Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehu Aishingairira Kunamata Kwakachena

Jehu Aishingairira Kunamata Kwakachena

Jehu Aishingairira Kunamata Kwakachena

JEHU aishingairira kunamata kwakachena. Izvi aizviita nesimba rose, akashinga, asinganonoki kusarudza, asingadzokeri shure uye achishingaira. Jehu ane zvakanaka zvaakaita zvatinogonawo kutevedzera.

Jehu akatumwa naJehovha zvinhu pazvainge zvisina kumira zvakanaka murudzi rwaIsraeri. Vanhu vomunyika iyi vakanga vachifurirwa kuita zvakaipa naJezebheri, amai vamambo Jehoramu, vakanga vafirwa nomurume wavo Ahabhi. Jezebheri akasimudzira kunamata Bhaari panzvimbo pokunamata Jehovha, akauraya vaprofita vaMwari uye aikanganisa vanhu ne“ufeve” uye “uroyi” hwake. (2 Madz. 9:22; 1 Madz. 18:4, 13) Jehovha akarayira kuti imba yose yaAhabhi iparadzwe kusanganisira Jehoramu naJezebheri. Jehu ndiye aifanira kutungamirira pakuita basa iri.

Magwaro anotanga kutaura nezvaJehu akagara nevakuru veuto, vaIsraeri pavakanga vachirwisa vaSiriya kuRamoti-giriyedhi. Jehu akanga ari mukuru mukuru weuto, uye zvichida aitova mutungamiriri weuto revaIsraeri. Muprofita Erisha akatuma mumwe mwanakomana wevaprofita kuti anozodza Jehu, uye kuti amurayire kuuraya munhurume wose weimba yaAhabhi yakanga yapanduka.—2 Madz. 8:28; 9:1-10.

Paakabvunzwa nevamwe vake kuti nei akanga ashanyirwa, Jehu akanga asingadi kuvaudza. Asi pavakaramba vachimubvunza akazovaudza chokwadi uye iye nevamwe vake vakabva varonga kumukira Jehoramu. (2 Madz. 9:11-14) Pamwe vakanga vatogara vasiri kufarira utongi hwaJehoramu uyo aifurirwa naamai vake Jezebheri. Chero zvazvaiva, Jehu akanyatsofunga zvaizomubatsira kuti abudirire pabasa raakanga apiwa.

Mambo Jehoramu akanga ari muguta reJezreeri kuti apore pakukuvara kwaakanga aita muhondo. Jehu aiziva kuti shoko rezvaaironga rikasvika kuJezreeri, zano rake raisazobudirira. Jehu akataura kuti, “Musarega chero munhu upi zvake achitiza muguta kuti anosvitsa mashoko kuJezreeri.” (2 Madz. 9:14, 15) Zvimwe aifunga kuti mamwe mauto aitsigira Jehoramu angamurwisa. Jehu aida kuti izvi zvisaitike.

KUMHANYISA NGORO ZVINOTYISA!

Kuti asvikire mambo akavarairwa, Jehu akamhanya nengoro kwemakiromita 72 kubva kuRamoti-giriyedhi kusvika kuJezreeri. Ava kusvika, varindi vaiva pashongwe vakaona “boka revarume vaJehu raiti nyandu nyandu.” (2 Madz. 9:17) Jehu anofanira kunge akaenda neuto guru kuti aite zvaakanga afambira.

Varindi pavakaona kuti Jehu akanga ari mune imwe yengoro dzacho, vakati: “Anotyaira somunhu anopenga.” (2 Madz. 9:20) Kana yaiva tsika yaJehu yokumhanyisa ngoro, parwendo urwu anofanira kunge aitoita zvokubhururuka.

Paakaramba kutaura zvaainge afambira kune nhume mbiri dzakanga dzatumwa kwaari, Jehu akazosangana naMambo Jehoramu uyo aiva neshamwari yake Ahaziya, mambo waJudha, vari mungoro dzavo. Jehoramu paakabvunza kuti, “Kune rugare here nhai Jehu?” akapindurwa nehasha kuti: “Kungava norugare rwei kana ufeve hwaJezebheri amai vako nouroyi hwavo huzhinji zvichiripo?” Atyiswa nemapindurirwo aakaitwa, Jehoramu akatanga kutiza. Asi naJehu, haana kure kwaakaenda! Jehu akakunga uta, akabvoora Jehoramu nepamwoyo nomuseve, akabva angofira mungoro yake. Ahaziya akakwanisa kutiza asi Jehu akazomutevera akaita kuti aurayiwe.—2 Madz. 9:22-24, 27.

