Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unopa Sei Vamwe Mazano?

Unopa Sei Vamwe Mazano?

Unopa Sei Vamwe Mazano?

Vamwe vanhu vakambokukumbira mazano here? Somuenzaniso, wakambobvunzwa mibvunzo yakaita seiyi here: ‘Ndoita sei? Ndoenda kupati iyi here? Ndosarudza kuita basa iri here? Ndoshamwaridzana nemunhu uyu here nechinangwa chokuzoroorana naye?’

Vamwe vanhu vangakukumbira zvichibva pamwoyo kuti uvabatsire kuita zvisarudzo zvine chokuita nokuwirirana kwavo neshamwari, nemhuri uye ukama hwavo naJehovha. Uchavapindura uchishandisei? Unowanzoita sei pakupa vamwe mazano? Zvisinei nokuti nyaya yacho inoita seduku kana kuti hombe, Zvirevo 15:28 inoti, “mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure.” Funga kuti magwaro mashanu anotevera angakubatsira sei pakupa vamwe mazano.

1 Tanga Waziva Kuti Zvinhu Zvakamira Sei. “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari uye kuzvinyadzisa.”ZVIR. 18:13.

Kuti tipe munhu zano rakanaka, tinofanira kutanga tanzwisisa maonero ake uye kuti zvinhu zvakamumirira sei. Tingazvienzanisira seizvi: Kudai mumwe munhu aizokufonera achibvunza kuti angasvika sei kumba kwenyu, waizoda kuzivei kuti umubatsire? Waizomuudza mugwagwa wokushandisa iwe usiri kuziva kuti anombori kupi here? Kana! Saizvozvowo, kupa mazano akanaka kunoda kuti munhu utange waziva mamiriro ezvinhu nemaonero zvemunhu wacho ari kutsvaka rubatsiro. Kuti pangava nezvimwewo zvinhu zvinoda kufungwa tisati tapindura here? Kana tisiri kunyatsoziva kuti zvinhu zvakamira sei, tinogona kupa mazano angatoita kuti munhu anyanye kuvhiringidzika.—Ruka 6:39.

Ona Kuti Akatotsvakurudza Zvakawanda Sei. Kungavawo kuchenjera kubvunza munhu wacho ari kutsvaka mazano mibvunzo yakadai: “Ndezvipi zvinotaurwa neBhaibheri zvaunofunga kuti zvinoshanda panyaya iyi?” “Chimwe nechimwe pane zvaunogona kusarudza, chakanakirei uye chakaipirei?” “Ndezvipi zvawakatotsvakurudza panyaya yacho?” “Vamwe vakadai sevakuru veungano, vabereki, kana kuti ari kukudzidzisa Bhaibheri, vakatokupa rubatsiro rwakaita sei?”

Mhinduro dzaanopa dzingatibatsira kuona kuti zvii zvaakatoita pakugadzirisa nyaya yacho. Uyewo tichapa zano tichiziva kuti vamwe vakatotii. Tingaonawo kana munhu wacho ari kungotsvaka munhu anomupa zano ‘raachafarira’ kunzwa.—2 Tim. 4:3.

2 Usamhanyira Kupindura.

“Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura.”JAK. 1:19.

Tingamhanyira kupindura tiine chinangwa chakanaka. Asi ikoko kuchenjera here, kunyanya kana tiri kukurukura nyaya yatisina kunyatsotsvakurudza? Zvirevo 29:20 inoti: “Unoona munhu anokurumidza kutaura here? Benzi rine tariro kupfuura iye.”

Tanga wava nechokwadi chokuti zvauchataura zvinonyatsopindirana nouchenjeri hwaMwari. Zvibvunze kuti, ‘Ndingava ndiri kukanganiswa nemafungiro uye “mudzimu wenyika” here?’ (1 VaK. 2:12, 13) Yeuka kuti kungova nechido chokubatsira hakuna kukwana. Muapostora Petro paakaziva nezvebasa rakaoma raifanira kuitwa naJesu, akamupa zano rokuti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.” Tingadzidzei pane zvakaitwa naPetro? Kuti kunyange munhu ane chido chokubatsira, akasangwarira anogona kusimudzira ‘pfungwa dzevanhu, kwete dzaMwari.’ (Mat. 16:21-23) Zvakakosha chaizvo kutanga tafunga tisati tataura! Zvinodaro nokuti uchenjeri hwedu hushoma chaizvo kana tichihuenzanisa nehwaMwari.—Job. 38:1-4; Zvir. 11:2.

3 Zvininipise Ushandise Shoko raMwari.

“Handiiti chinhu chandinozvitangira ndoga; asi ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.”JOH. 8:28.

Ungati here, “Dai ndiri iwe ndaizo . . . ”? Kunyange mhinduro yacho ichiita seiri pachena, zvakanaka kudzidza kuzvininipisa uye kuva nemwero sezvaiitwa naJesu. Aiva neuchenjeri uye ruzivo zvinopfuura zvemunhu chero upi zvake; asi akati: “Handina kutaura zvangu pachangu, asi ivo Baba . . . vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura.” (Joh. 12:49, 50) Jesu aigara achidzidzisa uye achipa mazano aienderana nezvaidiwa naBaba vake.

Somuenzaniso, pana Ruka 22:49 tinoverenga kuti vadzidzi vaJesu vakabvunza kuti vaifanira kurwa here paainge ava kuda kusungwa. Mumwe mudzidzi akatema munhu nebakatwa. Ona kuti munyaya imwe chete iyoyo pana Mateu 26:52-54 zvinhu pazvainge zvakadaro, Jesu akawana nguva yokubatsira mudzidzi wacho kuti afunge zvaidiwa naJehovha. Jesu akakwanisa kupa zano rokuchenjera iro rakaponesa upenyu uye rakafadza Jehovha nokuti aiziva zvinotaurwa pana Genesisi 9:6 uye uprofita huri pana Pisarema 22 naIsaya 53.

