Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaya Youpenyu

Makore 70 Ndakabata Kumupendero Wenguo yomuJudha

Makore 70 Ndakabata Kumupendero Wenguo yomuJudha

YAKATAURWA NALEONARD SMITH

Pandaiva nemakore ari kuma13, pane magwaro maviri akandibaya mwoyo. Papfuura makore anodarika 70, asi ndichiri kuyeuka pandakanzwisisa Zekariya 8:23, inotaura kuti “varume gumi” vaizobata “kumupendero wenguo yomuJudha.” Vanoudza muJudha wacho kuti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.”

MUJUDHA wacho anomirira vaKristu vakazodzwa, uye “varume gumi” vanomirira “mamwe makwai,” kana kuti vaimbonzi vana “Jonadhabhi.” * (Joh. 10:16) Pandakanzwisisa chokwadi ichocho, ndakaona kuti kuzadziswa kwetariro yangu yokurarama panyika nokusingaperi kwaibva pakuramba ndichitsigira boka revakazodzwa.

Muenzaniso waJesu we“makwai nembudzi,” uri pana Mateu 25:31-46, wakandibayawo mwoyo. “Makwai” anomirira vaya vachawana mutongo wakanaka pakuguma nokuti vari kuitira zvakanaka hama dzaKristu dzichiri panyika. SaJonadhabhi wechiduku, ndakazviudza kuti, ‘Len, kana uchida kuti Kristu akuone segwai, unofanira kutsigira hama dzake dzakazodzwa, wobvuma kuti dzikutungamirire nokuti Mwari anadzo.’ Kunzwisisa izvozvo kwakandibatsira kwemakore anodarika 70.

‘PANGU NDEPAPI’ MUSANGANO?

Amai vangu vakabhabhatidzwa muna 1925 muimba yaiitirwa misangano paBheteri. Imba iyoyo yainzi London Tabernacle uye yaishandiswa nehama dzomunzvimbo iyoyo. Ndakaberekwa pana October 15, 1926. Muna March 1940, ndakabhabhatidzwa pagungano rakaitirwa muDover iri pamhenderekedzo yegungwa muEngland. Ndakasvika pakuda chaizvo chokwadi cheBhaibheri. Ndingati ndakatanga kubata kumupendero wenguo yomuJudha pandakatanga kushanda naamai, sezvo vaiva muKristu akazodzwa. Panguva iyoyo, baba vangu nehanzvadzi yangu vaisashumira Jehovha. Taiva muungano yeGillingham yaiva kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweEngland, uye vazhinji vataipinda navo vaiva vakazodzwa. Amai vaiva muenzaniso wakanaka pakushingaira mubasa rokuparidza.

Muna September 1941, pagungano rakaitirwa muguta reLeicester, pakapiwa hurukuro yaiti “Kuperera” yaitaura nezvenyaya yeuchangamire. Yakandibatsira kutanga kunzwisisa kuti tinobatanidzwa panyaya iri pakati paJehovha naSatani. Saka, tinofanira kutsigira Jehovha uye kuramba takaperera kwaari saChangamire wezvinhu zvose.

Pagungano iroro, nyaya yakataurwa zvakanyanya yaiva yebasa roupiyona, uye vechiduku vakakurudzirwa kuita basa racho. Hurukuro yaiti “Nzvimbo Yapiyona Musangano” yakaita kuti ndizvibvunze kuti, ‘Pangu ndepapi?’ Gungano iroro rakaita kuti ndibvume kuti basa rangu somumwe weboka raJonadhabhi raiva rokuita zvose zvandaigona kubatsira boka revakazodzwa mubasa rokuparidza. Ndiri ikoko kuLeicester, ndakabva ndazadza fomu rokuti ndive piyona.

