Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kutungamirirwa Nemudzimu waMwari?

Nei Tichifanira Kutungamirirwa Nemudzimu waMwari?

Nei Tichifanira Kutungamirirwa Nemudzimu waMwari?

“Ndimi Mwari wangu. Mudzimu wenyu wakanaka; ngaunditungamirire.”—PIS. 143:10.

1. Ipa muenzaniso unoratidza kuti munhu angatungamirirwa sei nesimba risingaoneki.

WAKAMBOSHANDISA kambasi here kuti uzive kwauri kuda kuenda? Kambasi mudziyo uri nyore kushandisa, unongova nekatsono kanogara kakanongedza kuchamhembe. Simba risingaoneki remagineti ndiro rinoita kuti katsono kekambasi karatidze kuti kuchamhembe ndokupi. Kwemazana emakore, vafambi vave vachitungamirirwa nekambasi pakufamba mugungwa kana panyika.

2, 3. (a) Jehovha akashandisa simba ripi guru makore asingaverengeki akapfuura? (b) Nei tichifanira kutarisira kuti simba raMwari risingaoneki rititungamirire mazuva ano?

2 Pane rimwewo simba risingaoneki rinotonyanya kukosha pakutitungamirira. Isimba ripi iroro? Nderiya rinotaurwa mundima dzokutanga dzeBhaibheri. Genesisi inotaura zvakaitwa naJehovha makore asingaverengeki akapfuura kuti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” Paaisika, akatuma simba guru kwazvo, nokuti nhoroondo yacho inowedzera kuti: “Simba raMwari rinoita basa raifamba-famba.” (Gen. 1:1, 2) Isimba ripi iroro raaishandisa? Mudzimu mutsvene, simba guru rakashandiswa pakusika. Simba iri ndiro raakashandisa kuti tivepo uye pakusika zvimwe zvinhu zvose.—Job. 33:4; Pis. 104:30.

3 Tinoziva kuti Jehovha akashandisa simba rake kutisika, asi rine zvimwe zvaringaita muupenyu hwedu here? Mwanakomana waMwari aiziva kuti rinazvo, nokuti akaudza vadzidzi vake kuti: ‘Mudzimu uchakutungamirirai muchokwadi chose.’ (Joh. 16:13) Mudzimu iwoyo chii uye nei tichifanira kuda kutungamirirwa nawo?

Mudzimu Mutsvene Chimbori Chii?

4, 5. (a) Vanodavira Utatu vane pfungwa ipi isina kururama nezvemudzimu mutsvene? (b) Ungatsanangura here kuti mudzimu mutsvene chimbori chii?

4 Zvimwe vanhu vaunotaura navo muushumiri vanotenda muMweya Anoera anotaurwa neKing James Version kana kuti nemamwe maBhaibheri. Vaya vanodavira Utatu, vanofunga kuti Mweya Anoera uyu munhu womudzimu akaenzana naMwari Baba. (1 VaK. 8:6) Asi chinonakidza ndechokuti muThe Webster Bible, shanduro yakagadziridzwa yeKing James Version yakabudiswa kekutanga muna 1833, Noah Webster akashandisa “Mudzimu Mutsvene” panzvimbo pe“Mweya Anoera.” Webster akaita izvi nokuti aiziva kuti muMagwaro, shoko iri raisareva munhu womudzimu. *

5 Saka mudzimu mutsvene chimbori chii? Shoko rechiHebheru rokuti ruʹach rakashandiswa pana Genesisi 1:2, rinowanzoshandurwa kuti ‘mudzimu,’ asi rinogona kurevawo ‘mhepo’ kana kurevawo rimwe simba risingaoneki. (Enzanisa naGenesisi 3:8; 8:1.) Mudzimu mutsvene hauoneki asi zvaunoita tinozviona, kungofanana nemhepo yatisingaoni, asi tichiona zvainoita. Mudzimu uyu isimba rinobva kuna Mwari raanoshandisa pavanhu kana zvinhu kuti aite zvaanoda. Zvakaoma here kudavira kuti simba rinoshamisa zvakadaro rinobva kuna Mwari Wemasimbaose? Kana!—Verenga Isaya 40:12, 13.

