Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Kuti Ungano Irambe Iine Mafungiro Akanaka

Ita Kuti Ungano Irambe Iine Mafungiro Akanaka

Ita Kuti Ungano Irambe Iine Mafungiro Akanaka

“Mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu ngauve nemafungiro amunoratidza.”—VAF. 4:23.

TINGAITA SEI KUTI UNGANO IVE NEMAFUNGIRO AKANAKA . . .

patinenge tichiwadzana nehama dzedu?

nokushingaira kwatinoita muushumiri?

nokutaura zvakaipa zvakakura zvinenge zvichiitwa?

1. Ungano yomuFiripi neyomuTiyatira dzakarumbidzwa pamusana pei?

VAKRISTU vomuzana remakore rokutanga vomuFiripi vaiva varombo. Asi vaiva norupo uye vainyatsoda vavainamata navo. (VaF. 1:3-5, 9; 4:15, 16) Ndokusaka muapostora Pauro akapedzisa tsamba yakafemerwa yaakavanyorera achiti: “Mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu ngauve nemafungiro amunoratidza.” (VaF. 4:23) VaKristu vomuTiyatira vakaratidzawo mafungiro akadaro, ndokusaka Jesu Kristu akavaudza kuti: “Ndinoziva mabasa ako, norudo rwako nokutenda noushumiri nokutsungirira, uye kuti mabasa ako enguva pfupi yapfuura anopfuura aya ekare.”—Zvak. 2:19.

2. Zvii zvauri kuitawo kuti ungano yenyu ive nemafungiro ainayo?

2 Mazuva ano ungano imwe neimwe yeZvapupu zvaJehovha inewo mafungiro ayo. Dzimwe ungano dzinonyanyozivikanwa kuti dzine ushamwari uye rudo. Dzimwewo dzinoshingairira kuparidza Umambo uye kukoshesa chaizvo basa renguva yakazara. Mumwe nomumwe wedu paanova nemafungiro akanaka, tinoita kuti ungano ibatane uye kuti isimbe pakunamata. (1 VaK. 1:10) Asi kuva nemafungiro asina kunaka kunogona kuita kuti titsimwaire, tingodziya pakunamata uye tingosiya zvivi zvinenge zvichiitwa muungano. (1 VaK. 5:1; Zvak. 3:15, 16) Ungano yenyu yakaita sei? Zvii zvaungaitawo kuti ungano irambe iine mafungiro akanaka?

ITA KUTI UNGANO IVE NEMAFUNGIRO AKANAKA

3, 4. ‘Tingarumbidza sei Jehovha tiri muungano huru’?

3 Munyori wepisarema akaimba kuti: “[Jehovha] ndichakurumbidzai muungano huru; ndichakurumbidzai pakati pevanhu vazhinji.” (Pis. 35:18) Munyori wepisarema haana kurega kurumbidza Jehovha paaiva nevamwe vashumiri vaMwari. Misangano yeungano yevhiki nevhiki, kusanganisira chidzidzo cheNharireyomurindi, inotipa mikana yakanaka yokupindura tichiratidza kutenda uye kushingaira kwedu. Zvakanaka kuti tose tizvibvunze kuti: ‘Ndinonyatsoshandisa mikana yokupindura yandinowana pamisangano here? Ndinonyatsogadzirira uye ndinopa mhinduro dzine musoro here? Sababa, ndinobatsira vana vangu kugara vagadzirira zvavachapindura uye kuvadzidzisa kupindura nemashoko avo here?’

4 Munyori wepisarema Dhavhidhi akaratidza kubatana kwakaita kusimba kana kuti kutsiga kwemwoyo yedu nokuimba kwatinoita. Akati, “Mwoyo wangu wakasimba, haiwa Mwari, mwoyo wangu wakasimba. Ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.” (Pis. 57:7) Nziyo dzepamisangano yechiKristu dzinotipa mukana ‘wokuimbira’ Jehovha nemwoyo wakatsiga. Kana dzimwe dzacho tisinganyatsodzigoni, tadii kudzidzidzira pamanheru oKunamata Kwemhuri? Ngatitsungei ‘kuimbira Jehovha muupenyu hwedu hwose uye kumuimbira rwiyo chero bedzi tichiri vapenyu.’—Pis. 104:33.