KUPAYONA MUNGUVA YEHONDO

Ndakagadzwa kuva piyona chaiye musi waDecember 1, 1941, ndiine makore 15. Amai ndivo vandakatanga kushanda navo mubasa roupiyona, asi papfuura rinenge gore, vakarega upiyona pamusana peutano. Hofisi yebazi yemuLondon yakabva yati ndishande naRon Parkin, iye zvino ari muDare Rebazi kuPuerto Rico.

Takanzi tinoshanda muBroadstairs neRamsgate, mataundi emumhenderekedzo yegungwa muruwa rweKent uye tairoja kamuri rimwe chete. Piyona chaiye aipiwa mashereni 40 (US$8 panguva iyoyo). Saka, pataibhadhara rendi, taisara nemari shomanana, uye pamwe pacho taisaziva kuti taizowana kupi zvokudya. Asi Jehovha aigara achitipa zvataida.

Taifamba nemabhasikoro zvakanyanya, akatakura zvokuti huya uone takatarisana nemhepo ine simba yaibva kuNorth Sea. Zvinhu zvainge zvakaomawo pamusana pemabhomba aikandwa neGermany kuti anobhomba London achipfuura nomuKent ari nechomuzasi. Pamwe pacho ndakatosvetuka pabhasikoro ndichizviwisira mugoronga bhomba parakapfuura nepamusoro pangu rikanoputikira mumunda waiva pedyo. Kunyange zvakadaro, taifara chaizvo makore ose atakapayona muKent.

NDAKAVA ‘JAYA ROKUBHETERI’

Mai vangu vaigara vachitaura zvakanaka nezveBheteri. Vaiti, “Hapana chimwe chandingada chinopfuura kuti jaya rangu rinoshanda kuBheteri.” Saka funga kufara uye kushamisika kwandakaita pandakakokwa muna January 1946 kuti ndinoshanda paBheteri muLondon kwevhiki nhatu. Pakapera vhiki idzodzo, Pryce Hughes, muranda webazi, akanditi ndigare paBheteri. Zvandakadzidziswa ikoko zvave zvichindibatsira muupenyu hwangu.

Mhuri yeBheteri yomuLondon yaiva nevanhu 30 panguva iyoyo, vakawanda vacho vari majaya asina kuroora, asi paivawo nehama dzakazodzwa dzinoverengeka dzaisanganisira Pryce Hughes, Edgar Clay, naJack Barr akazova nhengo yeDare Rinodzora. Ndakava neropafadzo yakazonaka yokutsigira hama dzaKristu nokushanda sewechiduku ndichitungamirirwa pakunamata ne“mbiru” idzi!—VaG. 2:9.

Rimwe zuva ndiri paBheteri, imwe hama yakandiudza kuti pane hanzvadzi yainge iri kusuo rokumberi yaida kundiona. Ndakashamisika kuti vaiva amai vakapakatira pasuru. Vakati vaisada kupinda mukati kuti vasavhiringidza basa rangu, ndokubva vandipa pasuru iya ndokuenda. Raiva jasi rinodziya. Rudo rwavo rwakandiyeuchidza nezvaHana achiunzira mwanakomana wake muduku Samueri kajasi paaishanda patebhenekeri.—1 Sam. 2:18, 19.

HANDIMBOFI NDAKANGANWA CHIKORO CHEGIRIYEDHI

Muna 1947, ini nevamwe vaishanda paBheteri, tiri vashanu, takakokwa kunopinda Chikoro cheGiriyedhi kuUnited States, uye gore rakatevera takapinda kirasi yechi11. Patakasvika, kuNew York kwaiva nechikoro chacho kwaiva nechando chaikwidza hamba mumuti. Ndakafara chaizvo kuti ndaiva nejasi rinodziya randainge ndapiwa naamai!

