Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuti Uwane Upenyu Norugare, Famba Maererano Nomudzimu

Kuti Uwane Upenyu Norugare, Famba Maererano Nomudzimu

Kuti Uwane Upenyu Norugare, Famba Maererano Nomudzimu

“Famba maererano nomudzimu, kwete maererano nenyama.”—VAR. 8:4.

1, 2. (a) Kutyaira motokari pfungwa dziri pane zvimwe zvinhu kune ngozi yei? (b) Kubvisa pfungwa pakunamata dzichienda pane zvimwe zvinhu kunogona kuguma nengozi ipi?

“KUTYAIRA motokari pfungwa dziri pane zvimwe, idambudziko riri kwose kwose uye zvinoita sokuti riri kukura gore negore.” Ndizvo zvakataurwa nomunyori webazi rehurumende rezvokufambisa reUnited States. Foni dzeserura ndezvimwe zvezvinhu zvinogona kuita kuti mutyairi asaisa pfungwa pakutyaira kwaanofanira kunge achiita. Vanhu vanenge vana pagumi voga voga avo vakakurukurwa navo mune imwe ongororo yakaitwa, vakataura kuti vakadhumwa kana kuti vakapotsa vadhumwa nemotokari yaityairwa nemunhu aiva pafoni. Kutyaira uchiita zvimwe kungaita sokunobatsira, asi kune ngozi chaizvo.

2 Kana mutyairi akatorwa pfungwa nezvimwe zvinhu anogona kutadza kuona zvinoratidza kuti kune ngozi. Ndizvo zvazvakaitawo panyaya yokunamata, kana munhu akabvisa pfungwa pakunamata anogona kuwira mungozi nyore nyore. Kana tikasiya nzira yechiKristu nemabasa okunamata zvishoma nezvishoma, kutenda kwedu kunogona kupedzisira kwaparara. (1 Tim. 1:18, 19) Muapostora Pauro akanyevera nezvengozi iyi paakanyorera vaKristu vokuRoma kuti: “Kufunga kwenyama kunoreva rufu, asi kufunga kwomudzimu kunoreva upenyu norugare.” (VaR. 8:6) Pauro airevei nemashoko iwayo? Tingadzivisa sei “kufunga kwenyama” toedza kuva no“kufunga kwomudzimu”?

“Havapiwi Mhosva”

3, 4. (a) Pauro aiva nedambudziko ripi raakanyora nezvaro? (b) Nei tichifanira kuziva nezvezvaiitika kuna Pauro?

3 Mutsamba yaakanyorera vaRoma, Pauro akataura nezvedambudziko raaiva naro, rokurwisana kwemuviri wake nepfungwa. (Verenga VaRoma 7:21-23.) Pauro ainge asiri kuzvipembedza kana kungochema-chema, sokuti akanga akaremerwa nechivi zvokuti hapana zvaaigona kuita. Aitova muKristu akazodzwa aiva noruzivo, ainge asarudzwa kuti ave “muapostora kune mamwe marudzi.” (VaR. 1:1; 11:13) Saka chii chakaita kuti Pauro anyore nezvedambudziko iri?

4 Pauro aingobvuma chokwadi chokuti, nesimba rake oga aisakwanisa kuita zvaidiwa naMwari kusvika paaida. Chikonzero chacho chaiva chei? Akati, “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaR. 3:23) Somuzukuru waAdhamu, Pauro aitamburawo nechivi chaiva mumuviri wake. Tinozvinzwisisa, nokuti nesuwo hatina kukwana uye tinosangana nematambudziko akafanana neake zuva rega rega. Uyezve, pane zvakawanda zvinogona kutora pfungwa dzedu zvotitsausa ‘mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu.’ (Mat. 7:14) Zvisinei, Pauro ane zvaaigona kuita panyaya iyoyo, uye isu tine zvatinogonawo kuita.