6. Dhavhidhi akakumbirei Jehovha?

6 Jehovha anogona here kuramba achishandisa mudzimu wake kutitungamirira muupenyu? Akavimbisa Dhavhidhi kuti: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo.” (Pis. 32:8) Dhavhidhi aizvida here izvozvo? Hongu, nokuti akakumbira Jehovha kuti: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti ndimi Mwari wangu. Mudzimu wenyu wakanaka; ngaunditungamirire munyika yokururama.” (Pis. 143:10) Tinofanirawo kuda kutungamirirwa nomudzimu waMwari. Nemhaka yei? Ngatikurukurei zvikonzero zvina.

Hatikwanisi Kuzvitungamirira

7, 8. (a) Nei tisingakwanisi kuzvitungamirira pasina Mwari? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti nei tisingafaniri kuedza kuzvitungamirira munyika ino yakaipa.

7 Kutanga, tinofanira kuda kutungamirirwa nemudzimu waMwari nokuti hatikwanisi kuzvitungamirira. “Kutungamirira” kunoreva “kuratidza munhu nzira yokufamba nayo.” Zvisinei, Jehovha haana kutisika tichikwanisa kuzvitungamirira, ndoda nechivi chatiinacho. Muprofita Jeremiya akanyora kuti: “Haiwa Ishe, ndinoziva kuti nzira yomunhu haisi yake: munhu haana simba rokutungamirira nhanho dzake.” (Jer. 10:23, The Bible in Basic English) Nemhaka yei? Jeremiya akanzwa Mwari achitaura chikonzero nei tisingakwanisi kuzvitungamirira. Achitaura zvatiri nechomukati, Jehovha akati: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva?”—Jer. 17:9; Mat. 15:19.

8 Hahungavi upenzi here kuti munhu asina ruzivo atange kufamba musango raasingazivi ari oga asina kambasi, kana munhu anoziva sango racho? Kana asingazivi kuti angararama sei musango rakadaro uye asingazivi kuti angasvika sei kwaari kuenda, anenge ari kuisa upenyu hwake pamutanhiko. Saka munhu anofunga kuti anogona kuzvitungamirira munyika ino yakaipa asingabvumi kutungamirirwa naMwari, anenge achiisawo upenyu hwake pangozi. Chatinokwanisa kuita chete kuti tibudirire munyika ino yakaipa, kunyengetera kuna Jehovha sezvakaitwa naDhavhidhi paakati: “Nhanho dzangu ngadzirambire pamakwara enyu, pasingazotsvedzemuki tsoka dzangu.” (Pis. 17:5; 23:3) Tingatungamirirwa sei saizvozvo?

9. Sezviri kuratidzwa papeji 17, mudzimu waMwari ungatitungamirira sei?

9 Kana tichizvininipisa uye tichida kuvimba naJehovha, achatipa mudzimu mutsvene kuti utungamirire nhano dzedu. Simba iroro ringatibatsira sei? Jesu akatsanangurira vadzidzi vake kuti: “Mubatsiri, iwo mudzimu mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” (Joh. 14:26) Kana tikagara tichinyengetera uye tichidzidza Shoko raMwari, kusanganisira zvinotaurwa naKristu, mudzimu mutsvene uchaita kuti tiwedzere kunzwisisa uchenjeri hwakadzama hwaJehovha, zvokuti tichakwanisa kunyatsoita zvaanoda. (1 VaK. 2:10) Uyewo, pose panoitika zvinhu zvatisingatarisiri muupenyu, mudzimu uchatibatsira kuziva zvokuita. Uchatiyeuchidza zvatakambodzidza muBhaibheri wotibatsira kuona kuti zvinoshanda sei pakuita zvisarudzo.

Jesu Akatungamirirwa Nemudzimu waMwari

10, 11. Mwanakomana waMwari aitarisira chii nezvemudzimu mutsvene, uye chii chakaitika kwaari?

10 Chikonzero chechipiri chokuti tide kutungamirirwa nemudzimu mutsvene ndechokuti Mwari akatotungamirira Mwanakomana wake nawo. Asati auya panyika, Mwanakomana waMwari aiziva nezveuprofita uhwu: “Mudzimu waJehovha uchagara pamusoro pake, mudzimu wouchenjeri uye wokunzwisisa, mudzimu wezano uye wokuva nesimba, mudzimu wokuziva uye wokutya Jehovha.” (Isa. 11:2) Funga kuti Jesu aiva nechido chakadini chokubatsirwa nemudzimu waMwari muupenyu hwakaoma pasi pano!

