Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Natani—Mutsigiri Akavimbika Wokunamata Kwakachena

Natani—Mutsigiri Akavimbika Wokunamata Kwakachena

Natani—Mutsigiri Akavimbika Wokunamata Kwakachena

Zvakaoma kuita kuti munhu ane chinzvimbo abvume kuti zvaari kuita zvakaipa uye kuti anofanira kuchinja. Kudai waiziva kuti munhu akadaro akauraya munhu achiitira kuti avhariridze chivi chake waizoenda kunotaura naye here?

Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare ainge aita upombwe naBhati-shebha achibva abata pamuviri. Kuti zvisazivikanwe, Dhavhidhi akaurayisa Uriya achibva atora Bhati-shebha kuti ave mudzimai wake. Kwakapera mwedzi yakawanda Dhavhidhi achiita sokuti hapana chainge chaitika, zvimwe achitoita mabasa ake samambo. Asi Jehovha haana kungomurega akadaro. Akatuma muprofita wake Natani kunotaura naye.

Iri raiva basa rakaoma. Chimbofunga uriwe Natani. Kuvimbika kwaNatani kuna Jehovha uye kunyatsotevera mitemo yake ndizvo zvakaita kuti ayeuchidze Dhavhidhi nezvezvivi zvake. Muprofita uyu aizobatsira sei Mambo Dhavhidhi kuona kuti aifanira kupfidza?

AIVA MUDZIDZISI AKANGWARIRA

Wadii kumboverenga 2 Samueri 12:1-25? Chimbofunga uriwe Natani uchiudza Dhavhidhi nyaya iyi: “Kwaiva nevarume vaviri vaiva muguta rimwe chete, mumwe mupfumi uye mumwe wacho murombo. Mupfumi aiva nemakwai nemombe zvizhinji kwazvo; asi murombo akanga asina chinhu kunze kwegwayana gadzi rimwe chete, duku, raakanga atenga. Akanga achirichengetedza riri benyu, uye rakanga richikura riri pamwe chete naye nevanakomana vake, zvose pamwe chete. Raidya chimedu chaaidyawo, rainwira mukapu yake, rairara pachipfuva chake, uye rakava somwanasikana kwaari. Kwapera nguva yakati, mupfumi akashanyirwa nomuenzi, asi akarega kutora zvimwe pamakwai ake nemombe dzake kuti agadzirire mufambi akanga amushanyira. Naizvozvo akatora gwayana gadzi romurombo wacho, akarigadzirira munhu akanga amushanyira.”—2 Sam. 12:1-4.

Dhavhidhi, uyo aimbova mufudzi, akatofunga kuti yaiva nyaya yechokwadi. Mumwe muongorori weBhaibheri akati, “Zvimwe Natani aigara achiuya kwaari nenyaya dzevaya vaishaya aivaruramisira uye Dhavhidhi akafunga kuti ndizvo zvaainge afambira.” Kana dai aisiita izvozvo, musi uyu Natani aifanira kushinga uye kuvimba naMwari kuti ataure namambo sezvaakaita. Nyaya yaNatani yakaita kuti Dhavhidhi avire nehasha. Akati, “NaJehovha mupenyu, munhu akaita izvi anofanira kufa!” Natani akabva amuudza mashoko anorwadza okuti: “Imi ndimi munhu wacho!”—2 Sam. 12:5-7.

Chimbofunga kuti nei Natani akataura saizvozvo. Zvakaoma kuti munhu anenge ava kudanana nemumwe munhu aone zvinhu sezvazviri. Tose zvedu tinowanzopa tuzvikonzero kana tiine zvatiri kuita zvisina kunaka. Asi mufananidzo waNatani wakaita kuti Dhavhidhi azvipe mhosva asingazivi kuti ndizvo zvaaiita. Mambo akanyatsoona kuti maitiro akatsanangurwa naNatani ainge akaipa chaizvo. Zvisinei, Natani akazoratidza kuti mufananidzo wacho waitaura nezvaDhavhidhi, pashure pokunge mambo wacho apa mutongo. Izvozvo zvakaita kuti Dhavhidhi aone kukura kwechivi chake uye zvive nyore kuti abvume kutsiurwa. Akabvuma kuti chokwadi ainge ‘azvidza’ Jehovha nezvaainge aita naBhati-shebha uye akabvuma kutsiurwa.—2 Sam. 12:9-14; Pis. 51, mashoko okusuma.

Tingadzidzei panyaya iyi? Chinangwa chomudzidzisi weBhaibheri ndechokuti vateereri vazvionere kuti zvakarurama ndezvipi. Natani airemekedza Dhavhidhi, saka akataura naye achingwarira. Muprofita Natani aiziva kuti Dhavhidhi ainyatsoda kuita zvakanaka uye kutonga zvakarurama ndokusaka akashandisa mufananidzo uyu. Isuwo tinogona kubatsira vanhu vanoda kunzwisisa maonero anoitwa zvinhu naJehovha. Tingazviita sei? Nokutaura zvinhu zvavanotoziva kuti ndizvo zvakarurama, tisingazviiti vari nani kuvapfuura. Tinoshandisa Bhaibheri, kwete pfungwa dzedu, kuratidza vanhu kuti zvakarurama ndezvipi uye zvisina ndezvipi.

Chinhu chikuru chakaita kuti Natani akwanise kutsiura mambo ane simba kwaiva kuvimba naMwari. (2 Sam. 12:1) Kana tikavimbawo naMwari tichava neushingi hwokutsigira zvinonzi naJehovha zvakarurama.

