Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anoziva nzira Yokununura Nayo Vanhu Vake

Jehovha Anoziva nzira Yokununura Nayo Vanhu Vake

Jehovha Anoziva nzira Yokununura Nayo Vanhu Vake

“Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.”—2 PET. 2:9.

NEI TICHIGONA KUVA NECHIVIMBO CHOKUTI JEHOVHA:

Anoziva nguva yakakodzera yokuita zvinhu kuti azadzise chinangwa chake?

Achashandisa simba rake kununura vanhu vake?

Anoziva kuti zvinhu zvichafamba sei pachauya kutambudzika kukuru?

1. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvichaitika panguva ‘yokutambudzika kukuru’?

MWARI achangoerekana aunza mutongo wake panyika yaSatani. (1 VaT. 5:2, 3) “Zuva guru raJehovha” zvarinoenderera mberi, zvinhu zvichaita manyama amire nerongo. (Zef. 1:14-17) Upenyu huchange hwakaoma zuva rega rega uye zvinhu zvichishayikwa. Ichava nguva yekutambudzika “kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino.”—Verenga Mateu 24:21, 22.

2, 3. (a) Chii chichaitika kuvanhu vaMwari panguva ‘yokutambudzika kukuru’? (b) Chii chinogona kutisimbisa pane zvichaitika pamberi apa?

2 “Kutambudzika kukuru” pakunenge kwava kuda kusvika pakaipa, “Gogi wenyika yeMagogi” achati nangananga nevanhu vaMwari. Panguva iyoyo, “uto guru rehondo” richauya kuzorwisa vanhu vaMwari “semakore anofukidza nyika.” (Ezek. 38:2, 14-16) Hapana sangano revanhu richazodzivirira vanhu vaJehovha. Mwari chete ndiye achavaponesa. Vachaita sei pachauya vavengi vavo kuzovaparadza?

3 Kana uri mushumiri waJehovha, unotenda here kuti Jehovha anogona uye achachengetedza vanhu vake vari vapenyu panguva yokutambudzika kukuru? Muapostora Petro akanyora kuti: “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari, uye kuchengetera vanhu vasina kururama zuva rokutongwa kuti vaparadzwe.” (2 Pet. 2:9) Kufungisisa nezvokununura kwakaita Jehovha vanhu vake kare kunogona kutisimbisa pane zviri pamberi apa. Ngationgororei mienzaniso mitatu ichatibatsira kuva nechivimbo chokuti Jehovha anokwanisa kununura vanhu vake.

KUPONA PAMAFASHAMO

4. Nei zvaikosha kuti zvinhu zviitwe panguva yakakodzera Mafashamo asati auya?

4 Kutanga, funga nezvenyaya yeMafashamo omuzuva raNoa. Kuti kuda kwaJehovha kuitike, zvaikosha kuti zvinhu zviitwe panguva yakakodzera. Basa rakakura rokuvaka areka raifanira kupedzwa uye mhuka dzaifanira kupinzwa zvakanakanaka muareka mafashamo asati auya. Nhoroondo yaGenesisi inoratidza kuti Jehovha haana kuita kuti areka itange yavakwa ndokuzosarudza zuva raizouya mafashamo. Aisatyira kuti musi wacho waizosvika areka isati yapera. Kuchiine makore asati audza Noa nezvokuvaka areka, Mwari ainge atosarudza nguva yaizotanga Mafashamo. Tinoziva sei izvozvo?

5. Jehovha akazivisei mumashoko ari pana Genesisi 6:3, uye akazvitaura riini?

5 Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha akaita chisarudzo, akachitaura kudenga ikoko. Maererano naGenesisi 6:3 akati: “Mudzimu wangu haungarambi uchishanda mumunhu nokusingagumi, iyewo zvaari wenyama. Naizvozvo mazuva ake achasvika [makore] zana nemakumi maviri.” Aisataura nezvemakore aifanira kuraramwa nevanhu. Asi aipa mutongo wokuti aizobvisa vanhu vasingadi Mwari panyika. * Mafashamo zvaakatanga muna 2370 B.C.E., tinogona kuti Mwari akazvitaura muna 2490 B.C.E. Panguva iyoyo, Noa aiva nemakore 480. (Gen. 7:6) Papera makore 20, muna 2470 B.C.E., Noa akatanga kuva nevanakomana. (Gen. 5:32) Painge pangosara makore anenge zana kuti mafashamo atange, asi Jehovha ainge asati audza Noa nezvebasa rinokosha raaifanira kuita rokuponesa vanhu. Mwari aizoudza Noa pasara nguva yakareba sei?

