Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uine Mwoyo Wakakwana Kuna Jehovha

Ramba Uine Mwoyo Wakakwana Kuna Jehovha

Ramba Uine Mwoyo Wakakwana Kuna Jehovha

“Mwanakomana wangu . . . ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakakwana.”—1 MAK. 28:9.

TSVAKA MHINDURO DZEMIBVUNZO IYI:

Mwoyo unomirirei?

Inzira ipi yatingashandisa kuongorora zvakaita mwoyo wedu?

Tingaita sei kuti tirambe tiine mwoyo wakakwana kuna Jehovha?

1, 2. (a) Inhengo ipi inowanzotaurwa muShoko raMwari kupfuura dzimwe ichimirira zvimwe zvinhu? (b) Nei zvichikosha kuti tinzwisise zvinomirirwa nemwoyo?

SHOKO RAMWARI rinowanzotaura nezvenhengo dzomuviri womunhu dzichimirira zvimwe zvinhu. Somuenzaniso Jobho akati: “Muzvanza zvangu [hamuna] zvechisimba.” Mambo Soromoni akati: “Mashoko akanaka anokodza mapfupa.” Jehovha akaudza Ezekieri kuti: “Ndaomesa huma yako . . . kupfuura dombo rakaoma kwazvo.” Uye muapostora Pauro akaudzwa kuti: “Uri kuuya nezvinhu zvitsva munzeve dzedu.”—Job. 16:17; Zvir. 15:30; Ezek. 3:9; Mab. 17:20.

2 Asi pane imwe nhengo inotaurwa muBhaibheri ichimirira zvimwe zvinhu kupfuura dzimwe dzose. Ndeiya yakataurwa naHana achinyengetera kuti: “Mwoyo wangu unopembera nomufaro nokuda kwaJehovha.” (1 Sam. 2:1) Vanyori veBhaibheri vanototaura nezvemwoyo kanoda kusvika chiuru, kakawanda kacho uchimirira chimwe chinhu. Zvinokosha kuti tinzwisise zvinomirirwa neshoko rokuti mwoyo nokuti Bhaibheri rinoti tinofanira kuuchengetedza.—Verenga Zvirevo 4:23.

MWOYO UNOMIRIRA CHII?

3. Tingaziva sei zvinorehwa neshoko rokuti “mwoyo” muBhaibheri? Taura muenzaniso.

3 Kunyange zvazvo Shoko raMwari risingatipi rondedzero yeshoko rokuti “mwoyo” sezvingaitwa neduramanzwi, rinotibatsira kunzwisisa zvarinoreva. Rinotibatsira sei? Somuenzaniso, funga nezvemufananidzo wakanaka chaizvo wakagadzirwa netumatombo tudukuduku twakawanda twakaita zvokunamatidzwa kumadziro. Kana uri pedyo, ukatarira katombo kamwe nekamwe haukwanisi kuona kuti twose tunobudisa mufananidzo wakaita sei, asi kana ukadzoka shure unonyatsoona kuti twose tunobudisa mufananidzo. Saka kuti tinzwisise zvinorehwa neshoko rokuti “mwoyo,” tinofanira kutarira nzvimbo dzakawanda dzarinoshandiswa muBhaibheri toona kuti shoko racho rinomirirei.

4. (a) “Mwoyo” unomirirei? (b) Mashoko aJesu ari pana Mateu 22:37 anorevei?

4 Vanyori veBhaibheri vanoshandisa shoko rokuti “mwoyo” vachitsanangura zvose zvakaita munhu nechomukati. Unosanganisira zvinhu zvakadai sezvido, maonero, maitiro, mafungiro, zvatinokwanisa kuita, zvinangwa zvedu nezvimwewo. (Verenga Dheuteronomio 15:7; Zvirevo 16:9; Mabasa 2:26.) Rimwe duramanzwi rinoti mwoyo unoreva “zvose zvakaita munhu nechomukati.” Pamwe pacho “mwoyo” haurevi zvose izvozvo. Somuenzaniso, Jesu akati: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mat. 22:37) Pano, “mwoyo” unoreva zvido uye manzwiro atinoita nechomukati. Jesu paakataura nezvemwoyo, mweya, nepfungwa, chimwe nechimwe pacho choga, aireva kuda kwatinofanira kuita Mwari nemanzwiro edu, mararamiro edu uye mashandisiro atinoita pfungwa dzedu. (Joh. 17:3; VaEf. 6:6) Asi “mwoyo” paunotaurwa uri woga, pasina zvimwe, unenge uchimirira zvose zvakaita munhu nechomukati.

