Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shanje Dzakaita Somuchetura Kupfungwa Dzedu

Shanje Dzakaita Somuchetura Kupfungwa Dzedu

Shanje Dzakaita Somuchetura Kupfungwa Dzedu

Napoleon Bonaparte aiva nadzo. Julius Caesar aiva nadzo. Alexander Mukuru aiva nadzo. Pasinei nokuti varume vatatu ava vaikudzwa uye vaiva nesimba chaizvo, vaiitira vamwe shanje. Shanje muchetura unogona kukanganisa pfungwa dzemunhu.

Mumwe muzivi wokuEngland anonzi Bertrand Russell akanyora kuti, “Napoleon aiitira shanje Caesar, Caesar aiitira shanje Alexander [Mukuru] uye ndinofunga kuti Alexander aiitira shanje Hercules uyo asina kumbobvira avapo.” Shanje hadzina mugoni, hadzina basa kuti munhu akapfuma sei, ane unhu hwakanaka sei uye kuti ari kubudirira sei muupenyu.

Shanje kusafarira vamwe nemhosva yezvinhu zvavo, kubudirira, mikana yavanayo, nezvimwewo. Maererano nerimwe duramanzwi reBhaibheri, munhu ane shanje kana kuti ane godo haangodi kubudirira sezvakaita mumwe asi anotogumbuka kana mumwe munhu aine chinhu chaasina uye anotonzwa achida kumutorera.

Zvakanaka kuongorora kuti shanje dzinouya sei uye kuti dzinozoguma nei. Uye tinotofanirawo kuziva zvatingaita kuti dzisatikunda.

MAFUNGIRO ANOGONA KUMUTSA SHANJE

Vanhu vasina kukwana vagara vachida “kuita shanje,” asi kune zvinhu zvinoita kuti chido ichocho chiwedzere kusimba. (Jak. 4:5) Muapostora Pauro akataura chimwe chacho paakanyora kuti: “Ngatiregei kuzvikudza, tichimutsa makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje.” (VaG. 5:26) Kuita makwikwi kunotoita kuti tiwedzere kuva neshanje. Vamwe vaKristu vaviri, Cristina naJosé * vakaona kuti ichocho ichokwadi.

Cristina ndipiyona wenguva dzose uye anoti: “Kakawanda ndinoitira vamwe shanje. Ndinotarisa kuti zvii zvavainazvo zvandisina.” Pane imwe nguva, Cristina aidya pamwe chete neimwe mhuri iri mubasa rokufambira. Iye nomurume wake Eric vainge vasina kunyanya kusiyana pamakore nemhuri iyi uye vaimbova neropafadzo dzakafanana. Saka Cristina akati: “Murume wangu mukuruwo muungano! Sei imi muri mubasa rokufambira isu tisiri?” Kuda kukwikwidzana nevamwe kwakamutsa shanje, zvikaita kuti asaone basa rakanaka raaiita nomurume wake uye asagutsikane neupenyu hwavo.

José aida kuva mushumiri anoshumira muungano. Vamwe pavakagadzwa iye akasiyiwa, akavaitira shanje uye akagumbukira murongi mudare revakuru. José anoti, “Shanje dzakaita kuti ndivenge hama iyi uye ndiifungire zvisizvo. Kana ukakundwa neshanje hauzofungi zvakanaka, unenge wava kungofunga zvakakunakira chete.”

ZVATINODZIDZA PAMIENZANISO IRI MUMAGWARO

Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda inotinyevera. (1 VaK. 10:11) Mimwe yacho inoratidza kutanga kunoita shanje uye kukanganisa kwadzinoita vaya vanobvuma kukundwa nadzo.

Somuenzaniso, Kaini, dangwe raAdhamu naEvha akagumbuka Jehovha paakagamuchira chibayiro chaAbheri akasagamuchira chake. Kaini angadai akasarudza kuita zvakanaka asi shanje dzakamukunda zvokuti akauraya munun’una wake. (Gen. 4:4-8) Ndokusaka Bhaibheri richitaura nezvaKaini semunhu “akabva kune akaipa,” Satani!—1 Joh. 3:12.

Vakoma vaJosefa gumi vakamuitira shanje nokuti aiwirirana chaizvo nababa vavo. Vakatowedzera kumuvenga paakavaudza nezvehope dzaainge arota. Vaitoda kumuuraya. Vakazomutengesa somuranda uye vakaita kuti baba vavo vabvume kuti Josefa ainge afa. (Gen. 37:4-11, 23-28, 31-33) Papera makore, vakazobvuma chivi chavo vachiti: “Chokwadi tine mhosva pamusoro pomunun’una wedu, nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake paakatiteterera kuti timunzwire tsitsi, asi hatina kuteerera.”—Gen. 42:21; 50:15-19.