Mambokadzi Jezebheri akaipa ndiye aifanira kutevera kuurayiwa muimba yaAhabhi. Regai Jehu azomuti “akatukwa.” Jehu paakasvika kuJezreeri, akamuona achitarisa pasi nepahwindo remba yamambo. Asingaswerotenderera, Jehu akaudza machinda kuti akande Jezebheri nepahwindo. Akaita kuti mabhiza ake atsike-tsike mharadzi iyi yakafurira Israeri wose. Izvi zvaitika, Jehu akazoparadzazve vamwe vakawanda veimba yakaipa yaAhabhi.—2 Madz. 9:30-34; 10:1-14.

Kunyange hazvo kurwa kusingafadzi, Jehovha akashandisa vanhu vake kuti atonge vanhu vakaipa. Magwaro anoti: “Kuparara kwaAhaziya kwakabva kuna Mwari nokuenda kwaakaita kuna Jehoramu; uye paakasvika, akaenda naJehoramu kuna Jehu muzukuru waNimshi, akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhi.” (2 Mak. 22:7) Paaikanda chitunha chaJehoramu kubva mungoro yake, Jehu akayeuka kuti zvaakaita zvakazadzisa zvakanga zvataurwa naJehovha zvokutsiva kuurayiwa kwakaitwa Nabhoti naAhabhi. Uyezve Jehu akarayirwa kuti ‘atsive ropa revashumiri vaMwari’ vakaurayiwa naJezebheri.—2 Madz. 9:7, 25, 26; 1 Madz. 21:17-19.

Mazuva ano vashumiri vaJehovha havarwisi vaya vanopikisa kunamata kwakachena. Mwari anoti, “Kutsiva ndokwangu.” (VaH. 10:30) Asi, kuti ungano isasvibiswe nevanhu vanoita zvakaipa, vakuru vechiKristu vanofanira kushinga sezvakaitwa naJehu. (1 VaK. 5:9-13) Vanhu vose vari muungano vanofanira kutsunga kusashamwaridzana nevakadzingwa.—2 Joh. 9-11.

JEHU HAANA KUSHIVIRIRA VAIKWIKWIDZANA NAJEHOVHA

Jehu akaratidza chido chake chokuita zvaakanga atumwa paakataura kuna Jehonadhabhi ainge akatendeka kuti: “Handei unoona kusashivirira kwandinoita kukwikwidzana naJehovha.” Jehonadhabhi akabvuma uye akabva akwira mungoro yaJehu vakaenda pamwe chete kuSamariya. Jehu asvika “akaita nokunyengera, kuti aparadze vanamati vaBhaari.”—2 Madz. 10:15-17, 19.

Jehu akazivisa kuti aida kupa “chibayiro chikuru” kuna Bhaari. (2 Madz. 10:18, 19) “Apa Jehu akashandisa dimikira,” akadaro mumwe muongorori. Shoko rakataurwa pano “rinowanzoreva ‘chibayiro,’ asiwo rinoshandiswa richireva ‘kuuraya’ vapanduki.” Sezvo akanga asingadi kuti chero ani zvake ainamata Bhaari atadze kuuya kumusangano uyu, akavaunganidza vose muimba yaBhaari uye akaita kuti vapfeke hembe dzakasiyana nedzevamwe. “Paakanga angopedza kupa chinopiwa chinopiswa,” Jehu akaudza varume 80 vaiva nemapakatwa kuti vauraye vanamati vaBhaari. Akabva aita kuti imba yaBhaari itsakatiswe uye vakaiita chimbudzi, kuti isave yakakodzera kunamatira.—2 Madz. 10:20-27.

Ichokwadi kuti Jehu akateura ropa rakawanda. Asi Magwaro anotaura kuti aiva murume akashinga, akasunungura vaIsraeri kuti vasadzvinyirirwa naJezebheri nemhuri yake. Kuti mutungamiriri upi zvake wevaIsraeri abudirire pakuita izvi, zvaitoda kuti ashinge, asadzokera shure uye ashingaire. Rimwe duramazwi reBhaibheri rinoti, “Rakanga riri basa rakaoma uye raida kuitwa pasina kudzoka shure. Kuita zvokutamba panyaya iyi kwaisazoita kuti kunamatwa kwaBhaari kupere muIsraeri.”