NEI TICHIFANIRA KUCHENGETEDZA MWOYO WEDU?

5. Nei tichifanira kuita zvose zvatinogona kuti tishumire Jehovha nemwoyo wakakwana?

5 Mambo Dhavhidhi akayeuchidza Soromoni nezvemwoyo kuti: “Mwanakomana wangu . . . ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakakwana uye nomweya unofara; nokuti Jehovha anoongorora mwoyo yose, uye anonzwisisa zvose zvinodiwa nepfungwa.” (1 Mak. 28:9) Zvechokwadi, Jehovha ndiye Muongorori wemwoyo yose, kusanganisira yedu. (Zvir. 17:3; 21:2) Ukama hwedu naJehovha uye ramangwana redu zvinobva pane zvaanoona mumwoyo medu. Ndokusaka tichifanira kuteerera zano raDhavhidhi nokuita zvose zvatinogona kuti tishumire Jehovha nemwoyo wakakwana.

6. Chii chatinofanira kuziva panyaya yekutsunga kwedu kushumira Jehovha?

6 Kushingaira kwatinoita sevanhu vaJehovha kunoratidza kuti tinoda chaizvo kumushumira nemwoyo wakakwana. Asiwo tinoziva kuti nyika yakaipa yaSatani uye chivi chiri munyama yedu zvinoita kuti zvitiomere kuramba takatsunga kushumira Mwari nemwoyo wose. (Jer. 17:9; VaEf. 2:2) Saka kuti tione kuti kushumira kwatinoita Mwari hakusi kudzikira here, tinofanira kugara tichiongorora mwoyo wedu. Tingazviita sei?

7. Chii chinoratidza zvakaita mwoyo wedu?

7 Ichokwadi kuti hapana anokwanisa kuona zvatiri nechomukati, kungofanana nemwoyo womuti usingaoneki. Kunyange zvakadaro, sokutaura kwakaita Jesu muMharidzo yepaGomo, sezvo michero ichiratidza zvakaita muti, zvatinoita zvinoratidzawo zvakanyatsoita mwoyo wedu. (Mat. 7:17-20) Ngatikurukurei chimwe chete chinoratidza zvakaita mwoyo wedu.

KUONGORORA KWATINGAITA MWOYO WEDU

8. Maererano nemashoko aJesu ari pana Mateu 6:33, tinoratidza sei zviri mumwoyo medu?

8 Mumharidzo iyoyo, Jesu ainge amboudza vateereri vake zvavaifanira kuita kuti varatidze chido chavo chokushumira Jehovha nemwoyo wakakwana. Akati: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mat. 6:33) Chokwadi, nezvatinoisa pokutanga muupenyu, tinoratidza zvido zvedu, zvatiri kufunga uye zvatiri kuronga mukati chaimo memwoyo. Saka tinogona kuona kuti tiri kushumira Mwari nemwoyo wakakwana here nokuongorora zvatinoisa pokutanga muupenyu hwedu.

