Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusavimbika—Chimwe Chezvinhu Zvinoratidza Mazuva Ekupedzisira!

Kusavimbika—Chimwe Chezvinhu Zvinoratidza Mazuva Ekupedzisira!

Kusavimbika—Chimwe Chezvinhu Zvinoratidza Mazuva Ekupedzisira!

“Kuti takava vakavimbika sei nevakarurama, vasina chavanopomerwa.”—1 VAT. 2:10.

TSVAKA PFUNGWA IDZI:

Zvidzidzo zvipi zvinotinyevera zvatingawana pakusavimbika kwaDherira, Absaromu, uye Judhasi Iskariyoti?

Tingatevedzera sei kuvimbika kwakaratidzwa naJonatani naPetro?

Tingaramba sei takavimbika kune watakaroorana naye uye kuna Jehovha?

1-3. (a) Ndechipi chinhu chinoratidza kuti tiri mumazuva ekupedzisira, uye chinosanganisirei? (b) Ndeipi mibvunzo mitatu yatichapindura?

DHERIRA, Absaromu, naJudhasi Iskariyoti vainge vakafanana pakudini? Vainge vasina kuvimbika. Dherira ainge asina kuvimbika kuna Samsoni, murume aimuda; Absaromu kuna baba vake, Mambo Dhavhidhi; Judhasi kuna Tenzi wake, Jesu Kristu. Mumwe nomumwe wavo akaita zvakakuvadzisa mumwe munhu! Asi izvi zvinei nesu?

2 Mumwe munyori anoti kusavimbika kana kuti utengesi zviri pakati pezvinhu zvakaipa zviri kunyanya kuitwa mazuva ano. Izvozvo hazvishamisi. Jesu paakataura chiratidzo “chokuguma kwemamiriro ezvinhu,” akati: “Vazhinji . . . vachatengesana.” (Mat. 24:3, 10) “Kutengesa,” kunoreva kutaurira mumwe munhu anovimba newe kuvavengi vake, kuti abatwe. Kusavimbika kwakadaro kunoratidza kuti tiri “mumazuva okupedzisira” akagara ataurwa naPauro achiti vanhu vaizova “vasina kuvimbika, . . . vatengesi.” (2 Tim. 3:1, 2, 4) Kunyange zvazvo vanyori vemabhuku nevagadziri vemafirimu vachiratidza vanhu vasina kuvimbika sevanofara kana kuti vane rudo, chokwadi ndechokuti kusavimbika kunoita kuti vamwe varwadziwe uye vatambure. Chokwadi, kusavimbika chimwe chezvinhu zvinoratidza mazuva ekupedzisira!

3 Tingadzidzei muBhaibheri nezvevaya vainge vasina kuvimbika? Mienzaniso ipi yatingatevedzera yevanhu vakaratidza kuti vainge vakazvipira kune vamwe? Uye tinofanira kuramba takavimbika kuna ani? Ngationei.

MIENZANISO YEKARE INOTINYEVERA

4. Dherira akatengesa sei Samsoni, uye nei zvainge zvakaipa chaizvo?

4 Kutanga, ngatikurukurei nezvaDherira aiva nounyengeri, ainge atora mwoyo waSamsoni. Samsoni aida kutungamirira vanhu vaMwari pakurwisana nevaFiristiya. Zvichida madzishe mashanu evaFiristiya aiziva kuti Dherira ainge asina kuvimbika kuna Samsoni, saka akamupa chiokomuhomwe chakakura kuti atsvake kuti simba rake guru raibva pai kuti vamuuraye. Nemakaro ake, Dherira akabvuma, asi akakundikana katatu kuwana kuti raibva pai. Akabva aramba achimumanikidza ‘achimunetsa nemashoko ake nguva dzose achiramba achimumanikidza.’ “Mweya wake [wakazotadza] kushivirira kusvikira pakuda kufa.” Saka akamuudza kuti bvudzi rake rainge risina kumbobvira ragerwa uye kuti kana rikagerwa, aizopera simba. * Aziva izvozvo, Dherira akaita kuti Samsoni agerwe paainge akarara pamakumbo ake, uye akamuisa mumaoko evavengi vake kuti vaite zvavaida naye. (Vat. 16:4, 5, 15-21) Akaita zvakaipa chaizvo! Dherira akatengesa munhu aimuda pamusana pemakaro.

5. (a) Absaromu akaratidza sei kuti ainge asina kuvimbika kuna Dhavhidhi, uye zvakaratidzei nezvake? (b) Dhavhidhi akanzwa sei Ahitoferi paakava mutengesi?