4 Shandisa Mabhuku Esangano Aunawo.

“Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera?”MAT. 24:45.

Jesu akagadza boka romuranda raanovimba naro rinotipa zvokudya zvinokosha zvinosimbisa pakunamata. Paunenge uchipa vamwe mazano panyaya dzinokosha, unotanga wanyatsotsvakurudza mumabhuku anotsanangura Bhaibheri here?

Watch Tower Publications Index neWatchtower Library * zvinoita kuti zvitiitire nyore chaizvo kuwana mashoko akawanda uye akajeka. Chaizova chikanganiso chaicho kune vaya vanogona kushandisa zvinhu izvi kusava nehanya nemashoko akawanda arimo! Mune misoro yenyaya ine zviuru, inoratidza nyaya zhinji dzinobatsira munhu anenge achitsvaka mazano. Une unyanzvi hwakadini pakubatsira vamwe kuongorora zvinotaurwa neBhaibheri uye kuona kuti zvinoshanda sei? Kungofanana nemepu inobatsira munhu kuona paari uye kuti asvike kwaari kuenda, zvinhu zvinoshandiswa pakutsvakurudza zvinogona kubatsirawo munhu kuona mugwagwa waari kufamba uye kuti angaramba sei ari panzira inoenda kuupenyu.

Vakuru vakawanda vakadzidzisa vaparidzi kutsvaka nyaya dzavanenge vachida vachishandisa Index kana kuti Watchtower Library, uye izvi zvinobatsira hama dzavo nehanzvadzi kusarudza zvokuita vachishandisa Magwaro. Rubatsiro rwakadaro runoita kuti vaparidzi vakwanise kugadzirisa voga zvinenge zvichivanetsa uye runoitawo kuti vave netsika yokutsvakurudza uye kuvimba nezvinhu zvatinopiwa naJehovha pakunamata. Izvi zvinoita kuti “simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaH. 5:14.

5 Usaedza Kusarudzira Vamwe Zvokuita.

“Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.”VAG. 6:5.

Munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira mazano aachashandisa. Jehovha anotipa tose zvedu rusununguko rwokusarudza kuti totungamirirwa nezvaanotaura here kana kuti torega. (Dheut. 30:19, 20) Bhaibheri rinotaura zvinhu zvakati wandei pane dzimwe nyaya, saka munhu anenge achitsvaka mazano ndiye achafanira kuzvisarudzira zvokuita. Zvichienderana nenyaya yacho kana kuti zera remunhu ari kutsvaka mazano, tingadawo kuzvibvunza kuti, ‘Ndini ndinofanira here kupindura mubvunzo uyu?’ Zvakanyanya kunaka kuti dzimwe nyaya dziendeswe kuvakuru veungano uye kana ari kubvunza ari wechiduku, dziendeswe kuvabereki vake.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 Iye zvino Watchtower Library iri paCD-ROM inowanika mumitauro 39. Watch Tower Publications Index inowanika mumitauro inopfuura 45.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

Zvamunogona Kuita Pakunamata Kwemhuri

Munogona kudzidza pamwe chete muchitsvaka mhinduro dzemibvunzo yamakabvunzwa munguva pfupi yapfuura. Inyaya dzipi uye magwaro api zvamunogona kuwana zvingabatsira munhu anenge achibvunza mibvunzo yakadaro? Somuenzaniso, ngatitii hama kana kuti hanzvadzi inokubvunzai nezvekufambidzana nomumwe munhu paine urongwa hwokuzoroorana. Muchishandisa Index kana kuti Watchtower Library, tangai nokutarira misoro inonyatsotaura nezvazvo. Somuenzaniso, muIndex mungatarisa misoro yakanzi “Dating” kana kuti “Marriage.” Madaro, tarisai tumisoro tune nyaya dzine chokuita naizvozvo. Pamunotarisa musoro mukuru, onai kana paine dzimwe nyaya dziri pakanzi “See also” dzingakuendesai kune mumwe musoro unonyatsotaura chaizvo zvamuri kutsvakurudza.

[Bhokisi riri papeji 9]

Urongwa hwakaitwa naJehovha achishandisa sangano rake hunotibatsira kupa kana kupiwa mazano akanaka chaizvo. Muparidzi 12:11 inoti: “Mashoko evakachenjera akaita sezvokubayisa mombe, uye vaya vanounganidza mitsetse yemashoko vakaita sezvipikiri zvakaroverwa; akapiwa achibva kumufudzi mumwe chete.” Kufanana nezvimiti “zvokubayisa mombe” zvainge zvakarodza zvaishandiswa pakudzora mombe dziri pajoko, zano rorudo uye rakanaka rinoratidza gwara rakanaka kune vaya vanoda havo. “Zvipikiri zvakaroverwa” zvinoita kuti chivako chisimbe. Kupa vamwe mazano akanaka kunogona kuitawo kuti vasimbe. Vanhu vakachenjera vanofara chaizvo pavanodzidza “mitsetse yemashoko” inoratidza uchenjeri hunobva “kumufudzi [wavo] mumwe chete,” Jehovha.

Tevedzera Mufudzi wacho paunenge uchipa mazano. Iropafadzo yakazonaka kuteerera uye kupa mumwe munhu mazano anobatsira pose patinokwanisa kuita izvozvo! Kana mazano edu akatorwa pane zvinotaurwa neBhaibheri, achava akanaka uye anogona kubatsira nokusingaperi munhu anenge akateerera.