5. Pauro akawana kupi rubatsiro?

5 Pauro akanyora kuti: “Ndiani achandinunura . . . ? Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaR. 7:24, 25) Adaro, akabva ataura nezvevaya “vari pamwe naKristu Jesu,” kureva vaKristu vakazodzwa. (Verenga VaRoma 8:1, 2.) Jehovha anoshandisa mudzimu wake mutsvene kuvagamuchira sevanakomana, achivadana kuti “vagari venhaka pamwe chete naKristu.” (VaR. 8:14-17) Mudzimu waMwari, pamwe nokutenda kwavanoita chibayiro chaKristu chorudzikinuro, zvinoita kuti vakunde dambudziko rakarondedzerwa naPauro, vobva varega ‘kupiwa mhosva.’ Vanosunungurwa “pamutemo wechivi noworufu.”

6. Nei vashumiri vose vaMwari vachifanira kunzwisisa mashoko aPauro?

6 Kunyange zvazvo Pauro aitaura nezvevaKristu vakazodzwa, zvaakataura nezvemudzimu waMwari uye chibayiro chaKristu chorudzikinuro zvinogona kubatsira vashumiri vose vaJehovha pasinei netariro yavainayo. Sezvo Pauro akafemerwa kupa zano rakadaro kuvaKristu vakazodzwa, zvinotokosha kuti vashumiri vose vaMwari vanzwisise zvaakanyora, voedza kubatsirwa nazvo.

“Mwari Akapa Mhosva Chivi Chiri Munyama” Sei?

7, 8. (a) Mutemo “wakanga usina simba nokuda kwenyama” pakudini? (b) Mwari akaitei achishandisa mudzimu wake uye rudzikinuro?

7 Muchitsauko 7 chaVaRoma, Pauro anobvuma simba rine chivi pamuviri womunhu asina kukwana. Muchitsauko 8, akataura nezvesimba romudzimu mutsvene. Muapostora uyu akatsanangura kubatsirwa kungaitwa vaKristu nomudzimu waMwari pakurwisana nesimba rechivi kuitira kuti vararame maererano nezvinoda Jehovha uye kuti avafarire. Pauro akaratidza kuti Mwari akashandisa mudzimu mutsvene uye chibayiro chorudzikinuro cheMwanakomana wake kuita zvakatadzwa noMutemo waMosesi.

8 Mutemo, pamwe nemirayiro yawo yakawanda, waipa vatadzi mhosva. Uyezve, vapristi vakuru vevaIsraeri vainge vasina kukwana uye vaisagona kupa chibayiro chaigona kubvisa chivi zvachose. Saka Mutemo “wakanga usina simba nokuda kwenyama.” Asi “nokutuma kwaakaita Mwanakomana wake . . . ari muchimiro chakafanana nenyama inotadza” uye kumupa kwaakaita sorudzikinuro, Mwari “akapa mhosva chivi chiri munyama,” zvikaita kuti agadzirise ‘zvaisakwaniswa noMutemo.’ Izvi zvinoita kuti vaKristu vakazodzwa vanzi vakarurama nemhaka yokutenda kwavo muchibayiro chorudzikinuro chaJesu. Vanokurudzirwa kufamba “maererano nomudzimu, kwete maererano nenyama.” (Verenga VaRoma 8:3, 4.) Chokwadi, kuti vapiwe “korona youpenyu” vanofanira kuramba vachidaro kusvika vapedza upenyu hwavo hwepasi pano.—Zvak. 2:10.

9. Shoko rokuti “mutemo” rakashandiswa pana VaRoma 8:2 rinorevei?

9 Pauro haana kutaura nezve“Mutemo” waMosesi chete, akataurawo nezve“mutemo womudzimu” uye “mutemo wechivi noworufu.” (VaR. 8:2) Mitemo iyi chii? Shoko rokuti “mutemo” riri murugwaro ruri pamusoro apa harirevi mirayiro, yakaita seiya iri muMutemo waMosesi. Rimwe bhuku rinoti: “Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti mutemo rinoreva zvinonzi nemwoyo ndizvo zvinofanira kuitwa, zvakanaka kana kuti zvakaipa, zvichishanda sezvinongoitawo mutemo chaiwo. Shoko racho rinorevawo mararamiro anosarudzwa nomunhu.”