11 Mashoko aJehovha akazadziswa. Nhoroondo yeEvhangeri inotaura zvakaitika Jesu achangobva kubhabhatidzwa ichiti: “Zvino Jesu, azere nomudzimu mutsvene, akabva kuJodhani, akaendeswa nomudzimu kuno nokoko murenje.” (Ruka 4:1) Jesu paaitsanya, achinyengetera uye achifungisisa, Jehovha anofanira kunge akamurayiridza uye akaita kuti anzwisise zvaizoitika kwaari. Simba raMwari raishanda papfungwa dzaJesu nemwoyo richimutungamirira pamafungiro uye pakuita zvisarudzo. Saka Jesu aiziva zvokuita mumamiriro ose ezvinhu, uye akaita chaizvo zvaidiwa naBaba vake.

12. Nei zvichikosha kuti tikumbire kutungamirirwa nemudzimu waMwari?

12 Jesu aiziva kukosha kwemudzimu waMwari muupenyu hwake, saka akakurudzira vadzidzi vake kuti vaukumbire uye kuti uvatungamirire. (Verenga Ruka 11:9-13.) Nei izvozvo zvichikosha kwatiri? Nokuti unogona kuchinja mafungiro edu, kuti afanane neaKristu. (VaR. 12:2; 1 VaK. 2:16) Kana tikabvuma kutungamirirwa nemudzimu waMwari, tinogona kufunga saKristu uye kutevedzera muenzaniso wake.—1 Pet. 2:21.

Mudzimu Wenyika Waizoita Kuti Tirasike

13. Mudzimu wenyika chii, uye unoita kuti vanhu vaite sei?

13 Chikonzero chechitatu ndechokuti kana tisina mudzimu waMwari, mudzimu wenyika uyo uri kushanda muvanhu vakawanda mazuva ano unogona kuita kuti tirasike. Nyika ine mudzimu wakasimba, unoita kuti tide kuita zvinopesana nechibereko chomudzimu mutsvene. Pane kuita kuti vanhu vave nemafungiro aKristu, mudzimu wenyika unoita kuti mafungiro avo uye zvavanoita zvifanane nezvemutongi wenyika, Satani. (Verenga VaEfeso 2:1-3; Tito 3:3.) Kana munhu akarega mudzimu wenyika uchimutungamirira otanga kuita mabasa enyama, anopinda muna taisireva, zvomutadzisa kugara nhaka yoUmambo hwaMwari.—VaG. 5:19-21.

14, 15. Tingabudirira sei pakurwisa mudzimu wenyika?

14 Jehovha akatipa zvose zvatinoda kuti tirwise mudzimu wenyika. Muapostora Pauro akati, “rambai muchiwana simba munaShe nomuukuru hwesimba rake . . . kuti mukwanise kurwisa pazuva rakaipa.” (VaEf. 6:10, 13) Jehovha anotisimbisa nomudzimu wake kuti tisabvuma kutsauswa naSatani. (Zvak. 12:9) Mudzimu wenyika une simba, uye hatikwanisi kubva taudzivisa zvachose. Zvisinei, hatifaniri kukanganiswa nawo. Mudzimu mutsvene wakasimba kuupfuura, uye uchatibatsira!

15 Muapostora Petro akati nezvevaya vakaramba chiKristu muzana remakore rokutanga: “Ivo vakatsauswa, zvavakasiya nzira yakarurama.” (2 Pet. 2:15) Chokwadi tinoonga kuti takagamuchira, “kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari”! (1 VaK. 2:12) Kana tikabatsirwa nawo uye tikanyatsoshandisa zvose zvatinopiwa naJehovha kuti rirambe tiri mugwara pane zvokunamata, tinogona kubudirira kurwisa mudzimu wenyika ino yakaipa.—VaG. 5:16.

Mudzimu Mutsvene Unobereka Chibereko Chakanaka

16. Mudzimu mutsvene unogona kubereka chibereko chakaita sei matiri?

16 Chikonzero chechina chokuti tide kuti mudzimu waMwari ushande matiri ndechokuti unobereka chibereko chakanaka muupenyu hwevaya vanotungamirirwa nawo. (Verenga VaGaratiya 5:22, 23.) Ndiani wedu asingadi kuwedzera kuva nerudo, mufaro uye rugare? Ndiani wedu asingadi kuwedzera kuva nemwoyo murefu, mutsa uye runako? Ndiani wedu angasabatsirwa nokuwedzera kutenda, unyoro uye kuzvidzora? Mudzimu waMwari unoita kuti tive neunhu hwakanaka hunobatsira isu nevatinogara navo uye vatinonamata navo. Tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tiratidze chibereko ichi nokuti hapana pazvinozombonzi chatiinacho chakwana.

