Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anotichengetedza Kuti Tiponeswe

Jehovha Anotichengetedza Kuti Tiponeswe

Jehovha Anotichengetedza Kuti Tiponeswe

“Imi muri kuchengetedzwa nesimba raMwari nokutenda nokuda kworuponeso rwakagadzirira kuratidzwa munguva yokupedzisira.”—1 PET. 1:5.

UNGAPINDURA SEI?

Jehovha akaita sei kuti tiuye kuzomunamata?

Tingaita sei kuti tibvumire Jehovha kutitungamirira nezano rake?

Jehovha anotikurudzira sei?

1, 2. (a) Chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti Mwari achatibatsira kuramba takatendeka? (b) Jehovha anoziva mumwe nomumwe wedu zvakadini?

“ANENGE atsungirira kusvikira pakuguma ndiye achaponeswa.” (Mat. 24:13) Nemashoko iwayo, Jesu akaratidza pachena kuti tinofanira kuramba takatendeka kusvikira kumugumo, kana tichida kuti Mwari atichengetedze tiri vapenyu paachaparadza nyika yaSatani. Asi izvi hazvirevi kuti Jehovha anotarisira kuti titsungirire nouchenjeri hwedu kana kuti nesimba redu. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaK. 10:13) Mashoko iwayo anorevei?

2 Kuti Jehovha ave nechokwadi chokuti hatiedzwi kupfuura zvatinogona kutsungirira, anofanira kunyatsotiziva, kusanganisira matambudziko atinosangana nawo, kuti tiri vanhu vakaita sei uye kuti tinokwanisa kutsungirira kusvika papi. Mwari anonyatsotiziva zvakadaro here? Hongu. Magwaro anoratidza kuti Jehovha anonyatsoziva mumwe nomumwe wedu. Anoziva zvatinoita zuva nezuva uye maitiro edu. Anogonawo kunzwisisa zvatinofunga uye zvinodiwa nemwoyo yedu.—Verenga Pisarema 139:1-6.

3, 4. (a) Zvakaitika kuna Dhavhidhi zvinoratidza sei kuti Jehovha anoongorora munhu mumwe nomumwe? (b) Ibasa ripi rinoshamisa riri kuitwa naJehovha mazuva ano?

3 Mwari Wemasimbaose anganyatsofarira vanhu zvakadaro here? Dhavhidhi, munyori wepisarema, akafungisisa mubvunzo uyu, akati kuna Jehovha: “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira, munhuwo zvake chiiko zvamunomufunga?” (Pis. 8:3, 4) Pamwe Dhavhidhi akabvunza mubvunzo uyu pamusana pezvakaitika kwaari. Jehovha akaona Dhavhidhi, mwanakomana wokupedzisira waJese, ‘somunhu aidiwa nomwoyo wake’ uye ‘akamutora kumafuro kwaaifudza makwai kuti ave mutungamiriri’ wevaIsraeri. (1 Sam. 13:14; 2 Sam. 7:8) Funga kuti Dhavhidhi anofanira kunge akanzwa sei paakaziva kuti Musiki wezvinhu zvose aitoziva zvaaifunga uye manzwiro ake kunyange zvazvo aingovawo zvake chikomana chaifudza makwai!

4 Zvinoshamisawo chaizvo kuti Jehovha achiri kufarira chaizvo mumwe nomumwe wedu mazuva ano. Ari kuunganidza vanhu ‘vanokosha vemarudzi ose’ kuti vauye kuzomunamata, uye ari kubatsira vashumiri vake kuti varambe vakaperera kwaari. (Hag. 2:7) Kuti tinyatsonzwisisa kuti Jehovha anotibatsira sei kuti tirambe takaperera, ngatitangei takurukura kuti anoita sei kuti vanhu vauye kuzomunamata.

MWARI ANOITA KUTI VANHU VAUYE KWAARI

5. Jehovha anoita sei kuti vanhu vauye kuMwanakomana wake? Taura muenzaniso.

5 Jesu akati: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” (Joh. 6:44) Mashoko aya anoratidza kuti tinofanira kubatsirwa naMwari kuti tive vadzidzi vaKristu. Jehovha anoita sei kuti vanhu vakaita semakwai vauye kuMwanakomana wake? Anoshandisa mudzimu mutsvene uye kuparidzwa kwemashoko akanaka. Somuenzaniso, Pauro nemamwe mamishinari aaiva nawo pavaiva muFiripi, vakaona mumwe mukadzi ainzi Ridhiya uye vakatanga kumuudza mashoko akanaka. Bhaibheri rinoti: “Jehovha akanyatsovhura mwoyo wake kuti ateerere zvinhu zvakanga zvichitaurwa naPauro.” Chokwadi, Jehovha akashandisa mudzimu wake kuti abatsire Ridhiya kunzwisisa zvaitaurwa, zvikaita kuti iye neveimba yake vabhabhatidzwe.—Mab. 16:13-15.