Ichokwadi kuti mamiriro ezvinhu anotarisana nevaKristu mazuva ano anoda kuti vatevedzere zvimwe zvakaitwa naJehu. Somuenzaniso, tinofanira kuita sei patinoedzwa kuita zvinopesana nezvinodiwa naJehovha? Tinofanira kukurumidza kusarudza, kushinga, uye kutsunga kuzviramba. Kana tichida kuramba tichizvipira kuna Mwari, hatifaniri kushivirira zvinopesana nemirayiro yaJehovha.

CHENJERERA KUFAMBA MUMUTEMO WAJEHOVHA

Maperero anoita nyaya ino anotinyevera. Jehu ‘haana kurega kutevera mhuru dzendarama dzaiva kuBheteri uye kuDhani.’ (2 Madz. 10:29) Chii chakaita kuti munhu aimboshingairira kunamata kwakachena anamate zvidhori?

Jehu anofanira kunge aitenda kuti rudzi rwaIsraeri rwaifanira kunamata zvakasiyana nerudzi rwaJudha kuti rurambe rwakazvimiririra. Saka kuti marudzi aya arambe akaparadzana, Jehu akaedza zvakamboitwa nemamwe madzimambo evaIsraeri kuti vanhu varambe vachinamata mhuru. Asi izvi zvairatidza kuti akanga asingatendi muna Jehovha akanga amuita mambo.

Jehovha akarumbidza Jehu nokuti ‘akaita zvakanaka nokuita zvakarurama pamberi paMwari.’ Kunyange zvakadaro, Jehu “haana kuchenjerera kufamba mumutemo waJehovha Mwari waIsraeri nomwoyo wake wose.” (2 Madz. 10:30, 31) Uchifunga zvose zvakanga zvaitwa naJehu pokutanga, ungashamisika uye ungasiririswa nezvaakazoita. Asi, tine zvatinodzidza pane izvi. Hatingambodi kurerutsa ukama hwedu naJehovha. Kuti tirambe takavimbika kuna Mwari, mazuva ose tinofanira kudzidza Shoko rake, kufungisisa zviri mariri, uye kunyengetera nomwoyo wose kuna Baba vedu vokudenga. Saka, ngatichenjererei kuramba tichifamba mumutemo waJehovha nomwoyo wedu wose.—1 VaK. 10:12.

[Bhokisi riri papeji 4]

Zita raJehu Muzvinyorwa Zvisiri zveBhaibheri

Vanhu vanotsoropodza Bhaibheri havanyatsobvumi kuti vanhu vanotaurwamo vaivako zvechokwadi. Saka pane pamwe here, kunze kwemuBhaibheri, panopupurira kuti Jehu aivako?

Zvinenge zvinyorwa zvitatu zvakawanikwa muAsiriya zvinotaura nezvamambo uyu weIsraeri nezita. Chimwe chacho chinotaura kuti chine mufananidzo waJehu, kana kuti zvichida mumwe wenhume dzake, achikotamira Mambo weAsiriya Sharimaneseri III uye achimupa mutero. Chine mashoko anoti: “Mutero waJehu (Ia-ú-a), mwanakomana waOmri (Hu-um-ri); akandipa sirivha, ndarama, ndiro yendarama (saplu), vhasi rendarama, kapu yendarama, migomo yendarama, tini, tsvimbo yamambo, (uye) mimwe midziyo yemuti yakavezwa.” Jehu akanga asiri “mwanakomana waOmri” chaiye, asi zita iri raishandiswa pamadzimambo ose akazotevera aIsraeri, zvichida nemhaka yomukurumbira waOmri uye kuvaka kwaakaita Samariya guta guru reIsraeri.

Hatikwanisi kuwana uchapupu hwokuti zviri kutaurwa namambo weAsiriya pachinyorwa ichi zvokuti akapiwa mutero naJehu ndezvechokwadi. Kunyange zvakadaro, anotaura nezvaJehu katatu, muchinyorwa chiri pamusoro apa, pachifananidzo chaSharimaneseri, uye munhoroondo dzoumambo hweAsiriya. Mashoko aya anoita kuti tivimbe nenhoroondo dziri muBhaibheri dzinotaura nezvaJehu.