AKATSIGIRA KUNAMATA KWAKACHENA

Zviri pachena kuti Dhavhidhi naNatani vaiva shamwari dzepedyo, nokuti Dhavhidhi akatumidza mumwe wevanakomana vake kuti Natani. (1 Mak. 3:1, 5) Natani paanotanga kutaurwa nezvake muBhaibheri anenge aina Dhavhidhi. Vose vaida Jehovha. Zviri pachena kuti mambo aivimba nemaonero aNatani, nokuti akamuudza nezvechido chake chokuvakira Jehovha temberi. Dhavhidhi akati, “‘Zvino tarira, ini ndiri kugara muimba yemisidhari asi areka yaMwari wechokwadi iri kugara mukati memachira etende.’ Natani akabva ati kuna mambo: ‘Endai muite zvose zviri mumwoyo menyu—nokuti Jehovha anemi.’”—2 Sam. 7:2, 3.

Somunamati waJehovha ainge akavimbika, Natani akanyatsotsigira zvairongwa naDhavhidhi zvokuvaka nzvimbo yekunamatira yokutanga panyika. Zvisinei, panguva iyoyo Natani akataura zvaaifunga kwete zvaidiwa naJehovha. Asi usiku ihwohwo, Mwari akarayira muprofita wake kuti anoudza Mambo Dhavhidhi kuti aisazovakira Jehovha temberi. Yaizovakwa nemumwe wevanakomana vaDhavhidhi. Natani akazivisawo kuti Mwari ainge ava kuita sungano naDhavhidhi yokuti chigaro chake choumambo chaizova “chakasimba kwazvo nokusingagumi.”—2 Sam. 7:4-16.

Zvaidiwa naMwari zvaisaenderana nemaonero aNatani panyaya yokuvaka temberi. Zvisinei, muprofita uyu aizvininipisa akabvuma kuita zvaienderana nechinangwa chaJehovha asingagunun’uni. Uyu muenzaniso wakazonaka wokutevedzera kana tikaruramiswa naMwari! Tinoziva kuti Mwari akaramba achimufarira nokuti haana kumubvisa pakuva muprofita. Zvinotoita sokuti Mwari akashandisa Natani pamwe chete nomuoni Gadhi, kuti varayire Dhavhidhi kuronga vaimbi 4 000 vaishanda patemberi.—1 Mak. 23:1-5; 2 Mak. 29:25.

AKADZIVIRIRA UMAMBO

Natani aiziva kuti Soromoni ndiye aizosiyirwa umambo naDhavhidhi. Saka Natani akamhanya-mhanya, Adhonija paakaedza kubvuta umambo panguva apo Dhavhidhi ainge akwegura. Natani akaratidzazve kungwarira uye kuvimbika. Akatanga nokukurudzira Bhati-shebha kuti ayeuchidze Dhavhidhi mhiko yaainge aita yokuti mwanakomana wavo Soromoni ndiye aizova mambo. Natani pachake akazoendawo kuna mambo akanobvunza kana ainge abvumira Adhonija kuva mambo. Mambo paakaona kuipa kwainge kwaita zvinhu, akarayira Natani nevamwe vashumiri vainge vakavimbika kuti vazodze Soromoni uye vazivise kuti akanga ava mambo. Adhonija akabva atadza kutora chigaro.—1 Madz. 1:5-53.

MUNYORI WENHOROONDO AIZVININIPISA

Natani naGadhi ndivo vanonzi vakanyora 1 Samueri chitsauko 25 kusvika ku31 uye bhuku rose ra2 Samueri. Nezvenhoroondo dzakafemerwa dziri mumabhuku aya, zvinonzi: “Zvimwe zvakaitwa namambo Dhavhidhi, zvokutanga nezvokupedzisira, zvakanyorwa mumashoko omuoni Samueri nomumashoko omuprofita Natani nomumashoko omuoni Gadhi.” (1 Mak. 29:29) Natani anonzi akanyorawo nhoroondo ine chokuita nemabasa “aSoromoni.” (2 Mak. 9:29) Izvi zvinoreva kuti Natani anofanira kunge akaramba achiita mabasa ane chokuita namambo, kunyange Dhavhidhi afa.

Zvakawanda zvatinoziva nezvaNatani zvinofanira kunge zvakanyorwa naye pachake. Asi, tine zvatinodzidza pakusataura kwaakaita zvimwe zvinhu. Zviri pachena kuti Natani aiva munyori wenhoroondo aizvininipisa. Aisada kuzvitsvakira mukurumbira. Rimwe duramanzwi reBhaibheri rinoti paanotanga kutaurwa muMagwaro “hapana chinotaurwa nezvake uye mhuri yake.” Hatizivi nezvedzinza raNatani kana nezveupenyu hwake.

AIITA ZVOSE PAMUSANA POKUVIMBIKA KUNA JEHOVHA

Pazvishoma zvinotaurwa nezvaNatani muMagwaro, zviri pachena kuti aizvininipisa asi achitsigira zvakasimba urongwa hwaMwari. Jehovha akamupa mabasa akakura chaizvo. Fungisisa unhu hwake hwakadai sokuvimbika kuna Mwari uye kuda kwaaiita mitemo yaMwari. Edza kumutevedzera.

Zvimwe hauzonzi hako utsiure madzimambo anenge aita upombwe kana kukonesa vanenge vachida kutorera vamwe zvigaro. Zvisinei, uchibatsirwa naMwari, unogona kuva akavimbika kwaari uye unogona kutsigira mitemo yake yakarurama. Unogonawo kuva munhu ane ushingi uye anongwarira pakudzidzisa chokwadi uye anotsigira kunamata kwakachena.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Semunhu aidzivirira umambo, Natani akataura naBhati-shebha achingwarira