Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?

Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?

Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?

“Mwari waJakobho . . . achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.”—ISA. 2:3.

1, 2. Unogona sei kubatsirwa nemienzaniso yemuBhaibheri?

HAUBVUMI here kuti unogona kubatsirwa nezvakanyorwa muBhaibheri? Mune mienzaniso yevarume nevakadzi vakatendeka vane mararamiro neunhu zvaungada kutevedzera. (VaH. 11:32-34) Zvisinei, pamwe wakaonawo mienzaniso inotinyevera yevarume nevakadzi vane maitiro nemafungiro ausingafaniri kutevedzera.

2 Vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vakaita zvakanaka zvatinofanira kutevedzera uye zvakaipa zvatinofanira kudzivisa. Funga nezvaDhavhidhi, mufudzi aizvininipisa uye akazova mambo ane simba. Iye muenzaniso wakanaka wokuda chokwadi uye kuvimba naJehovha. Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akaitawo zvivi zvakakura zvakadai sokuita upombwe naBhatishebha, kuurayisa Uriya, uye kuverenga vanhu asina kufunga. Zvisinei, ngatikurukurei nezvemwanakomana wake Soromoni, aiva mambo uyewo munyori weBhaibheri. Tichatanga taona kuti aiva muenzaniso wakanaka muzvinhu zvipi zviviri.

“Uchenjeri hwaSoromoni”

3. Nei tingati Soromoni akatisiyira muenzaniso wakanaka?

3 Soromoni Mukuru, Jesu Kristu, akataura nezvaMambo Soromoni semuenzaniso wakanaka wokuti titevedzere. Jesu akaudza vamwe vaJudha kuti: “Mambokadzi wokumaodzanyemba achamutswa pakutongwa pamwe chete nechizvarwa chino uye achachipa mhosva; nokuti akabva kumigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, asi tarirai! mumwe munhu anopfuura Soromoni ari pano.” (Mat. 12:42) Soromoni aiva nemukurumbira wokuchenjera, uye akatikurudzirawo kutsvaka uchenjeri.

4, 5. Soromoni akawana sei uchenjeri, asi zvakasiyana sei nemawaniro atinohuita?

4 Soromoni paakatanga kutonga, Mwari akazviratidza kwaari achirota, akamuti akumbire zvaaida. Achiziva kuti akanga asina ruzivo rwoupenyu, Soromoni akakumbira uchenjeri. (Verenga 1 Madzimambo 3:5-9.) Mwari akafadzwa nechikumbiro chaSoromoni akamupa “mwoyo wakachenjera, unonzwisisa,” uye pfuma nemukurumbira zvaainge asina kukumbira. (1 Madz. 3:10-14) Sezvakataurwa naJesu, Soromoni aiva neuchenjeri chaizvo zvokuti mambokadzi weShebha akanzwa nezvahwo akaita rwendo rurefu kuti anozvionera.—1 Madz. 10:1, 4-9.

5 Isu hatitarisiri kuitirwa chishamiso chokupiwa uchenjeri. Soromoni akati, “Jehovha anopa uchenjeri,” asi akaratidza kuti tinofanira kushanda nesimba kuti tive nahwo achiti: “Nyatsoteerera uchenjeri nenzeve dzako, kuti uite kuti mwoyo wako ude ungwaru.” Soromoni akatiwo tinofanira ‘kuchemera’ uye ‘kuramba tichitsvaka’ uchenjeri. (Zvir. 2:1-6) Zviri pachena kuti tinogona kuwana uchenjeri.

6. Tingaratidza sei kuti tiri kubatsirwa nemuenzaniso wakanaka waSoromoni panyaya youchenjeri?

6 Zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoda uchenjeri hwaMwari sezvaiita Soromoni here?’ Matambudziko ezveupfumi akaita kuti vakawanda vati sika-sika nemabasa avo uye kutsvaka mari, uye ndiwo anoita kuti vasarudze dzidzo yokuva nayo. Ko iwe nemhuri yako? Zvamunosarudza zvinoratidza kuti muri kukoshesa uye muri kutsvaka uchenjeri hwaMwari here? Kuchinja maonero amunoita mari nedzidzo kungakubatsirai here kuti muwedzere kutsvaka uchenjeri? Zvechokwadi, kuwana uye kushandisa uchenjeri kuchakubatsirai nokusingaperi. Soromoni akanyora kuti: “Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisira nokutendeseka, izvo zvinhu zvose zvakanaka.”—Zvir. 2:9.