6. Noa akaudzwa kuti avake areka kwasara makore mangani kuti mafashamo auye?

6 Zvinoita sokuti Jehovha akatora makore akawanda asati audza Noa zvaaida kuita. Nei tichidaro? Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari paakazorayira Noa kuti avake areka, vanakomana vaNoa vainge vatokura uye varoora. Jehovha akamuudza kuti: “Ndiri kuita sungano yangu newe; pinda muareka, iwe nevanakomana vako nomudzimai wako nemadzimai evanakomana vako vauinavo.” (Gen. 6:9-18) Saka Noa paakapiwa basa rokuvaka areka panogona kunge painge pangosara makore 40 kana 50 kuti Mafashamo auye.

7. (a) Noa nemhuri yake vakaratidza sei kutenda? (b) Mwari akazoudza riini Noa nguva chaiyo yaizotanga Mafashamo?

7 Noa nemhuri yake pavaivaka areka, vanofanira kunge vaishamisika kuti Mwari achazadzisa sei chinangwa chake uye kuti Mafashamo achatanga riini. Asi kusaziva izvozvo, hakuna kuvatadzisa kuvaka areka. Magwaro anoti: “Noa akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naMwari. Akaita izvozvo chaizvo.” (Gen. 6:22) Pasara mazuva manomwe, Jehovha akazoudza Noa kuti Mafashamo aizotanga. Nguva yacho yainyatsokwana kuti Noa nemhuri yake vapinze mhuka muareka. Saka magedhi emvura okumatenga paakavhurwa “mugore remazana matanhatu roupenyu hwaNoa, mumwedzi wechipiri, nezuva rechigumi nemanomwe romwedzi wacho,” basa rose rakanga rapera.—Gen. 7:1-5, 11.

8. Nhoroondo yeMafashamo inotibatsira sei kuti tive nechivimbo chokuti Jehovha anoziva nguva yokununura vanhu vake?

8 Nhoroondo yeMafashamo inopupurira kuti Jehovha anochengeta nguva uyewo anonunura vanhu vake. Kuguma kwenyika ino yakaipa zvakunoramba kuchiswedera, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achazadzisa zvinangwa zvake zvose ‘pazuva neawa’ zvaakasarudza.—Mat. 24:36; verenga Habhakuki 2:3.

KUNUNURWA PAGUNGWA DZVUKU

9, 10. Jehovha akashandisa sei vanhu vake kuteya mauto evaIjipiti?

9 Kubva pane zvatakurukura, taona kuti Jehovha anoziva nguva yakakodzera yokuita zvinhu kuti azadzise chinangwa chake. Muenzaniso wechipiri watichaona unoratidza kuti Jehovha achashandisa simba rake risina parinogumira kuti zvaanoda zviitike uye izvozvo zvinotipa chivimbo chokuti achanunura vanhu vake. Dzimwe nguva Jehovha anorega vashumiri vake vachiita sokuti vava pangozi asi iye achiteya vavengi vake. Ndizvo zvaakaita paakasunungura vaIsraeri muIjipiti.

10 VaIsraeri pavakabuda muIjipiti vangangodaro vaiva mamiriyoni matatu. Jehovha akaita kuti Mosesi avaendese nenzira yakaita kuti Farao afunge kuti vaingodzungaira. (Verenga Eksodho 14:1-4.) Atadza kuona kuti uku kwaiva kuteyiwa, Farao nemauto ake vakatevera vaimbova varanda vake akanovaisa parumananzombe paGungwa Dzvuku. Zvaiita sokuti hapana kwokutizira. (Eks. 14:5-10) Asi chokwadi ndechokuti vaIsraeri vaisatombova pangozi. Nei tichidaro? Nekuti Jehovha ainge ava kuda kuvanunura.