5, 6. Tingabata sei vamwe zvakanaka uye kuva nerupo, uye izvozvo zvinoita kuti ungano iite sei?

5 Kukoka hama nehanzvadzi kumba kwedu kunoitawo kuti muungano muve norudo. Muchitsauko chokupedzisira chetsamba yake kuvaHebheru, Pauro akarayira kuti: “Kudanana kwenyu sehama ngakupfuurire. Musakanganwa kugamuchira vaeni zvakanaka.” (VaH. 13:1, 2) Chimwe chinhu chakanaka chatinogona kuita patinokoka vatariri vanofambira nemadzimai avo kana kuti vashumiri venguva yakazara vari muungano, kuvapawo zvokudya. Tinogonawo kupota tichikoka chirikadzi, mhuri dzine mubereki mumwe kana vamwewo pakunamata kwedu kwemhuri uye kuti tidye navo.

6 Pauro akaudza Timoti kuti arayire vamwe “kuti vaite zvakanaka, kuti vapfume pamabasa akanaka, kuti vave norupo, vanoda kugovana, vachizvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi sepfuma yavo, kuti vabatisise upenyu chaihwo.” (1 Tim. 6:17-19) Pauro aikurudzira vaainamata navo kuti vave nerupo. Kunyange mari painenge ichinetsa, tinogona kuva nerupo. Imwe nzira yakanaka yokuratidza rupo, ndeyokupa vamwe chokufambisa kuenda kuushumiri uye kumisangano. Asi zvakadini nevaya vanenge vaitirwa mutsa wakadaro? Vangabatsirawo kuita kuti ungano ive nemafungiro akanaka kana vakaratidza kuonga, zvichida nokubvisa mari yavanokwanisa yemafuta emotokari ari kungoramba achiwedzera kudhura. Tinogonawo kuratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nokuronga kupedza nguva yakawanda nadzo. Kana tikaitira “vaya vane ukama nesu mukutenda” zvinhu zvakanaka uye tikava vakagadzirira kushandisa nguva yedu nezvinhu zvedu kuti tivabatsire, kuvada kwedu kunowedzera uye tinoitawo kuti ungano ive nemafungiro akanaka.—VaG. 6:10.

7. Kusataura zvakavanzika zvevamwe kunobatsira sei kuti ungano irambe iine mafungiro akanaka?

7 Ushamwari uye kusataura zvakavanzika zvevamwe ndezvimwewo zvinogona kusimbisa kudanana kwatinoita nehama dzedu. (Verenga Zvirevo 18:24.) Shamwari yechokwadi haitauri zvakavanzika zvemumwe. Kana hama ikatiudza zviri kutsi kwemwoyo ichivimba nesu kuti hatizozvitauri, kudanana kwatagara tichiita kuchawedzera. Ngatibatsirei kuita kuti ungano ive semhuri imwe chete ine rudo nokuva shamwari dzakavimbika dzisingatauri zvakavanzika zvevamwe.—Zvir. 20:19.

SHINGAIRA MUUSHUMIRI

8. VaRaodhikiya vakapiwa zano rokutii uye nei vakaripiwa?

8 Jesu paaitaura kuungano yomuRaodhikiya akati: “Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndinoshuva kuti kudai waitonhora kana zvimwe kupisa. Naizvozvo, zvaunodziya usingapisi kana kutonhora, ndichakusvipa mumuromo mangu.” (Zvak. 3:15, 16) VaRaodhikiya vaisashingaira muushumiri hwechiKristu. Izvozvo zvingangodaro zvakakanganisawo kuwirirana kwavaiita. Saka Jesu akavapa zano rorudo rokuti: “Vose vandinoda kwazvo ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo shingaira upfidze.”—Zvak. 3:19.

