Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usatarira “Zvinhu Zviri Shure”

Usatarira “Zvinhu Zviri Shure”

Usatarira “Zvinhu Zviri Shure”

“Hapana munhu anoti kana abata gejo otarira zvinhu zviri shure akanyatsokodzerwa noumambo hwaMwari.”—RUKA 9:62.

UNGAPINDURA SEI?

Nei tichifanira ‘kuyeuka mudzimai waRoti’?

Ndezvipi zvinhu zvitatu zvatisingafaniri kuramba tichifunga?

Tinoramba sei tichifambirana nesangano raJehovha?

1. Jesu akapa nyevero ipi, uye mubvunzo upi unovapo?

“YEUKAI mudzimai waRoti.” (Ruka 17:32) Yambiro iyoyo yakapiwa naJesu Kristu makore anoda kusvika 2 000 apfuura yava kukosha chaizvo kupfuura kare. Asi Jesu airevei neyambiro iyoyo? VaJudha vainge vakateerera vaisafanira havo kutsanangurirwa. Vaiziva zvainge zvaitika kumudzimai waRoti. Paaitiza muSodhoma nemhuri yake, haana kuteerera ndokubva acheuka akava shongwe yomunyu.—Verenga Genesisi 19:17, 26.

2. Chii chingave chakaita kuti mudzimai waRoti atarire shure, uye kusateerera kwake kwakaguma nei?

2 Asi chii chakaita kuti mudzimai waRoti atarire shure? Aida kuona zvaiitika here? Akacheuka nokuti aisava nokutenda here? Kana kuti akatarira mwoyo uchirwadziwa nezvose zvaakanga asiya muSodhoma here? (Ruka 17:31) Pasinei nokuti chii chakaita kuti acheuke, akafa pamusana pokusateerera. Pafunge! Akafa musi mumwe chete iwoyo wakafa vagari vakaipa vomuSodhoma neGomora. Ndokusaka Jesu akati: “Yeukai mudzimai waRoti”!

3. Jesu akasimbisa sei kuti hatifaniri kutarira shure?

3 Munguva ino yatiri, zvinokoshawo kuti tisatarira shure. Jesu akasimbisa pfungwa iyi paakapindura mumwe murume ainge akumbira kuti adzokere kumhuri yake kunoioneka asati ava mudzidzi. Jesu akati: “Hapana munhu anoti kana abata gejo otarira zvinhu zviri shure akanyatsokodzerwa noumambo hwaMwari.” (Ruka 9:62) Jesu ainge ari kumuomesera here nokupindura saizvozvo? Kwete, nokuti aiziva kuti chikumbiro chomurume uyu chaingova nzira yokuramba nayo basa raaifanira kuita. Jesu akarondedzera kuverengera kwakadaro sokutarira “zvinhu zviri shure.” Zvine basa here kana munhu ari kurima akamboti tarirei zviri shure kana kuti akatosiya gejo otendeuka? Izvozvo zvinobvisa pfungwa dzake pane zvaanofanira kunge achiita, uye zvinogona kukanganisa basa rake.

4. Tinofanira kuramba takatarira chii?

4 Pane kudzosa pfungwa kuzvinhu zvakapfuura, tinofanira kuramba takatarira zviri mberi. Zvirevo 4:25 inotaura izvozvo nenzira yakajeka ichiti: “Maziso ako ngaatarire mberi, chokwadi, iwo maziso ako anopenya ngaatarire mberi kwako.”

5. Nei tisingafaniri kutarira zvinhu zviri shure?

5 Pane chikonzero chakanaka nei tisingafaniri kutarira zvinhu zviri shure. Chikonzero chacho ndechei? Ano “mazuva okupedzisira.” (2 Tim. 3:1) Pasina nguva, nyika yose yakaipa ichaparadzwa, kwete maguta maviri chete akaipa. Chii chichatibatsira kuti tisaita zvakafanana nezvakaitwa nomudzimai waRoti? Tinofanira kutanga taona zvimwe zvinhu zviri shure zvingaita kuti ticheuke tichizvitarira. (2 VaK. 2:11) Saka ngatikurukurei kuti zvinhu izvozvo zvii, toona kuti tingadzivisa sei kuisa pfungwa pazviri.

