Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari Muzana Remakore Rokutanga Uye Nhasi

Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari Muzana Remakore Rokutanga Uye Nhasi

Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari Muzana Remakore Rokutanga Uye Nhasi

“Mudzimu mumwe iwoyo unoita mabasa ose aya.”—1 VAK. 12:11.

1. Tichakurukurei munyaya ino?

PENDEKOSTI. Shoko rimwe chete iroro rinotiyeuchidza zviitiko zvinofadza! (Mab. 2:1-4) Pazuva iroro, Mwari akadurura mudzimu wake mutsvene pavashumiri vake uye akatanga kuushandisa kuvatungamirira nenzira itsva. Munyaya yakapfuura, takakurukura dzimwe nzira idzo mudzimu waMwari wakabatsira nadzo vanhu vakatendeka vekare kuita mabasa avo akaoma uye aiva netwakawandawanda. Asi kushanda kwaiita mudzimu waMwari chiKristu chisati chavapo nokushanda kwawaiita muzana remakore rokutanga zvakasiyana papi? Uye vaKristu vanobatsirwa sei nokushanda kwomudzimu mutsvene waMwari mazuva ano? Regai tione.

“Tarirai! Murandasikana waJehovha!”

2. Mariya akanga amboona mudzimu mutsvene uchishanda sei?

2 Mariya aivamo muzimba iroro repamusoro muJerusarema pakadururwa mudzimu mutsvene. (Mab. 1:13, 14) Asi, makore anopfuura 30 akanga adarika, Mariya ainge amboona mudzimu waJehovha uchishanda zvinoshamisa. Jehovha akanga atamisa upenyu hweMwanakomana wake kubva kudenga kuuya pasi pano, Mariya ndokubata pamuviri achiri mhandara. “Mudzimu mutsvene” ndiwo waakashandisa kuti Mariya abate pamuviri.—Mat. 1:20.

3, 4. Mariya akaratidza mafungiro akaita sei, uye tingamutevedzera sei?

3 Chii chakaita kuti Mariya apiwe ropafadzo yakakura zvakadaro? Ngirozi yapedza kutsanangura zvaidiwa naJehovha, Mariya akati: “Tarirai! Murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri maererano nezvamazivisa.” (Ruka 1:38) Nezvaakataura izvozvo, Mariya akaratidza mafungiro ake, ayo akanga atoonekwa kare naMwari. Zvaakaita zvinoratidza kuti haana kuzeza kubvuma zvaidiwa naMwari. Haana kubvunza kuti vanhu vomunharaunda vaizoti chii nepamuviri pake kana kuti mukomana wake aizotii nazvo. Akati aiva mushumiri akaderera kupfuura vose, achiratidza kuti ainyatsovimba naJehovha saTenzi wake.

4 Wakambonzwa waremerwa nematambudziko kana mabasa pakushumira Mwari here? Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyatsovimba naJehovha kuti agadzirise zvinhu maererano nokuda kwake here? Ndiri kunyatsoratidza kuti ndinoda here kuita basa raanondipa?’ Iva nechokwadi chokuti Mwari anopa mudzimu wake vaya vanovimba naye nemwoyo wose uye vanobvuma uchangamire hwake.—Mab. 5:32.

Petro Akabatsirwa Nomudzimu Mutsvene

5. Petro akanga amboona mudzimu mutsvene uchishanda sei Pendekosti ya33 C.E. isati yasvika?

5 Kufanana naMariya, muapostora Petro akanga amboona mudzimu mutsvene waMwari uchishanda zvine simba Pendekosti ya33 C.E. isati yasvika. Iye nevamwe vaapostora vakanga vapiwa naJesu simba rokudzinga madhimoni. (Mako 3:14-16) Kunyange zvazvo Magwaro asingatauri zvakawanda, zvinoita sokuti Petro akashandisa simba iroro. Simba raMwari rakaratidzwawo Jesu paakati Petro auye kwaari achifamba pamusoro pemvura muGungwa reGarireya. (Verenga Mateu 14:25-29.) Zviri pachena kuti Petro akavimba nomudzimu mutsvene kuti umubatsire kuita mabasa makuru. Pasina nguva, mudzimu iwoyo waizoshanda pana Petro nevamwe vadzidzi munzira itsva.