6. Mwari akaita sei kuti tose zvedu tiuye kuzomunamata?

6 Izvi zvakangoitika kuna Ridhiya chete here? Kwete. Kana uri muKristu akazvitsaurira, newewo Mwari akatoita kuti uuye kuzomunamata. Baba vedu vokudenga vane chimwe chinhu chakanaka chavakaona mauri sezvavakangoita mumwoyo maRidhiya. Pawakatanga kuteerera mashoko akanaka, Jehovha akakubatsira nomudzimu mutsvene kuti uanzwisise. (1 VaK. 2:11, 12) Pawakaedza kushandisa zvawaidzidza kuti uite kuda kwake, akakukomborera. Pawakatsaurira upenyu hwako kwaari, mwoyo wake wakafara. Chokwadi, kubvira pawakatanga kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu, Jehovha achingori newe.

7. Tinoziva sei kuti Mwari achatibatsira kuramba takatendeka?

7 Jehovha akatibatsira kuti titange kufamba naye, saka haazotisiyi toga, acharamba achitibatsira kuti tirambe takatendeka. Anoziva kuti zvatisina kuzviuyira toga muchokwadi, tinodawo rubatsiro rwake kuti tirambe tiri muchokwadi. Muapostora Petro akanyorera vaKristu vakazodzwa kuti: “Imi muri kuchengetedzwa nesimba raMwari nokutenda nokuda kworuponeso rwakagadzirira kuratidzwa munguva yokupedzisira.” (1 Pet. 1:5) Mashoko iwayo anogona kushandawo kuvaKristu vose uye tinofanira kuda kuziva nezvawo mazuva ano. Nei? Nokuti tose tinoda kubatsirwa naMwari kuti tirambe takatendeka kwaari.

ANOTIBATSIRA KUTI TISADARIKA

8. Nei tichifanira kungwarira kuti tisadarika?

8 Matambudziko oupenyu uye kusakwana kwedu zvinogona kubvisa pfungwa dzedu pakunamata zvoita kuti tive pangozi yokudarika tisiri kumbozviziva. (Verenga VaGaratiya 6:1.) Izvi zvinoratidzwa nezvakaitika muupenyu hwaDhavhidhi.

9, 10. Jehovha akabatsira sei Dhavhidhi kuti asadarika uye anotibatsira sei mazuva ano?

9 Dhavhidhi paaivhimwa naMambo Sauro, akaratidza kuzvidzora kunodadisa nokusatsiva mambo iyeye aiva negodo. (1 Sam. 24:2-7) Asi papfuura nguva pfupi, kusakwana kwaDhavhidhi kwakaita kuti atadze kuzvidzora. Aida zvokudya zvokupa varume vaaiva navo uye akakumbira zvakanakanaka kubatsirwa nemumwe muIsraeri ainzi Nabhari. Nabhari paakapindura achitomutuka, Dhavhidhi akatsamwa uye akasarudza kutsiva Nabhari nokuuraya varume vose veimba yake achikanganwa kuti kuuraya vanhu vasina mhosva kwaizoita kuti ave nemhosva yeropa kuna Mwari. Kudai asiri Abhigairi, mudzimai waNabhari, Dhavhidhi angadai akaita chikanganiso ichocho chakakura. Dhavhidhi paakaziva kuti Jehovha ainge apindira, akati kuna Abhigairi: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, akutuma nhasi kuti usangane neni! Kuchenjera kwako ngakukomborerwe, uye komborerwa iwe wandidzivisa nhasi kuti ndirege kuva nemhosva yeropa uye ndiite kuti ruoko rwangu rundiponese.”—1 Sam. 25:9-13, 21, 22, 32, 33.

10 Tinogona kudzidzei munhoroondo iyi? Jehovha akashandisa Abhigairi kubatsira Dhavhidhi kuti asadarika. Ndizvo zvaanotiitirawo mazuva ano. Ichokwadi kuti hatifaniri kutarisira kuti Mwari achapindira nokutuma mumwe munhu kuzotibatsira pose patinenge tava kuda kukanganisa. Hatigoniwo kuziva kuti Jehovha achaita sei patinosangana nemiedzo uye kuti ndezvipi zvaachabvumira kuti azadzise chinangwa chake. (Mup. 11:5) Zvisinei, tinogona kuva nechivimbo chokuti nguva dzose Jehovha anoziva mamiriro edu ezvinhu uye kuti achatibatsira kuramba takatendeka. Anotivimbisa kuti: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” (Pis. 32:8) Jehovha anotipa sei zano? Tingabatsirwa sei naro? Uye chii chingaita kuti tive nechokwadi chokuti Jehovha ari kutungamirira vanhu vake mazuva ano? Ona kuti mibvunzo iyoyo inopindurwa sei mubhuku raZvakazarurwa.

