Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Chenjererai Mbiriso yevaFarisi”

“Chenjererai Mbiriso yevaFarisi”

“Chenjererai Mbiriso yevaFarisi”

Jesu akayambira vadzidzi vake kuti: “Chenjererai mbiriso yevaFarisi, ihwo unyengeri.” (Ruka 12:1) Maererano naMateu, mashoko aJesu anoratidza kuti aishora “dzidziso” yevaFarisi.—Mat. 16:12.

Dzimwe nguva Bhaibheri rinotaura ‘nezvembiriso’ ichimirira ushati. Zviri pachena kuti dzidziso uye mafungiro evaFarisi zvaikanganisa vateereri vavo. Nei dzidziso dzevaFarisi dzainge dzakaipa?

1 VaFarisi vaidada, vaizviti vakarurama uye vaitarisira pasi vanhuwo zvavo.

Jesu akataura nezvokuzviita vakarurama ikoko mune mumwe mufananidzo wake. Akati: “MuFarisi wacho akamira, akatanga kunyengetera zvinhu izvi mumwoyo make, achiti, ‘Haiwa Mwari, ndinokuongai kuti handina kufanana nevamwe vanhu vose, makororo, vasina kururama, mhombwe, kunyange nomuteresi uyu. Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvinhu zvose zvandinowana.’ Asi muteresi amire kure zvishoma akanga asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akaramba achizvirova pachipfuva, achiti, ‘Haiwa Mwari, ndinzwirei nyasha ini mutadzi.’”—Ruka 18:11-13.

Jesu akarumbidza kuzvininipisa kwemuteresi uyu achiti: “Ndinokuudzai, Murume uyu akaburukira kumba kwake anzi akarurama kupfuura [muFarisi]; nokuti munhu wose anozvikwidziridza achanyadziswa, asi anozvininipisa achakwidziridzwa.” (Ruka 18:14) Kunyange zvazvo vateresi vaiva nemukurumbira wokusatendeseka, Jesu aiedza kubatsira vamwe vavo vaimuteerera. Vaviri vavo, Mateu naZakeyo, vakatozova vadzidzi vake.

Asi zvakadini kana mano atakapiwa naMwari kana ropafadzo dzatiinadzo kana kuti kuona kuti vamwe vane zvavanotadza, zvikatanga kuita kuti tifunge kuti tiri nani pane vamwe? Tinofanira kukurumidza kubvisa pfungwa dzakadaro nekuti Magwaro anoti: “Rudo runoshivirira; rudo rune mutsa uye haruitiri munhu shanje. Rudo haruzvikudzi kana kuzvitutumadza, haruna tsika dzakaipa; haruna udyire, harukurumidzi kugumbuka. Haruverengi kuti watadzirwa kangani; harufariri kutadza kwevamwe, asi runofarira chokwadi.”—1 VaK. 13:4-6, The New English Bible.

Tinofanira kuva nemafungiro akafanana neaiva nomuapostora Pauro. Pashure pokunge ataura kuti “Kristu Jesu akauya munyika kuzoponesa vatadzi,” akawedzera kuti: “Ini ndiri mukuru pana ivava.”—1 Tim. 1:15.

Mibvunzo yokufungisisa:

Ndinoziva here kuti ndiri mutadzi uye kuti kuponeswa kwangu inyasha dzaJehovha? Kana kuti ndinozviona sendiri nani here kupfuura vamwe nemhaka yemakore akawanda ndichishumira Mwari, ropafadzo dzandiinadzo musangano, kana kuti mano okuita zvinhu?

2 VaFarisi vaida kuonekwa sevanhu vakarurama. Vaida mukurumbira uye vaida kushevedzwa nemazita okuremekedza.

Asi Jesu akayambira kuti: “Mabasa ose avanoita vanoita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanokudza tubhokisi tune magwaro twavanopfeka sezvinhu zvinodzivirira, uye vanokudza masa dzenguo dzavo. Vanoda nzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru nezvigaro zvepamberi mumasinagogi, uye kukwaziswa mumisika uye kunzi Rabhi nevanhu.” (Mat. 23:5-7) Ona kusiyana kwemafungiro avo neaJesu. Kunyange zvazvo aiva Mwanakomana akakwana waMwari, aizvininipisa. Mumwe murume paakamuti mudzidzisi “akanaka,” Jesu akati: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwomumwe chete, iye Mwari.” (Mako 10:18) Pane imwe nguva, Jesu akageza tsoka dzevadzidzi vake, akatisiyira muenzaniso wakanaka wokuzvininipisa.—Joh. 13:1-15.

MuKristu wechokwadi anofanira kushumira vaanonamata navo. (VaG. 5:13) Izvi zvinonyanya kukosha kune vaya vanoda kuva vatariri muungano. Zvakanaka kuvavarira “kuva mutariri,” asi munhu anofanira kuita izvozvo nokuti ari kuda kubatsira vamwe. Hazviitirwi kuwana chinzvimbo kana kuva nesimba. Vatariri vanofanira kuva ne“mwoyo unozvininipisa” sezvakanga zvakaita Jesu.—1 Tim. 3:1, 6; Mat. 11:29.

Mibvunzo yokufungisisa:

Ndinofarira vaya vari kutungamirira muungano, zvimwe nechinangwa chokuwana mukurumbira here kana kuti dzimwe ropafadzo? Ndinonyanya kufarira mabasa aMwari anoita kuti ndionekwe uye ndirumbidzwe here? Ndiri kuedza kuita kuti ndionekwe sendiri nani pane vamwe here?

3 Tsika uye mirayiro yevaFarisi zvaiita kuti vanhu vaomerwe nokuchengeta Mutemo.

Mutemo waMosesi wairatidza zvaifanira kuitwa nevaIsraeri pakunamata Jehovha. Asi waisadonongodza kese kese. Somuenzaniso, Mutemo wairambidza kushanda paSabata, asi hauna kunyatsotsanangura kuti rainzi basa rainge rakaita sei. (Eks. 20:10) VaFarisi vaiwedzera mitemo yavo, tsanangudzo uye tsika pane zvavaifunga kuti Mutemo waisiyirira. Kunyange zvazvo Jesu ainge asina basa netumitemo twevaFarisi, aichengeta Mutemo waMosesi. (Mat. 5:17, 18; 23:23) Jesu ainzwisisa chinangwa cheMutemo uye kuti vanhu vaifanira kuva nengoni nemutsa. Ainzwisisa kunyange vateveri vake pavaimutadzira. Somuenzaniso, kunyange zvazvo akakurudzira vaapostora vake vatatu kuti varambe vakamuka uye vakarinda pausiku hwaaizosungwa, vairamba vachirara. Zvisinei, akavanzwira tsitsi, akati: “Mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”—Mako 14:34-42.

Mibvunzo yokufungisisa:

Ndinoedza kugadza tumitemo twangu, ndomanikidza vamwe kutwuteerera here? Ndinoratidza kunzwisisa here pane zvandinotarisira kuti vamwe vaite?

Funga nezvekusiyana kwakaita dzidziso dzaJesu nedzevaFarisi. Unoona here paunogona kunatsiridza? Kana paripo, wadii kupagadzirisa?

[Mufananidzo uri papeji 28]

VaFarisi vaisungirira tubhokisi twune magwaro.—Mat. 23:2, 5

[Mifananidzo iri papeji 29]

Kusiyana nevaFarisi vaidada, vakuru vechiKristu vanozvininipisa uye vanoshumira vamwe

[Mufananidzo uri papeji 30]

Unoratidza kunzwisisa here pane zvaunotarisira kuti vamwe vaite sezvaiita Jesu?