Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vakatendeka Vekare Vakatungamirirwa Nomudzimu waMwari

Vanhu Vakatendeka Vekare Vakatungamirirwa Nomudzimu waMwari

Vanhu Vakatendeka Vekare Vakatungamirirwa Nomudzimu waMwari

“Changamire Ishe Jehovha andituma uye atumawo mudzimu wake.”—ISA. 48:16.

1, 2. Chii chinodiwa kuti tive nokutenda, uye tinokurudzirwa sei nokudzidza nezvevakatendeka vekare?

KUNYANGE zvazvo kutenda kwave kuchiratidzwa nevanhu kubvira panguva yaAbheri, Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kutenda hakusi kwevanhu vose.” (2 VaT. 3:2) Saka chii chinoita kuti munhu ave nokutenda, uye ave akatendeka? Chinonyanya kuita kuti munhu ave nokutenda, kunzwa zviri muShoko raMwari. (VaR. 10:17) Kutenda chimwe chezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. (VaG. 5:22, 23) Saka kuti tive nokutenda kwakasimba, tinoda mudzimu mutsvene.

2 Kana tikafunga kuti varume nevakadzi vane kutenda vanoberekwa vakadaro, tinenge tarasika. Vashumiri vakatendeka vatinoverenga nezvavo muBhaibheri vaiva “nemanzwiro akafanana needu.” (Jak. 5:17) Vaivawo nezvavaizeza, zvavaitya, nezvavaikanganisa, asi “vakaitwa vane simba” nomudzimu waMwari kuti vakunde matambudziko. (VaH. 11:34) Kuongorora kushanda kwakaita mudzimu waJehovha pavari kunogona kutikurudzira mazuva ano kuramba takatendeka sezvo tiri kurarama panguva iri kuedzwa kutenda kwedu.

Mudzimu waMwari Wakapa Mosesi Simba

3-5. (a) Tinoziva sei kuti Mosesi aibatsirwa nomudzimu mutsvene? (b) Muenzaniso waMosesi unotidzidzisei nezvokupa kunoita Jehovha mudzimu wake?

3 Pavanhu vose vaivapo muna 1513 B.C.E., Mosesi ndiye aiva “munyoro kwazvo kupfuura” vamwe vose. (Num. 12:3) Uyu mushumiri waMwari aiva munyoro, akapiwa basa rakakura murudzi rwaIsraeri. Mudzimu waMwari wakapa Mosesi simba rokuprofita, kutonga, kunyora, kutungamirira, uye kuita zvishamiso. (Verenga Isaya 63:11-14.) Asi pane imwe nguva, Mosesi akachema-chema achiti zvinhu zvakanga zvanyanya kumuremera. (Num. 11:14, 15) Saka Jehovha ‘akatora mumwe mudzimu’ waiva pana Mosesi akauisa pane vamwe 70 kuti vamubatsire. (Num. 11:16, 17) Kunyange zvazvo basa raMosesi raiita sokuti ranyanya kurema, chokwadi ndechokuti akanga asiri kuriita nesimba rake oga, uyewo varume 70 vakasarudzwa kumubatsira, vaisazoriita nesimba ravo pachavo.

4 Mosesi akanga apiwa mudzimu mutsvene waikwanirana nebasa racho. Pakachinja zvinhu, Mosesi akanga achiri nemudzimu waikwanirana nebasa rake. Aisava nemushoma, uye varume vakuru vacho 70 havana kuva newakawandisa. Jehovha anotipa mudzimu mutsvene unoenderana nezvatinoda. “Haapi mudzimu nechiyero” asi anopa “kubva pane zvaazere nazvo.”—Joh. 1:16; 3:34.

5 Une miedzo yauri kutsungirira here? Uri kuwandirwa nemabasa aunofanira kuita here? Uri kuedza kubatsira mhuri yako pakunamata uye kuiriritira, asi uku uchinetseka nokuti mari iri kuva shoma kana kuti uchizvidya mwoyo pamusana poutano here? Une mabasa anorema auri kuita muungano here? Iva nechokwadi chokuti Mwari anogona kukupa simba raunoda achishandisa mudzimu wake kuti utsungirire mamiriro ezvinhu chero api zvawo.—VaR. 15:13.

Mudzimu Mutsvene Wakabatsira Bhezareri

6-8. (a) Mudzimu waMwari wakabatsira Bhezareri naOhoriyabhi kuitei? (b) Chii chinoratidza kuti Bhezareri naOhoriyabhi vakatungamirirwa nomudzimu waMwari? (c) Nei zvakaitika kuna Bhezareri zvichikurudzira chaizvo?

