Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsira Vanhu Kuti ‘Vamuke Pahope’

Batsira Vanhu Kuti ‘Vamuke Pahope’

Batsira Vanhu Kuti ‘Vamuke Pahope’

“Munoziva mwaka, kuti yatova awa yokuti mumuke pahope.”—VAR. 13:11.

UNGATSANANGURA HERE?

Nei zvichikosha kuti vaKristu varambe vakamuka?

Nei vashumiri vakamuka vachifanira kuteerera uye kunyatsocherechedza?

Mutsa uye unyoro zvinobatsira sei muushumiri hwedu?

1, 2. Vanhu vakawanda vanofanira kumuka pakudini?

GORE negore, vanhu vakawanda chaizvo vanofa nokuti vanotsimwaira kana kuti vanotorara vachityaira. Vamwe vanodzingwa basa nokuti vanononoka kumuka kuti vaende kubasa kana kuti vanorara pabasa. Asi kutsimwaira pakunamata kwakatoipa kupfuura izvozvo. Panyaya iyi yokurara pakunamata, Bhaibheri rinoti: “Anofara ndiye anoramba akamuka.”—Zvak. 16:14-16.

2 Zuva guru raJehovha riri kuuya, asi vanhu vakawanda vakatorara zvavo pakunamata. Kunyange vamwe vatungamiriri vechiKristudhomu vakatoti vanhu vemumachechi avo vakarara. Kurara pakunamata kuita sei? Nei zvichikosha kuti vaKristu vechokwadi varambe vakamuka? Tingabatsira sei vamwe kuti vamuke pakunamata?

KURARA PAKUNAMATA KUDINI?

3. Ungatsanangura sei munhu akarara pakunamata?

3 Vanhu vanowanzorara nokuti vanenge vasina zvavari kuita. Izvozvo zvakasiyana nevaya vanorara pakunamata nokuti vanogona kunge vatori bishibishi, asi nezvinhu zvisinei nokunamata. Vanogona kunge vakabatikana chaizvo nezvinhu zvinovadya mwoyo zvezuva nezuva kana kutsvaka mafaro, mukurumbira, kana kuti upfumi. Vanobatikana chaizvo nezvinhu izvi zvokuti havana basa nenyaya yokunamata. Asi vanhu vakamuka pakunamata vanoziva kuti tiri “mumazuva okupedzisira,” saka vanobishaira chaizvo pakuita zvinoda Mwari.—2 Pet. 3:3, 4; Ruka 21:34-36.

4. Zano rokuti: “Ngatiregei kuramba takarara sezvinoita vamwe vose” rinorevei?

4 Verenga 1 VaTesaronika 5:4-8. Pano muapostora Pauro akakurudzira hama dzake kuti dzisaramba dzakarara “sezvinoita vamwe vose.” Airevei? Munhu anogona ‘kuramba akarara’ nokusava nebasa nezvinodiwa naJehovha panyaya yetsika. Anogonawo ‘kuramba akarara’ nokusava nebasa nokuti nguva yaJehovha yokuparadza vakaipa yasvika. Tinofanira kuva nechokwadi chokuti vanhu vasingadi Mwari vakadaro havaiti kuti titange kuita uye kufunga sezvavanoita.

5. Vanhu vakarara pakunamata vane mafungiro api?

5 Vamwe vanhu vanofunga kuti hakuna Mwari anozombovatonga. (Pis. 53:1) Vamwe vanofunga kuti Mwari haana basa nevanhu, saka hapana chikonzero chokuti timunamate. Vamwewo vanofunga kuti kuva nechechi yavanopinda kuchavaita shamwari dzaMwari. Vanhu vose ava vakarara pakunamata. Vanofanira kumuka. Tingavabatsira sei?

ISU PACHEDU TINOFANIRA KURAMBA TAKAMUKA

6. Nei vaKristu vachifanira kuvavarira kuramba vakamuka pakunamata?

6 Kuti tikwanise kumutsa vamwe, isu pachedu tinofanira kunge takamuka. Izvozvo zvinosanganisirei? Shoko raMwari rinoti kurara uku kwokufananidzira kwakabatana ne“mabasa erima,” akadai semitambo yemafaro akanyanyisa, kunwira kudhakwa, unzenza hwepabonde, kusazvibata, kukakavadzana, uye godo. (Verenga VaRoma 13:11-14.) Kudzivisa maitiro akadaro kunogona kuva basa chairo. Kuramba takamuka kunokosha. Munhu anotyaira motokari achirara anoisa upenyu hwake pangozi. Zvinokosha chaizvo kuti muKristu azive kuti kurara pakunamata kunogona kuurayisa!