Kusimudzira Kunamata Kwechokwadi Kwakaunza Rugare

7. Zvakafamba sei kuti Mwari azova netemberi yakazonaka?

7 Paakatanga kutonga, Soromoni akatora matanho okuvaka temberi yakanaka samare kuti atsive tebhenekeri yaishandiswa kubva pamazuva aMosesi. (1 Madz. 6:1) Tinogona kuiti temberi yaSoromoni, asi haasi iye akatanga nepfungwa yacho achitsvaka mukurumbira. Dhavhidhi ndiye akatanga nepfungwa yacho, Mwari achibva amupa purani yetemberi yacho uye magadzirirwo emidziyo yacho. Uye Dhavhidhi akapa zvakawanda zvokushandisa pabasa racho. (2 Sam. 7:2, 12, 13; 1 Mak. 22:14-16) Kunyange zvakadaro, Soromoni ndiye akazoivaka, kwemakore manomwe nehafu.—1 Madz. 6:37, 38; 7:51.

8, 9. (a) Sei tichiti Soromoni muenzaniso wakanaka pakuita mabasa akanaka? (b) Soromoni paakasimudzira kunamata kwechokwadi zvakaguma nei?

8 Saka Soromoni akatisiyira muenzaniso wakanaka wokushingirira pakuita mabasa akanaka, uye kuramba tichiisa zvinhu zvinokosha pakutanga. Temberi yapera uye areka yesungano yaiswamo, Soromoni akanyengetera vanhu vose vachinzwa. Muchidimbu akati kuna Jehovha: “Maziso enyu [nga]asvinure akatarira kuimba iyi usiku nemasikati, kunzvimbo yamakati, ‘Zita rangu richava ipapo,’ kuti muteerere munyengetero uri kunyengeterwa nomushumiri wenyu akatarira kunzvimbo ino.” (1 Madz. 8:6, 29) VaIsraeri nevamwe vanhu vaigona kunyengetera vakatarira kuchivako ichi chakanga chavakwa kuti zita raMwari rikudzwe.—1 Madz. 8:30, 41-43, 60.

9 Soromoni paakasimudzira kunamata kwechokwadi zvakaguma nei? Pashure pekupemberera kutsaurirwa kwetemberi, vanhu vakanga “vachifara uye vaine mwoyo yaifarira zvakanaka zvose izvo Jehovha akanga aitira mushumiri wake Dhavhidhi nevanhu vake vaIsraeri.” (1 Madz. 8:65, 66) Mumakore 40 ekutonga kwaSoromoni, vanhu vakava nerugare uye vakabudirira zvikuru. (Verenga 1 Madzimambo 4:20, 21, 25.) Pisarema 72 rinoratidza izvozvo uye rinotibatsira kunzwisisa zvikomborero zvatichawana muutongi hwaSoromoni Mukuru, Jesu Kristu.—Pis. 72:6-8, 16.

Muenzaniso waSoromoni Unotinyevera

10. Chikanganiso chipi chakaitwa naSoromoni chatinokurumidza kufunga nezvacho?

10 Asi nei tingati mararamiro aSoromoni anotinyeverawo? Ungatanga kufunga nezvemadzimai nevarongo vake vokune dzimwe nyika. Tinoverenga kuti: “Panguva yokukwegura kwaSoromoni, madzimai ake akanga atsausa mwoyo wake kuti atevere vamwe vanamwari; uye mwoyo wake hauna kuva wakakwana kuna Jehovha.” (1 Madz. 11:1-6) Hapana mubvunzo kuti wakatsunga kusatombotevedzera maitiro ake oupenzi. Asi ndiyo chete nyevero yatinowana muupenyu hwaSoromoni here? Funga zvimwe zvakaitika muupenyu hwake zvatisingawanzofungi nezvazvo woona nyevero iripo.

11. Tingatii nezvemukadzi wokutanga waSoromoni?

11 Soromoni akatonga kwemakore 40. (2 Mak. 9:30) Saka tingati kudii nezviri pana 1 Madzimambo 14:21? (Verenga.) Maererano nendima iyi, pakafa Soromoni, mwanakomana wake Rehobhoamu akava mambo aine makore 41, uye amai vake vaiva “Naama mukadzi muAmoni.” Izvi zvinoreva kuti Soromoni asati ava mambo, akaroora kuvavengi vainamata zvidhori. (Vat. 10:6; 2 Sam. 10:6) Mukadzi wacho ainamata zvidhori here? Kunyange aimbozvinamata, angangodaro akazvisiya ndokuva munamati wechokwadi, sezvakaita Rakabhi naRute. (Rute 1:16; 4:13-17; Mat. 1:5, 6) Kunyange zvakadaro, Soromoni akava nemadzitezvara nehama dzechiAmoni dzaisashumira Jehovha.

