Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndakaremara, Asi Kwete Nokusingaperi!”

“Ndakaremara, Asi Kwete Nokusingaperi!”

“Ndakaremara, Asi Kwete Nokusingaperi!”

Yakataurwa naSara van der Monde

Vanhu vanowanzonditi, “Sara unogara uchinyemwerera. Chii chinoita kuti ugare uchifara kudai?” Ndinovaudza kuti ndine tariro yakazonaka. Inogona kutsanangurwa nemashoko okuti, “Iye zvino ndakaremara, asi kwete nokusingaperi!”

NDAKABEREKERWA muParis, kuFrance muna 1974. Pandakazvarwa, zvinhu hazvina kufamba zvakanaka, uye nokufamba kwenguva ndakabatwa chirwere chepfungwa chinonzi cerebral palsy. Ndainetseka chaizvo kufambisa maoko nemakumbo, uye zvandaitaura zvaisanzwisisika. Ndakatangawo kurwara nepfari uye ndaisatana kubatira zvirwere.

Ndava nemakore maviri, mhuri yedu yakatamira kuMelbourne, Australia. Papfuura makore maviri, ini naamai takatizwa nababa. Ndipo pokutanga pandinoyeuka ndichinzwa ndiri pedyo naMwari. Amai vangu, avo vari Chapupu chaJehovha, vaigara vachienda neni kumisangano yechiKristu, kwandakadzidza kuti Mwari anondida uye ane hanya neni. Kuziva izvozvo, pamwe norudo rwaamai uye kundisimbisa kwavaiita, zvakandibatsira kunzwa ndakachengeteka pasinei nokuchinja kwakanga kwaita zvinhu.

Amai vakandidzidzisawo kunyengetera kuna Jehovha. Ndakatoona kuti kunyengetera kuri nyore chaizvo pane kutaura. Pandinenge ndichinyengetera, handinetseki nokududza mashoko, asi ndinoita sendiri kunyatsoanzwa zvakajeka mupfungwa dzangu. Kunyange zvazvo zvandinotaura zvakaoma kunzwisisa, kuziva kuti Jehovha anonzwisisa zvose kunondipa chivimbo, pasinei nokuti ndinozvitaura chinyararire kana kuti ndinobudisa mashoko ndichinetseka.—Pis. 65:2.

Kurarama Nematambudziko

Pandakazosvitsa makore mashanu, chirwere changu chakanga chakura zvokuti ndaifanira kuiswa simbi dzinorema mumakumbo kuti ndifambe. Simbi idzi dzainditadzisa kunyatsofamba zvakanaka. Pandakasvitsa makore 11, ndakanga ndisisagoni kufamba. Nekufamba kwenguva, ndakanga ndava kutoita zvokusimudzwa nemuchina kubva pawiricheya yangu ine injini ndichienda pamubhedha uye kubva pamubhedha kuenda pawiricheya.

Ndinobvuma kuti dzimwe nguva urema hwangu hunoita kuti ndiore mwoyo. Asi ndinobva ndayeuka zvaigara zvichitaurwa nemhuri yedu kuti: “Usanetseka nezvinhu zvausingakwanisi kuita. Ingoita zvaunokwanisa.” Izvi zvakandibatsira kuti ndigone kutasva bhiza, kufambisa igwa, kushanya, uye kunyange kutyaira motokari mumugwagwa usiri woruzhinji. Ndinonakidzwa nokusona zvakasiyana-siyana, kumenda, kuumba uye kunyora mifananidzo ndichiita zvokupenda.

Vamwe vaifunga kuti neurema hwangu uhwu handikwanisi kuzvisarudzira zvokuita panyaya yokunamata Mwari. Pandaiva nemakore 18, mumwe mudzidzisi akandikurudzira kubva pamba kuti ndisiyane nechitendero chaamai vangu. Akatovimbisa kuti aizondibatsira kuwana pokugara. Zvisinei, ndakamuudza kuti ndaisazomborega kutenda kwangu uye ndaizobva pamba chete kana ndagadzirira kuzviraramira.

Pasina nguva ndataura nemudzidzisi wangu, ndakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Makore maviri akazotevera, ndakatanga kugara ndega mune kamwe kafurati. Iye zvino ndava kufara nekuti ndiri kuwana rubatsiro uye rusununguko rwandaida.

Kupfimbwa Ndisingatarisiri

Mumakore ose aya, ndave ndichisangana nemimwe miedzo yokutenda. Rimwe zuva ndakashamiswa chaizvo mumwe mukomana wandaidzidza naye kuchikoro, ainge akaremarawo paakandiudza kuti aida kundiroora. Pakutanga ndakafara zvokuti. Sezvinongoita vasikana vakawanda, ndinewo chido chokuwanikwa. Asi kuva kwedu tose neurema handiko kwaizoita kuti tifare kana taroorana. Uyewo mukomana wacho ainge asiri Chapupu. Zvataitenda, zvataifarira uye zvinangwa zvedu zvainge zvakasiyana zvachose. Saka taizogarisana sei? Ndainge ndakatsungawo kuteerera murayiro wakajeka waMwari wokuroorwa munaShe. (1 VaK. 7:39) Saka ndakamuudza zvakanakanaka kuti zvaisaita kuti tiroorane.

Nanhasi ndinoziva kuti ndakaita chisarudzo chakanaka. Uye ndinonyatsoziva kuti ndichazofara munyika itsva yaMwari yaakapikira. (Pis. 145:16; 2 Pet. 3:13) Pari zvino ndakatsunga kuramba ndakatendeka kuna Jehovha uye ndichigutsikana nezvandiri.

Ndakamirira nemaziso matsvuku nguva yandichazokwakuka kubva pawiricheya yangu ndoita murambamhuru. Uye ndichashevedzera ndichiti, “Ndainge ndakaremara, asi iye zvino ndava neutano hwakanaka, nokusingaperi!”