Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisai Vamwe Kuti Vakwanise Kushumira Muungano

Dzidzisai Vamwe Kuti Vakwanise Kushumira Muungano

Dzidzisai Vamwe Kuti Vakwanise Kushumira Muungano

“Munhu wose anonyatsorayiridzwa achafanana nomudzidzisi wake.”—RUKA 6:40.

1. Chii chakaitwa naJesu paaiita ushumiri hwake pasi pano chaizoita kuti pave neungano yakakura?

MUAPOSTORA Johani akapedzisa kunyora nhoroondo yeupenyu hwaJesu achiti: “Chokwadi, pane zvimwewo zvinhu zvizhinji zvakaitwa naJesu, izvo, kudai zvakanyorwa zvose chimwe nechimwe, ndinofunga kuti, nyika yaisagona kukwana mipumburu yacho.” (Joh. 21:25) Jesu paaiita ushumiri hwake hwenguva pfupi asi achishanda nesimba, akatsvaka varume, akavadzidzisa uye akaronga kuti vazosara vachitungamirira abva panyika. Paakadzokera kudenga muna 33 C.E., akanga adzidzisa vadzidzi vashomanana vaizofanira kudzidzisawo vamwe vachiramba vachiwanda kusvikira yava ungano yakakura chaizvo.—Mab. 2:41, 42; 4:4; 6:7.

2, 3. (a) Nei varume vakabhabhatidzwa vachifanira kuvavarira kuti vashumire muungano? (b) Munyaya ino tichakurukurei?

2 Iye zvino vaparidzi voUmambo vanoshingaira zvavava kupfuura mamiriyoni manomwe muungano dzinodarika 100 000 munyika yose, varume vanotungamirira pakunamata vari kuramba vachiwedzera kudiwa. Somuenzaniso, kuri kudiwa vakuru vechiKristu vakawanda. Vaya vanovavarira kuwana ropafadzo yokushumira vanofanira kurumbidzwa nokuti vari kuda “basa rakanaka.”—1 Tim. 3:1.

3 Zvisinei, varume havangoerekani vapiwa mabasa muungano. Dzidzo yenyika kana kuti ruzivo rwoupenyu handizvo zvinoita kuti murume azopiwa basa iri. Kuti ashumire zvakanaka, anofanira kunge achirarama zvinoenderana neMagwaro. Mano ake haasi iwo anonyanya kukosha asi manamatiro ake. Varume vari muungano vangabatsirwa sei kuti vakwanise kushumira? Jesu akati, “Munhu wose anonyatsorayiridzwa achafanana nomudzidzisi wake.” (Ruka 6:40) Munyaya ino tichakurukura dzimwe nzira dzakashandiswa neMudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu, pakubatsira vadzidzi vake kuti vakwanise kuzoshumira, uye tichaona zvatingadzidza pane zvaakaita.

“Ndati Muri Shamwari”

4. Jesu akaratidza sei kuti aiva shamwari chaiyo yevadzidzi vake?

4 Jesu aibata vadzidzi vake seshamwari, kwete varanda. Aipedza nguva yakawanda ainavo, aivimba navo uye ‘akavazivisa zvinhu zvose zvaakanzwa kuna Baba vake.’ (Verenga Johani 15:15.) Chimbofunga kufara kwavakaita Jesu paakapindura mubvunzo wavo wokuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mat. 24:3, 4) Aiudzawo vateveri vake zvaiva kutsi kwemwoyo wake. Somuenzaniso, usiku hwaakatengeswa, Jesu akaenda naPetro, Jakobho uye Johani kumunda weGetsemani, kwaakanonyengetera chaizvo achishungurudzika. Vaapostora vacho vatatu vangadaro vasina kunzwa zvaitaurwa naJesu paainyengetera, asi vanofanira kuva vakaona kuti aishungurudzika zvikuru. (Mako 14:33-38) Fungawo kuti vatatu ava vanofanira kunge vakasimbiswa sei nokuchinja chitarisiko kwakanga kwamboita Jesu. (Mako 9:2-8; 2 Pet. 1:16-18) Ushamwari hwepedyo uhwo Jesu akava nahwo nevadzidzi vake hwakavasimbisa pamabasa anokosha chaizvo avakazoita.