6 Zvakaitika kuna Bhezareri uyo akararama panguva imwe chete naMosesi zvinoratidza zvakawanda nezvokushanda kunoita mudzimu waMwari. (Verenga Eksodho 35:30-35.) Bhezareri akasarudzwa kuti atungamirire pakugadzira midziyo yetebhenekeri. Aiva noruzivo rwokugadzira zvinhu asati aita basa iri here? Zvichida. Asi basa raakapedzisira kuita ringangove raiva rokuforoma zvidhina zvevaIjipiti. (Eks. 1:13, 14) Saka Bhezareri aizoita sei basa iri rakaoma? Jehovha “akamuzadza nomudzimu waMwari kuti ave nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva uye noumhizha hwemarudzi ose uye kuti afunge mazano . . . kuti aite zvivezwa zvemarudzi ose zvakagadzirwa noungwaru.” Chero ungwaru uhwo Bhezareri akagara anahwo hwakawedzerwa nomudzimu mutsvene. Ndizvo zvakaitikawo kuna Ohoriyabhi. Bhezareri naOhoriyabhi vanofanira kuva vakadzidza zvakanaka, nokuti havana kungoita mabasa avo chete, asi vakadzidzisawo vamwe zvokuita. Chokwadi, Mwari akaisa unyanzvi mumwoyo mavo kuti vadzidzise vamwe.

7 Chimwe chinoratidza kuti Bhezareri naOhoriyabhi vakatungamirirwa nomudzimu waMwari, kusimba kwezvavakagadzira. Zvinhu izvi zvakanga zvichiri kushandiswa papfuura makore anenge 500. (2 Mak. 1:2-6) Kusiyana nevanhu vanogadzira zvinhu mazuva ano, Bhezareri naOhoriyabhi havana kunyora mazita avo pane zvavakagadzira. Vakaita kuti mbiri yose iende kuna Jehovha.—Eks. 36:1, 2.

8 Mazuva ano, tinganzi tiite mabasa akaoma anoda unyanzvi, akadai sokuvaka, kudhinda, kuronga magungano, kuendesera zvinhu vanenge vawirwa nenjodzi, uye kukurukura navanachiremba nevashandi vemuzvipatara zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yokushandisa ropa. Dzimwe nguva mabasa aya anoitwa nevashandi vane unyanzvi, asi kakawanda anoitwa nevazvipiri vasina ruzivo rwebasa racho. Mudzimu waMwari unoita kuti vabudirire. Wakambozeza kubvuma rimwe basa pakushumira Jehovha uchifunga kuti vamwe vari nani kukupfuura here? Yeuka kuti mudzimu waJehovha unogona kuwedzera ruzivo rwako neunyanzvi uye kukubatsira kuita chero basa raanokupa.

Mudzimu waMwari Wakaita Kuti Joshua Abudirire

9. Vabuda muIjipiti, vaIsraeri vakasangana nemamiriro ezvinhu akaita sei, uye pakamuka mubvunzo upi?

9 Mudzimu waMwari wakatungamirirawo mumwe akararama panguva yaMosesi naBhezareri. Nguva pfupi vanhu vaMwari vabuda muIjipiti, vaAmareki vakavarwisa pasina chavakanga vavaita. Iyi yaiva nguva yokuti vaIsraeri vavarwise. Kunyange zvazvo vaIsraeri vainge vasina kujaira zvehondo, vaifanira kurwa kekutanga sevanhu vakasununguka. (Eks. 13:17; 17:8) Paidiwa munhu wokuti atungamirire uto racho. Aizova ani?

10. Chii chakaita kuti vaIsraeri vaitungamirirwa naJoshua vakunde muhondo?

10 Joshua ndiye akasarudzwa. Asi kudai aizobvunzwa kuti aiva nounyanzvi hwebasa ripi kuti akwanise kutungamirira muhondo, angadai akataura chii? Kare aingovawo zvake muranda aiforoma zvidhinha. Uye murenje aiita basa rokuunganidza mana. Saka haana kusarudzwa nokuti pane unyanzvi hwaaiva nahwo. Ichokwadi kuti sekuru vake Erishama vaiva jinda redzinza raEfremu uye vaitungamirira varume 108 100 veboka remadzinza matatu aIsraeri. (Num. 2:18, 24; 1 Mak. 7:26, 27) Kunyange zvakadaro, Erishama kana mwanakomana wake Nuni handivo vakasarudzwa. Jehovha akati Mosesi asarudze Joshua kuti atungamirire uto racho kuti rinokunda vavengi. Vakaswerera vachirwa. VaIsraeri vakakunda nokuti Joshua akanyatsoteerera uye akabvuma kutungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari.—Eks. 17:9-13.

