Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaya Youpenyu

“Kuruoko Rwenyu Rworudyi Kune Zvinofadza Nokusingaperi”

“Kuruoko Rwenyu Rworudyi Kune Zvinofadza Nokusingaperi”

Yakataurwa naLois Didur

Muupenyu hwako, kangani kawakataura mashoko akadai sokuti, ‘Dai ndisina hangu kumbobvira ndasarudza izvozvo’? Mumakore 50 andave ndiri mubasa renguva yakazara, handiyeuki chinhu chakanditadzisa kunyatsofara chakakonzerwa nokuva kuruoko rworudyi rwaJehovha. Regai ndikuudzei nei ndichidaro.

NDAKABEREKWA muna 1939 uye ndakakurira kumaruwa eSaskatchewan, Canada, mumhuri yaiva nevasikana vashanu nemukomana mumwe chete. Upenyu hwepapurazi rakati sandara hwainakidza. Rimwe zuva, Zvapupu zvaJehovha zvakashanyira baba, ndikazvibvunza kuti Mwari ane zita here. Zvakatiratidza zita rokuti Jehovha pana Pisarema 83:18. Izvi zvakaita kuti ndide kuziva zvakawanda nezvaMwari uye Shoko rake.

Makore iwayo, vana vomumapurazi vaienda kuzvikoro zvaiva nekirasi imwe chete kusvikira vava nemakore anenge 13 vachidzidza vari pamwe chete. Vaienda kuchikoro nemabhiza kana netsoka kwemakiromita akawanda. Mhuri dzemunzvimbo iyoyo ndidzo dzaiita majana okuchengeta mudzidzisi. Rimwe gore chaive chijana chevabereki vangu kuchengeta mudzidzisi mutsva ainzi John Didur.

Ndaisatomboziva kuti jaya iri raifarirawo chaizvo Shoko raMwari. Rimwe zuva ndairumbidza hurumende dzegutsaruzhinji idzo dzainziwo nababa vangu dzakanaka. John akapindura zvinyoronyoro achiti: “Hakuna munhu ane kodzero yokutonga vamwe. Mwari chete ndiye ane kodzero iyoyo.” Izvi zvakaita kuti tizotaura dzimwe nyaya dzakawanda dzainakidza.

John akaberekwa muna 1931, saka ainge anzwa nezvematambudziko aikonzerwa nehondo. Pakatanga Hondo yokuKorea muna 1950, akabvunza vakuru vemachechi vakasiyana-siyana nezvokupindira kwavaiita muhondo. Vose vakati hapana chakaipa kuti vaKristu vaende kuhondo. Akazobvunzawo Zvapupu zvaJehovha. Vakamuratidza neMagwaro kuti vaKristu vepakutanga vaisaita zvehondo. John akabhabhatidzwa muna 1955. Ini ndakazobhabhatidzwa gore rakatevera racho. Taiva nechido chokushumira Jehovha kwoupenyu hwedu hwose uye nesimba redu rose. (Pis. 37:3, 4) Saka muna July 1957, takaroorana.

Kwemakore akawanda, zuva ratakachata raisvika tiri pagungano reruwa. Taifara chaizvo kuti taiva pamwe nezviuru zvevanhu zvairemekedza urongwa hwokuroorana. Gungano renyika dzakawanda ratakatanga kupinda raiva remuna 1958. Takaenda kuNew York City nemotokari tichibva kuSaskatchewan tiri vashanu. Vhiki rose taiva parwendo uye usiku tairara mutende. Takashamiswa chaizvo imwe hama yatakasangana nayo muBethlehem, Pennsylvania payakati tinorara kumba kwayo. Mutsa wayakaratidza wakaita kuti tisvike kuNew York City takachena uye zvinhu zvedu zvakarongedzeka. Gungano iroro rakakura rakatibatsira kuona kufara kukuru kunobva pakushumira Jehovha. Zvakafanana nezvakataurwa nomunyori wepisarema kuti, “kuruoko rwenyu rworudyi kune zvinofadza nokusingaperi.”—Pis. 16:11.

