Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubva Mudura Renhoroondo Yedu

Kuchengetedza Zvinhu Zvinokosha Zvenhoroondo Yedu

Kuchengetedza Zvinhu Zvinokosha Zvenhoroondo Yedu

VANHU vaJehovha vane nhaka yezvokunamata inokosha zvikuru. Nhaka yacho inogona kuwanika mumabhuku edu uyewo mumapikicha, tsamba, nyaya dzezvakaitika kune vamwe, zvinhu zvine chokuita nokunamata kwedu, basa redu rokuparidza uye nhoroondo yedu. Asi zvinobatsirei kuti tichengetedze zvinhu zvakadaro uye kuongorora nhoroondo yedu? Vanababa muIsraeri yekare, vaifanira kuita kuti vanakomana vavo vazive mitemo yaJehovha nemabasa ake anoshamisa kuitira kuti “vavimbe naMwari.”—Pis. 78:1-7.

Kuongorora zvinhu zvakachengetedzwa kwave kuchibatsira kwenguva refu pakuzadziswa kwechinangwa chaJehovha. Somuenzaniso, vavengi pavakaedza kumisa basa repatemberi muJerusarema, kuongororwa kwakaitwa zvinyorwa zvakanga zvakachengetedzwa muguta guru reMedhiya rainzi Ekibhatana, kwakabudisa pachena gwaro rakapiwa naMambo Koreshi rairayira kuti temberi ivakwe. (Ezra 6:1-4, 12) Saka temberi yacho yakavakwazve maererano nokuda kwaMwari. Zvinhu zvakachengetedzwa zvakashandiswawo nemunyori weEvhangeri, Ruka, uyo ‘akatsvaka zvinhu zvose nenzira yakarurama kubvira pakutanga.’—Ruka 1:1-4.

Dare Rinodzora rinofarira zvikuru nhoroondo yesangano redu. Imwe nhengo yeDare Rinodzora payaitaura nezvekukosha kwokuchengetedza, kunyora, uye kupfuudza nhaka yedu yezvokunamata, yakati, “Kuti tizive kwatiri kuenda, tinofanira kuziva kwatiri kubva.” Izvozvo ndizvo zvakaita kuti munguva pfupi yadarika patangwe Dhipatimendi Rinotarisira Dura Renhoroondo riri kumuzinda wedu kuBrooklyn, New York, uye riri pasi peDare Rokunyora.

“ARUBHAMU YEMHURI” YEDU UYE “NHAKA YEDU”

Nokufamba kwenguva, tinokanganwa zvinhu zvekare, uye vakawanda vedu tingashuva kuti dai takachengeta mashoko ose ane chokuita nemhuri yedu. Mudhipatimendi rataurwa, pane basa guru riri kuitwa rokuchengetedza uye kunyora nezvenhoroondo yedu inokosha. Mapikicha akanyatsochengetedzwa mudhipatimendi racho angatonzi chikamu chearubhamu yemhuri yedu. Imwewo pfuma yakachengetedzwa mudhipatimendi iri inosanganisira mabhuku edu ekutanga-tanga, nyaya dzinonakidza dzeupenyu hwehama dzedu uye zvimwe zvinhu zvinokosha. Zvinhu zvakadaro tingazviti inhaka inoita kuti tizive nezvenhoroondo yesangano redu uye zvinotibatsira kuti titarisire nechivimbo kune zvichaitika kumhuri yedu yevanamati mune ramangwana.

Tinokumbira kuti uone zviri mudhipatimendi iri uchibatsirwa nenyaya itsva inoti, “Kubva Mudura Renhoroondo Yedu.” Ichapota ichibuda muNharireyomurindi yokudzidza. Somuenzaniso, mumagazini iri kuuya, tiri kuronga kubudisa nyaya ine mifananidzo ichabatsira kupindura mibvunzo iyi: Chii chainzi Dawn Mobile? Yaishandiswa nani? Yaishandiswa rini, uye nechinangwa chei?