11. Tingabudirira sei pamabasa edu ane chokuita nokunamata sezvakaita Joshua?

11 Nokufamba kwenguva, Joshua “azere nomudzimu wouchenjeri,” akatsiva Mosesi. (Dheut. 34:9) Mudzimu mutsvene hauna kuita kuti akwanise kuprofita kana kuita zvishamiso sezvakaitwa naMosesi, asi wakamubatsira kutungamirira vaIsraeri muhondo dzakaita kuti vatore nyika yeKenani. Mazuva ano, tinganzwa sokuti hatikwanisi kuita mamwe mabasa ane chokuita nokunamata. Asi, saJoshua, tinogona kuva nechokwadi chokuti tichabudirira kana tikanyatsoita zvinorayirwa naMwari.—Josh. 1:7-9.

“Mudzimu waJehovha Wakafukidza Gidhiyoni”

12-14. (a) Kukunda kwakaita varume 300 uto guru revaMidhiyani kunoratidzei? (b) Jehovha akasimbisa sei Gidhiyoni? (c) Mazuva ano tinosimbiswa sei naMwari?

12 Joshua afa, Jehovha akaramba achishandisa mudzimu wake kusimbisa vanhu vake vakatendeka. Bhuku raVatongi rakazara nenhoroondo dzevanhu “vakaitwa vane simba vachibva pakusava nesimba.” (VaH. 11:34) Achishandisa mudzimu mutsvene, Mwari akaita kuti Gidhiyoni arwire vaIsraeri. (Vat. 6:34) Zvisinei, pamusoja oga oga weuto raGidhiyoni, vaMidhiyani vaiva nemasoja mana. Asi Jehovha aitoona uto duku iroro revaIsraeri serakakurisa. Kaviri akaudza Gidhiyoni kuti atapudze uto rake kusvikira rava duku zvokuti pamusoja oga oga, vaMidhiyani vaiva nemasoja 450. (Vat. 7:2-8; 8:10) Jehovha aida kuti zvidaro. Kudai vaIsraeri vaizokunda, ndiani aizozvirova dundundu achiti vakanga vakunda pamusana pesimba uye uchenjeri hwavo?

13 Gidhiyoni nevarwi vake vakanga vatogadzirira. Kudai waiva muuto duku iroro, ungadai wakanzwa wakachengeteka here uchiziva kuti vose vaitya uye vainge vasina kungwarira vakanga vadzoswa kumba? Kana kuti ungadai wakati ityei here uchifunga kuti zvichaguma sei? Hatifaniri hedu kuita zvokufungidzira kuti Gidhiyoni akanzwa sei. Akaita zvaakaudzwa! (Verenga Vatongi 7:9-14.) Jehovha haana kutsamwira Gidhiyoni nokukumbira kwaakaita chiratidzo chokuti aizomutsigira. (Vat. 6:36-40) Asi akasimbisa kutenda kwake.

14 Simba raJehovha harina parinogumira. Anogona kununura vanhu mudambudziko chero ripi zvaro, pamwe pacho achitoshandisa vanhu vanoita sokuti havana simba. Dzimwe nguva tinganzwa sokuti vavengi vedu vawandisa kana kuti tiri parumananzombe. Hatitarisiri kusimbiswa nechishamiso sezvakaita Gidhiyoni, asi tinogona kutungamirirwa uye kusimbiswa chaizvo neShoko raMwari uye neungano yake inotungamirirwa nomudzimu mutsvene. (VaR. 8:31, 32) Zvipikirwa zvaJehovha norudo rwake, zvinosimbisa kutenda kwedu uye zvinotipa chivimbo chokuti ndiye Mubatsiri wedu!

“Mudzimu waJehovha Wakauya Pana Jefta”

15, 16. Chii chakaita kuti mwanasikana waJefta ave nemafungiro akanaka, uye izvi zvinofanira kukurudzira sei vabereki?

15 Funga nezvemumwe muenzaniso. VaIsraeri pavaifanira kurwa nevaAmoni, mudzimu waJehovha “wakauya pana Jefta.” Aine chido chokukunda kuti Jehovha arumbidzwe, Jefta akaita mhiko yakazoita kuti arasikirwe chaizvo. Akapika kuti kana Mwari akaisa vaAmoni muruoko rwake, munhu wokutanga kubuda mumba make paaizodzoka, aizova waJehovha. Jefta paakadzoka achibva kunokunda vaAmoni, mwanasikana wake akamhanya kuzomuchingura. (Vat. 11:29-31, 34) Izvi zvakashamisa Jefta here? Zvinofanira kunge zvisina, nokuti aingova nemwana mumwe. Akazadzisa mhiko yake nokuendesa mwanasikana wake kunogara achishumira Jehovha kunzvimbo tsvene yaiva kuShiro. Mwanasikana waJefta zvaaiva munamati akavimbika waJehovha, ainyatsoziva kuti mhiko yababa vake yaifanira kuzadziswa. (Verenga Vatongi 11:36.) Vose vari vaviri vakapiwa simba ravaida nomudzimu waJehovha.

