Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazivisa Shoko raMwari Noushingi!

Vakazivisa Shoko raMwari Noushingi!

Vakazivisa Shoko raMwari Noushingi!

VaKristu vechokwadi vanoratidza ushingi pavanenge vachishorwa sezvinoratidzwa mumabhuku akadai sa‘Kupupurira Kwazvo’ Pamusoro poUmambo hwaMwari uye Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari. Kufanana nehama dzedu dzemuzana remakore rokutanga, tinonyengetera kuna Jehovha kuti atipe mudzimu wake uye atibatsire kutaura shoko rake noushingi.—Mab. 4:23-31.

Imwe hama yakanyora nezvebasa redu rokuparidza panguva yehondo yenyika yokutanga ichiti: “Vashumiri vaMwari vaibishaira kuparadzira bhuku rechinomwe reStudies in the Scriptures rainzi The Finished Mystery. Rainge richiparadzirwa zvisina mukare akamboona. Turakiti reMashoko oUmambo Nhamba 1 rakabudiswa muna 1918. Kwakazobudiswa Mashoko oUmambo Nhamba 2, richitsanangura chakaita kuti hurumende dzirambidze The Finished Mystery. Iroro rakazoteverwa neMashoko oUmambo Nhamba 3. Zvinyorwa izvi zvakaparadzirwa chaizvo neboka rakatendeka revakazodzwa. Zvaida kutenda uye ushingi kuti tiparadzire Mashoko oUmambo.”

Mazuva ano, vaparidzi vatsva voUmambo vanowanzodzidziswa kuparidza, asi handizvo zvaiwanzoitwa kare. Imwe hama yokuPoland yaiva kuUnited States yakanyora zvakaitika muna 1922 payakatanga kubuda muushumiri, ichiti: “Ndisingatombozivi kuti ndinogovera sei mabhuku uye ndisingagoni kunyatsotaura Chirungu, ndakamira ndiri ndoga pamberi pehofisi yomumwe chiremba ndokubva ndagogodza. Mukoti akabva avhura suo. Handimbofi ndakazvikanganwa, nokuti ndainetseka uye ndaitya. Pandaivhura bhegi rangu, mabhuku ose akabva ati mwarara patsoka dzemukoti wacho. Handizivi zvandakataura, asi ndakamugovera bhuku. Pandakazobva ipapo, ndainge ndava noushingi uye ndainzwa kuti Jehovha akanga andikomborera. Zuva iroro ndakagovera tumabhuku twakawanda mumugwagwa iwoyo wemabhizimisi.”

Imwe hanzvadzi yakati: “Munenge muna 1933, hama dzakawanda dzaishandisa motokari dzine gudzanzwi kuparadzira shoko roUmambo.” Mumwe musi, hanzvadzi iyi yaiparidza neimwe hama nomudzimai wayo munzvimbo yemakomo yeCalifornia, kuAmerica. Inoyeuka kuti: “Hama yacho yakaenda nemota mumakomo, isu tikasara tiri mutaundi nechemuzasi. Payakatanga kuridza hurukuro yakarekodhwa, zvaiita sokuti inzwi racho raibva kudenga. Vanhu vomutaundi racho vakaedza vaedzazve kutsvaka hama yacho asi vakaishaya. Rekodhi racho rapera, takashanyira vanhu vacho tikavaparidzira. Ndakashanda nedzimwe motokari mbiri dzaiva negudzanzwi uye chokwadi ndechokuti vanhu vaisamboda kunzwa shoko racho. Asi hapana zvavaigona kuita kuti vasanzwe hurukuro dzacho nokuti mashoko acho ainyatsonzwika mumisha yavo. Nguva dzose taiona kuti Jehovha aiita kuti nzira yakakodzera ishandiswe panguva yakakodzera. Zvaida kushinga kuparidza nenzira iyi, asi yaizadzisa chinangwa chayo uye zita raJehovha rairumbidzwa.”

Kuma1930 nokumavambo kwema1940, magiramufomu nehurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa ndizvo zvaishandiswa muushumiri hwedu. Imwe hanzvadzi inoyeuka kuti: “Imwe hanzvadzi yechiduku yaiparidza paimba neimba ichishandisa giramufomu. Payakatanga kuridza rekodhi pane imwe imba, baba vepamba pacho vakashatirwa chaizvo zvokuti vakakava giramufomu yacho kubva pavharanda. Asi hapana kana rekodhi rakatsemuka. Vamwe varume vatatu vaidya zvokudya zvavo zvemasikati vari mumotokari yainge yakapakwa vakaona zvakaitika, vakashevedza hanzvadzi iya kuti ivaridzire rekodhi racho, uye vakatora mabhuku kubva kwairi. Izvozvo zvakainyaradza.” Zvaida kushinga kuti hama dzitsungirire miedzo yakadaro.

Hanzvadzi iyoyo inowedzera kuti: “Ndinoyeuka patakatanga kugovera magazini mumigwagwa muna 1940. Munguva yainge yapfuura, taifora tiine zvikwangwani zvemashoko. Hama nehanzvadzi dzaiita mudungwe, dzofamba nemudivi memugwagwa dzakatakura zvikwangwani zvaiti ‘Chitendero Musungo Uye Chinonyengera’ uye ‘Shumira Mwari naKristu Mambo.’ Vanhu vaipiwawo maturakiti emahara. Zvaida kushinga kuparidza nenzira idzi, asi dzakazadzisa chinangwa chokuita kuti vanhu vazive zita raJehovha uye revanhu vake.”

Imwe hanzvadzi yakati: “Basa remagazini mumataundi maduku rainge rakaoma chaizvo. Panguva iyoyo Zvapupu zvaishorwa zvokuti. . . . Zvaitoda kushinga kumira pakona wakabata magazini uchishevedzera mashoko atainzi tishandise. Asi taisawanzopotsa kubuda musi weMugovera. Dzimwe nguva vanhu vaiva neushamwari. Pane dzimwe nguva taiunganirwa nemhomho yevanhu vakashatirwa uye pamwe pacho taitofanira kutiza.”

Pasinei nokuti Zvapupu zvaJehovha zvaitambudzwa muHondo Yenyika II, zvakaita ushumiri hwazvo noushingi. Mumushandirapamwe wemazuva 43 wakaitwa kubva pana December 1, 1940, kusvika pana January 12, 1941, vaparidzi vanenge 50 000 muUnited States vakaparadzira tumabhuku tunoda kusvika mamiriyoni masere pane yainzi Nguva Yokupa Uchapupu “Noushingi.”

Vechikuru vakawanda vari musangano raMwari vanonyatsoyeuka zvipingamupinyi zvavakasangana nazvo zvaida kuti vashinge. Vamwe vanoyeuka kuti kwemakore, kushinga kwavo kwairatidzwa nemashoko avaidzokorora okuti, Pamberi nokuparidza tichishingaira kusvika kumugumo! Hatizivi kuti panozosvika kuguma kwenyika ino yakaipa tichange tava kushandisa nzira ipi kuzivisa shoko ratakapiwa naMwari. Asi, tichibatsirwa naMwari, ticharamba tichizivisa shoko rake nokutenda uye noushingi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

Ushingi hwagara huchidiwa pakuita basa rokuparidza Umambo