17. Tingashandira sei kuwedzera kuva nechimwe chezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu?

17 Tinoratidza kuti takachenjera kana tikazviongorora, kuti tive nechokwadi chokuti mashoko edu nezvatinoita zvinoratidza kuti tinotungamirirwa nemudzimu mutsvene uye kuti tiri kuva nechibereko chawo. (2 VaK. 13:5a; VaG. 5:25) Kana tikaona kuti pane chatinofanira kushandira kuva nacho, tinogona kubvumira mudzimu mutsvene kuti utibatsire. Tinoita izvi nokudzidza chimwe nechimwe chazvo kubva muBhaibheri uye mumabhuku edu echiKristu. Saka tinogona kunyatsoona kuti chibereko chemudzimu chingaratidzwa sei zuva nezuva muupenyu hwedu uye zvatingaita kuti tiwedzere kuva nacho. * Patinoona kushanda kunoita mudzimu waMwari muupenyu hwedu uye hwevatinonamata navo, tinonyatsoona kuti nei tichifanira kutungamirirwa nawo.

Uri Kubvuma Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari Here?

18. Tinodzidzei pamuenzaniso waJesu wokubvuma kubatsirwa nemudzimu waMwari?

18 Sezvo Jesu aiva “mhizha” yaMwari pakasikwa zvinhu zvose, aiziva nezvesimba remagineti rinoshandiswa nekambasi. (Zvir. 8:30; Joh. 1:3) Zvisinei, Bhaibheri hariratidzi kuti Jesu akamboshandisa simba iroro kuti rimutungamirire paaiva panyika. Rinotaura kuti mudzimu mutsvene waiva simba guru raaishandisa paaiva panyika. Aida kutungamirirwa nawo uye pawaimuratidza zvokuita aibvuma ozviita. (Mako 1:12, 13; Ruka 4:14) Iwe unodarowo here?

19. Tinofanira kuitei kuti mudzimu mutsvene utitungamirire muupenyu hwedu?

19 Simba raMwari richiri kushanda papfungwa nemwoyo zvevanhu vanoda kutungamirirwa naro. Ungaribvumira sei kuti rikutungamirire mugwara rakanaka? Ramba uchinyengetera kuna Jehovha kuti akupe mudzimu wake uye akubatsire kubvuma kutungamirirwa nawo. (Verenga VaEfeso 3:14-16.) Ita zvinoenderana neminyengetero yako nokutsvaka mazano muShoko raMwari, Bhaibheri, iro rakafemerwa nemudzimu mutsvene. (2 Tim. 3:16, 17) Teerera mirayiridzo yokuchenjera yarinopa wobvuma kutungamirirwa nemudzimu mutsvene. Ratidza kuti unotenda kuti Jehovha anogona kukutungamirira zvakanaka munyika ino yakaipa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mumashoko okusuma eBhaibheri rake, Webster akanyora kuti: “Pose apo mashoko anonzwisiswa zvakasiyana nezvaaireva paakatanga kushandiswa uye zvakasiyana nezvaanoreva mumitauro yepakutanga, anenge asingaratidzi muverengi zviri muShoko raMwari.”

^ ndima 17 Kana uchida mamwe mashoko ona w07-CA 7/15 mapeji 24-25; w03-CA 1/15 peji 11; w02-CA 1/15 peji 17; w95-CA 1/15 peji 16; w01-CA 11/1 mapeji 14-15; w03-CA 7/1 peji 6; w01-CA 1/1 peji 22; w03-CA 4/1 mapeji 15, 19-20; w03-CA 10/15 peji 14.

Wabata Pfungwa Huru Here?

• Mudzimu mutsvene ungatibatsira sei muupenyu?

• Ndezvipi zvikonzero zvina zvinoita kuti tide kutungamirirwa nemudzimu waMwari?

• Tingaitawo sei kuti tinyatsobatsirwa nokutungamirira kwemudzimu mutsvene?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mudzimu waMwari ndiro simba raitungamirira Jesu muupenyu hwake

[Mufananidzo uri papeji 17]

Mudzimu waMwari unoshanda pamwoyo nepfungwa dzevanhu kuti uvatungamirire