Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Yaiita Kuti Munhu Wose Anditarise”

“Yaiita Kuti Munhu Wose Anditarise”

Kubva Mudura Renhoroondo Yedu

“Yaiita Kuti Munhu Wose Anditarise”

Charlotte White, muparidzi wenguva yakazara, paakasvika kuLouisville, Kentucky, muAmerica, achikungurutsa sutukezi ine mavhiri, vanhu vaimutarisa chaizvo.

MAIVA muna 1908 uye Hanzvadzi White vaitariswa chaizvo nevanhu vomutaundi iroro vaine sutukezi yavo yaiva nemavhiri yainzi Dawn-Mobile. Ichi chaiva chinhu chitsva kuvanhu. Hanzvadzi White vakati, “Vanhu vaitaura nezvayo uye yaiita kuti munhu wose anditarise.”

Vadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, vakaona kuti vaifanira kuudzawo vamwe chokwadi chinokosha chavainge vadzidza muMagwaro. Vakawanda vakadzidza Bhaibheri vachibatsirwa nemabhuku akanzi Millennial Dawn (akazonziwo Studies in the Scriptures). VaKristu vaikwanisa uye vaiva nechido vakasvika kure, mumaguta nokumaruwa vachigovera mabhuku aya kune vamwe vaida chaizvo kuaverenga.

Muna 1908, Hanzvadzi White nevamwe vazivisi voUmambo vaishingaira vaigovera mabhuku aya matanhatu ne$1.65 (U.S.). Pavaishanya kekutanga vaisagovera mabhuku acho, asi vaitora maodha, vozodzoka kuzosiya mabhuku acho vanhu pavaitambira, vachitora kamari kaibatsira pakudhinda. Mumwe aipikisa basa redu akatonyunyuta kuti vanhu vaibvisa mari shomanana pavaiwana mabhuku aya.

Malinda Keefer anoyeuka achitora maodha emabhuku 200 kusvika ku300 pavhiki. Asi kufarirwa chaizvo kwaiitwa mabhuku aya kwakaita kuti pave nedambudziko. Bhuku rechitanhatu roga raiva nemapeji 740. The Watch Tower yakati, “Mabhuku 50 anorema 18kg,” zvichiita kuti “zviome chaizvo” kuatakura, kunyanya kuhanzvadzi.

Kuti vagadzirise dambudziko rokutakura mabhuku eMillennial Dawn, Hama James Cole vakagadzira furemu yaipeteka yaiva nemavhiri maviri, yaisungirirwa sutukezi nemasikuruu. Sezvo vainge vasisatakuri mabhokisi airema azere nemabhuku, Hama James Cole vakati: “Handicharemerwi.” Vakazivisa nezvechigadzirwa chitsva ichi pagungano reruwa reVadzidzi veBhaibheri rakaitwa muna 1908 kuCincinnati, Ohio. Furemu yacho yainge yakanyorwa kuti Dawn-Mobile nokuti yainyanya kushandiswa kutakura mabhuku akanzi Millennial Dawn. Angodzidzira zvishoma, munhu aigona kukungurutsa sutukezi yakazara nemabhuku zviri nyore achishandisa ruoko rumwe chete. Sutukezi yacho yaigona kukwidzwa kana kudzikiswa zvichienderana nourefu hwemunhu, uye yaigona kufamba munzira dzengoro. Pakudzokera kumba netsoka kana nemota, furemu iyoyo yaigona kupeterwa padivi pesutukezi.

Hanzvadzi dzaiva mubasa renguva yakazara dzaipiwa Dawn-Mobile mahara. Asi kune vamwe yaiita $2.50 (U.S.). Hanzvadzi Keefer, vari papikicha, vakava nyanzvi chaiyo pakushandisa Dawn-Mobile zvokuti vaigona kukungurutsa neruoko rumwe chete sutukezi yakazara, uku vakatakura rimwe bhegi remabhuku. Pavakaona vanhu vakawanda vaifarira mune rimwe taundi romuPennsylvania, kuAmerica raicherwa marasha, vaiendesa mabhuku katatu kana kuti kana pazuva vachipfuura nepabhiriji refu reparwizi rwunonzi Allegheny.

Kuma1987, mumwe mutyairi wendege akazogadzira bhegi rine mavhiri iro rinoshandiswa chaizvo mazuva ano pakukwira ndege kana kuti pakufamba mumaguta. Asi makore 100 akapfuura, Vadzidzi veBhaibheri vaishingaira zvimwe vangave vaiyemurwa chaizvo nevanhu pavaikungurutsa Dawn-Mobile, vachiparadzira chokwadi cheBhaibheri.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 32]

Hanzvadzi Keefer vaiendesa mabhuku katatu kana kuti kana pazuva vachipfuura nepabhiriji

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 32]

Yakapedza dambudziko rokutakura mabhuku e“Millennial Dawn”