Kufanana nearubhamu inotiyeuchidza nezvemhuri yedu, zviri mudhipatimendi iri zvinotiudza zvakawanda nezvedu uye vaya vakatisiyira nhaka yokunamata. Zvinotiyeuchidza nezvekutenda uye kushinga kwevaya vakatitangira, mufaro nezvipingamupinyi pakushumira Baba vedu vokudenga vane rudo, uye nezvekutungamirira kwaMwari uye kutsigira kwaanoita vanhu vake. (Dheut. 33:27) Tine chivimbo chokuti Jehovha achakomborera zviri kuitwa kuti tichengetedze nhoroondo yesangano redu kuitira kuti tinyanye kubatana uye kusimbiswa pakuita kuda kwake.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Zvinonyatsoitwa Mudhipatimendi Racho

Vanyori vedu, vanodhirowa mifananidzo, vatsvakurudzi nevamwewo, vanoshandisa zvinhu izvi pavanenge vachinyora mabhuku uye vachigadzira maDVD nezvimwewo zvine chokuita neBhaibheri. Saka Dhipatimendi Rinotarisira Dura Renhoroondo rinonyatsongwarira uye rinotora matanho okuti riunganidze uye richengetedze zvinhu zvakasiyana-siyana zvekare kubva mumapazi, madhipatimendi epaBheteri, ungano, vanhu uye masangano enyika. Basa iri rinotsanangurwa muchidimbu pasi apa:

Kuzviunganidza Uye Kuzviongorora: Mudhipatimendi iri muri kuramba muchiwedzerwa zvimwe zvinhu. Zvakawanda zvacho tinozvipiwa kana kuti tinozvikwereteswa nevanhu vane mhuri dzava nemakore dzichishumira Jehovha. Kuongorora uye kuenzanisa zvinhu zvakadaro kunobatsira kuwedzera kunzwisisa kwatinoita nhoroondo yedu nevanhu vanotaurwamo.

Kuzvinyora Pasi: Dhipatimendi iri rine zviuru zvezvinhu, zvimwe zvacho zvine makore anopfuura zana. Zvinhu zvacho zvakasiyana-siyana uye chimwe nechimwe chinofanira kunyorwa pasi kuti zvizoshandiswa munguva yemberi.

Kuzvigadzirisa Uye Kuzvichengetedza: Zvinhu zvinokosha nemabhuku zvisina kusimba, zvinogadziriswa uye zvinochengetedzwa nounyanzvi. Zvinhu zvakaita zvokunyorwa, mapikicha, zvidimbu zvemapepanhau, mafirimu uye zvinhu zvakarekodhwa zvinoiswa pakombiyuta. Saka kuitira kuti zvinhu zvacho chaizvo zvisakanganisika, zvakaiswa mukombiyuta ndizvo zvinoshandiswa pazvinenge zvava kudiwa.

Kuzvichengeta Uye Kuzozviwana: Zvinhu izvi zvinonyatsorongwa uye zvochengetwa kuti zvisarasika uye zvisakanganiswa nechiedza neunyoro. Mashoko ane chokuita nezvinhu izvi zvenhoroondo yedu ari kuiswa mukombiyuta kuti azobatsira pakutsvakurudza uye kuzozviwana kana zvava kudiwa.

[Mufananidzo uri papeji 32]

1. Pepa raizivisa nezve“Photo-Drama of Creation.” 2. Mazita evainge vakanyoresa magazini. 3. Motokari ine gudzanzwi. 4. Kavha yeWatch Tower yaApril 15, 1912. 5. Tsamba yaiti J. F. Rutherford aizonopika jeri. 6. Maikorofoni yeWBBR. 7. Giramufomu. 8. Bhegi remabhuku. 9. Manotsi. 10. Teregiramu yaienda kuna J. F. Rutherford.