Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tinokumbirawo Kutorwa Pikicha”

“Tinokumbirawo Kutorwa Pikicha”

“Tinokumbirawo Kutorwa Pikicha”

Pakapera zuva rechipiri regungano reruwa, Josué, uyo anoshanda paBheteri kuMexico aitenderera zvake achiona guta rinonzi Querétaro. Javier nomudzimai wake Maru vokuColombia avo vainge vashanyira nyika iyi, vakakumbira Josué kuti avatore pikicha. Pavakaona kushambidzika kwainge kwakaita Josué neshamwari dzake uye vaine mabheji egungano, vakabvunza kana vaibva kunopembererera munhu ainge apedza kudzidza kana kumumwewo musangano unokosha. Josué akavatsanangurira kuti vaibva kugungano reZvapupu zvaJehovha uye akavakoka kuti vapindewo musi weSvondo.

Javier naMaru vakaona sokuti zvainyadzisa kupinda gungano nokuti vaisava nezvokupfeka zvakakodzera. Kunyange zvakadaro, Josué akavapa zita rake nenhamba dzefoni dzepabazi paaishanda.

Kwapera mwedzi mina, Josué akashamiswa paakafonerwa naJavier. Vainge vapinda gungano racho uye vava kuda kuti Zvapupu zvaJehovha zvivashanyire kuMexico City kwavaigara panguva iyoyo. Pasina nguva, Javier naMaru vakatanga kudzidza Bhaibheri, uye vakatangawo kupinda misangano. Pakazopera mwedzi gumi, vainge vava vaparidzi. Kunyange vakazotamira kuToronto, Canada, vakaramba vachifambira mberi uye vakabhabhatidzwa.

Josué akazogamuchira tsamba yaibva kuna Javier achitsanangura chainge chaita kuti ade kugamuchira chokwadi. “Tisati taenda kugungano, ini nemudzimai tainge tambokurukura kuti taida kutungamirirwa naMwari. Patakaona kushambidzika kwamainge makaita, takafunga kuti munofanira kunge maibva kumusangano unokosha chaizvo. Kugungano, takabayiwa mwoyo nerudo rwatakaratidzwa patakapiwa pokugara, nekubatsirwa kwatakaitwa kuvhura Bhaibheri uye nemufambiro wevainge vari pagungano racho. Havana kumbova nebasa nemapfekero atainge takaita sevashanyi.”

Josué akaona kuti mashoko aMambo Soromoni ndeechokwadi! Soromoni akanyora kuti: “Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru; nokuti hauzivi kuti zvichabudirira kupi, kuno here kana kuti uko, uye kana zvose zvazvo zvichava zvakanaka.” (Mup. 11:6) Unogona kudyara mbeu nokushandisa mikana yaunowana kuudza vamwe nezvegungano kana hurukuro yavose inotevera here? Jehovha anogona kukushandisa kukwezva vaya vane nzara nenyota yekunamata, sezvakaitika kuna Javier naMaru.—Isa. 55:1.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Alejandro Voeguelin, Maru Pineda, Alejandro Pineda, Javier Pineda, naJosué Ramírez vari pabazi rokuMexico