Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iyi Ndiyo Magazini Yokudzidza!

Iyi Ndiyo Magazini Yokudzidza!

Iyi Ndiyo Magazini Yokudzidza!

Tagadziridza Nharireyomurindi yokudzidza kuti iwedzere kutaridzika zvakanaka uye kuti ikubatsire pakudzidza Shoko raJehovha rechokwadi, rinokosha.—Pis. 1:2; 119:97.

Pava nemakore mana kubva patakatanga kubudisa magazini maviri eNharireyomurindi, yevoruzhinji uye imwe yedu isu Zvapupu zvaJehovha nevatinodzidza navo Bhaibheri vari kufambira mberi.

Imwe hama yava nemakore ichishumira Jehovha yakati nezvemagazini yokudzidza: “Pandakawana Nharireyomurindi yokudzidza yokutanga, yakandibaya pamwoyo uye yainge yakazonaka. Chokwadi chinokosha cheBhaibheri chinotaurwamo chakanyatsonditi dyoo pamwoyo. Ndinokutendai chaizvo neurongwa hutsva uhwu hwakazonaka.” Imwe hama yakanyora kuti: “Ndinotarisira kupedza nguva yakawanda ndichidzidza magazini iyi ndichishandisa Reference Bible rangu.” Tinovimba kuti unonzwawo saizvozvo.

Sezvaunoziva, Nharireyomurindi yave ichibudiswa kubva muna 1879, uye izvi zvave zvichikwanisika nerubatsiro rwomudzimu waJehovha uye chikomborero chake. (Zek. 4:6) Mumakore 133 aya, kavha yemagazini iyi yakachinjwa kakawanda. Mugore ra2012, kavha yemagazini yokudzidza imwe neimwe ichange iine mufananidzo wakadhirowewa unoyevedza webasa redu rokuparidza, unenge uchitiyeuchidza nezvebasa ratakapiwa naMwari rokupupura kwazvo pamusoro poUmambo hwaJehovha. (Mab. 28:23) Nechomukati, page 2, uchaona pikicha yacho chaiyo pamwe chete netsanangudzo pfupi yezviri kuitika uye kuti zviri kuitika kupi. Mugore racho rose, izvi zvichatiyeuchidza tose kuti vanhu vaJehovha vari kuparidza mashoko akanaka “munyika yose inogarwa.”—Mat. 24:14.

Ndezvipi zvimwe zvachinjwa pamagazini yacho? Bhokisi remibvunzo yokudzokorora rava panotangira nyaya imwe neimwe yokudzidza. Izvi zvichaita kuti uone pfungwa huru dzaunofanira kutsvaga paunenge uchiverenga nokudzidza nyaya yacho. Vaitisi veChidzidzo cheNharireyomurindi vanofanira kuramba vachishandisa mibvunzo iyi pakudzokorora kana chidzidzo chacho chapera. Uchaona kuti mumucheto makawedzerwa nzvimbo isina kunyorwa uye kuti nhamba dzemapeji nedzendima dzava kunyatsooneka.

Sezviri kutsanangurwa mumagazini ino, pava kubudawo nyaya itsva inoti, “Kubva Mudura Renhoroondo Yedu,” inotaura zvinhu zvinokosha zvave zvichiitika kuZvapupu zvaJehovha. Nyaya dzoupenyu dzichapota dzichibudawo pasi pemusoro unoti, “Vakazvipa Nemwoyo Unoda.” Dzichatsanangura zvakajeka mufaro uye kugutsikana zvakawanikwa nehama nehanzvadzi padzaishumira kunodiwa vazivisi voUmambo vakawanda.

Nyatsonakidzwa paunenge uchidzidza Shoko raMwari uchibatsirwa nemagazini ino.

Vabudisi

[Mufananidzo uri papeji 3]

1879

[Mufananidzo uri papeji 3]

1895

[Mufananidzo uri papeji 3]

1931

[Mufananidzo uri papeji 3]

1950

[Mufananidzo uri papeji 3]

1974

[Mufananidzo uri papeji 3]

2008