6. Mudzimu waMwari wakabatsira Petro kuitei paPendekosti ya33 C.E. uye pashure pacho?

6 Pamutambo wePendekosti ya33 C.E., Petro nevamwe vakabatsirwa kuita chishamiso chokutaura mitauro yevanhu vakanga vashanya muJerusarema. Petro akabva atungamirira pakukurukura nevanhu vakanga vakaungana. (Mab. 2:14-36) Murume uyu aimboita zvinhu asina kufunga kana kuti aimbotya, akava noushingi hwokupupura asingatyi pasinei nokutyisidzirwa uye kutambudzwa. (Mab. 4:18-20, 31) Mwari akamuzivisa zvimwe zvinhu achishandisa mudzimu wake. (Mab. 5:8, 9) Uye akatopiwa simba rokumutsa munhu akafa.—Mab. 9:40.

7. Idzidziso dzipi dzaJesu idzo Petro akazojekerwa nadzo pashure pokunge azodzwa?

7 Kunyange Pendekosti isati yasvika, Petro akanzwisisa chokwadi chakawanda chaidzidziswa naJesu. (Mat. 16:16, 17; Joh. 6:68) Asi pane zvimwe zvaidzidziswa naJesu zvaasina kunzwisisa Pendekosti isati yasvika. Somuenzaniso, Petro haana kunge anzwisisa kuti Kristu aizomutswa somunhu womudzimu pazuva rechitatu; uye haana kunge anzwisisawo kuti Umambo hwaizova kudenga. (Joh. 20:6-10; Mab. 1:6) Petro akanga asinganzwisisi pfungwa yokuti vanhu vaizova zvisikwa zvomudzimu uye votonga muUmambo hwokudenga. Asi paakazongobhabhatidzwa nemudzimu mutsvene, ndokupiwa tariro yokudenga, akatanga kunzwisisa zvaidzidziswa naJesu panyaya idzodzo.

8. Vakazodzwa ne“mamwe makwai” vanogona kuva noruzivo rwakaita sei?

8 Pashure pokunge mudzimu mutsvene wadururwa, vadzidzi vaJesu vakatanga kunzwisisa zvimwe zvinhu zvavainge vasinganzwisisi. Vafemerwa, vanyori veMagwaro echiKristu echiGiriki vakanyora zvinhu zvinoshamisa zvinotibatsira zvine chokuita nechinangwa chaJehovha. (VaEf. 3:8-11, 18) Mazuva ano, vakazodzwa ne“mamwe makwai” vanodzidza uye vanonzwisisa chokwadi ichi chakafanana. (Joh. 10:16) Unokoshesa here zivo uye kunzwisisa Shoko raMwari izvo mudzimu mutsvene unokupa?

Pauro ‘Akazadzwa Nomudzimu Mutsvene’

9. Mudzimu mutsvene wakabatsira Pauro kuitei?

9 Pendekosti ya33 C.E. yapfuura negore kana kuti kudarika, pane mumwezve akagamuchira chipo chaMwari chomudzimu mutsvene. Munhu iyeye aiva Sauro, uyo akazozivikanwa saPauro. Mudzimu mutsvene wakashanda paari nenzira dziri kutibatsira mazuva ano. Muapostora Pauro akafemerwa kunyora mabhuku eBhaibheri 14. Kungofanana naPetro, mudzimu waMwari wakabatsira Pauro kunzwisisa uye kunyora zvakajeka nezvetariro yokudenga yokusafa uye yokusaora. Achibatsirwa nemudzimu mutsvene, Pauro akarapa, akadzinga madhimoni, uye akatomutsa munhu akafa! Zvisinei, mudzimu mutsvene waiva nebasa rinotokosha kupfuura izvozvo. Vashumiri vaMwari mazuva ano vanowana mudzimu mumwe chete iwoyo kunyange zvazvo vasingauwani nenzira inoshamisa.

10. Mudzimu mutsvene wakabatsira sei Pauro panyaya yokutaura?

10 Pauro, ‘azere nomudzimu mutsvene,’ akataura asingatyi achipikisa mumwe muroyi. Izvozvo zvakabatsira chaizvo mutongi weruwa weKupro akanga akateerera zvose zvavaitaura! Mutongi iyeye akagamuchira chokwadi, nokuti “akanga ashamiswa nokudzidzisa kwaJehovha.” (Mab. 13:8-12) Zviri pachena kuti Pauro ainyatsoziva kukosha kwomudzimu mutsvene pakutaura chokwadi nezvaMwari. (Mat. 10:20) Akazokumbira ungano yokuEfeso kuti imunyengeterere kuti ‘agoneswe kutaura.’—VaEf. 6:18-20.