MAZUVA EKARE AIVA NANI

6. Nei dzimwe nguva pfungwa dzedu dzichitinyepera?

6 Ngozi imwe chete iri pachena ipfungwa isina kururama yokuti mazuva ekare aiva nani. Dzimwe nguva pfungwa dzedu dzinombotinyepera. Tisingatombozivi kuti ndizvo zvatiri kuita, tinogona kutanga kufunga kuti matambudziko ekare ainge asina kunyanya kukura uye kuti taifara chaizvo, zvoita sokuti zvinhu zvaiva nani kupfuura zvazvaiva chaizvo. Izvozvo zvinogona kuita kuti tisuwe mazuva ekare. Asi Bhaibheri rinonyevera kuti: “Usati: ‘Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?’ nokuti kubvunza kwako pamusoro peizvi kushaya uchenjeri.” (Mup. 7:10) Nei mafungiro akadai aine ngozi chaizvo?

7-9. (a) Chii chakaitika kuvaIsraeri muIjipiti? (b) Chii chakaita kuti vaIsraeri vafare? (c) VaIsraeri vakatanga kugunun’una uye kunyunyutirei?

7 Funga zvakaitika kuvaIsraeri munguva yaMosesi. Kunyange zvazvo pakutanga vaIsraeri vaionekwa sevaeni munyika yeIjipiti, pashure pokunge Josefa afa, vaIjipiti “vakagadza vakuru vebasa rokumanikidzirwa kuti [vadzvinyirire vaIsraeri] pabasa ravo rinorema.” (Eks. 1:11) Pakupedzisira vanhu vaMwari vakanga voda kutsakatiswa sezvo Farao akaedza kuita kuti vasawanda. (Eks. 1:15, 16, 22) Saka hazvishamisi kuti Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Chokwadi ndaona kutambudzika kwevanhu vangu vari muIjipiti, uye ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwevaya vanovamanikidza kuti vashande; nokuti ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.”—Eks. 3:7.

8 Funga kufara kunofanira kunge kwakaita vaIsraeri pavaibuda vasisiri varanda munyika iyoyo! Vainge vaomeswa mate mukanwa nokuona simba raJehovha paakaunza Matambudziko Gumi pana Farao aizvikudza nevanhu vake. (Verenga Eksodho 6:1, 6, 7.) Kutaura zvazviri, vaIjipiti havana kungorega vaIsraeri vachienda vakasununguka, asi vakatoita zvokuvakurudzira kuti vaende, vakavapa ndarama nesirivha zvokuti zvaigona kunzi vanhu vaMwari “vakapedzera vaIjipiti.” (Eks. 12:33-36, The Bible In Union Shona, rine zviperengo zvanhasi) VaIsraeri vakafarazve pavakaona Farao neuto rake vachiparadzwa muGungwa Dzvuku. (Eks. 14:30, 31) Zvinofanira kuva zvaisimbisa kutenda kuona izvozvo zvichiitika!

9 Asi zvinoshamisa ndezvokuti pasina nguva Mwari aita chishamiso chokuvanunura, vanhu ivavo vakatanga kugunun’una uye kunyunyuta. Vaigunun’unirei? Zvokudya! Havana kugutsikana nezvavakapiwa naJehovha uye vakagunun’una vachiti: “Tinoyeuka hove dzataidya muIjipiti tisingatengi, magaka nemanwiwa nerikisi nehanyanisi negariki! Asi zvino mweya yedu yaoma. Maziso edu haana chimwe chaachiri kuona kunze kwemana iyi.” (Num. 11:5, 6) Chokwadi vakanga vasisaoni zvinhu nomazvo zvokuti vainge vava kutoda kudzokera kunyika yavaiva varanda! (Num. 14:2-4) VaIsraeri vakatarira zvinhu zvaiva shure uye Jehovha akavatsamwira.—Num. 11:10.

10. Tinodzidzei pane zvakaitika kuvaIsraeri?

10 Tinodzidzei mazuva ano? Patinotarisana nematambudziko kana nhamo, ngatiregei kuramba tichifunga kuti kare, zvimwe tisati tadzidza chokwadi, zvinhu zvaiva nani. Kunyange zvazvo pasina chakaipa nokufungisisa zvidzidzo zvatakawana pane zvakaitika kare kana kufarira zvimwe zvakaitika kare, tinofanira kuramba tichiona zvinhu izvozvo sezvazvaiva chaizvo. Tikasadaro, tinogona kuita kuti kusagutsikana nezvinhu zviripo iye zvino kuwedzere, tova mumuedzo wokudzokera kumararamiro edu ekare.—Verenga 2 Petro 2:20-22.