9. Jesu akakoka vamwe varume kuti vaitei, uye zvavakaita zvakaratidzei?

9 Pasina nguva refu Jesu audza vateveri vake kuti “rambai muchitanga kutsvaka umambo,” pane zvakaitika zvinoratidza kuti zviri mumwoyo womunhu zvinooneka nezvaanoisa pokutanga muupenyu. Ruka, munyori weEvhangeri anotanga kurondedzera nyaya yacho nokutaura kuti Jesu “akatsunga kwazvo kuenda kuJerusarema” kunyange zvazvo aiziva zvaizoitika ikoko. Iye nevaapostora vake “zvavakanga vachifamba mumugwagwa,” Jesu akasangana nevamwe varume vaakakoka kuti ‘vave vateveri vake.’ Varume ivavo vaida kuenda naJesu, asi vane zvavaida kutanga vaita. Mumwe akapindura kuti: “Ndibvumirei kuti nditange ndaenda kunoviga baba vangu.” Mumwe wacho akati: “Ndichakuteverai; asi ndibvumirei kuti nditange ndanooneka vaya veimba yangu.” (Ruka 9:51, 57-61) Chokwadi kunyatsotsunga kwaJesu kwainge kwakasiyana chaizvo nokupa tuzvikonzero kwakaitwa nevarume ava! Vakaratidza kuti mwoyo yavo yainge isina kukwana kuna Mwari nokuisa zvavaida pokutanga panzvimbo poUmambo.

10. (a) Takaita sei patakakokwa kuti tive vateveri vaJesu? (b) Jesu akataura mufananidzo upi mupfupi?

10 Kusiyana nevarume ava, isu takaratidza kuchenjera patakabvuma kukokwa naJesu kuti tive vateveri vake, uye iye zvino tava kushumira Jehovha zuva rega rega. Nenzira iyi tinoratidza manzwiro atinoita nezvaJehovha. Asi kunyange zvazvo tiine zvatiri kuitawo muungano, tinofanira kungwarira zvingakanganisa mwoyo wedu. Zvii izvozvo? Jesu akazvitaura paaikurukura nevarume vaya vangadai vakava vadzidzi achiti: “Hapana munhu anoti kana abata gejo otarira zvinhu zviri shure akanyatsokodzerwa noumambo hwaMwari.” (Ruka 9:62) Tingadzidzei pamufananidzo iwoyo?

‘TINONAMATIRA KUNE ZVAKANAKA’ HERE?

11. Basa romushandi womumufananidzo waJesu rakafamba sei, uye chii chakaita kuti zvidaro?

11 Kuti zvatinodzidza pamuenzaniso uyu mupfupi waJesu zvinyatsojeka, ngatifungidzirei zvimwe zvinogona kunge zvichiitika. Mushandi ari mubishi kurima munda negejo. Zvisinei, paari kurima, pfungwa dziri kumba, aine mhuri yake, shamwari, vachidya, mumhanzi uchitsva, vachiseka uye vari pamumvuri. Ari kungoti dai ariko zvake. Afamba chaizvo nendima yake, chido chokunakidzwa nezvinhu izvozvo chinokura zvokuti anotendeuka “otarira zvinhu zviri shure.” Kunyange zvazvo pachiine basa rakawanda rokuita munda usati wadyarwa, pfungwa dzomushandi dzinotorwa nezvimwe, zvokanganisa basa rake. Zviri pachena kuti tenzi wacho haafari nokutadza kutsungirira kwomushandi wake.

12. Vamwe vaKristu vemazuva ano vangaita sei semushandi womumufananidzo waJesu?

12 Iye zvino funga zvakada kufanana naizvozvo zvinogona kuitika mazuva ano. Mushandi uyu angamirira muKristu wose anoita seari kuita zvakanaka asi kunamata kwake kuri pangozi. Ngatimbotii hama inogara ichishingaira muushumiri. Asi pasinei nokuti inopinda misangano uye inobuda muushumiri, inoramba ichifunga nezvemamwe mararamiro enyika zvokuti inoona sokuti anofadza. Mumwoyo mayo inototi dai ndararamawo saizvozvo. Pashure pemakore anoverengeka hama iyi ichishumira Mwari, kuda kwainoita zvimwe zvinhu zvenyika kunoikunda yotendeuka, yotarira “zvinhu zviri shure.” Kunyange zvazvo pachine basa rakawanda muushumiri, hairambi ‘yakabatisisa shoko roupenyu’ uye basa rayo rainoitira Mwari rinokanganisika. (VaF. 2:16) Jehovha, “Tenzi wokukohwa,” haambofari nekutadza kutsungirira kwakadaro.—Ruka 10:2.