11. Pauro aitungamirirwa sei nomudzimu waMwari?

11 Mudzimu mutsvene waisangobatsira Pauro kutaura, asi pamwe pacho waimurambidza kutaura mune dzimwe nzvimbo. Paaiva panzendo dzake dzoumishinari, Pauro aitungamirirwa nomudzimu waMwari. (Mab. 13:2; verenga Mabasa 16:6-10.) Jehovha achiri kutungamirira basa rokuparidza achishandisa mudzimu wake. Kufanana naPauro, vashumiri vose vaJehovha vanoteerera vanoedza kuzivisa chokwadi vasingatyi uye vachishingaira. Kunyange zvazvo kutungamirira kwaMwari kusiri pachena somunguva yaPauro, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha ari kushandisa mudzimu mutsvene kuti vanhu vakakodzera vanzwe chokwadi.—Joh. 6:44.

“Mabasa Akasiyana-siyana”

12-14. Mudzimu waMwari unoshanda pavashumiri vake vose zvakafanana here? Tsanangura.

12 Kukomborerwa kwaiitwa ungano yevakazodzwa naJehovha muzana remakore rokutanga, kunokurudzira vashumiri vake mazuva ano here? Chaizvo! Yeuka mashoko akafuridzirwa aPauro aakanyorera ungano yaiva muKorinde nezvezvipo zvinoshamisa zvomudzimu muzuva rake anoti: “Zvino kune zvipo zvakasiyana-siyana, asi kune mudzimu mumwe chete; kune ushumiri hwakasiyana-siyana, asi kuna Ishe mumwe chete; kune mabasa akasiyana-siyana, asi Mwari mumwe chete ndiye anoita mabasa ose muvanhu vose.” (1 VaK. 12:4-6, 11) Mudzimu mutsvene unogona kushanda nenzira dzakasiyana-siyana pavashumiri vaMwari vakasiyana-siyana nokuda kwechinangwa. Chokwadi, mudzimu mutsvene unogona kuwanikwa ne“boka duku” raKristu uye ne“mamwe makwai.” (Ruka 12:32; Joh. 10:16) Asi haugari uchishanda zvakafanana pamunhu mumwe nomumwe ari muungano.

13 Somuenzaniso, vakuru vanogadzwa nomudzimu mutsvene. (Mab. 20:28) Asi havasi vose vakazodzwa nomudzimu vanoshumira sevatariri muungano. Saka izvi zvinorevei? Zvinongoreva kuti mudzimu waMwari unoshanda nenzira dzakasiyana-siyana pavanhu vari muungano.

14 Simba rinoita kuti vakazodzwa vave no“mudzimu wokugamuchirwa,” kana kuti rinoita kuti vanzwe sevanakomana, ndiro rakashandiswawo naJehovha kumutsa Jesu akamupa upenyu hwokusafa kudenga. (Verenga VaRoma 8:11, 15.) Ndiro simba raakashandisawo kusika zvinhu zvose. (Gen. 1:1-3) Mudzimu mutsvene iwoyo ndiwo wakabatsira Bhezareri kuita basa rinokosha retebhenekeri, ukaitawo kuti Samsoni ave nesimba raishamisa, uye kuti Petro afambe pamusoro pemvura. Saka, tisafunga kuti kuva nomudzimu waMwari kwakafanana nokuzodzwa nomudzimu waMwari, nokuti kuzodzwa inongova imwe nzira yokushanda kwemudzimu wacho. Mwari ndiye anosarudza vaanozodza nomudzimu wake.

15. Kubhabhatidzwa nomudzimu mutsvene kucharamba kuripo nokusingagumi here? Tsanangura.

15 Mudzimu mutsvene waMwari wave uchishanda zvakasiyana-siyana pavashumiri vake vakatendeka kwezviuru zvemakore nyaya yokuzodza vanhu nomudzimu iwoyo isati yatombotanga. Kuzodzwa nemudzimu mutsvene kwakatanga paPendekosti ya33 C.E., asi hakuzorambi kuripo nokusingaperi. Uku kubhabhatidzwa nomudzimu kuchaguma, asi mudzimu mutsvene ucharamba uchishanda pavanhu vaMwari kuitira kuti vaite zvaanoda nokusingagumi.

