Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shinga, Usimbe Kwazvo”

“Shinga, Usimbe Kwazvo”

“Shinga, Usimbe Kwazvo”

“Shinga, usimbe kwazvo . . . Jehovha Mwari wako anewe.”—JOSH. 1:7-9.

UNGAPINDURA SEI?

Inoki naNoa vakaratidza sei ushingi?

Vamwe vakadzi vomunguva dzekare vakaratidza sei kutenda uye ushingi?

Ndeipi mienzaniso yevaduku vakaratidza ushingi inokufadza?

1, 2. (a) Dzimwe nguva kana tichida kuita zvakarurama muupenyu chii chinodiwa? (b) Tichaongororei?

KUVA noushingi kwakasiyana nokutya, kuzeza uye umbwende. Tinogona kufunga nezvemunhu ane ushingi semhare, munhu akasimba uye asingatyi. Zvisinei, dzimwe nguva munhu anofanira kuratidza kushinga chinyararire kuti aite zvakarurama zuva rega rega.

2 Vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vaisatya pavaiva mumiedzo yakaoma. Vamwe vakaratidza ushingi mumamiriro ezvinhu anowanzosangana nevashumiri vaJehovha. Tingadzidzei pavanhu vaiva noushingi vanotaurwa muBhaibheri? Tingava sei vakashinga?

ZVAPUPU ZVAKASHINGA MUNYIKA INE VANHU VASINGADI MWARI

3. Inoki akagara ataura kuti kudii nezvevanhu vasingadi Mwari?

3 Zvaida ushingi kuva chapupu chaJehovha pakati pevanhu vakaipa vaiva panyika Mafashamo omuzuva raNoa asati auya. Asi Inoki, “wechinomwe mumutsara kubva kuna Adhamu,” akazivisa noushingi mashoko ouprofita okuti: “Tarirai! Jehovha akauya nemakumi ake ezviuru zvengirozi tsvene, kuti atonge vose, uye kuti ape mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ose okusada Mwari avakaita nenzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa kwazvo zvakataurwa pamusoro pake nevatadzi vasingadi Mwari.” (Jud. 14, 15) Inoki akataura sokuti zvinhu izvozvo zvakanga zvatoitika nokuti aiziva kuti uprofita hwacho hwaitozozadziswa. Uye zvechokwadi vanhu vakaipa vakazoparadzwa nemafashamo.

4. Noa “akafamba naMwari” pasinei nemamiriro ezvinhu akaita sei?

4 Mafashamo akaitika muna 2370 B.C.E., padarika makore anopfuura 650 kubva panguva yaiprofita Inoki. Mumakore aya, Noa akaberekwa, akava nemhuri uye akavaka areka nevanakomana vake. Ngirozi dzakava nemiviri yenyama, dzikarara nevakadzi vakanaka uye dzikabereka vaNefirimu. Kuipa kwomunhu kwainge kwava kuzhinji uye nyika yainge yazara nechisimba. (Gen. 6:1-5, 9, 11) Pasinei nemamiriro ezvinhu akadaro, “Noa akafamba naMwari wechokwadi” uye akapupura noushingi se“muparidzi wokururama.” (Verenga 2 Petro 2:4, 5.) Mumazuva ano okupedzisira, tinodawo ushingi hwakadai.

VAKARATIDZA KUTENDA NOUSHINGI

5. Mosesi akaratidza sei kutenda uye ushingi?

5 Mosesi aiva nokutenda uye ushingi zvakazonaka. (VaH. 11:24-27) Mwari akamushandisa kubva muna 1513 B.C.E. kusvika muna 1473 B.C.E., kubudisa vaIsraeri muIjipiti uye kuvatungamirira murenje. Mosesi aifunga kuti aisakwanisa kuita basa iri asi akaribvuma. (Eks. 6:12) Iye nemukoma wake Aroni, vakaramba vachinomira pamberi paFarao aiva noudzvinyiriri uye vakazivisa noushingi Matambudziko Gumi akashandiswa naJehovha kunyadzisa vanamwari veIjipiti uye kununura vanhu vake. (Eks., zvits. 7-12) Mosesi akaratidza kutenda noushingi nokuti aitsigirwa naMwari sezvatinoitwawo.—Dheut. 33:27.