5 Iye zvino ngatikurukurei nezvemunyengeri Absaromu. Akundwa nokuda chinzvimbo, akabva atsunga kubvutira baba vake, Mambo Dhavhidhi, chigaro choumambo. Absaromu akatanga ‘anyengedza mwoyo yevarume vaIsraeri’ achinyepedzera kuvada, achivavimbisa zvenhema kuti vamufarire. Aivambundira, achivatsvoda, achiita seaiva nehanya navo. (2 Sam. 15:2-6) Absaromu akatopandutsa Ahitoferi, shamwari yaDhavhidhi yaaivimba nayo. (2 Sam. 15:31) MuPisarema 3 ne55, Dhavhidhi anorondedzera kurwadziwa kwaakaita nokusavimbika kwaAhitoferi. (Pis. 3:1-8; verenga Pisarema 55:12-14.) Absaromu akaratidza kusanyara kwake kuzvidza uchangamire hwaMwari nokurwira chinzvimbo kwaakaita achipikisana namambo akagadzwa naJehovha. (1 Mak. 28:5) Kupanduka kwake kwakazokundikana, uye Dhavhidhi akaramba achitonga somuzodziwa waJehovha.

6. Judhasi akatengesa sei Jesu, uye munhu akangonzwa kuti Judhasi anofungei?

6 Iye zvino funga zvakaitwa nomutengesi Judhasi Iskariyoti kuna Kristu. PaPaseka yokupedzisira yakaitwa naJesu nevaapostora vake 12, akavaudza kuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Mumwe wenyu achanditengesa.” (Mat. 26:21) Gare gare usiku ihwohwo, Jesu akaudza Petro, Jakobho, naJohani vari mumunda weGetsemane kuti: “Tarirai! Mutengesi wangu aswedera pedyo.” Judhasi akabva angosvika mumunda macho aine vamwe vake, “achinanga kuna Jesu akati: ‘Kwaziwai, Rabhi!’ uye akamutsvoda zvinyoronyoro.” (Mat. 26:46-50; Ruka 22:47, 52) Judhasi “akatengesa ropa rakarurama,” akaisa Jesu mumaoko evavengi vake. Judhasi aikara mari, aimboda marii? Masirivha 30 chete chete! (Mat. 27:3-5) Kubvira ipapo, munhu akangonzwa kuti Judhasi Iskariyoti, anobva afunga “mutengesi,” kunyanya uya anotengesa mumwe achinyepera kuva shamwari yake.

7. Tadzidzei paupenyu (a) hwaAbsaromu naJudhasi uye (b) hwaDherira?

7 Tadzidzei pamienzaniso iyi ine yambiro? Absaromu naJudhasi vakafa zvinonyadzisa pamusana pokutengesa vanhu vainge vazodzwa naJehovha. (2 Sam. 18:9, 14-17; Mab. 1:18-20) Pose vanhu pavanonzwa zita rokuti Dherira, vanofunga unyengeri hwake uye rudo rwokunyepera. (Pis. 119:158) Zvinokosha chaizvo kuti tidzivise chero kakuda kurwira chinzvimbo kana kuva nemakaro, izvo zvingaita kuti Jehovha asatifarira! Chokwadi, izvi zvidzidzo zvine simba chaizvo zvinotibatsira kuvenga katsika kekuva vasina kuvimbika!

TEVEDZERA VAYA VAINGE VAKAVIMBIKA

8, 9. (a) Chii chakaita kuti Jonatani avimbise Dhavhidhi kuti aizova akavimbika kwaari? (b) Tingatevedzera sei Jonatani?

8 Bhaibheri rinorondedzerawo vanhu vakawanda vainge vakavimbika. Ngatikurukurei vaviri vavo toona zvatinogona kudzidza kwavari, tichitanga nomurume ainge akavimbika kuna Dhavhidhi. Jonatani, mwanakomana mukuru waMambo Sauro, zvimwe ndiye aizosiyirwa chigaro choumambo chaIsraeri. Asi Jehovha akasarudza Dhavhidhi kuti ave mambo waIsraeri aitevera. Jonatani akaremekedza zvakasarudzwa naMwari. Haana kuitira Dhavhidhi shanje. Asi “mweya waJonatani wakanamatirana nomweya waDhavhidhi” uye akavimbisa kuti aizova akavimbika kwaari. Akatopa Dhavhidhi nguo dzake, bakatwa, uta, nebhandi, achiratidza kuti aizova mambo. (1 Sam. 18:1-4) Jonatani akaita zvose zvaaikwanisa kuti ‘asimbise ruoko rwaDhavhidhi,’ zvokuti akaisa upenyu hwake pangozi kuti adzivirire Dhavhidhi kuna Sauro. Jonatani akaudza Dhavhidhi nezvekuvimbika kwake achiti: “Iwe uchava mambo waIsraeri, ini ndichava wechipiri kwauri.” (1 Sam. 20:30-34; 23:16, 17) Saka hazvishamisi kuti Jonatani paakafa, Dhavhidhi akaratidza kushungurudzika uye kumuda kwaaiita achiimba rwiyo rwemariro.—2 Sam. 1:17, 26.

