Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uine Pfungwa Yokuti Nguva Yapera

Ramba Uine Pfungwa Yokuti Nguva Yapera

Ramba Uine Pfungwa Yokuti Nguva Yapera

“Paridza shoko, shingaira [kurumidza] kuriparidza.”—2 TIM. 4:2.

UNGATSANANGURA HERE?

Nei vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaparidza vachiziva kuti nguva yapera?

Tingaramba sei tiine pfungwa yokuti nguva yapera?

Nei kuparidza Umambo kuchifanira kunyanya kuitwa iye zvino kupfuura kare?

1, 2. Mibvunzo ipi inomutswa nomurayiro wokuti ‘tikurumidze kuparidza’?

VANHU vanoita basa rokuponesa vamwe munjodzi vanowanzoshanda vachikurumidza. Somuenzaniso, vanodzima moto vanomhanyira kwavanenge vashevedzwa; vanoziva kuti upenyu hwevanhu hunogona kunge hwava pangozi.

2 SeZvapupu zvaJehovha, tinoda kubatsira vanhu kuti vaponeswe. Saka tinokoshesa chaizvo basa redu rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Asi hatingomhanyi-mhanyi zvisina chinangwa. Saka muapostora Pauro airevei paakarayira kuti: “Paridza shoko, shingaira [kurumidza] kuriparidza”? (2 Tim. 4:2) Tingaparidza sei tichiziva kuti nguva hapachina? Uye nei basa redu richifanira kukurumidza kuitwa?

NEI TICHIFANIRA KUKURUMIDZA KUPARIDZA?

3. Chii chinogona kuitika kana vanhu vakateerera kana kuti vakaramba shoko roUmambo?

3 Kana ukafunga kuti tinogona kuponesa vanhu vakawanda zvakadini nebasa redu rokuparidza, unogona kuona kuti tapererwa nenguva yokuudza vamwe mashoko akanaka. (VaR. 10:13, 14) Shoko raMwari rinoti: “Kana ini ndikati kumunhu akaipa: ‘Chokwadi uchafa,’ iye akatendeuka kubva pachivi chake, akaruramisira uye akaita zvakarurama, . . . chokwadi acharamba achirarama. Iye haazofi. Hapana zvivi zvake zvaakaita zvichayeukwa pamusoro pake.” (Ezek. 33:14-16) Bhaibheri rinotoudza vaya vanodzidzisa vamwe shoko roUmambo kuti: “Uchazviponesa iwe nevaya vanokuteerera.”—1 Tim. 4:16; Ezek. 3:17-21.

4. Nei basa rokuparidza raifanira kukurumidza kuitwa muzana remakore rokutanga?

4 Kuti tinzwisise chakaita kuti Pauro arayire Timoti kuti akurumidze kuparidza, tinofanira kufunga nezvekuri kuenda nenyaya yacho. Tinoverenga kuti: “Paridza shoko, shingaira [kurumidza] kuriparidza mumwaka wakakodzera, mumwaka unotambudza, tsiura, ranga, rayira, nomwoyo murefu nounyanzvi hwokudzidzisa. Nokuti pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nezvavanoda, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo; uye vacharamba kunzwa chokwadi.” (2 Tim. 4:2-4) Jesu ainge atotaura kuti vamwe vanhu vaizotsauka pakutenda. (Mat. 13:24, 25, 38) Izvozvo pazvakanga zvava kuda kuitika, Timoti aifanira kukurumidza ‘kuparidza shoko’ kunyange muungano kuitira kuti vaKristu vasafadzwa uye votsauswa nenhema. Upenyu hwevanhu hwaiva pangozi. Zvakadini mazuva ano?

5, 6. Patinenge tichiparidza, tingasangana nevanhu vane pfungwa dzipi dziri kufarirwa chaizvo?

5 Iye zvino vanhu vakaramba kunamata kwechokwadi vawanda uye vari kwose kwose. (2 VaT. 2:3, 8) Mazuva ano idzidziso dzipi dzinofarirwa nevanhu? Munzvimbo dzakawanda, dzidziso yokuti vanhu vakatanga vari mhuka yave ichisimudzirwa sezvinongoitwa dzidziso dzechitendero. Kunyange zvazvo dzidziso iyi ichiwanzotsanangurwa nemashoko esayenzi, yava kutoita sechitendero, ichikanganisa maonero anoita vanhu Mwari uye vamwe. Imwe dzidziso iri kwose kwose ndeyokuti Mwari haana basa nesu; saka hatifaniriwo kuva nebasa naye. Nei dzidziso idzi dzichifadza chaizvo zvokuti dzinoita kuti vakawanda varare pakunamata? Dzine pfungwa iyi imwe chete, ‘Unogona kuita chero chaunoda nokuti hapana anozokubvunza kuti wazviitirei.’ Chokwadi vanhu vakawanda vanofarira kunzwa izvozvo.—Verenga Pisarema 10:4.

