Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Tinokwanisa here kuziva nguva chaiyo yakarovererwa Jesu Kristu?

Tinova nemubvunzo uyu nokuti zvinoita sokuti pane musiyano pakati penhoroondo dzakafuridzirwa dzorufu rwaJesu, yomunyori weEvhangeri Mako neyomuapostora Johani. Mako anoti: “Zvino yakanga yava awa yechitatu, uye [varwi] vakamuroverera.” (Mako 15:25) Maererano naJohani, “yakanga yava awa inenge yechitanhatu” apo Pirato akagamuchidza Jesu kuvaJudha kuti arovererwe. (Joh. 19:14-16) Vaongorori veBhaibheri vakatsanangura zvakasiyana-siyana vachiedza kuwiriranisa nhoroondo idzi dzinoita sedzinopesana. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri harina mashoko akakwana anotsanangura kuti nei nhoroondo idzi dzakasiyana. Asi, kufungawo nezvemaonero aiita vanhu nguva mazuva iwayo kunogona kubatsira.

Muzana remakore rokutanga C.E., vaJudha vaiva nemaawa 12 echiedza chemasikati, aitanga kuverengwa panobuda zuva. (Joh. 11:9) Saka “awa yechitatu” yaitanga na8 kusvika na9 mangwanani uye “awa yechitanhatu” yaipera panenge panguva dza12. Zviri pachena kuti zuva raibuda nokuvira panguva dzakasiyana-siyana mugore. Izvi zvaiitawo kuti kureba kwezuva kusiyane zvichienderana nemwaka. Sezvo vaiziva kuti nguva dzava papi nokutarisa panenge pava nezuva, nguva dzakange dziri dzokutofungidzira. Magwaro echiKristu echiGiriki anowanzotaura nezvezvaiitika paawa yechitatu, yechitanhatu kana kuti yechipfumbamwe, kakawanda achireva kuti inenge nguva iyoyo. (Mat. 20:3, 5; Mab. 10:3, 9, 30) Nguva chaiyo, yakadai se“awa yechinomwe,” yaingotaurwa chete kana kuitaura kwaibatsira kuti nhoroondo inenge ichirondedzerwa inzwisisike.—Joh. 4:52.

Nhoroondo dzeEvhangeri dzinopindirana padzinotaura nezvenguva yezviitiko zvepazuva rokupedzisira raJesu pasi pano. Dzose dziri ina dzinotaura kuti vapristi nevarume vakuru vakasangana mambakwedza, vakaita kuti Jesu aendeswe kuna Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato. (Mat. 27:1; Mako 15:1; Ruka 22:66; Joh. 18:28) Vose, Mateu, Mako, naRuka vanotaura kuti kubva paawa yechitanhatu, Jesu atorovererwa kare, kwakava nerima panyika “kusvikira paawa yechipfumbamwe.”—Mat. 27:45, 46; Mako 15:33, 34; Ruka 23:44.

Chimwe chinhu chingada kufungwa nezvacho pakutsvaka nguva yakarovererwa Jesu ndechokuti: Kurovererwa kwemunhu kwaitangira pakuzvamburwa kwaaiitwa. Dzimwe nguva kuzvamburwa kwacho kwainge kwakanyanyisa zvokuti munhu aigona kutofa. Kuzvamburwa kwaJesu kwakanga kwakanyanya zvokuti zvainge zvakakodzera kuti mumwe murume atakure danda rokutambudzikira pashure pokunge Jesu atanga ndiye kuritakura. (Ruka 23:26; Joh. 19:17) Kana kurovererwa kwaionekwa sekwaitangira pakuzvamburwa, imwe nguva yaitozopfuura Jesu asati anyatsorovererwa. Saka vanhu vakasiyana-siyana vaigona kutaura nguva dzakasiyana dzokurovererwa, zvichienderana nokuti vari kutaura nezvedanho ripi rokurovererwa.

Muapostora Johani akazonyora nhoroondo yake papera makumi emakore kubva pakanyorwa dzimwe nhoroondo dzeEvhangeri. Nokudaro aikwanisa kuwana nhoroondo dzavo. Ichokwadi kuti Johani anotaura nezvenguva inoita seyakasiyana neinotaurwa naMako. Zvisinei, izvi zvinonyatsobudisa pachena kuti Johani haana kukopa nhoroondo yaMako. Vose Johani naMako vakafemerwa naMwari. Kunyange zvazvo pasina mashoko akakwana omuMagwaro anotsanangura musiyano wacho, tinogona kuvimba nenhoroondo dzeEvhangeri.