5. Vakuru vechiKristu vangabatsira sei vamwe muungano?

5 Kufanana naJesu, mazuva ano vakuru vechiKristu vanoshamwaridzana nevamwe vachivabatsira. Vanoedza kuva noushamwari hwepedyo nehama dzavo nokuratidza kuti vanodzifarira. Kunyange zvazvo vakuru vachiziva kukosha kwekusataura nyaya dzisingafaniri kuzivikanwa nevanhu vose vose, vanovimba nehama dzavo uye vanodziudzawo zvimwe zvavakadzidza muBhaibheri. Vakuru havambotarisiri pasi mushumiri anoshumira nokuti muduku kwavari. Asi vanomuona somurume akasimba pakunamata uye ari kufambira mberi, anoita basa rinokosha muungano.

“Ndakuitirai Muenzaniso”

6, 7. Rondedzera muenzaniso uyo Jesu akasiyira vadzidzi vake uye kuti vakabatsirwa sei nawo.

6 Kunyange zvazvo vadzidzi vaJesu vaikoshesa zvinhu zvine chokuita nokunamata, dzimwe nguva mafungiro avo aikanganiswa nemakuriro avakaita uye tsika. (Mat. 19:9, 10; Ruka 9:46-48; Joh. 4:27) Zvisinei, Jesu haana kutsoropodza kana kutsamwira vadzidzi vake. Uyewo aisavakumbira kuita zvavaisakwanisa kana kuvati vaite zvaakanga asingaiti. Asi aivadzidzisa nomuenzaniso wake.—Verenga Johani 13:15.

7 Jesu akasiyira vadzidzi vake muenzaniso wakaita sei? (1 Pet. 2:21) Akaita kuti upenyu hwake husava netwakawandawanda kuti akwanise kushumira vamwe. (Ruka 9:58) Jesu aiva nomwero uye aigara achidzidzisa zvaibva muMagwaro. (Joh. 5:19; 17:14, 17) Aitaurika naye uye aiva nomutsa. Zvose zvaaiita aizviita pamusana perudo. (Mat. 19:13-15; Joh. 15:12) Muenzaniso waJesu wakabatsira chaizvo vaapostora vake. Somuenzaniso, Jakobho akaramba akashinga, achishumira Mwari kusvikira aurayiwa. (Mab. 12:1, 2) Johani akaramba achitevera tsoka dzaJesu kwemakore anodarika 60.—Zvak. 1:1, 2, 9.

8. Vakuru vanoratidza muenzaniso wakaita sei kuvarume vechiduku nevamwe?

8 Vakuru vanogona kuva muenzaniso wakanaka kuvarume vechiduku nokuva norudo, kuzvininipisa uye kuzvipira kubatsira vamwe. (1 Pet. 5:2, 3) Uyezve, vanogutsikana nokuziva kuti vamwe vanogona kuvatevedzera pakutenda, pakudzidzisa, pakurarama kwechiKristu uye muushumiri.—VaH. 13:7.

‘Akavapa Mirayiro, Ndokuvatuma’

9. Tinoziva sei kuti Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuita basa rokuparidza?

9 Pashure pokuparidza achishingaira kwemakore maviri, Jesu akawedzera basa iroro nokutuma vaapostora vake 12 kunoparidza. Asi akatanga avapa mirayiro. (Mat. 10:5-14) Paakanga ava kuda kuita chishamiso chokupa vanhu vane zviuru zvokudya, Jesu akaudza vadzidzi vake marongero avaifanira kuita vanhu uye kuvapa zvokudya. (Ruka 9:12-17) Saka zviri pachena kuti Jesu akadzidzisa vadzidzi vake nokuvapa mirayiridzo yakajeka. Kudzidzisa kwakadaro, pamwe nokushanda kune simba kwomudzimu mutsvene, kwakazobatsira vaapostora kuronga basa rakakura rokuparidza rakaitwa muna 33 C.E. zvichienda mberi.

10, 11. Vatsva vangaramba vachidzidziswa sei kuti vashumire muungano?

10 Mazuva ano, kurayiridza murume pane zvokunamata kunotanga paanobvuma kudzidza Bhaibheri. Zvimwe tingada kumubatsira kuverenga zvakanaka. Tinoramba tichimubatsira sezvatinodzidza naye Bhaibheri. Paanotanga kupinda misangano yechiKristu nguva dzose, anoramba achirayiridzwa sezvaanonyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri, paanova muparidzi asina kubhabhatidzwa, uye paanoita zvimwewo. Abhabhatidzwa, angarayiridzwa pazvinhu zvakadai sokubatsira kugadzira zvinenge zvafa paImba yoUmambo. Nokufamba kwenguva, hama inogona kubatsirwa kunzwisisa zvainofanira kuita kuti izova mushumiri anoshumira.