9 Jonatani aiziva waaifanira kuva akavimbika kwaari. Ainyatsozviisa pasi paChangamire Jehovha, uye ainyatsotsigira Dhavhidhi somunhu akazodzwa naMwari. Mazuva anowo, kunyange kana tisina kupiwa mabasa muungano, tinofanira kutsigira nemwoyo wose hama dzedu dzakagadzwa kuti dzititungamirire.—1 VaT. 5:12, 13; VaH. 13:17, 24.

10, 11. (a) Chii chakaita kuti Petro arambe akavimbika kuna Jesu? (b) Tingatevedzera sei Petro, uye izvozvo zvinofanira kuita kuti tiitei?

10 Mumwe muenzaniso wakanaka watichakurukura ndewemuapostora Petro, uyo akapika kuti aizoramba akavimbika kuna Jesu. Jesu paakashandisa mufananidzo kuti aratidze kukosha kwokutenda muchibayiro chaainge ava kuda kupa chemuviri wake neropa, vadzidzi vakawanda vakashamiswa chaizvo nemashoko ake vakamusiya. (Joh. 6:53-60, 66) Saka Jesu akatendeukira kuvaapostora vake 12 akati: “Munoda kuendawo here?” Petro ndiye akapindura kuti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi; uye takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” (Joh. 6:67-69) Izvi zvinoreva here kuti Petro ainyatsonzwisisa zvose zvainge zvataurwa naJesu nezvechibayiro chaaizopa? Zvichida aisazvinzwisisa. Kunyange zvakadaro, Petro ainge atsidza kuramba akavimbika kumuzodziwa waMwari.

11 Petro haana kufunga kuti Jesu anofanira kunge aitaura zvisizvo uye kuti nokufamba kwenguva aizogona kuchinja pfungwa. Petro akabvuma achizvininipisa kuti Jesu ndiye aiva ne“mashoko oupenyu husingaperi.” Mazuva ano, tinoitawo sei patinoona mumabhuku e“mutariri akatendeka” pfungwa yakaoma kunzwisisa kana kuti isingaenderani nemafungiro edu? Tinofanira kuedza kunyatsoinzwisisa pane kungotarisira kuti pfungwa yacho ichachinjwa kuti ienderane nemaonero edu.—Verenga Ruka 12:42.

RAMBA WAKAVIMBIKA KUNE WAWAKAROORANA NAYE

12, 13. Chii chingaita kuti mumwe asavimbika kune mumwe wake, uye nei izvozvo zvisingafaniri kuitwa pasinei nezera romunhu?

12 Kusavimbika chero kupi zvako kwakaipa uye hakufaniri kuregwa kuchivhiringidza rugare nokubatana kwemhuri yechiKristu uye ungano. Tichifunga izvozvo, ngatikurukurei kuti tingaramba sei takavimbika kune watakaroorana naye uye kuna Mwari wedu.

13 Upombwe ndokumwe kusavimbika kunorwadza zvisingaiti. Mhombwe yacho inenge yaratidza kuti haina kuvimbika kune mumwe wayo, yava kuda mumwe munhu. Anenge atadzirwa anongoerekana asiyiwa, upenyu hwake husisina kumira zvakanaka. Izvozvo zvinoitika sei pavanhu vaviri vaichimbodanana? Kakawanda zvinotanga kana murume nomudzimai vasisafarirani. Muzvinadzidzo wemagariro evanhu anonzi Gabriella Turnaturi anotsanangura kuti kusavimbika kunogona kuitika murume nomudzimai pavanorega kuita zvose zvavanogona kuti vasimbise rudo rwavo. Izvi zvinogona kutoitika kuvanhu vakura vave vakaroorana kwenguva refu. Somuenzaniso, murume ane makore 50 anoramba mudzimai wake waange akaroorana naye kwemakore 25 kuti anogara nemumwe mukadzi amutora mwoyo. Vamwe vanoti izvi hazvina kuipa kana tichitarira zera rake. Zvisinei, pane kuti izvozvo hazvidzivisiki, chokwadi ndechokuti ikoko kusavimbika. *

14. (a) Jehovha anoona sei munhu anonyengera waakaroorana naye? (b) Jesu akati chii nezvekusavimbika mumba?

14 Jehovha anoona sei vaya vanosiya vavakaroorana navo pasina chikonzero chinobva muMagwaro? Mwari wedu “anovenga kurambana,” uye akataura mashoko ane simba achishora vaya vanoitira zvakaipa uye vanosiya vavakaroorana navo. (Verenga Maraki 2:13-16.) Jesu ainyatsopindirana naBaba vake, uye akadzidzisa kuti munhu haagoni kuramba mumwe wake asina mhosva iye oita zvake sokuti hapana chaitika.—Verenga Mateu 19:3-6, 9.

