Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Muenzaniso waJesu Wokurinda

Tevedzera Muenzaniso waJesu Wokurinda

Tevedzera Muenzaniso waJesu Wokurinda

“Rambai makarinda murambe muchinyengetera.”—MAT. 26:41.

UNGAPINDURA SEI?

Minyengetero yedu ingaratidza sei kuti takarinda?

Tingaratidza sei kuti takarinda muushumiri?

Nei zvichikosha kuti tirambe takarinda patinenge tichiedzwa, uye tingazviita sei?

1, 2. (a) Mibvunzo ipi ingamuka panyaya yomuenzaniso waJesu wokurinda? (b) Muenzaniso waJesu wakakwana unobatsira here vanhu vane zvivi? Ipa muenzaniso.

UNGAFUNGA kuti: ‘Zvinonyatsoita here kuti nditevedzere muenzaniso waJesu wokurinda? Jesu ainge akakwana! Uyezve, dzimwe nguva aigona kunyatsoziva zvaizoitika mune remangwana, kunyange mumakore ane zviuru aiva mberi! Asi aifanira kurinda here?’ (Mat. 24:37-39; VaH. 4:15) Ngatitangei takurukura mibvunzo iyoyo kuti tione kuti nyaya iyi inonyanya kukosha zvakadini uye nei tichifanira kunyanya kurinda iye zvino.

2 Muenzaniso wakakwana ungabatsira vanhu vane zvivi here? Hongu, nokuti zvinoita kudzidza kubva kumudzidzisi akanaka uye muenzaniso wake. Somuenzaniso, funga nezvemunhu ari kutanga kudzidzira kukanda museve. Haatombokwanisi kukanda museve kuti abaye chinhu chaanenge achida, asi anoramba achiedza uye achidzidzira. Kuti avandudze, anonyatsoongorora zvinoita mudzidzisi wake, nyanzvi. Mudzidzi wacho anonyatsotarira kumira kunoita mudzidzisi wake uye mabatiro aanoita uta nemuseve. Zvishoma nezvishoma, anodzidza kuti anodhonza zvakadini tambo yacho; anofungawo nezvokuti kune mhepo here, uye anoramba achiedza. Kana akatevedzera mudzidzisi wake, pakupedzisira anozokwanisa kunanga chinhu chaanenge achida kupfura. Saizvozvowo, tinoramba tichiedza kuva vaKristu vari nani nokuita zvinorayirwa naJesu uye kutevedzera muenzaniso wake wakakwana.

3. (a) Jesu akaratidza sei kuti aifanira kurinda? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Asi zvakadini nenyaya yokurinda? Jesu aifanira kurinda here? Zvechokwadi aifanira kudaro. Somuenzaniso, pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwepasi pano, Jesu akakurudzira vaapostora vake vakatendeka kuti: ‘Rambai makarinda neni.’ Akawedzera kuti: “Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” (Mat. 26:38, 41) Kunyange zvazvo akanga agara achiratidza kuti airinda, Jesu aifanira kunyanya kurinda uye kuva pedyo naBaba vake vokudenga panguva iyoyo yakanga yakaoma. Aiziva kuti vateveri vake vaifanirawo kurinda, kwete chete panguva iyoyo asi munguva yemberi. Saka ngatikurukurei nei Jesu achida kuti tirambe takarinda. Tichazoongorora nzira nhatu dzatinogona kutevedzera nadzo kurinda kwaJesu muupenyu hwedu hwezuva nezuva.

NEI JESU ACHIDA KUTI TIRINDE

4. Kusaziva kwedu zvichaitika mune ramangwana kwakabatana papi nokuti tinofanira kurinda?

4 Muchidimbu, Jesu anoda kuti tirambe takarinda nokuti tine zvatisingazivi uye zvatinoziva. Jesu paaiva pasi pano, aiziva zvose zvaizoitika mune ramangwana here? Kwete, nokuti akabvuma achizvininipisa kuti: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mat. 24:36) Panguva iyoyo, “Mwanakomana” waMwari, Jesu, aisaziva chaipo paizoguma nyika ino yakaipa. Ko isu mazuva ano? Tine zvimwe zvatisingazivi here nezveramangwana? Tinazvo! Hatizivi nguva chaiyo iyo Jehovha achatuma Mwanakomana wake kuti agumise mamiriro ezvinhu akaipa aripo. Kudai taiziva, taizofanira kuramba takarinda here? Sokutsanangura kwakaita Jesu, mugumo uchangoerekana wauya, tisingatarisiri; saka tinofanira kuramba takarinda.—Verenga Mateu 24:43.