9. Kushingaira kwedu muushumiri kunobatsira sei ungano?

9 Kana tichida kuti ungano irambe iine mafungiro akanaka, tinofanira kushingaira muushumiri. Chinangwa chokuva neungano ndechokutsvaka vanhu vakaita semakwai uye kuvasimbisa pakunamata. Saka tinofanira kushingaira mubasa rokuita kuti vamwe vave vadzidzi, sezvakaitwa naJesu. (Mat. 28:19, 20; Ruka 4:43) Kana tikashingaira chaizvo muushumiri, tichavawo vakabatana chaizvo se“vashandi pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Patinoona vamwe vachidzivirira kutenda kwavo muushumiri uye kuda kwavanoita Mwari, tichavada uye tichavaremekedza chaizvo. Uye kushanda ‘takabatana’ muushumiri kunoita kuti ungano ibatanewo.—Verenga Zefaniya 3:9.

10. Kunatsiridza ushumiri hwedu kunobatsira sei vamwe vari muungano?

10 Zvatinoedza kuita kuti tinatsiridze ushumiri hwedu zvinobatsirawo vamwe. Kana tikafarira chaizvo vanhu vatinosangana navo muushumiri uye tikaedza kutaura zvinovabaya mwoyo, tichawedzerawo kushingaira. (Mat. 9:36, 37) Kana munhu achishingaira, vamwe vake vanobva vamutevedzerawo. Panzvimbo pokutuma mudzidzi mumwe nomumwe ari ega kunoparidza, Jesu akavatuma vari vaviri vaviri. (Ruka 10:1) Izvi zvaiita kuti vakurudzirane, vadzidze uyewo vawedzere kushingaira muushumiri. Hatinakidzwi here patinoshanda nevaparidzi voUmambo vanoshingaira? Kushingaira kwavo kunotikurudzira uye kunoita kuti tirambe tichida kuita basa rokuparidza.—VaR. 1:12.

NGWARIRA KUGUNUN’UNA UYE KUITA ZVAKAIPA

11. VaIsraeri vomunguva yaMosesi vakava nemafungiro akaita sei uye zvakaguma nei?

11 Vhiki shomanana vaIsraeri vava rudzi rwakazvimirira, vakatanga kugunun’una. Izvi zvakaita kuti vapandukire Jehovha nevamiririri vake. (Eks. 16:1, 2) VaIsraeri vashomanana chete vakabuda muIjipiti ndivo vakapinda muNyika Yakapikirwa. Kana Mosesi chaiye akatadza kupinda nezvaakaita, vaIsraeri pavakapanduka. (Dheut. 32:48-52) Mazuva ano tingaitei kuti tisava nemafungiro akaipa?

12. Tingaitei kuti tisatange katsika kekugunun’una?

12 Tinofanira kungwarira kuti tisatange katsika kekugunun’una. Kunyange kuzvininipisa uye kuremekedza vane masimba zvichibatsira, tinofanira kufunga nezvevanhu vatinoshamwaridzana navo. Kuvaraidzwa nezvinhu zvakaipa kana kupedza nguva yakawandisa nevokubasa kana vokuchikoro vasina basa nemitemo yaMwari kungaguma nokuita zvakaipa. Kana tikadzivisa kushamwaridzana nevanhu vane mafungiro akaipa okuda kuzvitonga, ticharatidza kuti takachenjera.—Zvir. 13:20.

13. Kugunun’una kunogona kuita kuti pave nemamwe maitiro api angakanganisa ungano pakunamata?

13 Kugunun’una kunogona kuita kuti pazova nemamwe maitiro anokuvadza pakunamata. Somuenzaniso, kugunun’una kunogona kukanganisa rugare uye kubatana kweungano. Kunyunyutira hama dzedu kunoita kuti dzirwadziwe uye kunogonawo kuguma nechivi chokuchera vamwe uye chokutuka. (Revh. 19:16; 1 VaK. 5:11) Vamwe vaigunun’una muungano yemuzana remakore rokutanga vaizvidza “ushe uye vachituka vaya vanokudzwa.” (Jud. 8, 16) Zvechokwadi, Mwari haana kufara nevanhu ivavo vaigunun’unira varume vaakapa mabasa muungano.