6 Asi vanhu vanofadzwa nedzimwewo nzira. Vamwe vachiri kuenda kuchechi vanofarira kuudzwa nevadzidzisi vavo kuti, ‘Pasinei nezvaunoita, Mwari anongokuda zvakadaro.’ Vapristi nevafundisi vanofadza vamwe nokuvaudza kuti Misa, mabiko nemitambo zvechechi, uye zvifananidzo zvinounza makomborero. Vanhu ava havatombozivi zvavo kuti vari pangozi. (Pis. 115:4-8) Asi kana tikavamutsa pakunamata zvokuti vanonzwisisa shoko rechokwadi reBhaibheri, vanogona kubatsirwa noUmambo hwaMwari.

KUPARIDZA TICHIZIVA KUTI NGUVA YAPERA KUNOREVEI?

7. Tingaratidza sei kuti tinoziva kuti nguva yapera?

7 Chiremba anoziva basa rake anofanira kunyatsoisa pfungwa dzake pabasa rake nokuti akasadaro varwere vanogona kufa. Muushumiri hwedu, tinogona kuratidza kuti tapererwa nenguva nokuisa pfungwa pabasa redu. Izvi tinozviita nokufunga nyaya, mibvunzo, kana zvimwe zvingafarirwa nevatinosangana navo. Kuziva kuti nguva yapera kungaitawo kuti tigadziridze purogiramu yedu kuti tishanyire vanhu panguva yavangangotigamuchira.—VaR. 1:15, 16; 1 Tim. 4:16.

8. Kuziva kuti nguva yapera kunowanzosanganisirei?

8 Munhu anoziva kuti nguva yapera anoziva kuti zvinofanira kuva pokutanga ndezvipi. (Verenga Genesisi 19:15.) Somuenzaniso, ngatitii chiremba akushevedza kuti akuudze zvakawanikwa pakuongororwa kwawakaitwa, okuti: “Zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Wotokurumidza kurapwa. Unongova nemwedzi chete kuti ugadzirise zvinhu.” Zviri pachena kuti waisazobuda muhofisi yake uri bara kuti unogadzirisa dambudziko racho. Asi zvimwe waizoteerera zvaari kukurayira, woenda kumba, wonyatsofunga kuti ndezvipi zvaunofanira kutanga kuita.

9. Nei tingati Pauro paaiva muEfeso aiparidza achiziva kuti nguva yainge yapera?

9 Panyaya yokuita zvinhu tichiziva kuti nguva hapachina, tinogona kudzidza kuna Pauro pane zvaakaudza vakuru vokuEfeso nezvekuparidza kwaakaita muruwa rweEzhiya. (Verenga Mabasa 20:18-21.) Zvinoita sokuti kubvira pazuva raakasvika, akatanga kushanyira vanhu paimba neimba nemashoko akanaka. Uyewo, kwemakore maviri aigara “achikurukura zuva nezuva muimba huru yechikoro chaTirano.” (Mab. 19:1, 8-10) Zviri pachena kuti izvozvo aizviita nokuti aiziva kuti nguva yainge yapera. Chinangwa chezano rokuti ‘tikurumidze kuita ushumiri hwedu’ hachisi chokuti tiomerwe nebasa redu. Zvisinei, tinofanira kuisa basa rokuparidza pokutanga muupenyu hwedu.

10. Nei tichifara kuti vaKristu vakaparidza vachiziva kuti nguva yainge yapera makore 100 akapfuura?

10 Zvakaitwa neboka duku reVadzidzi veBhaibheri zvinotibatsira kuziva kunonzi kuparidza tichiziva kuti nguva yapera. Gore ra1914 risati rasvika, vakatanga kuparidza mashoko akanaka. Kunyange zvazvo vaingova zviuru zvishoma chete, vakanzwisisa kuti vaifanira kukurumidza kuita basa uye vakabva vabishaira kuparidza Umambo. Vakabudisa mharidzo mumapepanhau ane mazana uye vairatidza vanhu firimu rainzi “Photo-Drama of Creation.” Izvi zvakaita kuti vazivise vanhu vakawanda mashoko akanaka. Kudai vasina kubishaira, vangani vedu vangadai vakanzwa shoko roUmambo?—Verenga Pisarema 119:60.

