Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Olivétan aiva ani uye nei tichifanira kufarira basa rake?

Murume wokuFrance ainzi Pierre Robert ndiye aizivikanwa nezita iroro. Panguva yaichinja dzidziso mumachechi muzana remakore rechi16, akashandurira Bhaibheri muchiFrench. Akasarudza kushandisa shoko rokuti “mutariri” pane kuti “bhishopu,” uye “ungano” pane kuti “chechi.” Mune dzimwe nzvimbo akashandura zita raMwari kuti “Jehovha.”—9/1, mapeji 18-20.

• Mwari airevei paakaudza vaRevhi kuti: “Ini ndini mugove wako”?

Mamwe madzinza evaIsraeri akapiwa nzvimbo kuti ive nhaka yavo, asi Jehovha ndiye aiva “mugove” wevaRevhi. (Num. 18:20) Havana kupiwa nhaka asi vakawana ropafadzo yokushumira. Jehovha aivapa zvokurarama nazvo. Mazuva ano vaya vane ropafadzo yokuita kuti basa roUmambo rienderere mberi vanogona kuva nechivimbo chokuti vachapiwa zvokurarama nazvo.—9/15, mapeji 7-8, 13.

• Tingaziva sei pakaparadzwa Jerusarema rekare nevaBhabhironi?

Nyanzvi dzenhoroondo dzekare dzinotaura zvakasiyana-siyana nezvemadzimambo eBhabhironi uye nguva yaakatonga. Asi vaya vanoongorora Bhaibheri vanobvumirana kuti Koreshi II akakunda Bhabhironi muna 539 B.C.E., rinova gore rinokosha. VaJudha vakasunungurwa uye vakasvika kumusha kwavo muna 537 B.C.E. Bhaibheri rinoti vaiva nhapwa kwemakore 70. Saka Jerusarema rinofanira kunge rakaparadzwa muna 607 B.C.E. (2 Mak. 36:21, 22; Jer. 29:10; Dhan. 9:1, 2)—10/1, mapeji 26-31.

• Chii chingabatsira muKristu kuona kana varaidzo ichibatsira kana kuti isingabatsiri?

Pakusarudza varaidzo inobatsira uye inofadza Mwari, zvakanaka kubvunza kuti: Inosanganisira chii? Ndinovaraidzwa nezvinhu izvozvo riini? Ndinenge ndiina ani?10/15, mapeji 9-12.

• Nei zvakaipa kubvisa pamuviri?

Kuna Mwari, upenyu hutsvene, uye anoona mwana achiri mudumbu somunhu mupenyu, akatozvimirira. (Pis. 139:16) Kuuraya mwana asati aberekwa kuponda, sezvairatidzwa neMutemo kuti kana munhu akakuvadza mwana asati aberekwa aizozvidavirira. (Eks. 21:22, 23)—11/1, peji 6.

• Nyaya iri pana Zvirevo 7:6-23 ingatibatsira sei kuti tisaone zvinonyadzisira?

Ndima iyoyo inotaura nezvejaya rinofamba munzvimbo inozivikanwa kuti inogara mukadzi pfambi. Rakatsauswa nomukadzi wacho. Mazuva ano zvakanaka kusaenda panzvimbo dzepaIndaneti dzinobudisa mifananidzo inonyadzisira, uye zvinokosha kuti tinyengetere tisati tatombosangana nemifananidzo iyoyo paIndaneti.—11/15, mapeji 9-10.

• Tinoziva sei kana nyika icharamba iripo panopera gore ra2012?

Maererano nekarenda yeMaya yekare, vamwe vanofunga kuti nyika ichaparara muna 2012. Asi izvozvo hazviiti nokuti Jehovha akasika nyika kuti igarwe. Bhaibheri rinotaura kuti icharamba iripo nokusingaperi. (Mup. 1:4; Isa. 45:18)—12/1, peji 10.

• Vanyori vapi veBhaibheri vaivapo paPendekosti ya33 C.E.?

Zvinoita sokuti vatanhatu ndivo vaivapo pane vakanyora Magwaro echiKristu echiGiriki. Paiva nevaapostora vatatu, Mateu, Johani naPetro. Vanin’ina vaJesu, Jakobho naJudha, vaivapowo. Uyewo Mako anofanira kunge aivapo.—12/1, peji 22.