7. Kuona vanhu zvisizvo kungatikanganisa sei?

7 Somuenzaniso, muKristu angafunga kuti vose vari mundima yake vakaramba zvachose mashoko akanaka. (Zvir. 6:10, 11) Angati, ‘Kana pasina achabvuma mashoko akanaka, ndinobishairirei zvangu kuedza kubatsira vanhu?’ Ichokwadi kuti iye zvino vakawanda vangave vakarara pakunamata, asi mamiriro avo ezvinhu nemafungiro zvinogona kuchinja. Vamwe vanozomuka vogamuchira chokwadi. Uye tinogona kuvabatsira kana isu pachedu tikaramba takamuka, nokuedza nzira itsva dzokuparidza dzinoita kuti vafarire shoko roUmambo. Kuramba takamuka kunosanganisirawo kuyeuka kuti nei ushumiri hwedu huchikosha.

NEI USHUMIRI HWEDU HUCHIKOSHA?

8. Nei ushumiri hwedu hwechiKristu huchikosha chaizvo?

8 Yeuka kuti pasinei nokusafarira kungaita vanhu, kuparidza kwatinoita kunokudza Jehovha uye kunokosha pakuzadziswa kwechinangwa chake. Pasina nguva, vaya vasingateereri mashoko akanaka vachatongwa. Zvinoitwa nevanhu patinoparidza ndizvo zvichashandiswa pakuvatonga. (2 VaT. 1:8, 9) Uyezve, kwaizova kukanganisa kuti muKristu afunge kuti hapana chikonzero chokushingaira pakuparidza nokuti “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Tinoziva kuti Shoko raMwari rinoti vaya vachatongwa se“mbudzi” “vachaenda mukugurwa kusingaperi.” Kuparidza kwatinoita kunoratidza ngoni dzaMwari, kuchipa vanhu mukana wokuchinja uye wokuwana “upenyu husingaperi.” (Mat. 25:32, 41, 46; VaR. 10:13-15) Kana tikasaparidza, vanhu vachawana sei mukana wokunzwa shoko rinogona kuvaponesa?

9. Kuita basa rokuparidza mashoko akanaka kwakakubatsira sei uye kwakabatsira sei vamwe?

9 Kuparidza mashoko akanaka kunotibatsirawo. (Verenga 1 Timoti 4:16.) Hausati wamboona here kuti kutaura nezvaJehovha netariro yoUmambo kunosimbisa kutenda kwako uye kuda kwaunoita Mwari? Hakuna kukubatsira here kuva nounhu hwechiKristu? Kuratidza kuzvipira kwako kuna Mwari nokuita ushumiri hakuiti kuti ufare here? Vaya vakawana ropafadzo yokudzidzisa vamwe chokwadi, vakafara chaizvo pavakaona mudzimu waMwari uchibatsira vatsva ivavo kunatsiridza upenyu hwavo.

NYATSOCHERECHEDZA

10, 11. (a) Jesu naPauro vakaratidza sei kuti vaingwarira uye vainyatsocherechedza? (b) Tingaratidza sei kuti takangwarira uye tinonyatsocherechedza patinenge tiri muushumiri?

10 Vanhu vanogona kubatsirwa nenzira dzakasiyana-siyana kuti vatange kufarira mashoko akanaka. Saka vashumiri vechiKristu vanofanira kunyatsocherechedza. Jesu ndiye muenzaniso wedu. Ainge akakwana, saka aigona kuona kushatirwa kwaiva mumwoyo memumwe muFarisi, kunyatsopfidza kwemumwe mukadzi mutadzi, uye kuzvipira kweimwe chirikadzi. (Ruka 7:37-50; 21:1-4) Jesu aigona kubatsira mumwe nomumwe wavo panyaya yokunamata. Zvisinei, mushumiri waMwari haafaniri hake kuva akakwana kuti agone kunyatsocherechedza. Muapostora Pauro akaratidza izvozvo. Aichinja-chinja mharidzo dzake kuti dzifarirwe nevanhu vakasiyana-siyana.—Mab. 17:22, 23, 34; 1 VaK. 9:19-23.

11 Kana tikaedza kungwarira uye kunyatsocherechedza sezvaiita Jesu naPauro, tinogona kuona nzira yakanakisisa yokuita kuti vatinosangana navo vafarire. Somuenzaniso, paunosangana nevanhu, tarisa zvingangokubatsira kuziva tsika dzavo, zvavanofarira, uye kuti vane mhuri here. Pamwe unogona kuona zvavanenge vachitoita woshandisa izvozvo kutanga kukurukura navo.