10. Tiri pasi pomutemo wechivi noworufu pakudini?

10 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaR. 5:12) Tose zvedu tiri pasi pomutemo wechivi noworufu nokuti tiri vazukuru vaAdhamu. Muviri wedu une chivi unogara uchitikurudzira kuita zvinhu zvisingafadzi Mwari, zvichizongoguma norufu. Mutsamba yaakanyorera vaGaratiya, Pauro akadana zvinhu zvakadaro kuti “mabasa enyama.” Akabva awedzera kuti: “Vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (VaG. 5:19-21) Vanhu vakadai vakafanana nevaya vanofamba maererano nenyama. (VaR. 8:4) ‘Zvinonzi nemwoyo yavo ndizvo zvinofanira kuitwa’ uye ‘mararamiro avo’ ndezvenyama chete. Asi vanoita ufeve, vanonamata zvidhori, vanoita zvemidzimu, kana kuti vanoita zvimwe zvivi zvakakura, ndivo chete vanofamba maererano nenyama here? Kwete, nokuti mabasa enyama anosanganisirawo tunhu tunganzi nevamwe tutsika tusina kunaka, twakadai segodo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, uye shanje. Ndiani angati haachatombofambi maererano nenyama?

11, 12. Jehovha akaitei kuti atibatsire kukunda mutemo wechivi noworufu, uye tinofanira kuitei kuti Mwari atifarire?

11 Tinofara zvikuru kuti Jehovha akaita kuti tikwanise kukunda mutemo wechivi noworufu! Jesu akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Kana tikabvuma rudo rwaMwari uye tikatenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, tinogona kusunungurwa pakupiwa mhosva kunobva pachivi chatinozvarwa tiinacho. (Joh. 3:16-18) Saka, tinonzwa tichida kutaura mashoko aPauro okuti: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!”

12 Takaita somunhu ari kurapwa chirwere chingangomuuraya. Kana tichida kunyatsopora, tinofanira kuita zvatinoudzwa nachiremba. Kunyange zvazvo kutenda chibayiro kuchigona kutisunungura pamutemo wechivi noworufu, tichiri vanhu vasina kukwana uye vane chivi. Pane zvimwe zvinodiwa kuti tive noukama hwakanaka naMwari, kuti atifarire uye atikomborere. Panyaya yokuzadzisa “chinodiwa chakarurama choMutemo,” Pauro anotaurawo nyaya yokufamba maererano nomudzimu.

Ungafamba Sei Maererano Nomudzimu?

13. Zvinorevei kufamba maererano nomudzimu?

13 Patinofamba, tinenge tichibva pane imwe nzvimbo tichienda kune imwe. Saka kana munhu achifamba maererano nomudzimu anenge achifambira mberi pakunamata, zvisingarevi hazvo kuti haachakanganisi. (1 Tim. 4:15) Zuva rega rega, tinofanira kuedza nepatinokwanisa napo kufamba kana kuti kurarama maererano nezvinodiwa nomudzimu mutsvene. ‘Kufamba maererano nomudzimu’ kunoita kuti tifarirwe naMwari.—VaG. 5:16.

14. Ndezvipi zvinoitwa nevaya “vanoita maererano nenyama”?

14 Mutsamba yaakanyorera vaRoma, Pauro akaenderera mberi achitaura nezvezvikwata zviviri zvevanhu vanoisa pfungwa pazvinhu zvakasiyana. (Verenga VaRoma 8:5.) Pano shoko rokuti nyama harisi haro kureva muviri. MuBhaibheri, shoko rokuti “nyama” pamwe pacho rinoshandiswa kureva chivi kana kuti kusakwana kuri mumuviri. Kuva nechivi uku ndiko kunokonzera dambudziko rokurwisana kwemuviri nepfungwa rakataurwa naPauro. Zvisinei, “vaya vanoita maererano nenyama” vakasiyana naPauro pakuti havamboedzi kurwisa zvinodiwa nenyama yavo. Pane kufunga zvavanonzi naMwari vaite uye kubvuma rubatsiro rwaakapa, vanongoda kuisa “pfungwa dzavo pazvinhu zvenyama.” Vanogara vachiisa pfungwa pakugutsa zvido zvomuviri. Asi “vaya vanoita maererano nomudzimu” vanoisa pfungwa dzavo “pazvinhu zvomudzimu,” zvinhu zvine chokuita nokunamata.