13. Kushumira Jehovha nemwoyo wakakwana kunosanganisirei?

13 Chidzidzo chacho chiri pachena. Kugara tichipinda misangano uye kubuda muushumiri zvinhu zvakanaka uye zvinogutsa. Asi kushumira Jehovha nemwoyo wakakwana kunopfuura izvozvo. (2 Mak. 25:1, 2, 27) Kana mumwoyo, muKristu akaramba achida “zvinhu zviri shure,” kureva mararamiro enyika, anova pangozi yokurasikirwa neukama hwakanaka naMwari. (Ruka 17:32) Kana ‘tikanyatsosema zvakaipa, tonamatira kune zvakanaka’ tichava ‘vakanyatsokodzerwa noumambo hwaMwari.’ (VaR. 12:9; Ruka 9:62) Saka pasinei nokuti zvinhu zviri munyika yaSatani zvinoita sezvinobatsira sei kana kuti zvakanaka, tose zvedu tinofanira kuva nechokwadi chokuti hazvititadzisi kutsigira Umambo nemwoyo wose.—2 VaK. 11:14; verenga VaFiripi 3:13, 14.

RAMBA WAKAMUKA!

14, 15. (a) Satani ari kuedza sei kukanganisa mwoyo wedu? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti nei nzira inoshandiswa naSatani ine ngozi zvikuru.

14 Kuda kwatinoita Jehovha ndiko kwakaita kuti tizvitsaurire. Kubva ipapo, vakawanda vedu tave tichiratidza kwemakore kuti takatsunga kuramba tiine mwoyo wakakwana kuna Jehovha. Zvisinei, Satani achakangoti nangananga nesu. Achiri kuda kukanganisa mwoyo wedu. (VaEf. 6:12) Ichokwadi kuti anoziva kuti hatizongoerekani tasiya Jehovha. Saka, anoedza kuita kuti kushingaira kwatinoita pakushumira Mwari kuderere zvishoma nezvishoma achishandisa “mamiriro ezvinhu epanguva ino.” (Verenga Mako 4:18, 19.) Nei Satani achibudirira chaizvo nokushandisa nzira iyoyo?

15 Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, funga uchiverenga nechiedza chegirobhu rakanyatsojeka remawati 100, asi girobhu racho rotsva. Sezvo unenge wava murima unobva wangoona zvaitika woisa rimwe girobhu idzva. Mumba munobva majeka zvakare. Manheru anotevera unotanga kuverengazve. Asi hausi kuziva kuti mumwe munhu akabvisa girobhu iroro remawati 100 akaisa remawati 95. Ungazviona here kuti rakachinjwa? Pamwe ungasazviona. Zvakadini kana mangwana acho pakaiswa remawati 90? Pamwe ungasazvionazve. Nemhaka yei? Chiedza chacho chiri kudzikira zvishoma nezvishoma zvokuti hausi kuzviona. Ndizvo zvinogona kuitwa nenyika yaSatani, ingaita kuti kushingaira kwedu kudzikire zvishoma nezvishoma. Kana izvozvo zvikaitika, zvinoita sokuti Satani anenge abudirira kuita kuti kushingaira kwedu mubasa raJehovha kudzikire zvishoma nezvishoma. Kana muKristu akasangwarira, angasaona kuchinja kunenge kuchiitika zvishoma nezvishoma.—Mat. 24:42; 1 Pet. 5:8.

MUNYENGETERO UNOKOSHA

16. Tingazvidzivirira sei pamisungo yaSatani?

16 Tingazvidzivirira sei pamisungo yaSatani yakadaro toramba tiine mwoyo wakakwana kuna Jehovha? (2 VaK. 2:11) Zvinokosha kunyengetera. Pauro akakurudzira hama dzake kuti ‘mirai makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’ Akabva avati: ‘Rambai muchinyengetera nguva dzose nokunyengetera kworudzi rwose nokuteterera.’—VaEf. 6:11, 18; 1 Pet. 4:7.

