsobatsirwa kuti vagone kuverenga, kukurukurirana uye kuva neunyanzvi hwokutaura. Vamwe vangafunga kuti havana kukodzera kushumira Mwari nemhaka yezvakaipa zvavaiita vasati vaziva Jehovha. Mumamiriro ose aya ezvinhu tinogona kubatsira mudzidzi nokumuratidza rudo uye kumushivirira. Jesu akati, “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda.”—Mat. 9:12.

Batsira Varume Vakawanda Kuti Vazive Jehovha

17, 18. (a) Tingawana sei varume vakawanda muushumiri? (b) Munyaya inotevera tichadzidzei?

17 Tinoda chaizvo kuti varume vakawanda vabvume mashoko anonyatsogutsa anowanika muBhaibheri chete. (2 Tim. 3:16, 17) Saka tingawana sei varume vakawanda patinenge tichiparidza? Nokuparidza nguva yakawanda ari manheru, masikati oMugovera neSvondo, kana pamazororo varume vakawanda pavanenge vari pamba. Kana zvichiita tinogona kukumbira kutaura nasamusha. Pazvinenge zvakakodzera, ngatiparidzirei zvisina kurongwa varume vatinoshanda navo uye tiedze kubatsira varume vasingatendi vane madzimai ari muungano yedu.

18 Sezvatinoparidzira munhu wose watinosangana naye, tinogona kuva nechivimbo chokuti vaya vari kutsvaka chokwadi vachateerera. Tinofanira kushivirira toramba tichibatsira vose vanoratidza kufarira chokwadi. Zvisinei, tingabatsira sei varume vakabhabhatidzwa vari muungano kuti vavavarire uye vakwanise kuita mamwe mabasa musangano raMwari? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo uyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Ona Mabhuku Egore eZvapupu zvaJehovha uye nyaya dzoupenyu dzinobudiswa muNharireyomurindi neMukai!

Ungapindura Sei?

• Varume vangabatsirwa sei kuti vaise zvinhu zvine chokuita nokunamata pokutanga?

• Tingabatsira sei vatsva kuti vatsungirire pavanenge vachishorwa nevamwe?

• Chii chingabatsira vamwe kuti vasava nepfungwa dzokuti havazozvikwanisi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 25]

Unotsvaka mikana yokuzivisa mashoko akanaka kuvarume here?

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ungabatsira sei mudzidzi weBhaibheri kuti agare akagadzirira miedzo ichauya?