11, 12. (a) Jehovha akabatsira sei vanhu vake? (b) Kupindira kwaMwari kwakazoguma nei uye nhoroondo iyi inotidzidzisei nezvaJehovha?

11 “Shongwe yegore” yaitungamirira vaIsraeri yakaenda shure kwavo ikava rima kuuto raFarao, ikaritadzisa kuswedera pedyo nevaIsraeri. Asi kuvaIsraeri, paiitika chishamiso chokuti shongwe yacho yaivapa chiedza usiku. (Verenga Eksodho 14:19, 20.) Jehovha akakamura gungwa nepakati achishandisa mhepo ine simba yaibva kumabvazuva, ikachinja “pasi pegungwa kuva nyika yakaoma.” Ichokwadi kuti zvakatora nguva nekuti nhoroondo yacho inoti: “Kwapera nguva yakati, vanakomana vaIsraeri vakapfuura nepakati pegungwa panyika yakaoma.” Kana tichienzanisa nemauto aFarao aiva mungoro dzehondo, vaIsraeri vaitonanaira zvavo. Asi zvaisaita kuti vaIjipiti vavabate nekuti Jehovha airwira vaIsraeri. “Akavhiringidza boka revaIjipiti. Akaramba achigurunura mavhiri engoro dzavo zvokuti vakanga vava kunetseka kudzifambisa.”—Eks. 14:21-25.

12 VaIsraeri vose pavainge vayambuka zvakanakanaka, Jehovha akarayira Mosesi kuti: “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pevaIjipiti, pangoro dzavo dzehondo nevarwi vavo vanotasva mabhiza.” Masoja paakaedza kutiza mvura yaiuya nesimba, “Jehovha akazunzira vaIjipiti mukati megungwa.” Vaisagona kutiza. “Hapana kana nomumwe wavo akasara.” (Eks. 14:26-28) Jehovha akaratidza kuti ane simba rokununura vanhu vake chero mumamiriro api ezvinhu.

KUTIZA KUPARADZWA KWEJERUSAREMA

13. Jesu akapa mirayiro yokuti kudii uye vateveri vake vangangodaro vainetseka nei?

13 Muenzaniso wechitatu watichakurukura ndewekukombwa kwakaitwa Jerusarema muzana remakore rokutanga. Unoratidza kuti Jehovha anonyatsoziva kuti zvinhu zvichafamba sei kuti azadzise chinangwa chake. Achishandisa Mwanakomana wake, Jehovha akapa mirayiro yaizoita kuti vaKristu vaigara muJerusarema neJudhiya vapone paizoparadzwa guta racho muna 70 C.E. Jesu akati: “Pamunoona chinhu chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa, chakataurwa nezvacho pachishandiswa muprofita Dhanieri, chimire panzvimbo tsvene, . . . panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.” (Mat. 24:15, 16) Asi vateveri vaJesu vaizoziva sei kuti uprofita uhwu hwainge hwava kuzadzika?

14. Zvii zvakaitika, zvakaita kuti vaKristu vanzwisise mashoko aJesu?

14 VaKristu vakazotanga kunzwisisa mashoko aJesu uprofita hwacho pahwakanga hwava kuzadzika. Muna 66 C.E., mauto eRoma achitungamirirwa naCestius Gallus akasvika muJerusarema kuti anomisa kupanduka kwainge kwamuka. Vapanduki vacho vechiJudha pavakatizira munhare yetemberi, masoja eRoma akatanga kuchera rusvingo rwetemberi. KuvaKristu vainge vakangwarira, zvakataurwa naJesu zvaiva pachena: Uto rechihedheni nemireza yaro yairatidza kunamata zvidhori (“chinhu chinonyangadza”) rainge rasvika parusvingo rwetemberi (“nzvimbo tsvene”). Yaiva nguva yokuti vateveri vaJesu “vatange kutizira kumakomo.” Asi vaizobuda sei muguta rainge rakakombwa? Pane zvaizongoerekana zvachinja.

15, 16. (a) Murayiro upi wakajeka wakapiwa naJesu uye nei zvaikosha kuti vateveri vake vauteerere? (b) Chii chichaita kuti tinunurwe?