15. Vaya vakaroorana vangaita sei kuti varambe vakavimbika kune mumwe wavo?

15 Vaya vari muwanano vangaramba sei vakavimbika kune vamwe vavo? Shoko raMwari rinoti: “Fara nomudzimai [kana kuti murume] wouduku hwako” uye, “Fadzwa noupenyu nomudzimai [kana kuti murume] waunoda.” (Zvir. 5:18; Mup. 9:9) Murume nomudzimai zvavanokwegura, vanofanira kuita zvose zvavanogona kuti vasimbise rudo rwavo. Izvozvo zvinoreva kuti vanofanira kuva pedyo nemumwe nemumwe, kutarisirana, uye kuita zvinhu vari pamwe chete. Vanofanira kuisa pfungwa pakuchengetedza imba yavo uye ukama hwavo naJehovha. Kuti vaite izvozvo, vanofanira kudzidza Bhaibheri pamwe chete, kushanda muushumiri pamwe chete, uye kunyengetera pamwe chete kuti Jehovha avakomborere.

RAMBA WAKAVIMBIKA KUNA JEHOVHA

16, 17. (a) Tingava sei pamuedzo panyaya yokuvimbika kuna Mwari mumhuri uye muungano? (b) Muenzaniso upi unoratidza kuti kuteerera murayiro waMwari wokuti tirege kuwadzana neveukama vakadzingwa kunogona kuunza migumisiro yakanaka?

16 Muungano mune vanhu vakaita zvivi zvakakomba, vakatsiurwa “zvakaoma kwazvo, kuti vave nokutenda kune utano.” (Tito 1:13) Vamwe vacho, mufambiro wavo waitoda kuti vadzingwe. Kune vaya vakarovedzwa nechirango ichocho, chakavabatsira kusimbazve pakunamata. (VaH. 12:11) Zvakadini kana tiine hama kana kuti shamwari yakadzingwa? Pakadaro, tinova pamuedzo wokuti takavimbika kumunhu iyeye here, kana kuti kuna Mwari. Jehovha anenge akatitarira, kuti aone kana tichizoita zvinoenderana nomurayiro wake wokuti tisawadzana nomunhu chero upi zvake akadzingwa.—Verenga 1 VaKorinde 5:11-13.

17 Funga muenzaniso mumwe chete wezvakanaka zvinogona kuvapo kana mhuri ikaramba ichitsigira mutemo waJehovha wokuti tisawadzana neveukama vakadzingwa. Mumwe mukomana ainge akadzingwa kwemakore anopfuura gumi, uye panguva iyoyo baba vacho, amai, mukoma nevanun’una vake vatatu ‘vakarega kufambidzana’ naye. Dzimwe nguva aiedza kupindira pane zvavaiita, asi chinofadza ndechokuti mumwe nomumwe womumhuri yacho akaramba kuwadzana naye. Adzorerwa, akataura kuti aigara achisuwa kuwadzana nemhuri yake, kunyanya usiku paaiva oga. Asi akabvuma kuti kudai mhuri yake yakawadzana naye kunyange zvishoma, izvozvo zvingadai zvakamukwanira. Zvisinei, kusakurukurirana nachero ani womumhuri yake kunyange kwekanguva kwakaita kuti ave nechido chakakura chokuva pamwe navo uye izvozvo zvakabatsirawo kuti agadzirise ukama hwake naJehovha. Funga izvozvo kana ukava pamuedzo wokutyora murayiro waMwari wokuti usawadzana neveukama vakadzingwa.

18. Nezvatadzidza panyaya yokuvimbika uye migumisiro yokusavimbika, iwe watsunga kuitei?

18 Tiri munyika inonyengera uye isina kuvimbika. Asi, muungano yechiKristu, mune vanhu vakavimbika vatinogona kutevedzera. Upenyu hwavo hunoita sohuri kuti nezvavo: “Imi muri zvapupu, naMwari chapupuwo, kuti takava vakavimbika sei nevakarurama, vasina chavanopomerwa kwamuri imi vatendi.” (1 VaT. 2:10) Tose zvedu ngatirambei takavimbika kuna Mwari uye kune mumwe nomumwe.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Simba raSamsoni raisabva mubvudzi. Raibva pane zvaimirirwa nebvudzi iroro, ukama hwake naJehovha somuNaziri.

^ ndima 13 Nyaya inoti “Zvaungaita Kana Wawakaroorana Naye Aputsa Chirangano” iri muNharireyomurindi yaJune 15, 2010, mapeji 29-32 ine mazano anobatsira.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Petro ainge akavimbika kuMwanakomana akazodzwa waMwari kunyange zvazvo vamwe vakamuramba