Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Soromoni anganzi muenzaniso unotinyevera pakudini?

Mwari akakomborera uye akashandisa Mambo Soromoni. Asi paaitonga, Soromoni akarega kuteerera zano raMwari. Akaroora mwanasikana waFarao aiva muhedheni, akatora madzimai akawanda, uye zvishoma nezvishoma akarega vakadzi ivavo vachiita kuti anamate vanamwari venhema. Tinofanira kungwarira kuti tisatanga zvishoma nezvishoma kuva nemafungiro uye tutsika tusina kunaka. (Dheut. 7:1-4; 17:17; 1 Madz. 11:4-8)—12/15, mapeji 10-12.

Chii chingaita kuti tione Sara somukadzi aitya Mwari uye mudzimai aikosha?

Abrahamu paakarayirwa naMwari kubva muUri, aifanira kusiya veukama, shamwari, uye upenyu hwaainge akajaira achienda kwaaisaziva. Asi Sara akazvitsigira, achivimba kuti Mwari aizomukomborera. Airemekedza Abrahamu, achiratidza unhu hwakazonaka.—1/1, peji 8.

Nei Jehovha akakumbira Abrahamu kuti abayire mwanakomana wake waaida?

Zvinokosha kuyeuka kuti Mwari haana kubvumira Abrahamu kubayira Isaka. Izvi zvaingoratidza kuti Mwari aizobayira Mwanakomana wake, Jesu, zvichiita kuti arasikirwe chaizvo.—1/1, peji 23.

Chii chinoratidza kuti kubvira muzana remakore rokutanga, panyika pagara paine vaKristu vakazodzwa vechokwadi?

Mumufananidzo waJesu we“gorosi” uye we“masora,” “mbeu yakanaka” yaimirira “vanakomana voumambo.” (Mat. 13:24-30, 38) Masora aizokura pamwe chete negorosi kusvikira pakukohwa. Saka, kunyange zvazvo tisingagoni hedu kubva tataura kuti ndivanaani vaimirira gorosi, panofanira kuva pakagara paine vamwe vavo kusvika kunguva yedu.—1/15, peji 7.

Ndezvipi zviitiko zvichanyatsotisvitsa paAmagedhoni?

Vatongi venyika vachashevedzera zvakajeka kuti “Rugare nokuchengeteka!” (1 VaT. 5:3) Hurumende dzicharwisa chitendero chenhema. (Zvak. 17:15-18) Vanamati vechokwadi vacharwiswa. Zvadaro mugumo unobva wauya.—2/1, peji 9.

Tingaita sei kuti tisava nekatsika kekuitira vamwe shanje?

Matanho anogona kutibatsira ndeaya: Vavarira kuva nerudo uye kuda hama, wadzana nevanhu vanoda Mwari, tsvaka mikana yokuita zvakanaka, ‘fara nevanhu vanofara.’ (VaR. 12:15)—2/15, mapeji 16-17.

Ndivanani vanotaura mutauro weNahuatl, uye vari kubatsirwa sei?

Mutauro uyu waishandiswa nevaAztec, uye uchiri kushandiswa nevanhu vokuMexico vanosvika mamiriyoni 1,5. Zvapupu zviri kuparidza zvichishandisa Nahuatl, uye mamwe mabhuku edu anowanika mumutauro wacho.—3/1, mapeji 13-14.

Patinopa vamwe mazano, chii chatinofanira kufunga nezvacho?

Tanga waziva kuti zvinhu zvakamira sei. Usamhanyira kupindura. Zvininipise uye shandisa Shoko raMwari. Kana zvichiita, shandisa mabhuku esangano auinawo. Usasarudzira vamwe zvokuita.—3/15, mapeji 7-9.

Jesu akakurudzira vateereri vake kuti vaende mamaira maviri. (Mat. 5:41) Airevei?

Panguva iyoyo vaRoma avo vaitonga Israeri, vaigona kumanikidza munhu kuti aite basa. Jesu paakakurudzira vateereri vake kuti vaende mamaira maviri, aireva kuti vaisafanira kunyunyuta pavainzi nevane masimba vaite mamwe mabasa.—4/1, peji 9.