5, 6. (a) Kuziva kwedu nezvenguva yemberi uye zvinangwa zvaMwari kunotibatsira sei kuti tirambe takarinda? (b) Nei kuziva zvinoitwa naSatani kuchifanira kuita kuti titsunge kurinda?

5 Asi Jesu ane zvinhu zvakawanda zvakanaka zvaaiziva nezvenguva yemberi. Aiziva chokwadi chaisazivikanwa nevakawanda vepanguva yake. Ruzivo rwedu harumboenzani nerwaJesu, asi akatibatsira kuziva zvakawanda nezveUmambo hwaMwari uye zvahuchaita munguva iri pedyo. Kuchikoro, kubasa, kana kuti munharaunda matinoparidza, hationi here kuti vanhu vakawanda havatombozivi zvavo chokwadi ichi chinokosha? Saka izvi zvinotipa chimwe chikonzero chokuti tirinde. Kufanana naJesu, tinofanira kugara takangwarira, tichitsvaka mikana yokuudza vamwe zvatinoziva nezvoUmambo hwaMwari. Hatidi kutambisa mikana yose iyoyo inokosha. Upenyu hwevanhu huri pangozi!—1 Tim. 4:16.

6 Jesu aiva nezvimwezve zvaaiziva zvaiita kuti arambe akarinda. Aiziva kuti Satani akanga akatsunga kumuedza, kumutambudza, uye kumuregedzesa kuperera kuna Mwari. Muvengi iyeye aigara akarinda kuti awane “imwe nguva yakakodzera” yokuti aedze Jesu. (Ruka 4:13) Jesu haana kumbobvira arivara. Aida kugara akagadzirira chero muedzo waizouya, kushorwa kana kuti kutambudzwa. Hatifaniriwo kudaro here? Tinoziva kuti Satani achiri “shumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” Ndokusaka Shoko raMwari richirayira vaKristu vose kuti: “Svinurirai, rindai.” (1 Pet. 5:8) Asi tingaita sei izvozvo?

KURINDA PAKUNYENGETERA

7, 8. Jesu akapa zano ripi panyaya yokunyengetera uye akatisiyira muenzaniso wakaita sei?

7 Bhaibheri rinoratidza kunyatsobatana kwakaita nyaya yokurinda nokunyengetera. (VaK. 4:2; 1 Pet. 4:7) Jesu achangobva kuudza vadzidzi vake kuti varambe vakarinda naye, akati: “Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” (Mat. 26:41) Aitaura kuti vaifanira kuramba vakarinda panguva iyoyo yainge yakaoma chete here? Kwete, zvaakataura izano ratinofanira kushandisa mazuva ose.

8 Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka panyaya yokunyengetera. Ungayeuka kuti pane imwe nguva akanyengetera usiku hwose kuna Baba vake. Ngatimbofungidzira zvaiitika. (Verenga Ruka 6:12, 13.) Mwedzi wacho ndiMarch kana kuti April, zvichida pedyo netaundi reKapenaume rinogara varedzi, nzvimbo iri kugara Jesu paari munharaunda iyi. Zuva zvarava kudoka, Jesu anokwira mune rimwe gomo rakatarisana neGungwa reGarireya. Paanotarisa kunze kuchisviba, zvimwe nechomuzasi anoona mwenje yemarambi muKapenaume nemimwe misha yakapoteredza. Asi paari kutaura naJehovha, pfungwa dzinongova pamunyengetero wake. Anopedza maawa akawanda achinyengetera. Haasi kutomboona zvake sezvo rambi rimwe nerimwe rinodzimwa, mwedzi zvaunocheka nepakati pedenga zvishoma nezvishoma, uye mhuka dzinofamba usiku zvadzinofura mumakwenzi. Anofanira kunge ari kunyengetera nezvechisarudzo chakakura chaava kuda kuita, chokusarudza vaapostora vake 12. Tinogona kufungidzira Jesu achinyatsotaurira Baba vake zvose zvaari kufunga uye zviri kumunetsa nezvemudzidzi mumwe nemumwe sezvaari kukumbira uchenjeri uye kutungamirirwa.