12, 13. Soromoni akaita chikanganiso chipi kwokutanga paaitonga, uye angadaro aipa tuzvikonzero twupi?

12 Paakanga ava mambo, zvinhu zvakatowedzera kuipa. Soromoni “akaroora kwaFarao mambo weIjipiti, akatora mwanasikana waFarao, akamuunza kuGuta raDhavhidhi.” (1 Madz. 3:1) Mukadzi uyu akazova munamati wechokwadi sezvakaita Rute here? Hapana chinoratidza kuti ndizvo zvaakaita. Asi nokufamba kwenguva Soromoni akamuvakira imba (pamwe yake nevashandikadzi vake vechiIjipiti) kunze kweGuta raDhavhidhi. Akazviitirei? Magwaro anoti akadaro nokuti zvakanga zvisina kukodzera kuti munamati wenhema agare pedyo neareka yesungano.—2 Mak. 8:11.

13 Zvimwe Soromoni akafunga kuti kuroora mwanasikana waFarao kwaizosimbisa umambo hwake. Asi izvozvo zvaimupa mvumo yokudaro here? Kare kare, Mwari ainge arambidza vanhu vake kuroora vaKenani, achitotaura mamwe marudzi nemazita. (Eks. 34:11-16) Soromoni angave akafunga here kuti Ijipiti yaisava pamarudzi iwayo? Kunyange kana akafunga kudaro, izvozvo zvaiva nemusoro here? Soromoni haana kufunga nezvengozi yaiva pachena yainge yataurwa naJehovha yokuti muIsraeri aizosiya kunamata kwechokwadi ononamata zvidhori.—Verenga Dheuteronomio 7:1-4.

14. Tingabatsirwa sei nokufungisisa muenzaniso unonyevera waSoromoni?

14 Tichabvuma kunyeverwa nezvakaitika kuna Soromoni here? Hanzvadzi ingaedza kupa tuzvikonzero twokudanana nemumwe munhu ichityora mutemo waMwari wokuroorwa “munaShe chete.” (1 VaK. 7:39) Mumwe angapa tuzvikonzero panyaya yemitambo kana kujoina makirabhu ekuchikoro, kubiridzira pakubhadhara mitero kana kunyepa paanobvunzwa zvingaita kuti anyare. Pfungwa iripo ndeyekuti, pane ngozi yokutyora mutemo waMwari tichipa tuzvikonzero sezvingava zvakaitwa naSoromoni.

15. Jehovha akaratidza sei kuti akanzwira Soromoni tsitsi, asi tinofanira kuyeukei nezvazvo?

15 Chinoshamisa ndechokuti Bhaibheri rinotanga rataura nezvekuroora kwaSoromoni mwanasikana waFarao, rozoti Mwari akamupa uchenjeri hwaakanga akumbira pamwe nepfuma. (1 Madz. 3:10-13) Soromoni akanga atyora mirayiro yaMwari, asi hapana chinoratidza kuti Jehovha akabva amubvisa pakuva mambo kana kumuranga zvakasimba. Izvi zvinoenderana nepfungwa yokuti Mwari anoziva kuti tiri vanhu vasina kukwana vakaumbwa neguruva. (Pis. 103:10, 13, 14) Zvisinei yeuka kuti: Zvatinoita zvinogona kutiipira iye zvino kana kuti pava paya muupenyu.

Madzimai Akawanda Kwazvo!

16. Soromoni akatyora murayiro upi nokutora madzimai akawanda?

16 MuRwiyo rwaSoromoni, muna mambo akayemura imwe mhandara achiti yakanga yakanaka kupfuura vanamambokadzi 60 nevarongo 80. (Rwiyo 6:1, 8-10) Kana mambo uyu ari Soromoni, panguva iyoyo ainge ava nemadzimai nevarongo vakawanda. Hazvinei kuti vazhinji vacho kana kuti vose zvavo vaiva vanamati vechokwadi, Mwari akanga arayira achishandisa Mosesi kuti mambo waIsraeri haafaniri kuzviwanzira “madzimai, kuti mwoyo wake urege kutsauka.” (Dheut. 17:17) Zvakare, Jehovha haana kubva angosiya Soromoni. Asi akatomukomborera, achimushandisa kunyora bhuku reBhaibheri rinonzi Rwiyo rwaSoromoni.

