Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vagari Venguva Duku” Munyika Yakaipa

“Vagari Venguva Duku” Munyika Yakaipa

“Vagari Venguva Duku” Munyika Yakaipa

“Vachitenda, . . . vakazivisa pachena kuti vakanga vari vaeni nevagari venguva duku munyika yacho.”—VAH. 11:13.

1. Jesu akati vateveri vake vanofanira kuona sei nyika ino?

JESU akati nezvevadzidzi vake: “Ivo vari munyika.” Asi akatsanangurawo kuti: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Joh. 17:11, 14) Saka, Jesu akaratidza pachena maonero ayo vateveri vake vechokwadi vanofanira kuita “mamiriro ezvinhu epanguva ino,” kana kuti nyika yakaipa iri kutongwa namwari wayo, Satani. (2 VaK. 4:4) Kunyange vaizova vachigara munyika ino yakaipa, ivo vaisazobatana nayo. Mararamiro avo munyika ino aizofanana neevaya vanenge ‘vachigara munyika kwenguva duku.’—1 Pet. 2:11.

Vakararama ‘Sevagari Venguva Duku’

2, 3. Nei zvinganzi Inoki, Noa, Abrahamu naSara vakararama se“vaeni nevagari venguva duku”?

2 Kubvira pakutanga-tanga, vashumiri vakatendeka vaJehovha vainge vakasiyana nevanhu vomunyika isingadi Mwari yavaigara. Mafashamo asati auya, Inoki naNoa vakafamba “naMwari wechokwadi.” (Gen. 5:22-24; 6:9) Vaiparidza vakashinga kuti Mwari aizotonga nyika yakaipa yaSatani. (Verenga 2 Petro 2:5; Judha 14, 15.) Kufamba naMwari munyika yakaipa ndiko kwakaita kuti Inoki “anyatsofadza Mwari” uye ndiko kwakaitawo kuti Noa ave munhu “asina mhosva pakati pevanhu venguva yake.”—VaH. 11:5; Gen. 6:9.

3 Vakumbirwa naMwari, Abrahamu naSara vakasiya upenyu hwoumbozha muguta revaKadheya reUri, vakabvuma kunorarama upenyu hwakaoma vachingotama-tama munyika isiri yavo. (Gen. 11:27, 28; 12:1) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Nokutenda Abrahamu, paakadanwa, akateerera akaenda kunzvimbo yaaizofanira kugamuchira senhaka; uye akabuda, kunyange akanga asingazivi kwaakanga achienda. Nokutenda akagara ari mutorwa munyika yechipikirwa, somunyika isiri yake, akagara mumatende pamwe chete naIsaka naJakobho, vagari venhaka yechipikirwa ichocho pamwe chete naye.” (VaH. 11:8, 9) Pauro akati nezvevashumiri vaJehovha ivavo vakatendeka: “Ivava vose vakafa vachitenda, kunyange vasina kuwana kuzadzika kwezvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakazivisa pachena kuti vakanga vari vaeni nevagari venguva duku munyika yacho.”—VaH. 11:13.

Yambiro Yakapiwa vaIsraeri

4. VaIsraeri vakapiwa yambiro ipi vasati vatanga kugara munyika yavo?

4 Vazukuru vaAbrahamu, vaIsraeri, vakava vazhinji uye vakapedzisira vava rudzi rwaiva nenyika yarwo uye bumbiro remitemo. (Gen. 48:4; Dheut. 6:1) VaIsraeri vaisambofanira kukanganwa kuti Jehovha ndiye aiva Muridzi chaiye wenyika yavo. (Revh. 25:23) Vakanga vakaita sevanhu vairenda nyika yacho, vaitarisirwa kuremekedza zvido zvoMuridzi wayo. Vaifanirawo kuyeuka kuti “munhu haararami nechingwa chete”; vaisafanira kurega kubudirira kuchiita kuti vakanganwe Jehovha. (Dheut. 8:1-3) Vasati vatanga kugara munyika yavo, vaIsraeri vakapiwa yambiro yokuti: “Jehovha Mwari wako paanokupinza munyika yaakapikira madzitateguru ako Abrahamu, Isaka naJakobho kuti achakupa, maguta makuru uye akanaka ausina kuvaka, nedzimba dzizere zvinhu zvose zvakanaka dzausina kuzadza, nemigodhi yemvura yakacherwa yausina kuchera, minda yemizambiringa nemiti yemiorivhi yausina kudyara, uye paunenge wadya waguta, chenjerera kuti urege kukanganwa Jehovha.”—Dheut. 6:10-12.