ZVINHU ZVATAKASIYA

11. Vamwe vanoona sei zvinhu zvavakasiya munguva yakapfuura?

11 Zvinosuwisa kuti vamwe vanotarira shure kuzvinhu zvavakasiya vofunga kuti vakatambisa mikana. Pamwe waiva nemikana yokuwana dzidzo yepamusorosoro, mukurumbira, kana kuti pfuma, asi wakasarudza kuzvisiya. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakasiya zvebhizimisi, zvevaraidzo, zvedzidzo, kana kuti zvemitambo izvo zvaigona kuvapa mari. Nguva yafamba, asi mugumo hausati wasvika. Unomborota here kuti ungadai uri papi kudai usina kusiya zvinhu izvozvo?

12. Pauro aiona sei zvinhu zvaainge asiya shure?

12 Muapostora Pauro akasiya zvakawanda kuti ave muteveri waKristu. (VaF. 3:4-6) Akaona sei zvinhu zvaakanga asiya? Anotiudza kuti: “Zvinhu zvakanga zviri pfuma kwandiri, izvi ndakazviona sokurasikirwa nokuda kwaKristu.” Nemhaka yei? Anoenderera mberi achiti: “Chokwadi, nokuda kwaizvozvo, zvechokwadi ndinoonawo zvinhu zvose sokurasikirwa kana ndichienzanisa nokukosha kukuru kwokuziva Kristu Jesu Ishe wangu. Ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake uye ndinozviona semarara mazhinji, kuti ndiwane Kristu.” * (VaF. 3:7, 8) Kufanana nomunhu anorasa marara asingazodembi kuti aarasirei, Pauro haana kudemba chero mukana upi zvawo wenyika waakanga asiya shure. Ainge ava kuona mikana iyoyo seisingakoshi.

13, 14. Tingatevedzera sei zvakaitwa naPauro?

13 Chii chichatibatsira kana tikatanga kufunga kuti takatambisa mikana? Tevedzera zvakaitwa naPauro. Ungazviita sei? Funga kukosha kwezvaunazvo iye zvino. Wava noukama hunokosha naJehovha uye wave wakatendeka kwaari. (VaH. 6:10) Ipfuma ipi yenyika yatingaenzanisa nemakomborero atiri kupiwa naMwari iye zvino uye atichapiwa mune ramangwana?—Verenga Mako 10:28-30.

14 Pauro akataurawo chimwe chinhu chichatibatsira kuramba takatendeka. Akati ‘ndinokanganwa zvinhu zviri shure, ndichisveerera zvinhu zviri mberi.’ (VaF. 3:13) Ona kuti Pauro anotaura matanho maviri atinofanira kutora. Kutanga, tinofanira kukanganwa zvinhu zvatakasiya shure, torega kutambisa simba rinokosha nenguva tichizvidya mwoyo nezvinhu izvozvo. Chechipiri, kufanana nemumhanyi ava kusvika patambo, tinofanira kusveerera uye kuramba takatarira zvinhu zviri mberi.

15. Tinobatsirwa sei patinofungisisa zvakaitwa nevashumiri vaMwari vakatendeka?

15 Patinofungisisa zvakaitwa nevashumiri vakatendeka vaMwari, vekare kana kuti vemazuva ano, tinogona kukurudzirwa kuramba tichienda mberi pane kutarira zvinhu zviri shure. Somuenzaniso, kudai Abrahamu naSara vakaramba vachifunga guta reUri, “vangadai vakava nomukana wokudzokera.” (VaH. 11:13-15) Asi havana kudzokera ikoko. Mosesi paakabva muIjipiti kekutanga, akasiya zvakawanda kupfuura zvakazosiyiwa nemuIsraeri chero upi zvake. Asi hapana pakanyorwa kuti aisuwa zvinhu izvozvo. Bhaibheri rinototiudza kuti “akaona kuzvidzwa kwaKristu sepfuma huru pane pfuma yeIjipiti; nokuti akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro.”—VaH. 11:26.

ZVAKAITIKA KARE ZVISINGAFADZI

16. Tingakanganiswa sei nezvakaitika kare?

16 Zvisinei, hazvisi zvose zvakaitika kare zvingaita sezvakanaka. Pamwe tinozvidya mwoyo nezvivi kana kuti zvikanganiso zvatakaita. (Pis. 51:3) Tingave tichiri kurwadziwa nezano ratakapiwa. (VaH. 12:11) Tingave tichingozvidya mwoyo nezvakaipa zvatakaitirwa kana kuti zvatinofunga kuti takaitirwa. (Pis. 55:2) Tingaitei kuti tive nechokwadi chokuti hatiregi izvozvo zvichiita kuti titarire zvinhu zviri shure? Funga nezvemienzaniso mitatu.