17. Ichokwadi chipi chatisingafaniri kukanganwa?

17 Izvi zvinoreva here kuti Soromoni aigona kutyora murayiro waMwari pasina chinomuwana? Isuwo tinogona kudaro here? Kwete. Asi izvi zvinongoratidza kuti Mwari anogona kushivirira kwenguva yakati rebei. Kana mushumiri waMwari akatyora murayiro, poshaya chakaipa chinoitika ipapo, izvozvo hazvirevi kuti hapana chichazoitika. Yeuka mashoko aSoromoni okuti: “Mutongo zvausina kukurumidza kupiwa pabasa rakaipa, mwoyo yevanakomana vevanhu yakatsunga kwazvo mukati mavo kuti vaite zvakaipa.” Akawedzera kuti: “Ini ndinozivawo kuti zvichafambira zvakanaka vaya vanotya Mwari wechokwadi, nokuti vaimutya.”—Mup. 8:11, 12.

18. Zvakaitika kuna Soromoni zvinoratidza sei chokwadi chatinowana pana VaGaratiya 6:7?

18 Dai Soromoni akaramba hake achiteerera chokwadi ichocho! Ainge aita zvakanaka zvakawanda uye Mwari ainge abvira kare achimupa makomborero. Asi nokufamba kwenguva, akaramba achingokanganisa. Akava nekatsika kekusateerera. Zvakanyorwa nomuapostora Pauro ndezvechokwadi zvokuti: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa”! (VaG. 6:7) Nokufamba kwenguva, Soromoni akazokohwa zvakaipa pamusana pokutyora murayiro waMwari. Tinoverenga kuti: “Mambo Soromoni aida madzimai mazhinji okune dzimwe nyika pamwe chete nomwanasikana waFarao, vakadzi vaMoabhi, vaAmoni, vaEdhomu, vaSidhoni nevaHiti.” (1 Madz. 11:1) Vazhinji vavo vangangodaro vakaramba vachinamata vanamwari venhema, uye zvakakanganisa Soromoni. Akatsauka, uye Mwari wedu ane mwoyo murefu haana kufara nazvo.—Verenga 1 Madzimambo 11:4-8.

Dzidza Pane Zvakanaka Uye Zvakaipa Zvaakaita

19. Nei ungati Bhaibheri rine mienzaniso yakanaka yakawanda?

19 Jehovha akafemera Pauro kunyora kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaR. 15:4) Izvozvo zvinosanganisira mienzaniso yakanaka yakawanda yevarume nevakadzi vaiva nokutenda kwakasimba. Pauro akati: “Ndezvipi zvimwe zvandichataura? Nokuti nguva ichandiperera kana ndikarondedzera nezvaGidhiyoni, Bheraki, Samsoni, Jefta, Dhavhidhi uyewo Samueri nevamwe vaprofita, avo vakakunda umambo pakurwa nokutenda, vakaita kuti pave nokururama, vakawana zvipikirwa, . . . vakaitwa vane simba vachibva pakusava nesimba.” (VaH. 11:32-34) Tinogona uye tinofanira kudzidza kubva pamienzaniso yakanaka iri muBhaibheri toitevedzera.

20, 21. Nei watsunga kuti ubatsirwe nemienzaniso inonyevera iri muShoko raMwari?

20 Zvisinei, dzimwe nhoroondo dzeBhaibheri dzine mienzaniso inonyevera yevarume nevakadzi vaimboshumira Jehovha achivafarira. Patinoverenga Bhaibheri, tinogona kuona pavakakanganisa ndokutsauka uye kutinyevera kwazvinoita. Tinoona kuti vamwe vakatanga tutsika kana kuti kufunga zvisina kunaka zvishoma nezvishoma zvikazovapinza muna taisireva. Tingabatsirwa sei nenhoroondo dzakadaro? Tingada kuzvibvunza kuti: ‘Izvozvo zvakatanga sei? Zvingaitikawo kwandiri here? Ndingazvidzivisa sei uye ndingabatsirwa sei nemuenzaniso uyu unonyevera?’

21 Zvechokwadi, tinofanira kunyatsofungisisa mienzaniso iyi, nokuti Pauro akafemerwa kunyora kuti: “Zvinhu izvi zvakavawira semienzaniso, uye zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.”—1 VaK. 10:11.

Wadzidzei?

• Nei tingati muBhaibheri mune mienzaniso yakanaka uye yakaipa inotinyevera?

• Zvakafamba sei kuti Soromoni apedzisire ava nekatsika kekuita zvakaipa?

• Ungabatsirwa sei nomuenzaniso unonyevera waSoromoni?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Soromoni akashandisa uchenjeri hwaakapiwa naMwari

[Mifananidzo iri papeji 12]

Uri kubatsirwa here nemuenzaniso unonyevera waSoromoni?