6. Kana tikabvunzurudzwa nevane masimba, tichakwanisa sei kupupurira noushingi?

6 Tinoda ushingi sehwaiva naMosesi nokuti Jesu akati: “Muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari uye kune mamwe marudzi. Zvisinei, pavanokuendesai kumatare, musazvidya mwoyo pamusoro pematauriro amuchaita kana zvamuchataura; nokuti muchapiwa zvamuchataura muawa iyoyo; nokuti hamusi imi moga munenge muchitaura, asi mudzimu waBaba venyu ndiwo uchange uchitaura uchikushandisai.” (Mat. 10:18-20) Kana tikabvunzurudzwa nevane masimba, mudzimu waJehovha uchatibatsira kupupurira zvine ruremekedzo asi tichiratidza kutenda noushingi.—Verenga Ruka 12:11, 12.

7. Nei Joshua aiva noushingi uye nei akabudirira?

7 Joshua, uyo akatsiva Mosesi akabatsirwa nokugara achidzidza Mutemo waMwari. Muna 1473 B.C.E., vaIsraeri vainge vagadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa. Mwari akarayira Joshua kuti, “shinga, usimbe kwazvo.” Kuteerera Mutemo kwaizoita kuti Joshua ave akachenjera uye abudirire. Akaudzwa kuti, “Usavhunduka kana kutya, nokuti Jehovha Mwari wako anewe kwose kwaunoenda.” (Josh. 1:7-9) Mashoko iwayo anofanira kunge akasimbisa Joshua chaizvo! Chokwadi Mwari aiva naye nokuti pakazosvika 1467 B.C.E., chikamu chikuru cheNyika Yakapikirwa chainge chatorwa, mumakore matanhatu chete.

VAKADZI VAINGE VAKASHINGA

8. Rakabhi muenzaniso wokutenda uye woushingi pakudini?

8 Kwemazana emakore, vakadzi vakawanda vakaratidza ushingi sevanamati vaJehovha. Somuenzaniso, Rakabhi, pfambi yaigara muJeriko, akaratidza kutenda muna Mwari, akashinga kuvanza tsori mbiri dzainge dzatumwa naJoshua uye akarasisa nhume dzamambo weguta racho. Iye neveimba yake vakapona pakakundwa Jeriko nevaIsraeri. Rakabhi akasiya basa rake roupfambi, akatanga kunamata Jehovha akatendeka uye akazova mbuya vaMesiya. (Josh. 2:1-6; 6:22, 23; Mat. 1:1, 5) Zvechokwadi kutenda kwake noushingi zvakaita kuti akomborerwe.

9. Dhibhora, Bheraki naJaeri vakaratidza sei ushingi?

9 Munenge muna 1450 B.C.E., Joshua afa, vatongi ndivo vairuramisira muIsraeri. Mambo wevaKenani, Jabhini, ainge atodzvinyirira vaIsraeri kwemakore 20, Mwari paakazoita kuti muprofitakadzi Dhibhora akurudzire Mutongi Bheraki kuti anorwa. Bheraki akaunganidza varume 10 000 muGomo reTabhori uye ainge agadzirira kurwa nemukuru weuto raJabhini ainzi Sisera ainge ari mumupata une rukova weKishoni aine uto rake nengoro dzehondo 900. VaIsraeri pavakadzika mumupata wacho, Mwari akabva aunza mafashamo, nzvimbo yacho ikatanga kunyudza uye ngoro dzevaKenani dzakatadza kufamba. Bheraki neuto rake vakakunda uye “musasa wose waSisera wakaurayiwa nomuromo webakatwa.” Sisera akatizira kutende raJaeri, asi paainge arara Jaeri akamuuraya. Maererano nemashoko ouprofita akataurwa naDhibhora kuna Bheraki, mukadzi uyu, Jaeri, ndiye ‘akazokudzwa’ pamusana pokukunda kwacho. Ushingi hwakaratidzwa naDhibhora, Bheraki uye Jaeri hwakaita kuti vaIsraeri vasanetswazve “kwemakore makumi mana.” (Vat. 4:1-9, 14-22; 5:20, 21, 31) Varume nevakadzi vakawanda vanoda Mwari vakaratidza kutenda uye ushingi hwakadai.

MASHOKO EDU ANOGONA KUSHINGISA VAMWE

10. Nei zvinganzi zvatinotaura zvinogona kushingisa vamwe?

10 Zvatinotaura zvinogona kushingisa hama dzedu dzechiKristu. Muzana remakore rechi11 B.C.E., Mambo Dhavhidhi akaudza mwanakomana wake Soromoni kuti: “Shinga, usimbe uye uzviite. Usatya kana kuvhunduka, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe. Haazokuregi kana kukusiya kusvikira zvose [zvinofanira] kuitwa zvebasa reimba yaJehovha zvapera.” (1 Mak. 28:20) Soromoni akashinga uye akavakira Jehovha temberi yakanaka chaizvo muJerusarema.