Handimbofi ndakakanganwa mwedzi mitanhatu yandakapedza ndiri kuGiriyedhi. Kushamwaridzana nevamwe vadzidzi vakabva kunyika 16 kwakandivhura pfungwa. Kuwedzera pakudzidziswa kwandakaita kuchikoro chacho, ndakabatsirwawo nokushamwaridzana nevaKristu vakasimba pakunamata. Mumwe wandakadzidza naye, Lloyd Barry; mumwe wevarayiridzi, Albert Schroeder; naJohn Booth, aitarisira Purazi roUmambo (kwaiva nechikoro chacho) vakazova muDare Rinodzora. Ndinokoshesa chaizvo mazano orudo andakapiwa nehama idzi uye muenzaniso wadzo wakanaka wokuvimbika kuna Jehovha nesangano rake.

BASA ROMUDUNHU UYE KUSHANDAZVE PABHETERI

Pandakabva kuGiriyedhi, ndakanzi ndiende mudunhu muOhio, muAmerica imomo. Ndaiva nemakore 21 chete uye sowechiduku ndaishingaira zvakanyanyisa, asi hama dzaindigamuchira noushamwari. Mudunhu iroro, ndakadzidza zvakawanda kuvakuru vaiva noruzivo.

Padarika mwedzi mishomanana, ndakanzi ndidzoke kuBheteri rokuBrooklyn kuti ndinowedzera kudzidziswa. Panguva iyoyo, ndakasvika pakuziva mbiru dzakadai saMilton Henschel, Karl Klein, Nathan Knorr, T. J. (Bud) Sullivan, naLyman Swingle, vose vakambova muDare Rinodzora. Zvaibatsira chaizvo kuona vachishanda uye mararamiro avo echiKristu. Kuvimba kwangu nesangano raJehovha kwakawedzera zvikuru. Ndakazodzoserwa kuEurope kunoenderera noushumiri hwangu ikoko.

Amai vakafa muna February 1950. Pashure pemariro, ndakakurukura nababa nehanzvadzi yangu Dora tichibudirana pachena. Ndakavabvunza kuti vaida kuita sei panyaya yechokwadi Mai zvavainge vasisipo uye ini ndisisagari pamba. Pane imwe hama yakazodzwa yechikuru yavaiziva uye yavairemekedza yainzi Harry Browning, saka vakabvuma kukurukura Bhaibheri nayo. Gore risati rapera, Baba naDora vakabhabhatidzwa. Baba vakazogadzwa kuva muranda weungano yeGillingham. Baba vafa, Dora akaroorwa nemumwe mukuru ainge akatendeka ainzi Roy Moreton, uye vakashumira Jehovha pamwe kusvikira Dora afa muna 2010.

KUBATSIRA KUFRANCE

Kuchikoro ndakadzidza French, German, neLatin, asi pamitauro mitatu iyoyo French ndiyo yainditambudza zvokufa. Saka pandakanzi ndinobatsira kuBheteri rokuParis muFrance, ndakati netsekei. Ikoko ndakava neropafadzo yokushanda nemuranda webazi ainzi Henri Geiger, hama yechikuru yakazodzwa. Pamwe pacho basa racho raimbooma uye ndaikanganisa kakawanda, asi ndakadzidza zvakawanda pakushanda nevamwe.

Ndakanziwo ndironge nezvegungano renyika dzakawanda rokutanga pakapera hondo, raizoitirwa muParis muna 1951. Mumwe mutariri anofambira wechiduku ainzi Léopold Jontès, akauya kuBheteri kuzondibatsira. Nokufamba kwenguva, Léopold akazogadzwa kuva mutariri webazi. Gungano racho rakaitirwa munzvimbo inonzi Palais des sports, pedyo neEiffel Tower. Paiva nehama dzakabva kunyika 28. Pazuva rokupedzisira, Zvapupu 6 000 zvomuFrance zvakafara kuona pagungano iroro paine vanhu 10 456!

Pandakatanga kusvika kuFrance, ndaiita zvokutamburira kutaura French. Chikanganiso chandakaita ndechokuti ndaingotaura chete pandaiva nechokwadi chokuti French yangu yainge yakanaka. Asi kana ukasakanganisa, vanhu havambokubatsiri uye haumbofambiri mberi.