12. Patinenge tiri muushumiri, nei tichifanira kungwarira kukurukura kwatinoita nemumwe wedu?

12 Munhu anonyatsocherechedza anoedza kudzivisa zvinhu zvingamutora pfungwa. Patinenge tiri muushumiri, kukurukura nomumwe wedu kunogona kutibatsira. Kunyange zvakadaro, tinofanira kuyeuka kuti chinangwa chokubuda muushumiri ndechokuparidzira vamwe. (Mup. 3:1, 7) Saka tinofanira kungwarira kuti kukurukura kwatinoita tichibva pane imwe imba hakukanganisi ushumiri hwedu. Kukurukura zvatingada kuudza vanhu vanofarira inzira yakanaka yokuchengeta pfungwa dzedu dziri pachinangwa chedu. Uyewo, kunyange zvazvo dzimwe nguva foni yeserura ingatibatsira kuti tibudirire muushumiri, tinofanira kutora matanho okuti isativhiringidze patinenge tichikurukura nasaimba.

FARIRA VANHU

13, 14. (a) Tingaziva sei zvinofarirwa nemunhu? (b) Chii chingaita kuti vanhu vatange kufarira zvekunamata?

13 Vashumiri vakamuka uye vakangwarira vanonyatsoteerera vamwe pavanotaura. Mibvunzo ipi yaungabvunza kuti mumwe munhu ari mundima yenyu ataure zvaanofunga? Ari kunetseka here nokuwanda kwaita machechi, kurwisana kuri kuita vanhu, kana kuti kukundikana kwaita hurumende? Unogona here kuita kuti afarire zvekunamata nokutaura masikirwo anoshamisa akaitwa zvinhu zvipenyu kana kuti kubatsira kunoita zano reBhaibheri? Vanhu vakasiyana-siyana, kunyange vanoti Mwari haako vanofarira nyaya yokunyengetera. Vakawanda vanonetseka kana paine anoteerera minyengetero. Vamwe vangafarira mibvunzo yakadai: Mwari anonzwa minyengetero yose here? Kana asingateereri yose, tinofanira kuitei kuti anzwe minyengetero yedu?

14 Tinogona kudzidza zvakawanda nezvekutanga kukurukura nevanhu kwatingaita nokucherechedza zvinoitwa nevaparidzi vane unyanzvi. Ona kuti vanodzivisa sei kuita sevari kubvunzurudza vanhu kana kupindira muupenyu hwavo. Inzwi ravo uye uso zvinoratidza sei kuti vanofarira kunzwisisa maonero asaimba?—Zvir. 15:13.

MUTSA UYE UNYANZVI

15. Nei tichifanira kuva nomutsa patinoita basa rokuparidza?

15 Unoda here kumutswa wakafa zvako nehope? Vakawanda vanoshatirwa pavanongoerekana vamutswa. Vanowanzoda havo kumutswa zvinyoronyoro. Ndizvo zvazvakaita panyaya yokuedza kumutsa vanhu pane zvekunamata. Somuenzaniso, kana mumwe munhu akashatirwa paunomushanyira, ungaitei? Mutende nemaonero aanoita uye kutaura kwaaita zviri pamwoyo, wobva waenda zvako. (Zvir. 15:1; 17:14; 2 Tim. 2:24) Mutsa wako ungaita kuti munhu akadaro azobvuma kuparidzirwa chimwe Chapupu pachinozomushanyira.

16, 17. Tingaratidza sei uchenjeri patinenge tiri muushumiri?

16 Pamwe pacho unogona kubudirira kuparidzira munhu asiri kuda kuteerera. Mumwe munhu angati, “Maita henyu. Ini ndine chechi yangu” kana kuti, “Handifariri.” Angadaro nokuti chete ndiyo nzira iri nyore yokuti musaenderere mberi muchikurukura. Asi ukashandisa unyanzvi uye ukava nemutsa unogona kubvunza mubvunzo uchaita kuti saimba atange kufarira zvekunamata.—Verenga VaKorose 4:6.

17 Dzimwe nguva patinosangana nevanhu vanofunga kuti vakabatikana zvokuti havana nguva yokuteerera, zvakanaka kuvasiya woenda zvako. Asi pamwe pacho ungakwanisa kutaura zvishomanana zvine musoro. Dzimwe hama dzinokwanisa kuvhura Bhaibheri, kuverenga rugwaro runotokonya pfungwa, uye kusiya vabvunza saimba mubvunzo, zvose vachizviita neisingapfuuri miniti. Pamwe pacho izvozvo zvakaita kuti saimba afarire zvokuti akazoona kuti akanga asina kubatikana zvokutadza kukurukura zvishoma. Wadii waedza kuita izvozvo kana zvichiita?