5. Nei Jehovha akaramba vaIsraeri, uye akasarudza kuva norudzi rupi rutsva?

5 Uku kwaisava kungopiwawo zvako yambiro. Mumazuva aNehemiya, rimwe boka revaRevhi rakataura richinyara zvakaitwa nevaIsraeri pashure pokutora Nyika Yakapikirwa. VaIsraeri pavainge vava kugara mudzimba dzakanaka uye vava nezvokudya newaini zvakawanda, “vakatanga kudya, vakaguta, vakakora.” Vakapandukira Mwari, vakatouraya vaprofita vaakatuma kuti avayambire. Saka Jehovha akavarega vachitongwa nevavengi vavo. (Verenga Nehemiya 9:25-27; Hos. 13:6-9) Nokufamba kwenguva, pavakanga vava kutongwa nevaRoma, vaJudha vasina kutendeka vakatosvika pakuuraya Mesiya ainge apikirwa! Jehovha akavaramba, akasarudza kuva norudzi rutsva, Israeri waMwari.—Mat. 21:43; Mab. 7:51, 52; VaG. 6:16.

“Hamusi Venyika”

6, 7. (a) Ungatsanangura sei zvakataurwa naJesu nezvemaonero ayo vateveri vake vanofanira kuita nyika ino? (b) Nei vaKristu vechokwadi vaisafanira kubatana nenyika yakaipa yaSatani?

6 Sezvataurwa kwokutanga munyaya ino, Musoro weungano yechiKristu, Jesu Kristu, akataura pachena kuti vateveri vake vaisazobatana nenyika kana kuti mamiriro ezvinhu akaipa aSatani. Ava pedyo nokufa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Kudai maiva venyika, nyika yaizoda zviri zvayo. Zvino nokuti hamusi venyika, asi ndakakusarudzai munyika, nokuda kweizvi nyika inokuvengai.”—Joh. 15:19.

7 Nokupararira kwaiita chiKristu, vaKristu vaizobatana nenyika here, vachirarama maererano netsika dzayo? Kwete. Vaifanira kuzvisiyanisa nenyika yakaipa yaSatani, pasinei nekwavaigara. Papfuura makore anenge 30 Kristu afa, muapostora Petro akanyorera vaKristu vaigara munzvimbo dzakasiyana-siyana dzaitongwa neRoma kuti: “Vadiwa, ndinokurayirai sevatorwa uye vagari venguva duku kuti murambe muchirega zvinodiwa nenyama, uko kunoramba kuchirwisana nomweya. Mufambiro wenyu ngauve wakanaka pakati pemamwe marudzi.”—1 Pet. 1:1; 2:11, 12.

8. Mumwe munyori wezvakaitika kare akataura chii chinoratidza kuti vaKristu vepakutanga vainge vasina kubatana nenyika?

8 Achiratidza kuti chokwadi vaKristu vepakutanga vaizvibata “sevatorwa uye vagari venguva duku” munyika dzaitongwa neRoma, mumwe munyori wezvakaitika kare anonzi Kenneth Scott Latourette akati: “Zvinozivikanwa chaizvo kuti mumakore mazana matatu okutanga kwechiKristu, [vaKristu] vaigara vachitambudzwa zvikuru . . . Zvavaipomerwa zvaiva zvakasiyana-siyana. VaKristu vaipomerwa kuti havatendi kuti Mwari ariko nokuti vairamba kupemberera mitambo yechihedheni. Vainyombwa zvichinzi vavengi vevanhu vose, nokuti vakanga vasingaiti zvakawanda zvaiitwa munzanga, zvaisanganisira mitambo yechihedheni, zvaivaraidza vanhu vose, izvo vaKristu vaiona sezvakazara nokutenda kwechihedheni, tsika uye unzenza.”