KUPAYONA

Gore rakatevera, muna 1959, tainge tichipayona tichigara mukaravhani duku yaiva pamusoro pechikomo chaiva muSaskatchewan. Waikwanisa kuona nzvimbo dziri kure, uye dzimwe dzacho dzaitova ndima yedu yokuparidza.

Rimwe zuva takagamuchira tsamba yaifadza chaizvo yaibva kubazi. Ndakamhanyira kwaiva naJohn uyo aigadzira tarakita. Tsamba yacho yaiti tinova mapiyona chaiwo mutaundi reRed Lake, riri muOntario. Sezvo taisaziva kuti raiva kupi, takabva tangotora mamepu kuti tiritsvage.

Iyi nzvimbo yainge yakasiyana chaizvo nekwataimbogara. Yaiva nemasango akakura uye maguta maduku aiva pedyo nemigodhi yegoridhe. Pataitsvaga pokugara pazuva rokutanga, kamwe kasikana kakanzwa tichitaura nemuvakidzani wavo. Kakamhanya kumba kwaiva naamai vako uye vakatipa pokurara zuva iroro. Mubhedha wacho waiva muimba isina simende. Mangwana acho takawana imba yemapuranga yaiva nemakamuri maviri isina pombi dzemvura uye yainge isina kana chirimo kunze kwembaura chete. Takatenga zvinhu zvishoma muchitoro chinotengesa zvinhu zvitsaru tikabva tangogutsikana zvedu.

Ungano yatingatoti ndiyo yaiva pedyo, yaiva kure nemakiromita 209. Vashandi vakawanda vomumigodhi yegoridhe vaibva kuEurope uye vakatikumbira kuti tivatsvakire maBhaibheri emutauro wavo. Pasina nguva, takanga tava nezvidzidzo zveBhaibheri 30 zvakanaka chaizvo. Mumwedzi mitanhatu, munzvimbo iyoyo makanga matova neungano duku.

Mumwe murume womudzimai wataidzidza naye akafonera mupristi wokuchechi kwavo kuti auye kuzobatsira mudzimai wake. Pataikurukura, mupristi wacho akati taifanira kunge tichidzidzisawo Utatu. Mudzimai wacho akatora Bhaibheri ravo rokuRoma uye akati mupristi wacho arishandise kutsigira zvaaitaura. Akakandira Bhaibheri racho kune rimwe divi retafura achiti aisada kurishandisa. Ava kuenda, akataura nechiUkrainian kuti vanofanira kutidzinga uye kusambotigamuchirazve. Chaasina kuziva ndechokuti John ainzwa mutauro wacho.

Pasina nguva, takabva kuRed Lake nokuti John aifanira kunodzidziswa basa romudunhu. Asi kwapera gore, John paaipa hurukuro yorubhabhatidzo pagungano reruwa, murume iyeye aibhabhatidzwawo. Zvakaitika pataikurukura nomupristi uya zvainge zvaita kuti atange kuongorora Bhaibheri.

BASA ROKUFAMBIRA

Mudunhu taiva neropafadzo yakazonaka yokugara nemhuri dzakasiyana-siyana dzakawanda. Takava pedyo chaizvo nevaya vaitigamuchira. Pane pamwe patakagara muimba yepamusoro yaitonhora chaizvo. Mangwanani-ngwanani, tainzwa hanzvadzi yechikuru yepamba pacho ichipinda chinyararire mataiva kuti ibatidze moto. Pasina nguva yaizodzoka nedhishi nemvura inodziya kuti tigadzirire zvezuva racho. Ndakadzidza zvakawanda kubva paunyoro hwehanzvadzi iyoyo.