15 Zvinoshamisa ndezvokuti Cestius Gallus nemasoja ake vakabuda muJerusarema ndokutanga kuenda. VaJudha vakatanga kuvadzingirira. VaJudha pavakanga vachidzingirira vaRoma, vateveri vaJesu vakabva vawana mukana wokutiza. Jesu ainge anyatsovarayira kuti vasiye zvinhu zvavaiva nazvo votiza nokukurumidza. (Verenga Mateu 24:17, 18.) Zvaikosha here kuti vakurumidze kubuda? Hazvina kutora nguva kuti mhinduro yacho ibude pachena. Mazuva mashomanana, vapanduki vacho vakadzoka uye vakatanga kumanikidza vagari vomuJerusarema neJudhiya kuti vabatane navo. Zvinhu zvakabva zvaipa mapoka echiJudha paakatanga kurwira kutonga. Kutiza muguta kwakaramba kuchiwedzera kuoma. VaRoma pavakadzoka muna 70 C.E., zvainge zvisisaiti kuti munhu atize muguta. (Ruka 19:43) Vose vakaita zvokunonozeka vakabva vangovharirwamo! VaKristu vakateerera mashoko aJesu okuti vatizire kumakomo vakaponeswa. Vakazvionera kuti Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vake. Tinodzidzei munhoroondo iyi?

16 Kutambudzika kukuru pakuchange kwava kuitika, vaKristu vachafanira kuteerera mirayiro inobva muShoko raMwari neinobva kusangano rake. Somuenzaniso, murayiro waJesu wo“kutizira kumakomo” une zvaunoreva mazuva ano. Kuti tichatiza sei, hatisati tava kuziva. * Asi tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achajekesa mirayiro iyoyo kana nguva yacho yakwana. Sezvo kuteerera kwedu kuriko kuchaita kuti tinunurwe, zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoita sei iye zvino Jehovha paanoudza vashumiri vake zvokuita? Ndinokurumidza kuzviita here kana kuti ndinoverengera?’—Jak. 3:17.

KUSIMBISWA NOKUDA KWEZVIRI MBERI

17. Uprofita hwaHabhakuki hunoratidzei nezvokurwiswa kuchaitwa vanhu vaMwari?

17 Iye zvino ngatikurukurei nezvokurwiswa kuchaitwa vanhu vaMwari naGogi kwambotaurwa. Muuprofita hwakafanana naihwohwo, Habhakuki akati: “Ndakanzwa, uye mudumbu mangu makatanga kusagadzikana; pandakazvinzwa miromo yangu yakadedera; kuora kwakatanga kupinda mumapfupa angu; uye ndiri mumamiriro aya ezvinhu ndakanga ndisisina kugadzikana, kuti ndimirire zuva rokutambudzika chinyararire, kuti ndimirire kuuya kwake [Mwari] kuvanhu vacho [mauto anotyisa], kuti avapambe.” (Hab. 3:16) Muprofita wacho paakangonzwa nezvekurwiswa kwaizoitwa vanhu vaMwari, akanzwa mudumbu, miromo yake ikadedera uye akapera simba. Zvakaitwa naHabhakuki zvinoratidza kuti pachauya vanhu vazhinjizhinji vaGogi kuzotirwisa tichaona sokuti pedu papera. Asi muprofita iyeye aida kumirira chinyararire zuva guru raJehovha achivimba kuti Jehovha aizonunura vanhu vake. Tinogonawo kuva nechivimbo chakadaro.—Hab. 3:18, 19.

18. (a) Nei tisingafaniri kutya kurwiswa kwatichaitwa? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Mienzaniso mitatu yatakurukura inoratidza zviri pachena kuti Jehovha anoziva kununura kwaanoita vanhu vake. Chinangwa chake hachizombokundikani; achatokunda chete. Zvisinei, tinofanira kuramba takatendeka kusvikira kumugumo kuti tizopembererawo kukunda ikoko. Iye zvino, Jehovha anotibatsira sei kuti tirambe takaperera kwaari? Izvozvo zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Ona Nharireyomurindi yaMay 1, 1999, peji 19.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 24]

VaIsraeri vaiva pangozi here pavakateverwa nemauto aFarao?