18. Tingaitei kuti tiwedzere kubudirira pakupupura zvisina kurongwa?

18 Patinosangana nevanhu tichiita mabasa edu ezuva nezuva, tinogona kuita kuti vafarire mashoko akanaka kana takagadzirira kupupura zvisina kurongwa. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinotakura mabhuku muhomwe kana mubhegi. Vanogona kuvawo nerugwaro rweBhaibheri mupfungwa rwavangaverengera vamwe kana mukana wacho ukamuka. Unogona kutaura nemutariri webasa kana kuti mapiyona ari muungano yenyu kuti ungagadzirira sei kuita izvozvo.

KUMUTSA VEUKAMA ZVINYORONYORO

19. Nei tisingafaniri kukanda mapfumo pasi panyaya yokubatsira veukama?

19 Zvingori muropa kuti tide kubatsira veukama kugamuchira mashoko akanaka. (Josh. 2:13; Mab. 10:24, 48; 16:31, 32) Kana kekutanga vakaramba, izvozvo zvinogona kuita kuti tisanzwa shungu dzokuedzazve. Tingafunga kuti hapana zvatingaita kana zvatingataura zvichaita kuti vachinje. Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvingaita kuti upenyu hwehama dzako kana maonero adzo zvichinje. Kana kuti iwe unogona kunge wavandudza unyanzvi hwokutsanangura chokwadi zvokuti vanogona kubvuma.

20. Nei zvichikosha kuti ungwarire paunenge uchitaura neveukama?

20 Tinofanira kuremekedza mafungiro ehama dzedu. (VaR. 2:4) Tinofanira kutaura navo nemutsa sezvatinongoita nevanhu vatinosangana navo tichiparidza. Taura navo nemutsa uye neruremekedzo. Usingaite seuri kuvaparidzira, varatidze kuti chokwadi chakakubatsira sei. (VaEf. 4:23, 24) Nyatsovaratidza kuti Jehovha akakukomborera sei ‘achikudzidzisa kuti ubatsirwe.’ (Isa. 48:17) Ita kuti hama dzako dzione pauri chinonzi kurarama kwechiKristu.

21, 22. Rondedzera zvakaitika zvinoratidza kukosha kwokushingirira kubatsira veukama pakunamata.

21 Nguva pfupi yapfuura, imwe hanzvadzi yakanyora kuti: “Ndakagara ndichiedza kuparidzira vana vomumba medu vanokwana 13 nezvandinotaura uye nemaitiro angu. Gore raisapera ndisina kunyorera mumwe nomumwe wavo tsamba. Asi kwemakore 30, ndini ndave ndiri Chapupu chete mumhuri yedu.”

22 Hanzvadzi yacho inowedzera kuti: “Mumwe musi ndakafonera sisi vangu vanogara kure kure. Vakandiudza kuti vakakumbira mufundisi wavo kuti avadzidzise Bhaibheri, asi haana. Pandakati ndaigona kuvabatsira, vakati: ‘Zvakanaka, asi ndiri kukuudza kuti: Handizombofi ndakava mumwe weZvapupu zvaJehovha.’ Ndakavatumira bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, uye pashure pemazuva mashomanana oga oga ndaivafonera. Asi vainge vasati vavhura bhuku racho. Ndakazovakumbira kuti vatore bhuku ravo, uye kwemaminitsi 15 pafoni taiverenga uye taikurukura mamwe emagwaro arimo. Pashure pokufona kanoverengeka, vainge vava kuda kudzidza kwemaminitsi anopfuura 15. Vakabva vatanga kundifonera ivo kuti tidzidze, dzimwe nguva ndisati ndamuka mangwanani uye dzimwe nguva kaviri pazuva. Gore rakatevera, vakabhabhatidzwa, uye rakazotevera racho, vakatanga kupayona.”

23. Nei tisingafaniri kuneta pakuedza kumutsa vanhu pakunamata?

23 Kubatsira vanhu kuti vamuke pakunamata kunoda unyanzvi uye kunoda kushingirira. Kuchine vakawanda vari kubvuma kubatsirwa kuti vamuke. Paavhareji, vanhu vanopfuura 20 000 vanobhabhatidzwa mwedzi woga woga vachiva Zvapupu zvaJehovha. Saka ngatiteererei zano raPauro raakanyorera hama yedu yomuzana remakore rokutanga yainzi Akipasi, achiti: “Ramba uchichenjerera ushumiri hwawakagamuchira munaShe, kuti uhuite.” (VaK. 4:17) Nyaya inotevera ichatibatsira kunzwisisa zvinorehwa nokuparidza tichiziva kuti nguva yapera.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 13]

ZVINGAKUBATSIRA KUTI URAMBE WAKAMUKA

▪ Ramba wakabatikana nokuita zvinoda Mwari

▪ Dzivisa mabasa erima

▪ Ziva ngozi yokurara pakunamata

▪ Ona zvakanaka vanhu vari mundima yenyu

▪ Edza nzira itsva dzokuparidzira vamwe

▪ Yeuka kukosha kwoushumiri hwako