11 Mukuru paanopa hama yakabhabhatidzwa basa, anoirayiridza achifara maitirwo ezvinhu musangano. Hama inenge ichidzidziswa inofanira kunzwisisa zvairi kunzi iite. Kana iri kunetseka nezvainenge yanzi iite, mukuru ane rudo haabvi afunga kuti haikwanisi. Asi mukuru wacho anotaura chaipo panenge pachida kugadziriswa, odzokorora zviri kuda kuitwa uye maitirwo azvo. Vakuru vanonakidzwa chaizvo nokubatsira hama kuti dziite mabasa adzo nokuti vanoziva kuti kushumira vamwe muungano kuchaita kuti dzifare.—Mab. 20:35.

“Anoteerera Zano Akachenjera”

12. Nei zano raJesu raibatsira?

12 Jesu akadzidzisa vadzidzi vake nokuvapa zano pane zvavaifanira kugadzirisa. Somuenzaniso, akatsiura Jakobho naJohani pavaida kuti moto uburuke kubva kudenga upise vaSamariya vakanga vasina kumugamuchira. (Ruka 9:52-55) Amai vaJakobho naJohani pavakaenda kuna Jesu kuti vavakumbirire zvinzvimbo muUmambo, Jesu akaudza Jakobho naJohani kuti: “Izvi zvokugara pasi kuruoko rwangu rworudyi nokuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa naBaba vangu.” (Mat. 20:20-23) Jesu aigara achipa zano rakajeka, rinobatsira, uye rinobva muMagwaro. Akadzidzisa vadzidzi vake kunyatsofunga zvinotaura Magwaro uye kuzvishandisa. (Mat. 17:24-27) Jesu aizivawo kuti vateveri vake vainge vasina kukwana uye kuti pane zvimwe zvinhu zvavaisakwanisa kuita. Aivapa zano nokuti aivada zvechokwadi.—Joh. 13:1.

13, 14. (a) Ndiani anofanira kupiwa zano? (b) Ipa muenzaniso wezano iro mukuru angapa munhu asiri kufambira mberi pakunamata.

13 Murume wese anovavarira kushumira muungano yechiKristu pane imwe nguva muupenyu hwake achada zano rinobva muMagwaro. Zvirevo 12:15 inoti: “Anoteerera zano akachenjera.” Imwe hama yechiduku yakati: “Dambudziko guru randaiva naro raiva rokufunga kuti ndaisazvikwanisa. Zano randakapiwa nemumwe mukuru rakandibatsira kuti ndive nemaonero akanaka.”

14 Kana vakuru vakaona kuti imwe hama haisi kufambira mberi pakunamata pamusana pamaitiro ayo, vanotaura nayo vachiedza kuiruramisa nounyoro. (VaG. 6:1) Dzimwe nguva vakuru vanofanira kupa mumwe munhu zano kuti agadzirise mafungiro ake. Somuenzaniso, kana hama isingashandi nesimba, mukuru angaona zvichibatsira kuiratidza kuti Jesu aiva muparidzi woUmambo aishingaira uye akapa vateveri vake basa rokuita kuti vamwe vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20; Ruka 8:1) Kana hama ichiita sokuti inoda chinzvimbo, mukuru angairatidza kubatsira kwakaita Jesu vadzidzi vake kuona ngozi dzokutsvaka zvinzvimbo. (Ruka 22:24-27) Zvakadini kana hama iine katsika kekusakanganwira? Inogona kubatsirwa chaizvo nomufananidzo womuranda akaramba kukanganwira mumwe wake chikwereti chiduku kunyange zvazvo iye akanga akanganwirwa chakakura. (Mat. 18:21-35) Kana hama ichifanira kupiwa zano, zvakanaka kuti vakuru vakurumidze kuita izvozvo.—Verenga Zvirevo 27:9.

‘Zvirovedze’

15. Murume angabatsirwa sei nemhuri yake kuti ashumire vamwe?

15 Vakuru ndivo vanotungamirira pakudzidzisa varume kuti vavavarire kushumira muungano, asi vamwe vanogona kubatsirawo. Somuenzaniso, mhuri yemurume wacho inogona uye inofanira kumubatsira. Kana hama yacho ichitova mukuru, ichabatsirwa nokutsigirwa nomudzimai ane rudo uye vana vasina udyire. Kubvuma kwavo kuti ashandise imwe nguva pazvinhu zveungano kunokosha kana achizobudirira pakuita basa rake. Kuzvipira kwavo kunoita kuti afare uye kunotendwa chaizvo nevamwe.—Zvir. 15:20; 31:10, 23.