Basa rokufambira rakandibatsira kuswedera pedyo naJehovha. Rimwe dunhu romuAlberta raisanganisira mumwe mugodhi waiva nechokumusoro, kwaigara imwe hanzvadzi. Sangano raJehovha raiona sei hanzvadzi iyoyo yaiva kwayo yoga? Mwedzi mitanhatu yoga yoga taiendako nendege topedza svondo rose tichiparidza uye tichipinda misangano nayo sezvataingoita neungano huru dzomuguta. Chaiva chiyeuchidzo chakanaka chokutarisira kunoita Jehovha gwai duku rimwe nerimwe.

Taigara tichinyorerana tsamba nevakawanda vaitipa pokugara. Izvozvo zvinondiyeuchidza nezvechimwe chezvipo zvokutanga zvandakapiwa naJohn, kabhokisi kakanaka kemapepa okunyorera. Tainakidzwa chaizvo nokunyorerana tsamba neshamwari tichishandisa mapepa iwayo. Kabhokisi ikako kachiri pamwoyo wangu.

Pataiva mune rimwe dunhu muToronto, imwe hama yokubazi rekuCanada yakafona ichibvunza kana taida kunoshanda kuBheteri. Yaida mhinduro yacho rini? Yakati: “Mangwana, kana zvichiita!” Mangwana acho takaiudza kuti taida.

BASA REPABHETERI

Kuchinja kwose kwataiita basa kwakatiratidza nzira dzakasiyana-siyana dzokufadza kunobva muruoko rwaJehovha. Ndizvo zvazvaivawo patakaenda kuBheteri muna 1977. Kuwadzana nevamwe vevakazodzwa kwakatibatsira kuona unhu hwavo hwakasiyana-siyana uyewo kukoshesa kwavanoita Shoko raMwari.

Mashandiro ataiita paBheteri ainakidza. Somuenzaniso, zvipfeko zvedu zvainge zvava kugarawo mudhirowa pane kugara musutukezi uye tainge tavawo neungano. Kuwedzera pabasa rangu randaiita, ndainakidzwawo chaizvo nokuratidza vashanyi zvakaita paBheteri. Ndaitsanangura basa rinoitwa paBheteri, ndainzwa zvaitaurwa nehama dzaishanya, uye ndaipindura mibvunzo yavo.

Makore akamhanya, uye muna 1997 John akakokwa kuti anopinda Chikoro Chenhengo dzeDare reBazi kuPatterson, New York. Chikoro chapera, takakumbirwa kana taigona kutamira kuUkraine. Takakurudzirwa kunyatsofunga uye kunyengetera nezvazvo. Zuva parakazovira musi iwoyo, tainge tava kutoziva kuti taida kuendako.

KUTAMIRA KUUKRAINE

Muna 1992 takapinda gungano renyika dzakawanda muSt. Petersburg, Russia, uye muna 1993 takapinda rimwe muKiev, Ukraine. Magungano iwayo akaita kuti tide hama dzedu dzokuEastern Europe. Takanogara muLviv, Ukraine, muimba yainge yava nemakore munhurikidzwa yechipiri. Mahwindo acho ainge akatarira kuyadhi yaiva nekagadheni, jongwe guru dzvuku, nesheshe dzaiva nenhiyo. Zvaiita sokuti taive kupurazi rokuSaskatchewan. Taigara muimba iyoyo tiri 12. Mangwanani oga oga taidimbura nomuguta tichinoshanda kuBheteri.

Takanzwa sei nokuva muUkraine? Tainzwa setisiri chinhu kuva pakati pevakawanda vainge vapfuura nomumiedzo, varambidzwa kuita basa redu, uye vaiswa mumajeri, asi vakaramba vaine kutenda kwakasimba. Pataivarumbidza, vaiti, “Taizviitira Jehovha.” Havana kumbofunga kuti Mwari ainge avasiya. Kunyange iye zvino, kana ukatenda mumwe munhu, anopindura kuti, “Tendai Jehovha,” achibvuma kuti ndiye anotipa zvinhu zvose zvakanaka.