Kusashandisa Nyika Zvizere

9. SevaKristu vechokwadi, tinoratidza sei kuti hatisi “vavengi vevanhu vose”?

9 Zvinhu zvakamira sei mazuva ano? Kungofanana nevaKristu vepakutanga, isuwo hatibatani ne“mamiriro ezvinhu epanguva ino.” (VaG. 1:4) Izvi zvinoita kuti vakawanda vasatinzwisisa uye vamwe vanototivenga. Asi chokwadi ndechokuti hatisi “vavengi vevanhu vose.” Tinoenda paimba neimba, tichiedza zvose zvatinokwanisa kuti tiudze munhu oga oga “mashoko akanaka oumambo” hwaMwari, nokuti tinoda vanhu. (Mat. 22:39; 24:14) Tinoita izvozvo nokuti tine chokwadi chokuti hurumende yoUmambo hwaJehovha iyo iri kutungamirirwa naKristu, pasina nguva ichagumisa utongi hwevanhu husina kukwana, ichihutsiva nenyika itsva yakarurama.—Dhan. 2:44; 2 Pet. 3:13.

10, 11. (a) Tinoshandisa sei nyika zvishoma? (b) VaKristu vakamuka havashandisi nyika zvizere pane zvimwe zvinhu zvipi?

10 Sevashumiri vaJehovha, tinoziva kuti ino haisi nguva yokudekara zvedu munyika ino yava kuparara, nokuti mamiriro ezvinhu epanguva ino ava pedyo kuguma. Tinoteerera mashoko omuapostora Pauro okuti: “Ndinotaura izvi, hama, kuti nguva yasara ipfupi. Kubvira zvino vaya . . . vanotenga [ngavave] sevasina, nevaya vari kushandisa nyika sevasiri kuishandisa zvizere; nokuti mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” (1 VaK. 7:29-31) Asi vaKristu vemazuva ano vanoshandisa sei nyika? Vanodaro nokushandisa zvigadzirwa zvemazuva ano uye zvinhu zvinoshandiswa pakutumira mashoko kuti vaparadzire ruzivo rweBhaibheri munyika yose mumitauro ine mazana. Vanoshandisa nyika zvokungoti vawane chokurarama nacho. Vanongotenga zvinhu zvavanenge vachida chete zviri munyika. Zvisinei, havashandisi nyika zvizere pakuti havanyanyi kukoshesa pfuma nemabasa avo.—Verenga 1 Timoti 6:9, 10.

11 VaKristu vakamuka havashandisi nyika zvizere panyaya yedzidzo yepamusorosoro. Vanhu vakawanda vari munyika vanofunga kuti dzidzo yepamusorosoro inotodiwa kuti munhu abudirire uye ave noupenyu hwemari. Asi isu vaKristu tinorarama sevagari venguva duku munyika ino uye tine zvinangwa zvakasiyana. Tinodzivisa kufunga “zvinhu zvakakwirira.” (VaR. 12:16; Jer. 45:5) Sezvo tiri vateveri vaJesu, tinoteerera nyevero yokuti: “Rambai makasvinura, muchenjerere kuchochora kwemarudzi ose, nokuti kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Saka vaKristu vechiduku vanokurudzirwa kuva nezvinangwa zvokunamata, vachingowana dzidzo inodiwa kuti vawane zvinonyanya kudiwa asi vachiisa pfungwa dzavo pakugadzirira kushumira Jehovha ‘nomwoyo wose, mweya, simba nepfungwa dzose.’ (Ruka 10:27) Kana vakaita izvozvo, vanogona “kupfuma kuna Mwari.”—Ruka 12:21; verenga Mateu 6:19-21.

Dzivisa Kuremerwa Nokuzvidya Mwoyo Nezvinhu Zvoupenyu

12, 13. Kuteerera kwatinoita mashoko aJesu ari pana Mateu 6:31-33 kunotisiyanisa sei nevanhu vari munyika?

12 Vashumiri vaJehovha vakasiyana nevanhu venyika pamaonero avanoita pfuma. Panyaya iyi, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mat. 6:31-33) Kubva pane zvakaitika kwadziri, hama dzedu dzakawanda dzakaona kuti Baba vedu vokudenga vanodzipa zvinhu zvadzinoda.

13 ‘Kuzvipira kuna Mwari pamwe nokugutsikana kunobatsira chaizvo.’ (1 Tim. 6:6) Izvozvo zvakasiyana chaizvo nezvinofungwa nevanhu vari munyika mazuva ano. Somuenzaniso, vechiduku pavanoroorana, vakawanda vavo vanotarisira kubva ‘vangowana zvose,’ imba yakashongedzwa nezvose, motokari yakanaka, uye midziyo yemagetsi ichangoburwa. Zvisinei, vaKristu vanorarama sevagari venguva duku havaregi zvido zvavo zvichiita kuti vapfuure mwero kana kutsvaka zvavasingakwanisi. Zvinofadza chaizvo kuona kuti vakawanda vanorega kuwana zvimwe zvinhu zvoumbozha kuti vave nenguva yakawanda uye vashande nesimba mubasa raJehovha sevaparidzi voUmambo vanoshingaira. Vamwe vanoshumira semapiyona, paBheteri, mubasa rokufambira, kana kuti semamishinari. Zvechokwadi tose zvedu tinoonga basa remwoyo wose rinoitwa nevamwe vatinonamata navo Jehovha!