17. (a) Chii chakaita kuti Pauro ati aiva “muduku kupfuura muduku pavatsvene vose”? (b) Chii chakabatsira Pauro kuti arege kuzvidya mwoyo nepfungwa dzisina kunaka?

17 Zvatakakanganisa. Muapostora Pauro akati aiva “muduku kupfuura muduku pavatsvene vose.” (VaEf. 3:8) Nei aifunga kudaro? Anoti: “Nokuti ndakatambudza ungano yaMwari.” (1 VaK. 15:9) Funga kuti Pauro ainzwa sei paaisangana nevamwe vaainge ambotambudza! Zvisinei, pane kurega pfungwa idzodzo dzisina kunaka dzichimudya mwoyo, Pauro aifunga nezvemutsa waakanga aratidzwa. (1 Tim. 1:12-16) Pauro ainzwa achitenda chaizvo uye izvozvo zvaimubatsira kuramba achiita ushumiri hwake. Mararamiro ake okutadza ekare aivawo zvinhu zvaainge akatsunga kukanganwa nezvazvo. Kana isu tikafungawo nezvemutsa watakaratidzwa naJehovha, tichadzivisa kupedzwa simba nokuzvidya mwoyo nezvakaitika kare zvatisingakwanisi kuchinja. Tinogona kushandisa simba redu pabasa riripo iye zvino.

18. (a) Chii chingaitika kana tikatarira shure takagumbuka nemhosva yezano ratakapiwa? (b) Tingaita sei zvakataurwa naSoromoni panyaya yokugamuchira zano?

18 Zano rinorwadza. Zvakadini kana tikava nomuedzo wokutarira shure takagumbuka tichifunga zano ratakapiwa? Izvozvo zvinotirwadzisa uyewo zvinotinetesa zvokuti ‘tinopera simba.’ (VaH. 12:5) Hazvinei kuti ‘tinozvidza’ zano racho nokuriramba kana kuti ‘tinopera simba’ nokurigamuchira asi torega kurishandisa, zvose zvakafanana nokuti hatibvumiri zano racho kuti ritibatsire uye rinatsiridze unhu hwedu. Zviri nani chaizvo kuita zvakataurwa naSoromoni zvokuti: “Batisisa kurangwa; usakuregedza. Kuchengetedze, nokuti ndihwo upenyu hwako.” (Zvir. 4:13) Kufanana nomutyairi wemotokari anoteerera zviratidzo zvomumugwagwa, ngatibvumei zano, torishandisa, uye toenderera noupenyu.—Zvir. 4:26, 27; verenga VaHebheru 12:12, 13.

19. Tingatevedzera sei kutenda kwaHabhakuki naJeremiya?

19 Zvakaipa zvatakaitirwa kana kuti zvatinofunga kuti takaitirwa. Dzimwe nguva tinganzwa sezvakaita muprofita Habhakuki, uyo akachemera Jehovha kuti aruramisirwe, asinganzwisisi chaiita kuti Jehovha abvumire zvimwe zvinhu zvakaipa. (Hab. 1:2, 3) Zvinokosha chaizvo kuti titevedzere kutenda kwomuprofita iyeye, uyo akati: “Ini ndichapemberera Jehovha nomufaro; ndichafarira Mwari wokuponeswa kwangu.” (Hab. 3:18) Kufanana naJeremiya wemunguva yekare, kana tikaramba ‘takamirira’ tichinyatsotenda muna Jehovha, Mwari wokururamisira, tinogona kuva nechokwadi chokuti zvinhu zvose zvichagadziriswa panguva yakakodzera.—Mari. 3:19-24.

20. Tingaratidza sei kuti tiri ‘kuyeuka mudzimai waRoti’?

20 Tiri munguva inofadza. Pane zvinhu zvinoshamisa zviri kuitika iye zvino uye kune zvakawanda zviri pamberi apa. Mumwe nomumwe wedu ngaarambe achifambirana nesangano raJehovha. Ngatiteererei zano romuMagwaro rokuti titarire mberi kwete kuzvinhu zviri shure. Tikadaro ticharatidza kuti tiri ‘kuyeuka mudzimai waRoti’!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Shoko romutauro wepakutanga rakashandurwa pano kuti “marara” rairevawo zvinhu “zvinokandirwa imbwa,” “ndove,” “tsvina.” Mumwe muongorori weBhaibheri anoti kushandisa kwakaita Pauro shoko iri kunoratidza “kutsunga kusatarisa chinhu chisingakoshi uye chinosemesa icho munhu asisinei nacho zvachose.”

[Mibvunzo Yechidzidzo]