MuUkraine, vakawanda vanofamba netsoka kuenda kumisangano, saka vane nguva yokukurukura uye kukurudzirana. Vanogona kufamba kweawa kana kupfuura. MuLviv mune ungano dzinopfuura 50, uye 21 dzacho dzinoshandisa chivako chikuru chine Dzimba dzoUmambo dzakawanda. Musi weSvondo, zvinofadza chaizvo kuona hama dzakawanda dzichiuya kumisangano.

Hazvina kutitorera nguva kujairana nehama nehanzvadzi dzine mutsa uye dzinoda chaizvo kubatsira vamwe. Pandinonetseka kunzwisisa mutauro, vanondishivirira chaizvo. Mashoko avo omutsa uye zvavanoita zviso zvavo zvinoratidza kushivirira ikoko.

Muenzaniso unoratidza kuvimbana kunonyatsoita hama dzedu ndewezvakaitika pagungano renyika dzakawanda ra2003 muKiev. Takaenda kuchiteshi chezvitima chaiva nevanhu vakawanda uye kamwe kasikana kakauya kwatiri ndokuti zvinyoronyoro, “Ndarasika. Handisi kuona kuti mbuya vangu varipi.” Kasikana kacho kainge kaona mabheji edu, kakaziva kuti taiva Zvapupu. Kainge kakashinga uye hakana kuchema. Mumwe mudzimai womutariri wedunhu wataiva naye akakatora akaenda nako kuDhipatimendi Rezvakarasika munhandare. Pasina nguva, kasikana kacho kakaonanazve nambuya vako. Ndakabayiwa mwoyo nokunyatsovimba kwakaiita naMwari kunyange pakati pezviuru zvevanhu.

Hama dzaibva kunyika dzakawanda dzakauya kuUkraine muna May 2001 pakatsaurirwa bazi redu idzva. Pakapera hurukuro inokosha yakapiwa munhandare Svondo mangwanani, hama dzakawanda dzakafamba nomugwagwa dzichiuya kuzoratidzwa Bheteri idzva. Zvandakaona handimbofi ndakazvikanganwa! Ndakabayiwa mwoyo chaizvo kuona hama idzodzo dzaisaita ruzha uye dzainge dzakarongeka. Zvakaita kuti ndiwedzere kuonga kwandinoita kufadza kunoita kushumira Mwari.

KUCHINJA KUNORWADZA

Zvinosuwisa kuti muna 2004, John akabatwa kenza. Takaenda kuCanada kuti anorapwa. Mishonga yaakatanga kupiwa yainge iine simba chaizvo zvokuti akapedza masvondo ari munochengeterwa vanenge varwarisa. Asi akazopepuka. Kunyange zvazvo aisakwanisa kutaura, maziso ake airatidza kutenda vose vaimushanyira.

Urwere hwacho hwakangozoramba hwomusimbira, uye akafa musi waNovember 27, 2004. Ndakanzwa sokuti chikamu chomuviri wangu chainge chabviswa. Ini naJohn tainakidzwa chaizvo kushumira Jehovha tiri pamwe chete. Ndaizoitei? Ndakasarudza kudzokera kuUkraine. Ndinotenda chaizvo rudo rwemhuri yeBheteri uye ungano yandinopinda nayo.

Muupenyu hwedu hapana patakambodemba kuti tainge tatadza kusarudza. Hwange huri upenyu hunofadza, neshamwari dzakazonaka. Ndinoziva kuti kuchine zvakawanda zvokudzidza nezvokunaka kwaJehovha, uye ndinotarisira kuramba ndiri mubasa rake nokusingaperi nokuti zvechokwadi ndakawana ‘zvinhu zvinofadza kuruoko rwaJehovha rworudyi.’

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Muupenyu hwedu hapana patakambodemba kuti tainge tatadza kusarudza”

[Mufananidzo uri papeji 3]

Pandakachata naJohn

[Mufananidzo uri papeji 4]

Pandaiva piyona chaiye kuRed Lake, Ontario

[Mufananidzo uri papeji 5]

Ndiina John kuUkraine, muna 2002