14. Tingadzidzei pamufananidzo waJesu wemudyari?

14 Mumufananidzo wake wemudyari, Jesu akataura kuti “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma” zvinogona kuvhunga shoko raMwari mumwoyo yedu zvoita kuti tisabereka zvibereko. (Mat. 13:22) Kurarama kwatinoita tichigutsikana nokuva vagari venguva duku mumamiriro ezvinhu epanguva ino kunotibatsira kusawira mumusungo uyu. Asi kunotibatsira kuramba tiine ziso “rakanaka,” rakatarira paUmambo hwaMwari chete uye kunotibatsira kuhuisa pokutanga muupenyu hwedu.—Mat. 6:22.

“Nyika Iri Kupfuura”

15. Mashoko api omuapostora Johani anoratidza maonerwo anofanira kuitwa nyika ino nevaKristu?

15 Chikonzero chikuru chinoita kuti isu sevaKristu tizvione “sevatorwa uye vagari venguva duku” munyika ino ndechokuti tinotenda kuti nyika haichina nguva iripo. (1 Pet. 2:11; 2 Pet. 3:7) Tinoratidza kuti tinotenda izvozvo nezvatinosarudza, zvatinoda, uye zvinangwa zvedu. Muapostora Johani akapa hama dzake zano rokuti dzisada nyika kana zvinhu zviri munyika nokuti “nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Joh. 2:15-17.

16. Tingaratidza sei kuti tiri vanhu vakaparadzaniswa nenyika?

16 VaIsraeri vakaudzwa kuti kana vakateerera Jehovha, vaizova “pfuma [yake] chaiyo pakati pemamwe marudzi ose.” (Eks. 19:5) VaIsraeri pavaiva vakatendeka, vaisiyana nemamwe marudzi ose pakunamata uye pamararamiro avo. Mazuva ano, Jehovha akatsaurawo vanhu avo vakasiyana chaizvo nevari munyika yaSatani. Tinoudzwa kuti: “[Rambai] zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari nokuchiva kwenyika uye [raramai] nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino, tichimirira tariro inofadza nokuratidzwa pachena kunobwinya kwaMwari mukuru uye kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, uyo akazvipa nokuda kwedu kuti atinunure pakusateerera mutemo kwemarudzi ose ozvichenesera vanhu vake, vanoshingairira mabasa akanaka.” (Tito 2:11-14) “Vanhu” ivavo, vaKristu vakazodzwa uye mamiriyoni e“mamwe makwai” aJesu, ayo anovatsigira.—Joh. 10:16.

17. Nei vakazodzwa neshamwari dzavo vasingazombodembi kuti vakararama sevagari venguva duku munyika yakaipa?

17 “Tariro inofadza” yevakazodzwa ndeyekunotonga pamwe naKristu kumatenga. (Zvak. 5:10) Tariro youpenyu husingagumi pasi pano paichazadziswa nokuda kwemamwe makwai, anenge asisiri vagari venguva duku munyika yakaipa. Vachava nedzimba dzakazonaka uye zvokudya nezvokunwa zvakawanda. (Pis. 37:10, 11; Isa. 25:6; 65:21, 22) Kusiyana nevaIsraeri, havazombokanganwi kuti zvose izvi zvinenge zvichibva kuna Jehovha, “Mwari wenyika yose.” (Isa. 54:5) Uyewo vakazodzwa kana mamwe makwai havazodembi kuti vakararama sevagari venguva duku munyika yakaipa.

Ungapindura Sei?

• Vanhu vakatendeka vekare vakararama sei sevagari venguva duku?

• VaKristu vepakutanga vakararama sei munyika yepanguva yavo?

• VaKristu vechokwadi vanoshandisa sei nyika zvishoma?

• Nei tisingazombodembi kuti takararama sevagari venguva duku munyika yakaipa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

VaKristu vepakutanga vaisavaraidzwa nezvinhu zvokurwa uye zvounzenza