Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kuona zvinonyadzisira kungasvika pakuipa zvokuti kunogona kudzingisa muKristu muungano here?

▪ Hongu kunogona. Ndicho chikonzero nei zvichikosha kuti tidzivise zvachose zvinonyadzisira, zvingava zvakaita zvokunyorwa, mifananidzo yemumabhuku, mafirimu, mavhidhiyo kana paIndaneti.

Zvinonyadzisira zviri kwose kwose panyika. Indaneti iri kuita kuti zvinonyadzisira zviwanike chaizvo kupfuura kare, uye vanhu vari kukanganiswa nazvo vari kuwanda. Vamwe, vakuru kana vaduku, vakangoerekana vasangana nezvinonyadzisira paIndaneti. Vamwe vakatoita zvokuzvitsvaga, vachifunga kuti hapana chinovatadzisa nokuti vanokwanisa kuzviverenga kana kuzviona pachivande vari mumba kana muhofisi. Nei nyaya iyi isiri yokutamba nayo kuvaKristu?

Tinowana chikonzero chinokosha payambiro yaJesu yokuti: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mat. 5:28) Kurara nemunhu wawakaroorana naye hakuna kuipa uye kunofadza. (Zvir. 5:15-19; 1 VaK. 7:2-5) Asi munhu anenge achiona zvinonyadzisira haanei naizvozvo. Chinangwa chake ndechekuona vanhu vanenge vachiita unzenza, izvo zvinoita kuti ave nemafungiro akaipa akanyeverwa nezvawo naJesu. Zviri pachena kuti kuverenga kana kuona zvinonyadzisira kunopesana nemurayiro waMwari wokuti: “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko kunoreva kunamata zvidhori.”—VaK. 3:5.

Zvakadini kana muKristu akamboona zvinonyadzisira kamwe chete kana kaviri? Izvozvo tingazvifananidza nezvakaitika kumunyori wepisarema Asafi uyo akati: “Asi ini, tsoka dzangu dzakanga dzava kuda kutsauka, nhanho dzangu dzakapotsa dzatsvedzemuka.” MuKristu wacho angava sei nehana yakachena uye angava sei nerugare naMwari kana akamboona mifananidzo yevarume kana kuti vakadzi vasina kupfeka kana murume nemukadzi vari kuita ufeve? Asafi haana kumbova nerugare, nokuti akati: “Ndakatambudzwa zuva rose, ndinoruramiswa mangwanani oga oga.”—Pis. 73:2, 14.

MuKristu anenge aita zvakaipa zvakadaro anofanira kupengenuka otsvaka kubatsirwa. Rubatsiro rwakadaro runowanika muungano nokuti zvinonzi: “Kunyange mumwe munhu akadarika asati azviziva, imi mune zvinodiwa zvomudzimu edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro, muchizvichenjerera.” (VaG. 6:1) Mukuru wechiKristu mumwe chete kana vaviri vanogona kumubatsira, ‘vachimunyengeterera nokutenda izvo zvinogona kuporesa murwere uye okanganwirwa chivi chake.’ (Jak. 5:13-15) Vaya vakatsvaka kubatsirwa kuti vazvichenese pakuona zvinonyadzisira, vakaona kuti kuswedera pedyo naMwari kwakavanakira, sezvakwainge kwakaita kuna Asafi.—Pis. 73:28.

Zvisinei, muapostora Pauro akati vamwe vainge vatadza havana kupfidza “pakusachena kwavo noufeve nokusazvibata.” * (2 VaK. 12:21) Mumwe muongorori weBhaibheri anonzi Marvin R. Vincent akanyora nezveshoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kusachena,” kuti rine “pfungwa yetsvina isingatauriki.” Zvinosuruvarisa kuti zvimwe zvinonyadzisira zvakatoipa kupfuura kungoona vanhu vasina kusimira kana vanenge vachiita zvepabonde. Kune zvinonyadzisa zvinosemesa zvinosanganisira ungochani (varume vanorara nevarume kana vakadzi vanorara nevakadzi), unzenza hunoitwa nevanhu vari boka, kurara nemhuka, zvinonyadzisira zvinoitwa nevana, utsinye hunoitirwa vakadzi pane zvepabonde, kuita zvepabonde nemunhu akasungwa kana kunakidzwa nokuona munhu achibatwa chibharo. Vamwe vomunguva yaPauro avo vaiva “murima mupfungwa,” vakasvika pakuva vasina ‘kana nepfungwa yose zvayo yetsika, uye vakazviregerera vasingazvibati kuti vaite zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose nokukara.’VaEf. 4:18, 19.

Pauro akataurawo nezve“kusachena” pana VaGaratiya 5:19. Mumwe muongorori weBhaibheri wokuBritain akataura kuti kusachena “kunogona kunyanya kureva chero chido chokurara nemunhu chakaipa.” Pane muKristu angaramba here kuti zvinhu zvinonyadzisira, zvinosemesa zvataurwa pamusoro apa ndizvo ‘zvido zvokurara nemunhu zvakaipa,’ tsvina isingatauriki? Pana VaGaratiya 5:19-21, Pauro akapedzisa nokuti vaya “vane tsika yokuita” zvinhu zvakadai zvisina kuchena “havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” Saka kana munhu akava nekatsika kekuona zvinonyadzisira zvinosemesa zvisina unhu, zvichida atova nenguva yakareba achizviita, uye asingapfidzi, anobviswa muungano yechiKristu. Anofanira kudzingwa kuitira kuti ungano ichengetedzwe uye irambe yakachena.—1 VaK. 5:5, 11.

Vamwe vaiva netsika yokuona zvinonyadzisira zvinosemesa, vakaita zvakanaka nokuenda kuvakuru kunobatsirwa kuti vachinje zvachose. Jesu akaudza vaKristu vaiva muSadhisi kuti: “Simbis[a] zvinhu zvasara zvakanga zvava kuda kufa, . . . ramba uchifunga nezvokugamuchira kwawakaita nokunzwa kwawakaita, uye ramba uchizvichengeta, upfidze. Chokwadi kunze kwokuti ukamuka, . . . hauzombozivi kuti ndichauya kwauri paawa ipi.” (Zvak. 3:2, 3) Zvinoita kuti munhu apfidze uye aite seabvutwa mumoto.—Jud. 22, 23.

Zviri nani chaizvo kuti mumwe nomumwe wedu atsidze mumwoyo make kuti arege kutambira pedyo nezvinhu zvakadai zvinokuvadza. Chokwadi, hatitombofaniri kuona chero zvinhu zvinonyadzisira!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Nezvekusiyana kwakaita “kusachena, ufeve uye kusazvibata,” ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2006, mapeji 29-31.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

MuKristu anenge aita zvakaipa anofanira kupengenuka otsvaka kubatsirwa