16. Vashumiri vaMwari vari kuitei iye zvino vachibatsirwa nomudzimu mutsvene?

16 Nderipi basa guru riri kuitwa iye zvino pasi pano norubatsiro rwomudzimu mutsvene waJehovha? Zvakazarurwa 22:17 inopindura kuti: “Mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’ Munhu wose anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Munhu wose anonzwa nyota ngaauye; munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” Mazuva ano, vachibatsirwa nomudzimu waMwari, vaKristu vanokoka “munhu wose anoda” kuti atore mvura youpenyu. VaKristu vakazodzwa ndivo vari kutungamirira pabasa iri. Asi mamwe makwai anobatana navo pakukoka vamwe. Vose vanobatsirwa nomudzimu mutsvene pakuita basa iri. Vose vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nokubhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mat. 28:19) Uye vose zvavo vanobvuma kuti mudzimu mutsvene ushande muupenyu hwavo uye kuti ubereke chibereko chawo mavari. (VaG. 5:22, 23) Kufanana nevakazodzwa, mamwe makwai anobvuma kubatsirwa nomudzimu waMwari. Unovabatsira kuti vave vatsvene pane zvose zvinodiwa naJehovha.—2 VaK. 7:1; Zvak. 7:9, 14.

Ramba Uchikumbira Mudzimu Mutsvene

17. Tingaratidza sei kuti tine mudzimu waMwari?

17 Saka pasinei nokuti tariro yawakapiwa naMwari youpenyu husingaperi ndeyokudenga here kana kuti yepasi, Jehovha anogona kukupa “simba rinopfuura renguva dzose” kuti urambe wakaperera kwaari uye kuti uwane mubayiro. (2 VaK. 4:7) Kuramba uchiparidza mashoko akanaka oUmambo kwaunoita kungaita kuti usekwe. Asi yeuka kuti ‘kana uri kuzvidzirwa zita raKristu, unofara, nokuti mudzimu wokubwinya, iwo mudzimu waMwari, uri pauri.’—1 Pet. 4:14.

18, 19. Jehovha achakubatsira sei nomudzimu wake mutsvene, uye watsidza mumwoyo mako kuitei panyaya iyi?

18 Mudzimu mutsvene chipo chaMwari chepachena kune vaya vanoutsvaka. Unogona kuwedzera unyanzvi hwako uyewo chido chako chokuita zvose zvaunogona mubasa rake. “Mwari ndiye, ari kushanda mamuri kuti mude uye muite zvinomufadza.” Chipo chinokosha chomudzimu mutsvene, pamwe chete nezvatinoita nemwoyo wose kuti tirambe ‘takabatisisa shoko roupenyu,’ zvichaita kuti ‘tishandire kuponeswa kwedu nokutya nokudedera.’—VaF. 2:12, 13, 16.

19 Saka, uchinyatsovimba nemudzimu waMwari, isa mwoyo wako pabasa rose raunoita, iva nounyanzvi pane zvaunopiwa kuti uite, uye vimba naJehovha kuti akubatsire. (Jak. 1:5) Achakubatsira kuti unzwisise Shoko rake, utsungirire matambudziko oupenyu, uye uparidze mashoko akanaka. ‘Ramba uchikumbira, uye uchazvipiwa; ramba uchitsvaka, uye uchawana; ramba uchigogodza, uye uchazarurirwa,’ uye izvi zvinosanganisira kukumbira mudzimu mutsvene. (Ruka 11:9, 13) Ramba uchiteterera kuna Jehovha kuti utungamirirwe nomudzimu wake mutsvene sezvakaita vakatendeka vekare uye vemazuva ano.

Ungatsanangura Here?

• Kufanana naMariya, tinogona kuratidza mafungiro api achaita kuti tikomborerwe?

• Pauro akatungamirirwa nomudzimu waMwari pakudini?

• Mazuva ano vashumiri vaMwari vanotungamirirwa sei nomudzimu mutsvene?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mudzimu waMwari wakaita kuti Pauro akunde midzimu yakaipa

[Mufananidzo uri papeji 26]

Mazuva ano, mudzimu mutsvene unogona kubatsira vaKristu, pasinei netariro yavanayo