16. (a) Ndiani ane basa rakakura pakuita kuti munhu asvike pakushumira? (b) Murume angaitei kuti azokwanisa kushumira muungano?

16 Kunyange zvazvo vamwe vachigona kubatsira uye kutsigira murume kuti avavarire kushumira, iye ndiye ane basa rakakura. (Verenga VaGaratiya 6:5.) Ichokwadi kuti hama haifaniri hayo kuva mushumiri anoshumira kana mukuru kuti ibatsire vamwe uye kuti ishingaire muushumiri. Zvisinei, kuti ukwanise kushumira muungano unotofanira kushanda nesimba kuti urarame maererano nezvinodiwa neMagwaro. (1 Tim. 3:1-13; Tito 1:5-9; 1 Pet. 5:1-3) Saka kana murume achida kuva mushumiri anoshumira kana mukuru asi asati agadzwa, anofanira kunyatsozviongorora oona paanofanira kugadzirisa. Kuti aite izvozvo, anofanira kuverenga Bhaibheri nguva dzose, kunyatsodzidza ari oga, kufungisisa, kunyengetera nemwoyo wose, uye kushingaira muushumiri hwechiKristu. Pakadai, anogona kushandisa zano rakapiwa Timoti naPauro rokuti: “Vavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari.”—1 Tim. 4:7.

17, 18. Hama yakabhabhatidzwa inogona kuita sei kana isina chido chokushumira uye ichifunga kuti haizozvikwanisi?

17 Asi zvakadini kana murume achifunga kuti haazozvikwanisi? Zvingava zvakanaka kana akambofunga kubatsirwa kwatinoitwa naJehovha naJesu Kristu. Chokwadi, Jehovha “anotitakurira mutoro zuva nezuva.” (Pis. 68:19) Saka Baba vedu vokudenga vanogona kubatsira hama kuti ishumire muungano. Hama isiri mushumiri anoshumira kana mukuru inogona kubatsirika kana ikayeuka kuti kuri kudiwa varume vakawanda vanokwanisa kutungamirira musangano raMwari. Kufungisisa izvi kungaibatsira kuti isafunga kuti haizokwanisi kushumira. Inogona kunyengeterera mudzimu mutsvene, nokuti chibereko chawo, icho chinosanganisira rugare uye kuzvidzora, chinogona kuibatsira kuti isafunga kuti haingambozvikwanisi. (Ruka 11:13; VaG. 5:22, 23) Uye tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha anokomborera vose vanoda kushumira vaine chinangwa chakanaka.

18 Zvakadini kana hama isina chido chokushumira? Chii chingaibatsira? Muapostora Pauro akanyora kuti: “[Mwari], ari kushanda mamuri kuti mude uye muite zvinomufadza.” (VaF. 2:13) Jehovha ndiye anoita kuti munhu ave nechido chokushumira, uye mudzimu wake unogona kumusimbisa kuti aite basa dzvene. (VaF. 4:13) Uyewo muKristu anogona kunyengetera kuti Mwari amubatsire kuti aite zvakarurama.—Pis. 25:4, 5.

19. Kumutswa ‘kwevafudzi vanomwe, chokwadi machinda masere’ kunotivimbisa chii?

19 Jehovha anokomborera zvinoitwa nevarume vakuru pakubatsira vamwe. Anokomborerawo vaya vane chido chokushumira muungano. Magwaro anotivimbisa kuti pakati pevanhu vaMwari pachamutswa ‘vafudzi vanomwe, chokwadi machinda masere’ ayo anomirira nhamba inodiwa yevarume vanokwanisa, kuti vatungamirire musangano raJehovha. (Mika 5:5) Chokwadi, chikomborero chaicho kuti hama dzakawanda dziri kurovedzwa uye dziri kuvavarira kushumira dzichizvininipisa kuti Jehovha arumbidzwe!

Ungapindura Sei?

• Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kuti vakwanise kuzoshumira?

• Vakuru vangatevedzera sei Jesu pakubatsira varume kuti vatungamirire muungano?

• Murume angabatsirwa sei nemhuri yake kuti akwanise kushumira muungano?

• Murume angaitei kuti akwanise kushumira muungano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 31]

Ungarovedza sei mudzidzi weBhaibheri sezvaanofambira mberi?

[Mufananidzo uri papeji 32]

Varume vangaratidza sei kuti vari kuvavarira kushumira muungano?