11. Mashoko oushingi ekamwe kasikana kechiIsraeri akabatsira sei mumwe murume?

11 Muzana remakore rechi10 B.C.E., kamwe kasikana kechiIsraeri kakaratidza ushingi hwakazoita kuti mumwe murume aiva nemaperembudzi akomborerwe. Kainge katapwa nevapambi, kakanoshandira mukuru weuto reSiriya, Naamani, aiva nemaperembudzi. Sezvo kaiziva zvishamiso zvakaitwa naJehovha achishandisa Erisha, kakaudza mudzimai waNaamani kuti kana murume wake akaenda kuIsraeri, aizoporeswa nemuprofita waMwari. Naamani akaenda kuIsraeri, akaporeswa uye akava munamati waJehovha. (2 Madz. 5:1-3, 10-17) Kana uri wechiduku anoda Mwari sezvaiita kasikana aka, Mwari anogona kukupa ushingi hwokuparidzira vadzidzisi, vaunodzidza navo nevamwewo.

12. Mashoko aMambo Hezekiya akaita kuti vanhu vake vaitei?

12 Munguva yokutambudzika, mashoko akanyatsofungwa angashingisa vamwe. VaAsiriya pavakanorwisa Jerusarema muzana remakore rechisere B.C.E., Mambo Hezekiya akaudza vanhu vake kuti: “Shingai, musimbe. Musatya kana kuvhunduka mambo weAsiriya neboka rose revanhu vaainavo; nokuti vari kwatiri vazhinji kupfuura vaainavo. Iye ane ruoko rwenyama, asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye kuti arwe hondo dzedu.” Vakaita sei nemashoko aya? “Vanhu vakazvisimbisa nemashoko aHezekiya”! (2 Mak. 32:7, 8) Mashoko akada kudaro angatishingisa isu pachedu kana kushingisa vamwe vaKristu patinenge tichitambudzwa.

13. Obhadhiya, mutarisiri weimba yaMambo Ahabhi, akaratidza muenzaniso woushingi pakudii?

13 Dzimwe nguva tinoratidza ushingi pasina zvatataura. Muzana remakore rechi10 B.C.E., Obhadhiya, mutarisiri weimba yaMambo Ahabhi, akashinga kuvanza vaprofita vaJehovha zana “vari mumapoka emakumi mashanu,” kuti vasaurayiwe naMambokadzi Jezebheri. (1 Madz. 18:4) Sezvakaitwa naObhadhiya aitya Mwari, vashumiri vaJehovha vakatendeka vemazuva ano vakashinga kudzivirira hama dzavo nokusapa vatambudzi mashoko ane chokuita nadzo.

ESTERI, MAMBOKADZI AINGE AKASHINGA

14, 15. Mambokadzi Esteri akaratidza sei kutenda noushingi uye zvakaguma nei?

14 Mambokadzi Esteri akaratidza kutenda kukuru uye ushingi, Hamani paakaronga kutsakatisa vaJudha vose vaigara muUmambo hwePezhiya muzana remakore rechishanu B.C.E. VaJudha vakachema, vakatsanya uye vanofanira kunge vakanyengetera nemwoyo wose. (Est. 4:1-3) Mambokadzi Esteri akashungurudzika kwazvo. Modhekai, hanzvadzi yake, akamutumira gwaro raiti vaJudha vaurayiwe uye akamuudza kuti aende kunoteterera kuna mambo kuti vanzwirwe nyasha. Asi chero munhu aienda kuna mambo asina kushevedzwa aiurayiwa.—Est. 4:4-11.

15 Modhekai akaudza Esteri kuti: ‘Kana ukanyarara panguva ino, kununurwa kuchabva kune imwe nzvimbo. Ndiani anoziva kana wakava vahosi nokuda kwenguva yakaita seino?’ Esteri akaudza Modhekai kuti aunganidze vaJudha vaiva muShushani kuti vatsanye nokuda kwake. Akati, “Ndichatsanyawo, ndichabva ndapinda muna mambo, zvisingabvumirwi nomutemo; uye kana ndikaparara, ngandiparare hangu.” (Est. 4:12-17) Esteri akaratidza ushingi, uye Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akanunura vanhu vake. Mazuva ano, vaKristu vakazodzwa nevamwe vavo vakazvitsaurira vanoratidzawo ushingi pavanenge vari mumuedzo uye “Munzwi womunyengetero” anogara achivatsigira.—Verenga Pisarema 65:2; 118:6.