16 Mwanasikana waJefta akasvika sei pakuva nemafungiro akadaro okuzvipira? Hapana mubvunzo kuti kutenda kwake kwakasimbiswa nokuona kushingaira nokuzvipira kwababa vake kuna Mwari. Vabereki, muenzaniso wenyu unocherechedzwa nevana venyu. Zvamunosarudza zvinoratidza kuti munotenda zvamunotaura. Vana venyu vanoona kuti minyengetero yenyu yemwoyo wose nokudzidzisa kwenyu zvakabatana sei nomuenzaniso wenyu wokushumira Jehovha nemwoyo wakakwana. Pamwe izvozvo zvichaita kuti vade chaizvo kushumira Jehovha. Izvi zvichaita kuti mufare.

“Mudzimu waJehovha Wakashanda” Pana Samsoni

17. Mudzimu waMwari wakabatsira Samsoni kuitei?

17 Funga nezvemumwe muenzaniso. VaIsraeri pavakava varanda vevaFiristiya, “kwapera nguva yakati, mudzimu waJehovha wakatanga” kugombedzera Samsoni kuti anunure vaIsraeri. (Vat. 13:24, 25) Samsoni akapiwa simba rinoshamisa risina kumbopiwa mumwe munhu. VaFiristiya pavakanyengetedza vaIsraeri kuti vabate Samsoni, “Mudzimu waJehovha wakashanda paari, tambo dzaiva pamaoko ake dzikava seshinda dzerineni dzatsva nomoto, zvokuti zvisungo zvake zvakanyunguduka pamaoko ake.” (Vat. 15:14) Kunyange paakanga asisina simba nemhosva yokutadza kusarudza zvakanaka, Samsoni akapiwa simba pamusana po“kutenda.” (VaH. 11:32-34; Vat. 16:18-21, 28-30) Mudzimu waJehovha wakashanda pana Samsoni zvakasiyana nepane dzimwe nguva nemhosva yemamiriro ezvinhu aivapo. Kunyange zvakadaro, zvakaitika kare ikako zvinotikurudzira chaizvo. Sei?

18, 19. (a) Zvakaitika kuna Samsoni zvinotipa chivimbo chei? (b) Wabatsirwa sei nemienzaniso yevanhu vakatendeka vari munyaya ino?

18 Mudzimu mutsvene waibatsira Samsoni ndiwo unotibatsirawo. Unotibatsira pabasa iro Jesu akapa vateveri vake, ro“kuparidzira vanhu nokupupura kwazvo.” (Mab. 10:42) Basa iri rinoda unyanzvi hwatingave tisina. Tinoonga chaizvo kuti Jehovha anoshandisa mudzimu wake kuti tikwanise kuita mabasa akasiyana-siyana aakatipa! Saka, sezvatinoita basa redu, tinogona kutaura sezvakaita muprofita Isaya, kuti: “Changamire Ishe Jehovha andituma uye atumawo mudzimu wake.” (Isa. 48:16) Zvechokwadi, Mwari anotituma achishandisa mudzimu wake! Tinoisa mwoyo yedu pabasa racho tine chivimbo chokuti Jehovha achawedzera unyanzvi hwedu sezvaakaita kuna Mosesi, Bhezareri, naJoshua. Tinoshandisa “bakatwa romudzimu, iro shoko raMwari,” tiine chivimbo chokuti achatipa simba sezvaakaita kuna Gidhiyoni, Jefta, naSamsoni. (VaEf. 6:17, 18) Kana tikavimba naJehovha kuti atibatsire kukunda zvipingamupinyi, tinogona kupiwa simba pakunamata sokungopiwa simba kwakaitwa Samsoni.

19 Zviri pachena kuti Jehovha anokomborera vaya vanonyatsotsigira kunamata kwechokwadi. Sezvatinobvuma kubatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari, kutenda kwedu kunowedzera. Saka, tichafara chaizvo kukurukurawo zvimwe zvakaitika zvinofadza zviri muMagwaro echiKristu echiGiriki. Izvozvo zvicharatidza kushanda kwaiita mudzimu waJehovha pavashumiri vake vakatendeka vomuzana remakore rokutanga, Pendekosti ya33 C.E. isati yasvika uye yapfuura. Izvozvo zvichakurukurwa munyaya inotevera.

Unokurudzirwa sei nokuziva kushanda kwakaita mudzimu waMwari pavanhu ava:

• Mosesi?

• Bhezareri?

• Joshua?

• Gidhiyoni?

• Jefta?

• Samsoni?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

Mudzimu waMwari unogona kutipa simba pakunamata sokungopiwa simba kwakaitwa Samsoni

[Mufananidzo uri papeji 21]

Vabereki, muenzaniso wenyu wakanaka unogona kuita kuti vana venyu vade kushumira Mwari