Kora, Dhatani, naAbhiramu vakava neshanje pavakatanga kuenzanisa ropafadzo dzavo nedzaMosesi naAroni. Vakapomera Mosesi kuti aida ‘kuzviita jinda raivatonga’ achizvikwidziridza pane vamwe vose. (Num. 16:13) Kwaiva kunyepa. (Num. 11:14, 15) Jehovha pachake ndiye ainge agadza Mosesi. Asi vapanduki ava vaiitira Mosesi shanje. Shanje idzodzo dzakazoita kuti vaparadzwe naJehovha.—Pis. 106:16, 17.

Mambo Soromoni akanyatsoona kushata kwakaita shanje. Mumwe mukadzi akaedza kunyengedza mumwe wake nokumupa mwana ainge afa iye achimutorera wake mupenyu. Paitongwa nyaya yacho, mukadzi iyeye ainyepa akatobvuma kuti mwana mupenyu aurayiwe. Zvisinei, Soromoni akaita kuti mwana mupenyu apiwe kuna amai vake chaivo.—1 Madz. 3:16-27.

Shanje dzinogona kukanganisa munhu chaizvo. Mienzaniso yomuMagwaro yataurwa inoratidza kuti dzinogona kuita kuti munhu ave neruvengo, aite zvakaipa uye aponde. Uyezve, mumuenzaniso mumwe nomumwe, akaitirwa shanje haana zvakaipa zvaainge aita. Pane here zvatingaita kuti tisaitwa varanda neshanje? Matanho api atingatora kuti tisakundwa nadzo?

MATANHO ANOBATSIRA CHAIZVO!

Ida hama dzako. Muapostora Petro akarayira vaKristu kuti: “Zvino zvamakanatsa mweya yenyu nokuteerera kwenyu chokwadi zvichiguma nokudanana kwenyu kwazvo sehama kusina unyengeri, dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.” (1 Pet. 1:22) Saka kudanana kuita sei? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo.” (1 VaK. 13:4, 5) Kana tikaita kuti mwoyo yedu ive norudo rwakadaro, hatizoiti shanje. (1 Pet. 2:1) Panzvimbo pokuti Jonatani aitire shanje Dhavhidhi, akamuda “sokuda kwaaiita mweya wake.”—1 Sam. 18:1.

Wadzana nevanhu vanoda Mwari. Munyori wePisarema 73 akaitira shanje vanhu vakaipa vairarama upenyu hwomutambarakede. Zvisinei, shanje dzake dzakapera nokuenda kwaakaita ku“nzvimbo tsvene yaMwari.” (Pis. 73:3-5, 17) Munyori wepisarema akabatsirwa nokuwadzana nevaainamata navo kuti ayeuke makomborero aakawana no“kuswedera pedyo naMwari.” (Pis. 73:28) Kugara tichiwadzana nevamwe vaKristu pamisangano kunogonawo kutibatsira.

Tsvaka mikana yokuita zvakanaka. Mwari paakaona shanje dzaKaini uye ruvengo rwaaiva narwo, akamuudza kuti aite “zvakanaka.” (Gen. 4:7) VaKristu vangaita sei “zvakanaka”? Jesu akataura kuti ‘tinofanira kuda Jehovha Mwari wedu nemwoyo wose nemweya wose nepfungwa dzedu dzose uye tinofanira kuda vavakidzani vedu sezvatinozviita.’ (Mat. 22:37-39) Kana tikaita kuti kushumira Jehovha uye kubatsira vamwe kuve musimboti woupenyu hwedu, tichagutsikana uye izvozvo zvichaita kuti tisaitira vamwe shanje. Kunyatsoita basa rokuparidza Umambo uye rokudzidzisa vamwe, inzira yakanaka yokushumira Mwari nemuvakidzani uye kunoita kuti tiwane “chikomborero chaJehovha.”—Zvir. 10:22.

“Farai nevanhu vanofara.” (VaR. 12:15) Jesu akafara nokubudirira kwakaita vadzidzi vake uye akavaudza kuti vaizoita mabasa makuru kupfuura aakaita mubasa rokuparidza. (Ruka 10:17, 21; Joh. 14:12) Sevashumiri vaJehovha takabatana; saka kubudirira kwemumwe wedu chikomborero kwatiri tose. (1 VaK. 12:25, 26) Saka hatifaniri kufara here pane kuita shanje kana vamwe vakapiwa mabasa anopfuura edu?

HONDO YACHO HAISI NYORE

Shanje dzinotora nguva refu kuti dzipere. Cristina anobvuma kuti: “Ndichiri kumbonzwa shanje. Kunyange ndakadzivenga, ndinadzo mumwoyo uye ndinotofanira kusimba kuti ndisadziratidze.” José ari muhondo yakafanana. Anoti: “Jehovha akandibatsira kuti ndione unhu hwakanaka hwomurongi mudare revakuru. Ndakabatsirwa chaizvo nekuva neukama hwakanaka naMwari.”

Shanje rimwe re“mabasa enyama” uye muKristu wose anofanira kudzirwisa. (VaG. 5:19-21) Kana tikasabvuma kukundwa neshanje, tinogona kufara chaizvo muupenyu hwedu uye tinogona kufadza Baba vedu vokudenga Jehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Mazita akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]

“Farai nevanhu vanofara”