TINODZIVIRIRWA NEZANO

11. Jehovha anoziva zviri kuitika muungano dzevanhu vake kusvika pakadini?

11 Mashoko ari muna Zvakazarurwa chitsauko 2 ne3, anoratidza Mambo Jesu Kristu achiongorora ungano nomwe dzomuAsia Minor. Anoratidzawo kuti Kristu anonyatsoona mamiriro chaiwo akaita zvinhu. Pamwe pacho, anototaura mazita evamwe vanhu, uye anorumbidza ungano imwe neimwe kana kuti kupa zano maererano nezvairi. Izvi zvinoratidzei? Pakuzadziswa kwemashoko iwayo, ungano nomwe dzinomirira vaKristu vakazodzwa kubvira muna 1914 zvichienda mberi, uye zano rakapiwa ungano dzacho nomwe rinogona kushandawo mazuva ano kuungano dzose dzevanhu vaMwari dziri munyika yose. Saka tinogona kutaura kuti Jehovha ari kushandisa Mwanakomana wake kutungamirira vanhu vake. Tingabatsirwa sei noutungamiriri ihwohwo?

12. Tingabvumira sei Jehovha kuti atungamirire nhano dzedu?

12 Imwe nzira yatinogona kuita kuti Jehovha atitungamirire nayo ndeyokudzidza tiri toga. Jehovha anotipa mazano akawanda anobva muMagwaro achishandisa mabhuku eboka remuranda akatendeka, akangwara. (Mat. 24:45) Asi kuti tibatsirwe, tinofanira kuwana nguva yokudzidza uye kushandisa zvatinodzidza. Kudzidza tiri toga ndeimwe yenzira dzinoshandiswa naJehovha ‘kutirinda kuti tirege kugumburwa.’ (Jud. 24) Wakambodzidza chimwe chinhu mumabhuku edu chaiita sokuti chakanyorerwa iwe here? Bvuma zano racho seriri kubva kuna Jehovha. Jehovha anogona kushandisa mudzimu wake kutiratidza maitiro kana kuti unhu hwatinofanira kunatsiridza, sezvingaitwa neshamwari ingatibata pabendekete kuti itiratidze chimwe chinhu chatinofanira kugadzirisa. Kana tikabvuma kutungamirirwa nomudzimu mutsvene, tinoita kuti Jehovha atungamirire nhano dzedu. (Verenga Pisarema 139:23, 24.) Panyaya iyi, zvakanaka kuti tiongorore madzidziro atinoita.

13. Nei kuri kuchenjera kuti tiongorore madzidziro atinoita?

13 Kutora nguva yakawandisa tichizvivaraidza kunogona kutipedzera nguva yokudzidza tiri toga. Imwe hama yakati: “Zviri nyore chaizvo kuti upotse kudzidza uri woga. Zvinovaraidza zvawanda chaizvo kupfuura kare, uye hazvichadhuri. Zvinowanikwa paterevhizheni, pakombiyuta, uye pafoni. Zviri kwose kwose.” Kana tikasangwarira, nguva yokunyatsodzidza zvakadzama tiri toga inogona kuramba ichiita shoma kusvikira isisipo. (VaEf. 5:15-17) Mumwe nomumwe anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Kangani kandinowana nguva yokudzidza zvakadzama Shoko raMwari? Ndepaya chete pandinenge ndichigadzirira hurukuro here?’ Kana zvakadaro, zvingava zvakanaka kushandisa manheru okunamata kwemhuri kana kuti okunamata tiri toga kuti tiwane uchenjeri hwakafanana nepfuma hwatinopiwa naJehovha kuti atidzivirire kuti tizopona.—Zvir. 2:1-5.

TINOSIMBISWA PATINOKURUDZIRWA

14. Magwaro anoratidza sei kuti Jehovha anoziva manzwiro edu?

14 Dhavhidhi akasangana nematambudziko akawanda muupenyu. (1 Sam. 30:3-6) Mashoko ake akafuridzirwa anoratidza kuti Jehovha aiziva manzwiro aaiita. (Verenga Pisarema 34:18; 56:8.) Mwari anozivawo manzwiro atinoita. Patinenge ‘takaora mwoyo’ kana kuti tichinzwa ‘takadzvinyirirwa,’ anoswedera pedyo nesu. Izvozvo zvinogona kutinyaradza, sezvazvakaita kuna Dhavhidhi uyo akaimba kuti: “Ndichafara nokufarira kwazvo mutsa wenyu worudo, pakuti makaona kutambudzika kwangu; makaziva nezvokutambudzika kwomweya wangu.” (Pis. 31:7) Asi Jehovha haangooni kutambura kwedu chete. Anotisimbisa paanotinyaradza nokutikurudzira. Misangano yechiKristu ndeimwe nzira yaanotisimbisa nayo.