Ndakasarudza kugadzirisa dambudziko rangu nokupinda chikoro chinodzidzisa French vanobva kune dzimwe nyika. Ndaienda ari manheru pataisava nemisangano. Ndakatanga kuda French, uye kuida kwacho kwakawedzera nokufamba kwaiita makore. Izvi zvakabatsira nokuti ndaipota ndichiyamura bazi reFrance pabasa rokushandura. Ndakazova mushanduri, ndichishandurira Chirungu muFrench. Yaiva ropafadzo yakazonaka yokuita kuti hama dzinotaura French munyika yose dziwane zvokudya zvinosimbisa pakunamata zvinobva kuboka remuranda.—Mat. 24:45-47.

KUROORA UYE MAMWE MAKOMBORERO

Muna 1956, ndakaroora Esther, piyona wokuSwitzerland wandainge ndasangana naye makore mashomanana ainge adarika. Takachatira muImba yoUmambo yaiva pedyo neBheteri yokuLondon (yaimbonzi London Tabernacle, makabhabhatidzirwa amai vangu). Hama Hughes ndivo vakapa hurukuro yemuchato. Amai vaEsther vaivapo, uye vaivawo netariro yekudenga. Ndakaroora mudzimai akanaka, shamwari yakavimbika uye ndakavawo nenguva yakawanda yokuwadzana naamai vomudzimai wangu vainge vakakura pakunamata. Vakazopedza upenyu hwavo hwepasi pano muna 2000.

Patakachata, hatina kunogara paBheteri. Asi ini ndakapfuurira nebasa rokushandura paBheteri, Esther ari piyona chaiye mumarukisheni eParis. Akabatsira vanhu vakati wandei kuva vashumiri vaJehovha. Muna 1964 takanzi tinogara paBheteri. Uye ndakagadzwa kuti ndive nhengo yeDare Rebazi, pakatangwa urongwa hwacho muna 1976. Kwemakore ose aya, Esther ave achinditsigira zvakazonaka.

“HAMUSI KUZOGARA MUINENI”

Ndakava nechikomborero chokupota ndichidzokera kumuzinda wedu mukuru uri kuNew York. Pose pandaiendako, ndaiwana mazano akanaka kubva kunhengo dzakasiyana-siyana dzeDare Rinodzora. Somuenzaniso, pane imwe nguva pandakachema-chema nezvekutadza kupedza basa panguva, Hama Knorr vakanyemwerera ndokuti: “Usanetseka. Iwe ingoshanda chete!” Kubva ipapo, pose pandinowandirwa nebasa handinetseki, asi ndinoita basa rimwe chete ndoripedza ndobata rimwe uye kakawanda ndinoapedza ose nenguva.

Ava pedyo nokufa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Hamusi kuzogara muineni.” (Mat. 26:11) Isu vemamwe makwai tinoziva kuti hatizorambi tiine hama dzaKristu dzakazodzwa pasi pano. Saka ndinochiona sechikomborero chikuru kuti ndakashanda nevakazodzwa vakawanda kwemakore anopfuura 70, ndakabata kumupendero wenguo yomuJudha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Zita rokuti “Jonadhabhi” rinotsanangurwa mubhuku raZvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, mapeji 83, 165, 166.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

Hama Knorr vakanyemwerera ndokuti: “Usanetseka. Iwe ingoshanda chete!”

[Mifananidzo iri papeji 19]

(Kuruboshwe) Amai nababa

(Kurudyi) Ndiri kuGiriyedhi muna 1948 ndakapfeka jasi raidziya randakapiwa naAmai

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndichiturikira hurukuro yaHama Lloyd Barry pakatsaurirwa bazi rokuFrance muna 1997

[Mifananidzo iri papeji 21]

(Kuruboshwe) Ndiina Esther musi watakachata

(Kurudyi) Tiri muushumiri