USATANGA KUFUNGA KUTI HAPANA CHOKUMHANYIRA

11. Chii chakaita kuti vamwe vatange kufunga kuti hapana chokumhanyira?

11 Kutorwa pfungwa nezvimwe zvinhu kunogona kuita kuti munhu asafunga nezvekukosha kwebasa rokuparidza. Satani anoshandisa nyika yake kuti titorwe pfungwa nezvinhu zvatinoda uye zvimwewo. (1 Pet. 5:8; 1 Joh. 2:15-17) Vamwe vaimbokoshesa basa raJehovha vakatanga kufunga kuti paisava nechokumhanyira. Somuenzaniso, mumwe muKristu womuzana remakore rokutanga ainzi Dhemasi ‘aimboshanda’ naPauro, asi akazotorwa pfungwa nenyika yakaipa. Panzvimbo pokuti arambe achisimbisa hama yake munguva yenhamo, Dhemasi akasiya Pauro.—Fir. 23, 24; 2 Tim. 4:10.

12. Mukana upi watinawo iye zvino, uye mikana ipi yatichazowana nokusingaperi?

12 Kana tichizoramba tiine pfungwa yokuti nguva yapera, tinofanira kurwisa chido chokunakidzwa nezvinhu zvakawanda zvinowanika muupenyu. Tinofanira kushanda nesimba kuti tibatisise “upenyu chaihwo.” (1 Tim. 6:18, 19) Hapana mubvunzo kuti upenyu husingaperi pasi pano tichitongwa noUmambo hwaMwari huchatipa mikana isingaperi yokuita zvinhu zvinonakidza. Asi iye zvino tine mukana usingazombovipozve wokubatsira vamwe kuti vapone paAmagedhoni.

13. Zvatava vaKristu, tingaita sei kuti tisatanga kufunga kuti hapana chokumhanyira?

13 Vanhu vakawanda vari munyika vakarara pakunamata, saka isu tingaitei kuti tirege kutanga kufunga kuti hapana chokumhanyira? Tinofanira kuyeuka kuti isu taimboitawo setakarara murima. Asi takamutswa, uye Kristu akativhenekera sezvakataurwa naPauro. Iye zvino tine ropafadzo yokutakura chiedza. (Verenga VaEfeso 5:14.) Pauro akazonyora kuti: “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera, nokuti mazuva akaipa.” (VaEf. 5:15, 16) Munyika ino yakaipa, zvinokosha kuti ‘titenge nguva’ yokuita zvinhu zvichatibatsira kuramba takamuka pakunamata.

TIRI KURARAMA MUNGUVA INOKOSHA

14-16. Nei kuparidza Umambo kuchifanira kuitwa kunyanya iye zvino?

14 Ushumiri hwechiKristu hwagara huchifanira kukurumidza kuitwa, asi hunofanira kutokurumidza kuitwa iye zvino. Kubvira muna 1914, chiratidzo chinotaurwa neShoko raMwari chave chichioneka zvakajeka. (Mat. 24:3-51) Upenyu hwevanhu huri pangozi kupfuura kare. Pasinei nezvibvumirano zvakaitwa munguva pfupi yapfuura, nyika dzine masimba dzichiine zvombo zvenyukireya zvinenge 2 000 zvinogona kungoputitswa chero nguva. Hurumende dzinoti kune zvinhu zvinogadziriswa zvombo zvenyukireya zvine mazana zviri kungonyangarika. Kuti magandanga angava nezvimwe zvacho here? Vamwe vanoti vanhu vanogona kungotsakatiswa zviri nyore nehondo ingatangwa negandanga. Zvisinei, hondo handiyo chete inogona kutsakatisa vanhu.

15 Vemagazini inonzi The Lancet nevepaUniversity College London vakataura muna 2009 kuti: “Kuchinja kwemamiriro okunze ndiko kuri kunyanya kukanganisa utano munyika yose muzana rino remakore rechi21. Utano hwevakawanda huchakanganiswa chaizvo nemamiriro okunze mumakumi emakore anotevera uye upenyu hwevanhu vane mabhiriyoni huchava pangozi chaizvo.” Nzvimbo dzakawanda dzinogona kuparadzwa nemhosva yekukwirira kwemvura iri mugungwa, kusanaya kwemvura, mafashamo, zvirwere, madutu, uye kurwira kushomeka kwezvinhu. Zvechokwadi, hondo nenjodzi zviri kuisa upenyu hwevanhu pangozi.

16 Vamwe vangafunga kuti ngozi yehondo yenyukireya ingaita kuti paitike zvinhu zvichazadzisa “chiratidzo.” Zvisinei, vakawanda havanzwisisi chaizvo zvinorehwa nechiratidzo. Chave chichioneka kwemakumi emakore, uye izvozvo zvinoratidza kuti Kristu ave aripo zvechokwadi uye kuti kuguma kwenyika ino yakaipa kwava pedyo zvikuru. (Mat. 24:3) Iye zvino chiratidzo chacho chava kunyatsooneka kupfuura kare. Yava nguva yokuti vanhu vamuke pakunamata. Ushumiri hwedu hunogona kubatsira kuvamutsa.