9. Tingadzidzei pamuenzaniso waJesu wokunyengetera usiku hwose?

9 Tingadzidzei pamuenzaniso waJesu? Kuti tinofanira kunyengetera kwemaawa akawanda here? Kwete, nokuti iye pachake akaudza vadzidzi vake kuti: “Mudzimu unoda, asi nyama haina simba.” (Mat. 26:41) Kunyange zvakadaro, tinogona kutevedzera Jesu. Somuenzaniso, tinonyengetera here kuna Baba vedu vokudenga tisati taita chero chisarudzo chine chokuita nesu, mhuri yedu, kana hama dzedu dzatinonamata nadzo? Muminyengetero yedu tinotaurawo zvinonetsa hama dzedu nehanzvadzi here? Tinonyengetera nomwoyo wose here pane kungodzokorora mashoko nomusoro? Onawo kuti Jesu aikoshesa kunyatsotaura naBaba vake ari oga. Zviri nyore chaizvo kupedzisira tava kungoita chipatapata noupenyu munyika ino ine zvakawandisa zvokuita, zvokuti tinokanganwa zvinhu zvinonyanya kukosha. Kana tikawana nguva yakakwana yokunyatsonyengetera tiri toga, tichagara takangwarira pakunamata. (Mat. 6:6, 7) Tichaswedera pedyo naJehovha, tiine chido chokusimbisa ukama hwedu naye, uye tichadzivisa kuita chero chii zvacho chingahukanganisa.—Pis. 25:14.

KURINDA PABASA ROKUPARIDZA

10. Muenzaniso upi unotiratidza kungwarira kwainge kwakaita Jesu mikana yokupupura?

10 Jesu ainge akarinda pabasa raakapiwa naJehovha kuti aite. Pangava nemamwe mabasa anobvumira munhu kumbotorwa pfungwa nezvimwe pasina matambudziko akakura angaitika. Asi mabasa akawanda anoda kunyatsoisa pfungwa paari uye kungwarira, uye ushumiri hwechiKristu ndizvo zvahwakaita. Jesu aigara akangwarira pabasa rake, achitsvaka mikana yokuudza vamwe mashoko akanaka. Somuenzaniso, iye nevadzidzi vake pavakasvika mutaundi reSikari pashure pokufamba mangwanani ose, vadzidzi vakaenda kunotenga zvokudya. Jesu akasara pedyo netsime reguta racho kuti azorore, asi akaramba akangwarira, uye akaona mukana wokupupura. Mumwe mukadzi muSamariya akauya kuzochera mvura. Jesu angadai akasarudza kumborara zvake. Angadai akatsvaka zvikonzero zvokusataura naye. Asi akakurukura nomukadzi wacho, akapa uchapupu hune simba hwakabatsira vanhu vazhinji vemuguta racho. (Joh. 4:4-26, 39-42) Tinogona here kuedza kunyatsotevedzera muenzaniso waJesu wokurinda, zvichida nokunyatsongwarira mikana yokuparidzira vanhu vatinoonana navo zuva nezuva?

11, 12. (a) Jesu akati chii kune vaya vaiedza kumuvhiringidza pabasa rake? (b) Jesu akaratidza sei kuva nemwero pabasa rake?

11 Dzimwe nguva, vamwe vanhu vakaedza kuvhiringidza Jesu pabasa rake asi vasingazivi kuti ndizvo zvavaiita. MuKapenaume, vanhu vakawanda vakabayiwa mwoyo nezvishamiso zvokurapa zvaJesu zvokuti vaida kuti arambe ainavo. Izvozvo zvinonzwisisika. Zvisinei, basa raJesu raiva rokuparidzira “makwai [ose] akarasika eimba yaIsraeri,” kwete aingova muguta rimwe chete. (Mat. 15:24) Saka akaudza vanhu ivavo kuti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:40-44) Zviri pachena kuti ushumiri ndihwo hwaiva chinhu chikuru muupenyu hwaJesu. Haana kubvuma kukanganiswa nechero chii zvacho.

12 Pfungwa dzaJesu dzaiva pabasa rake zvokuti aisava nemwero here kana kuti aizviomesera? Aiti sika-sika noushumiri hwake zvokuti aisava nehanya nemhuri dzevamwe here? Kwete, Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana wokuva nemwero. Ainakidzwa noupenyu, achifarira kumbotandara neshamwari. Aikoshesa mhuri, achiratidza kuti ainzwisisa zvadzaida uye zvaidzinetsa, uye airatidza pachena kuti aida vana.—Verenga Mako 10:13-16.

13. Tingatevedzera sei muenzaniso waJesu wokurinda uye kuva nemwero panyaya yebasa redu rokuparidza Umambo?

13 Patinotevedzera muenzaniso waJesu wokurinda, tingaedza sei kuvawo nemwero? Hatibvumiri nyika ino kutivhiringidza pabasa redu. Hama neshamwari dzinenge dzichifunga kuti dziri kuita zvakanaka dzingatikurudzira kuita zvishoma muushumiri, kana kuti tiedze kurarama sezvinenge zvichiita vamwe vose. Asi kana tikatevedzera Jesu, tichaona ushumiri hwedu sezvokudya. (Joh. 4:34) Basa redu rinotisimbisa pakunamata uye rinoitawo kuti tifare. Asi hatimbodi kunyanyisa, kuzviomesera kana kuzviita vanhu vakanyanya kururama. Kufanana naJesu, tinoda kuva vashumiri va“Mwari anofara” vane mwero uye vanofara.—1 Tim. 1:11.