15, 16. (a) Kuisa pfungwa pane chimwe chinhu kunoita kuti munhu ave nemafungiro akaita sei? (b) Tingatii nezvemafungiro oruzhinji rwevanhu mazuva ano?

15 Verenga VaRoma 8:6. Kuti munhu aite chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, anofanira kuisa pfungwa dzake pachiri. Vanhu vanogara vachiisa pfungwa dzavo pazvinhu zvenyama, pasina nguva vanenge vava kungofunga zvinhu izvozvo chete chete. Pfungwa dzavo dzinenge dzangozara zvinhu izvozvo uye ndizvo zvavanenge vava kungofarira.

16 Mazuva ano vanhu vakawanda vanogara vachifunga nezvechii? Muapostora Johani akanyora kuti: “Zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.” (1 Joh. 2:16) Zvido izvi zvinosanganisira zvinhu zvakadai sounzenza, mukurumbira, uye pfuma. Mabhuku, magazini, mapepanhau, mafirimu, mapurogiramu epaTV, uye Indaneti zvakazara nezvinhu zvakadai, nokuti ndizvo zvinodiwa nevanhu vakawanda uye zvavanoisa pfungwa dzavo pazviri. Zvisinei, “kufunga kwenyama kunoreva rufu,” kunouraya pakunamata iye zvino kwozoguma norufu chairwo. Nei zvakadaro? “Nokuti kufunga kwenyama kunoreva kuvengana naMwari, nokuti nyama haizviisi pasi pomutemo waMwari, uyewo, chokwadi, haigoni kudaro. Naizvozvo vaya vanoita maererano nenyama havagoni kufadza Mwari.”—VaR. 8:7, 8.

17, 18. Tingaedza sei kuva nokufunga kwomudzimu, uye zvinozoguma nei kana tikadaro?

17 Asi kana kuri “kufunga kwomudzimu kunoreva upenyu norugare,” upenyu husingaperi mune ramangwana uye rugare rwomwoyo uye rugare naMwari iye zvino. Tingaedza sei kuva no“kufunga kwomudzimu”? Nokugara tichiisa pfungwa dzedu pazvinhu zvomudzimu uye kuita kuti pfungwa dzedu dzide zvinhu zvine chokuita nokunamata. Kana tikaita izvi, tinenge tava nemafungiro ‘anozviisa pasi pomutemo waMwari’ uye ‘anoenderana’ nepfungwa dzake. Patinosangana nemuedzo, hatizoshayi kuti toita sei. Tichasarudza kuita zvakarurama, zvinoenderana nomudzimu.

18 Saka zvinokosha kuti tiise pfungwa dzedu pazvinhu zvomudzimu. Tinodaro ‘nokugadzirira pfungwa dzedu nokuda kwebasa,’ tichiita kuti kunamata, uko kunosanganisira kugara tichinyengetera, kuverenga uye kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano, uye ushumiri hwechiKristu, kuve musimboti woupenyu hwedu. (1 Pet. 1:13) Pane kurega zvinhu zvenyama zvichitora pfungwa dzedu, ngatiisei pfungwa pazvinhu zvomudzimu. Tikadaro, ticharamba tichifamba maererano nomudzimu. Izvozvo zvichatiunzira makomborero, nokuti kufunga kwomudzimu kunoreva upenyu norugare.—VaG. 6:7, 8.

Ungatsanangura Here?

• Zvii ‘zvaisakwaniswa noMutemo,’ uye Mwari akazvigadzirisa sei?

• “Mutemo wechivi noworufu” chii, uye tingasunungurwa sei pauri?

• Tinofanira kuitei kuti tiedze kuva no“kufunga kwomudzimu”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

Unofamba maererano nenyama here kana kuti maererano nomudzimu?