17. Tinodzidzei paminyengetero yaJesu?

17 Kuti tisakurirwe naSatani, tinofanira kuratidza kuti takachenjera nokutevedzera Jesu pakunyengetera. Jesu aida chaizvo kuramba aine mwoyo wakakwana kuna Jehovha. Somuenzaniso, ona zvakanyorwa naRuka nezvokunyengetera kwakaitwa naJesu achiziva kuti mangwana acho aizourayiwa: “Ari pakutambudzika kukuru ikoko, akabva anyanyisawo kunyengetera.” (Ruka 22:44, Bhaibheri Rinoera) Jesu aigara achinyengetera nemwoyo wose, asi iye zvino, paainge asangana nemuedzo wakaoma kupfuura mimwe yose, “akabva anyanyisawo” kunyengetera uye akapindurwa. Muenzaniso waJesu unoratidza kuti minyengetero inosiyana pakudzama kwayo. Saka patinosangana nemiedzo yakakura uye unyengeri hwaSatani hwakakura, tinofanira ‘kubva tanyanyisawo’ kunyengetera kuti Jehovha atidzivirire.

18. (a) Tinofanira kuzvibvunzei nezveminyengetero, uye nemhaka yei? (b) Ndezvipi zvinhu zvingabatsira mwoyo wedu, uye zvingaubatsira sei? (Ona  Bhokisi riri papeji 16.)

18 Minyengetero yakadaro inotibatsira sei? Pauro akati: “Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu.” (VaF. 4:6, 7) Chokwadi, tinofanira kunyengetera nemwoyo wose uye nguva dzose kuti tirambe tiine mwoyo wakakwana kuna Jehovha. (Ruka 6:12) Saka zvibvunze kuti, ‘Ndinogara ndichinyengetera nemwoyo wose here?’ (Mat. 7:7; VaR. 12:12) Mhinduro yako inoratidza kudzama kwakaita chido chiri mumwoyo mako chokushumira Mwari.

19. Uchaitei kuti urambe uine mwoyo wakakwana kuna Jehovha?

19 Sezvatakurukura, zvatinoisa pokutanga muupenyu zvinoratidza zvakaita mwoyo wedu. Tinoda kuva nechokwadi chokuti zvinhu zvatakasiya shure uye unyengeri hwaSatani hazvikanganisi kutsunga kwatakaita kushumira Jehovha nemwoyo wakakwana. (Verenga Ruka 21:19, 34-36.) Saka, sezvakaitwa naDhavhidhi, tinoramba tichiteterera kuna Jehovha kuti: “Batanidzai mwoyo wangu.”—Pis. 86:11.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 16]

ZVINHU ZVITATU ZVINGABATSIRA MWOYO WEDU

Sezvo tichigona kutora matanho okuti mwoyo yedu chaiyo ive noutano, tinogonawo kuita saizvozvo nemwoyo wedu wokufananidzira. Funga zvinhu izvi zvitatu zvinokosha:

1 Zvokudya: Mwoyo yedu chaiyo inoda kuti tiwane zvokudya zvakakwana zvinopa utano. Saka tinodawo kuwana zvokudya zvakakwana zvinosimbisa pakunamata nokugara tichidzidza tiri toga, kufungisisa, uye kupinda misangano.—Pis. 1:1, 2; Zvir. 15:28; VaH. 10:24, 25.

 2 Kusimbisa muviri: Kuti ive neutano hwakanaka, mwoyo yedu chaiyo inofanira kupomba ropa nesimba. Saizvozvowo, kushingaira muushumiri, zvimwe nokuwedzera basa redu, kunoita kuti mwoyo wedu wokufananidzira ugare uchishanda zvakanaka.—Ruka 13:24; VaF. 3:12.

3 Kwatinogara: Nzvimbo dzine vanhu vasingadi Mwari dzatinoshandira uye dzatinogara dzinogona kuita kuti mwoyo wedu chaiwo uye wokufananidzira usashande zvakanaka. Asi tinogona kubatsirwa nokugara tichiwadzana nevatinonamata navo, avo vane hanya nesu uye vane mwoyo wakakwana kuna Mwari.—Pis. 119:63; Zvir. 13:20.