KURINDA PATINENGE TICHIEDZWA

14. Katsika kapi katinofanira kudzivisa patinenge tichiedzwa, uye nei tichifanira kukadzivisa?

14 Sezvataona, Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vanyanye kurinda paaiva mumuedzo wakaoma. (Verenga Mako 14:37.) Patinoomerwa nezvinhu ndipo patinonyanya kuda muenzaniso wake. Vakawanda pavanenge vachiedzwa vanowanzokanganwa chokwadi chinokosha. Chinokosha zvokuti bhuku raZvirevo rinochitaura kaviri richiti: “Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” (Zvir. 14:12; 16:25) Kana tikavimba nokunzwisisa kwedu, kunyanya patinosangana nematambudziko akakura, tingangozviisa pangozi, isu nevaya vatinoda.

15. Baba vangasangana nomuedzo upi pazvinenge zvakaoma kuwana mari?

15 Somuenzaniso, baba vangaomerwa chaizvo nokuriritira mhuri yavo. (1 Tim. 5:8) Vangasangana nomuedzo wokubvuma basa richagara richivatadzisa kupinda misangano yechiKristu, kutungamirira pakunamata kwemhuri, kana kubuda muushumiri. Kana vakavimba nepfungwa dzavo, vangaona sokuti hapana chakaipa nokubvuma basa racho. Zvisinei, zvingaita kuti varware kana kufa pakunamata. Zviri nani kuti vateerere zano raZvirevo 3:5, 6! Soromoni akati: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”

16. (a) Jesu akatisiyira muenzaniso wakaita sei panyaya yokuvimba nouchenjeri hwaMwari panzvimbo pokuvimba nohwake? (b) Vanababa vakawanda vari kutevedzera sei muenzaniso waJesu wokuvimba naJehovha munguva dzakaoma?

16 Jesu paaiedzwa, akaramba zvachose kuvimba nokunzwisisa kwake. Pafunge! Munhu ainge akachenjera kupfuura vamwe vose panyika akasarudza kusashandisa uchenjeri hwake pakupindura. Somuenzaniso, Satani paakamuedza, Jesu akaramba achipindura nemashoko okuti: “Zvakanyorwa kuti.” (Mat. 4:4, 7, 10) Aivimba nouchenjeri hwaBaba vake kuti akunde muedzo, achiratidza kuzvininipisa kwaishorwa naSatani uye kwaaisatombova nako. Tinoitawo saizvozvo here? Musoro wemhuri unotevedzera kurinda kwaJesu unobvuma kutungamirirwa neShoko raMwari kunyanya panguva yemiedzo. Munyika yose, tina vanababa vari kuita izvozvo chaizvo. Vari kuramba vachiisa Umambo hwaMwari nokunamata kwakachena pokutanga muupenyu, zvimwe zvichizotevera. Saka vanotarisira mhuri dzavo zvakanakanaka. Jehovha anokomborera zvavanoedza kuita kuti variritire mhuri sezvinovimbiswa neShoko rake.—Mat. 6:33.

17. Chii chinoita kuti utevedzere kurinda kwaJesu?

17 Hapana mubvunzo kuti Jesu akaratidza muenzaniso wakanakisisa wokurinda. Muenzaniso wake unoshanda, unobatsira, uye unotoponesa upenyu. Yeuka kuti Satani ari kuda chaizvo kuita kuti urare pakunamata, unete pakutenda, uye ungonamatawo zvachero usina kuperera kuna Mwari. (1 VaT. 5:6) Usamurega achikunda! Ramba wakarinda sezvaiitwa naJesu, pakunyengetera, muushumiri, uye paunenge uri mumiedzo. Kana ukaita izvozvo, uchava noupenyu hunofadza, uye hunogutsa, kunyange panguva ino yava kuda kuguma nyika yakaipa. Kana ukaramba wakarinda, Tenzi wako paanouya kuzogumisa nyika ino yakaipa, achakuwana wakamuka uye uchishingaira, uchiita kuda kwaBaba vake. Jehovha achafara chaizvo kukupa mubayiro nemhaka yokutendeka kwako!—Zvak. 16:15.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 6]

Jesu akaparidzira mukadzi uyu patsime. Mikana ipi yaunowana yokuparidza zuva rega rega?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kutarisira mhuri yako pakunamata kunoratidza kuti wakarinda