14, 15. (a) Kungorega chivi chichiitwa muungano kunoikanganisa sei? (b) Tinofanira kuitei kana tikaziva kuti mumwe munhu ari kuita chivi pachivande?

14 Ko kana tikaziva kuti mumwe munhu ari kuita chivi pachivande, zvimwe ari kudhakwa, ari kuona zvinonyadzisira kana kuti ari kurarama upenyu hwounzenza? (VaEf. 5:11, 12) Kuita setisiri kuona zvivi zvakadaro kungaita kuti Jehovha abvise mudzimu wake muungano zvoita kuti musave nerugare. (VaG. 5:19-23) VaKristu vomuKorinde vaifanira kubvisa zvakaipa muungano uye ndizvo zvinofanira kuitwawo mazuva ano kuitira kuti ungano irambe iine mafungiro akanaka. Zvii zvaungaitawo kuti ungano irambe iine rugare?

15 Sezvambotaurwa, zvinokosha kuti tisataura zvakavanzika zvevamwe kunyanya vamwe pavanotiudza nyaya dzavo. Zvakashata uye utsinye kuparadzira zvakavanzika zvemumwe! Asi kana chivi chakakura chikaitwa, vakuru vomuungano, avo vanonzi neMagwaro vanofanira kubatsira panyaya dzakadaro, vanofanira kuziviswa. (Verenga Revhitiko 5:1.) Saka kana tikaziva kuti hama kana hanzvadzi yaita chivi chakadaro, tinofanira kuikurudzira kuti inoudza vakuru kuti ibatsirwe. (Jak. 5:13-15) Kana tikaipa nguva yakakwana yokuti iudze vakuru asi yorega, tinofanira kubva tavaudza.

16. Kutaura chakaipa chakakura chinenge chaitwa kunobatsira sei kuchengetedza ungano?

16 Vanhu vanofanira kunzwa vakachengeteka muungano yechiKristu, saka tinofanira kubatsira kuidzivirira nokutaura zvakaipa zvakakura zvinenge zvaitwa. Kana vakuru vakabatsira mutadzi kuti apengenuke, opfidza, obvuma kutsiurwa uye kururamiswa, iye anenge asisiri ngozi kuungano. Asi zvakadini kana mutadzi wacho akasapfidza oramba zano rerudo revakuru? Kumudzinga muungano kunoita kuti chakaipa chacho ‘chiparadzwe’ kana kuti chibviswe pakati pedu, uye ungano inochengetedzwa. (Verenga 1 VaKorinde 5:5.) Chokwadi, kuchengetedza ungano kunoda kuti mumwe nomumwe wedu atore danho rakakodzera, ashandire pamwe nevakuru, uye adzivirire vaanonamata navo.

ITA KUTI UNGANO ‘IBATANE’

17, 18. Chii chichatibatsira kuti tive vakabatana muungano?

17 Vateveri vepakutanga vaJesu vakabatsira kuti ungano ibatane nokuzvipira “kune zvaidzidziswa nevaapostora.” (Mab. 2:42) Vaikoshesa zano romuMagwaro nemirayiridzo yaibva kuvarume vakuru. Vose vari muungano vanokurudzirwa uye vanobatsirwa kuramba vakabatana nokuti vakuru vemazuva ano vanoshandira pamwe neboka romuranda akatendeka, akangwara. (1 VaK. 1:10) Patinoteerera mirayiro inobva muBhaibheri inopiwa nesangano raJehovha uye nevakuru, tinoratidza kuti tiri ‘kuvavarira nomwoyo wose kuchengeta kubatana kwedu muchisungo chorugare.’—VaEf. 4:3.

18 Saka ngatiitei zvose zvatinokwanisa kuti tichengetedze mafungiro akanaka eungano. Kana tikadaro, chokwadi ndechokuti ‘mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu uchava nemafungiro atinoratidza.’—VaF. 4:23.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 19]

Unoitawo kuti ungano ive nemafungiro akanaka nokugadzirira mhinduro dzine musoro here?

[Mufananidzo uri papeji 20]

Itawo kuti ungano ive nemafungiro akanaka nokuziva nziyo dzedu