15. Tinogona kudzidzei pane zvakaitika kuna Asafi?

15 Kubatsira kunoita kupinda misangano kunoratidzwa nezvakaitika kumunyori wepisarema Asafi. Kugara achifunga nezvekuti vakaipa vaibudirira kwakaita kuti afunge kuti kushumira Mwari kwaisabatsira. Asafi akaora mwoyo. Akatsanangura kuti: “Mwoyo wangu wakava neshungu, ndakarwadziwa kwazvo muitsvo dzangu.” Izvozvo zvakapotsa zvaita kuti arege kushumira Jehovha. Asafi akabatsirwa nei kuti atangezve kuona zvinhu nenzira kwayo? Akati: “Nda[ka]pinda munzvimbo tsvene yaMwari.” Ava imomo, aine vamwe vanamati vaJehovha, akatangazve kuona zvinhu nenzira yakanaka. Akaona kuti kubudirira kwevakaipa kwaiva kwenguva pfupi, uye kuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu. (Pis. 73:2, 13-22) Ndizvo zvazvakaita nesu. Zvakaipa zviri kuitwa munyika yaSatani zvinogona kutiodza mwoyo. Kuungana nehama dzedu kunotizorodza uye kunotibatsira kuramba tichifara pakushumira Jehovha.

16. Tingabatsirwa sei nomuenzaniso waHana?

16 Zvakadini kana chimwe chinhu muungano chichiita kuti zvikuomere kupinda misangano? Zvichida wakaregedzeswa kuita rimwe basa muungano uye unonzwa uchinyara, kana kuti hausi kuwirirana neimwe hama kana kuti hanzvadzi. Kana zvakadaro, muenzaniso waHana unogona kukubatsira. (Verenga 1 Samueri 1:4-8.) Yeuka kuti aishungurudzwa chaizvo nomukadzinyina wake, Penina. Ainyanya kurwadziwa gore negore mhuri yavo payaienda kunopa Jehovha zvibayiro kuShiro. Hana ainetseka chaizvo “zvokuti aisvimha misodzi uye aisadya.” Asi haana kurega izvozvo zvichimutadzisa kuenda kunonamata Jehovha. Jehovha akaona kutendeka kwake uye akamukomborera.—1 Sam. 1:11, 20.

17, 18. (a) Tinokurudzirwa sei pamisangano yeungano? (b) Unonzwa sei nokunyatsotarisirwa kwatinoitwa naJehovha achitibatsira kuti tizopona?

17 VaKristu mazuva ano vanofanira kutevedzera Hana. Tinofanira kugara tichipinda misangano. Tose zvedu takaona kuti misangano inotipa kurudziro inokosha. (VaH. 10:24, 25) Kushamwaridzana nevamwe vaKristu kunotinyaradza. Chimwe chinhu chinotaurwa muhurukuro kana kuti mhinduro inopiwa zvinogona kutibaya mwoyo. Patinenge tichikurukura nevamwe misangano isati yatanga uye yapera, mumwe muKristu angateerera zvatinenge tichitaura kana kutotiudza zvinotinyaradza. (Zvir. 15:23; 17:17) Patinoimbira Jehovha, tinonzwa kufara zvikuru. Tinonyanya kuda kukurudzirwa paya patinenge tiine ‘pfungwa dziri kutinetsa.’ Pamisangano ndipo patinosimbiswa naJehovha ‘nokunyaradza’ kwake uye paanotitsigira kuti titsunge kuramba takatendeka.—Pis. 94:18, 19.

18 Kunyatsotarisirwa kwatinoitwa naMwari kunoita kuti tinzwe takachengeteka sezvakaitwa nomunyori wepisarema Asafi, uyo akaimbira Jehovha kuti: “Makabata ruoko rwangu rworudyi. Muchanditungamirira nezano renyu.” (Pis. 73:23, 24) Tinofara chaizvo kuti Jehovha anotichengetedza kuti tiponeswe!

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Newewo Jehovha akaita kuti uuye kwaari

[Mufananidzo uri papeji 30]

Tinochengetedzwa nokushandisa zano raMwari

[Mufananidzo uri papeji 31]

Tinosimbiswa nokukurudzirwa kwatinoitwa