17, 18. (a) ‘Mwaka’ watiri unoita kuti tiite sei? (b) Chii chingaita kuti vanhu vachinje maonero avanoita shoko roUmambo?

17 Kwangosara nguva pfupi yokuti tiratidze kuda kwatinoita Jehovha uye yokuti tipedze basa rokuparidza rinofanira kuitwa mumazuva ano okupedzisira. Zvakataurwa naPauro kuvaKristu vemuzana remakore rokutanga vaiva muRoma zvinotokosha zvakanyanya mazuva ano. Akati: “Munoziva mwaka, kuti yatova awa yokuti mumuke pahope, nokuti zvino ruponeso rwedu rwava pedyo kupfuura panguva yatakava vatendi.”—VaR. 13:11.

18 Zvinhu zvakanzi zvaizoitika mumazuva okupedzisira zvinogona kuita kuti vanhu vatange kuda zvekunamata. Vamwe pavanofunga nezvekukundikana kuri kuita hurumende kugadzirisa nyaya yezvombo zvenyukireya, matambudziko eupfumi, kurwisana, kana kuti kuparadzwa kwenyika, vanobva vaona kuti vanhu vanoda rubatsiro. Vamwe vanoitwa kuti vade zvokunamata nezvinoitika mumhuri dzavo, zvakadai sokurwara, kurambana, kana kuti kufirwa. Patinoita ushumiri hwedu, tinogona kubatsira vanhu vakadaro.

KUWEDZERA USHUMIRI NOKUTI NGUVA YAPERA

19, 20. Kuziva kuti nguva yapera kwakaita sei kuti vaKristu vakawanda vachinje mararamiro avo?

19 Kuziva kuti nguva yapera kwakaita kuti vaKristu vakawanda vawedzere ushumiri hwavo. Somuenzaniso, imwe hama yechiduku yokuEcuador nomudzimai wayo vakasarudza kuita kuti upenyu hwavo husave netwakawandawanda pavakapinda gungano rezuva rimwe chete ra2006 raiti “Ramba Uine Ziso Rakanaka.” Vakanyora zvinhu zvavaisada, uye mumwedzi mitatu vakatama mufurati ravo raiva nedzimba dzokurara nhatu vakanogara mune raiva neimwe chete, vakatengesa zvimwe zvinhu vakasara vasina chikwereti. Pasina nguva, vakatanga upiyona hwebetsero uye vakabvuma zvakataurwa nemutariri wedunhu zvokunoshanda neungano yaida vaparidzi vakawanda.

20 Imwe hama yokuNorth America yakanyora kuti: “Ini nemudzimai wangu patakapinda gungano muna 2006, tainge tava nemakore 30 tabhabhatidzwa. Tichidzokera kumba, takakurukura kushandisa kwataigona kuita zano rainge rapiwa rokuita kuti upenyu hwedu husave netwakawandawanda. (Mat. 6:19-22) Taiva nedzimba nhatu, masitendi, mota dzoumbozha, chikepe, uye zimotokari roumbozha rine mibhedha nemimwe midziyo. Takafunga kuti taiita sevaKristu vasina kuchenjera, uye takasarudza kupinda mubasa renguva yakazara. Muna 2008 takabatana nemwanasikana wedu mubasa reupiyona hwenguva dzose. Tave tichifara chaizvo kushanda takabatana nehama! Takakwanisa kushanda kunodiwa vaparidzi vakawanda. Uyewo kuitira Jehovha zvakawanda kwakatiswededza pedyo naye. Ropafadzo yakanyanya kukura ndeyekuona kushamisika uye kufara kunoita vanhu pavanonzwa uye pavanonzwisisa chokwadi cheShoko raMwari.”

21. Chii chinoita kuti tishingaire kuparidza?

21 Tinoziva kuti pasina nguva nyika ino yakaipa ichasvikirwa ne“zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” (2 Pet. 3:7) Kuziva Shoko raMwari kunoita kuti tishingaire kuzivisa nezvedambudziko guru riri kuuya uye nezvenyika itsva. Tiri kuramba tichiona kuti tanyatsopererwa nenguva yokubatsira vanhu kuti vave netariro yechokwadi. Tinoratidza kuti tinonyatsoda Mwari nevamwe, nokunyatsoita basa iri rinofanira kukurumidza kuitwa.

[Mibvunzo Yechidzidzo]