“SHINGA”

16. Vechiduku vedu vanodzidzei kubva pamuenzaniso waJesu?

16 Pane imwe nguva muzana remakore rokutanga C.E., Jesu paaiva nemakore 12 akawanikwa ari patemberi, “akagara pakati pevadzidzisi achivateerera nokuvabvunza.” Uyewo, “vose vaya vakanga vachimuteerera vakaramba vachishamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” (Ruka 2:41-50) Kunyange zvazvo aiva muduku, aiva nokutenda uye ushingi hwaidiwa kuti abvunze vadzidzisi vakuru vaiva patemberi. Kufunga nezvemuenzaniso waJesu kuchabatsira vechiduku vari muungano yechiKristu kuti vanyatsoshandisa mikana ‘yokuzvidzivirira kune munhu wose anovabvunza chikonzero chetariro iri mavari.’—1 Pet. 3:15.

17. Nei Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti ‘vashinge,’ uye nei tichifanirawo kushinga?

17 Jesu akakurudzira vamwe kuti ‘vashinge.’ (Mat. 9:2, 22) Akaudza vadzidzi vake kuti: “Tarirai! Awa iri kuuya, chokwadi, yatouya, pamuchapararira mumwe nomumwe kumba kwake uye muchandisiya ndiri ndoga; asi handisi ndoga, nokuti Baba vaneni. Ndataura zvinhu izvi kwamuri kuti muve norugare nokwandiri. Munyika munotambudzika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.” (Joh. 16:32, 33) Tinovengwa nenyika sezvaiitwa vateveri vaJesu vepakutanga, asi hatifaniri kuitevedzera. Kufungisisa nezveushingi hweMwanakomana waMwari, kunogona kutishingisa kuti tisasvibiswa nenyika ino. Akakunda nyika uye isu tinogonawo kuikunda.—Joh. 17:16; Jak. 1:27.

“SHINGA KWAZVO!”

18, 19. Muapostora Pauro akaratidza sei kuti aiva nokutenda uye ushingi?

18 Muapostora Pauro akatsungirira miedzo yakawanda. Pane imwe nguva vaJudha vaiva muJerusarema vangadai vakamuuraya, kudai asiri masoja eRoma akamununura. Usiku, “Ishe akamira pedyo naye, akati: ‘Shinga kwazvo! Nokuti zvawave uchipupura kwazvo pamusoro pezvinhu zvine chokuita neni muJerusarema, naizvozvo unofanirawo kunopupura muRoma.’” (Mab. 23:11) Pauro akazoita chaizvo zvaakanga audzwa.

19 Pauro akatsiura asingatyi vanhu vaizviti ‘vaapostora vakanaka kwazvo’ vaida kushatisa ungano yomuKorinde. (2 VaK. 11:5; 12:11) Akapa uchapupu hwokuti aiva muapostora wechokwadi pakuti akatsungirira kuiswa mujeri, kurohwa, nzendo dzine ngozi, nzara, nyota, kusarara usiku uyewo kuzvidya mwoyo pamusoro peungano dzose. (Verenga 2 VaKorinde 11:23-28.) Kutenda uye ushingi hwaPauro zvinoratidza kuti aipiwa simba naMwari.

20, 21. (a) Taura muenzaniso unoratidza kuti tinofanira kuramba tichiva noushingi. (b) Ndepapi patinofanira kuratidza ushingi uye tinogona kuva nechokwadi chei?

20 Havasi vaKristu vose vachatambudzwa zvakaipisisa. Asi vose vanofanira kutoshinga pane zvavanosangana nazvo muupenyu. Somuenzaniso: Mumwe mukomana wekuBrazil, aiva muchikwata chematsotsi. Adzidza Bhaibheri, akaona kuti aifanira kuchinja mararamiro ake, asi wose aibuda muchikwata ichi aiurayiwa. Akanyengetera uye akashandisa magwaro kuratidza mukuru wacho nei aisada kuramba ari muchikwata chacho. Vakamurega zvakanakanaka uye akava muparidzi woUmambo.

21 Kuparidza mashoko akanaka kunoda ushingi. VaKristu vechiduku vanoenda kuchikoro vanofanira kutoshinga kana vachida kuramba vakaperera kuna Mwari. Zvinoda ushingi kukumbira nguva yokusava pabasa kuti upinde purogiramu yose yegungano. Mienzaniso yacho yakawanda, haiperi. Pasinei nematambudziko atinosangana nawo, Jehovha achanzwa ‘minyengetero yedu yokutenda.’ (Jak. 5:15) Chokwadi anogona kutipa mudzimu wake mutsvene kuti ‘tishinge uye tisimbe kwazvo’!

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 11]

Inoki akaparidza noushingi munyika yaiva nevanhu vaisada Mwari

[Mufananidzo uri papeji 12]

Jaeri aiva noushingi uye asingatyi